Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Kuva Nemwero Kuchiri Kukosha?

Nei Kuva Nemwero Kuchiri Kukosha?

“Vane mwero ndivo vane uchenjeri.”ZVIR. 11:2.

NZIYO: 38, 69

1, 2. Nei murume aimbova nemwero akarambwa naMwari? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

MAMBO SAURO weIsraeri yekare paakatanga kutonga aiva munhu ane mwero uye airemekedzwa. (1 Sam. 9:1, 2, 21; 10:20-24) Asi pashure pekuva mambo, akaita zvinhu zvakawanda zvairatidza kuzvikudza. Muprofita waMwari Samueri paasina kusvika muGirigari nenguva, Sauro akatadza kumumirira kuti asvike. Panguva iyi vaFiristiya vaigadzirira kurwa, uye vaIsraeri vaipararira vachimusiya. Pamwe Sauro akafunga kuti aifanira kuita chimwe chinhu nekukurumidza. Saka akapa chibayiro kuna Mwari, nepo akanga asina mvumo yekuita izvozvo. Jehovha haana kufara nazvo.1 Sam. 13:5-9.

2 Samueri paakasvika muGirigari, akatsiura Sauro. Pane kuti abvume kururamiswa, Sauro akapa tuzvikonzero, akaedza kunakurira vamwe mhosva yacho, uye akarerutsa zvaakanga aita. (1 Sam. 13:10-14) Izvozvo zvakaita kuti aite zvinhu zvakawanda zvakazoita kuti pakupedzisira Jehovha asamufarira uye amurambe pakuva mambo. (1 Sam. 15:22, 23) Pasinei nekuti pakutanga zvinhu zvainge zvakanaka, upenyu hwaSauro hwakapedzisira hwaenda musango.1 Sam. 31:1-6.

3. (a) Vanhu vakawanda vanofungei nezvekuva nemwero? (b) Mibvunzo ipi inoda kupindurwa?

3 Vakawanda vanofunga kuti hazviiti kuti munhu ane mwero abudirire muupenyu. Izvi zvinogona kuita kuti vasarudze kuita zvinhu zvisina mwero zvachose. Semuenzaniso, mumwe murume anozivikanwa zvikuru anoita zvemafirimu, uyo ava kuitawo zvematongerwo enyika, akamboti: “Shoko rekuti mwero harishandi kwandiri zvachose, uye ndinovimba kuti zvicharamba zvakadaro.” Asi nei kuva nemwero kuchiri kukosha? Kuva nemwero kunorevei, uye hakurevi chii? Uye tingaramba sei tiine mwero pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma kana kuti miedzo inobva kune vamwe? Munyaya ino tichapindura mibvunzo miviri yekutanga. Mubvunzo wechitatu uchapindurwa munyaya inotevera.

NEI KUVA NEMWERO KUCHIKOSHA?

4. Kuzvikudza kuita sei?

4 Bhaibheri rinoratidza kuti kuva nemwero kunopesana nekuzvikudza. (Verenga Zvirevo 11:2.) Ndosaka Dhavhidhi akakumbira Jehovha kuti ‘amudzore kuti arege kuita mabasa okuzvikudza.’ (Pis. 19:13) Chii chinonzi “mabasa okuzvikudza”? Kana munhu akamhanyirira kuita zvaasina mvumo yekuita anenge achizvikudza. Nemhaka yekuti tine chivi, tese tinombozvikudza. Asi sezvatinoona pana Mambo Sauro, kana tikava nekatsika kekumhanyirira kuita zvinhu, pane imwe nguva tichagumbura Mwari. Pisarema 119:21 inoti Jehovha ‘anotuka vanozvikudza.’ Nei achivatuka?

5. Nei mabasa okuzvikudza akaipa zvikuru?

5 Mabasa okuzvikudza akaipa kupfuura kukanganisa kunoitwa nemunhu asingazivi. Chekutanga, patinoita zvisina mwero, tinotadza kukudza Jehovha saiye ane kodzero yekuva Changamire wedu. Chechipiri, kana tikaita chimwe chinhu tisina mvumo, kazhinji tinonetsana nevamwe. (Zvir. 13:10) Uye chechitatu, kana zvikava pachena kuti takaita chimwe chinhu tichizvikudza tinogona kunyara. (Ruka 14:8, 9) Kana munhu akazvikudza zvinhu hazvimufambire zvakanaka. Sezvinoratidzwa neMagwaro, kuva nemwero kwagara kwakangonaka.

KUVA NEMWERO KUNOSANGANISIREI?

6, 7. Kuzvininipisa kuita sei, uye kwakabatana papi nekuva nemwero?

6 Kuva nemwero kwakabatana zvikuru nekuzvininipisa. Bhaibheri rinoratidza kuti munhu anozvininipisa haadadi uye haazvioneri pamusoro. (VaF. 2:3) Kazhinji kacho munhu anozvininipisa anenge ariwo munhu ane mwero, anokwanisa kuziva zvaanogona nezvaasingagoni, anobvuma zvaanokanganisa, uye anobvumawo mazano evamwe. Munhu anozvininipisa anofadza Jehovha zvikuru.

7 Bhaibheri rinoratidzawo kuti munhu ane mwero haazvioneri pamusoro uye anoziva kuti ane zvaasingakwanisi kana kuti zvaasingabvumirwi kuita. Izvi zvinomubatsira kuti aremekedze vamwe uye avabate zvakanaka.

8. Ndezvipi zvimwe zvinoratidza mafungiro kana kuti maitiro asina mwero?

8 Zvii zvinogona kutiratidza kuti mafungiro kana kuti maitiro edu haasisina mwero? Ona zvimwe zvinoratidza kudaro. Tinogona kutanga kuzviona setinokosha kupfuura vamwe nemhaka yeropafadzo dzatiinadzo muungano kana kuti dzine vatinozivana navo. (VaR. 12:16) Kana kuti tingatanga kutsvaga kuonekwa nevanhu. (1 Tim. 2:9, 10) Tingatotanga kuudza vamwe zvavanofanira kuita. (1 VaK. 4:6) Patinoita izvi, kazhinji kacho tingasaona kuti tava kutozvikudza.

9. Chii chakaita kuti vamwe vapedzisire vava kuzvikudza? Taura muenzaniso wemuBhaibheri.

9 Chero ani zvake anogona kuita zvisina mwero kana akabvuma kumbokurirwa nezvido zvake zvenyama. Kuda mukurumbira, kuva negodo, uye kutadza kudzora hasha zvakaita kuti vakawanda vapedzisire vava kuzvikudza. Vanhu vemuBhaibheri vakadai saAbsaromu, Uziya, naNebhukadhinezari vakakurirwa nemabasa enyama akadaro uye vakaninipiswa naJehovha nemhaka yekuzvikudza kwavakaita.2 Sam. 15:1-6; 18:9-17; 2 Mak. 26:16-21; Dhan. 5:18-21.

10. Nei tisingafaniri kufunga kuti vavariro dzevamwe hadzina kunaka? Taura muenzaniso wemuBhaibheri.

10 Asi pane zvimwewo zvinogona kuita kuti munhu aite zvisina mwero. Semuenzaniso, funga nezvenyaya dzemuBhaibheri dziri pamavhesi anotevera: Genesisi 20:2-7 uye Mateu 26:31-35. Abhimereki naPetro vakazvikudza here? Vakanga vasingazivi zvese zvaiitika here kana kuti vakangoita vasina kufunga? Sezvo tisingakwanisi kuona zviri mumwoyo, tinenge tichiratidza uchenjeri uye rudo kana tikarega kukurumidza kufunga kuti vamwe vane vavariro dzisina kunaka.Verenga Jakobho 4:12.

KUZIVA NZVIMBO YEDU

11. Kuva nemwero kwakabatana papi nekuziva nzvimbo yedu muurongwa hwaMwari?

11 Kuva nemwero kunotanga nekuziva nzvimbo yedu muurongwa hwaMwari. SaMwari akarongeka, Jehovha akapa mumwe nemumwe wedu nzvimbo muimba yake. Munhu wese ane nzvimbo yake yakasiyana neyevamwe muungano, asi tose tinokosha. Jehovha akaratidza mutsa nekutipa zvipo zvakasiyana-siyana. Tinogona kuzvishandisa pakumurumbidza uye pakubatsira vamwe. (VaR. 12:4-8) Zvipo zvatakapiwa naJehovha zvinoratidza kuti anotikudza, anovimba nesu, uye anoda kuti tizvishandise zvakanaka.Verenga 1 Petro 4:10.

Tingadzidzei kubva pamuenzaniso waJesu panochinja mabasa edu? (Ona ndima 12-14)

12, 13. Nei tisingafaniri kunetseka kana mabasa edu muurongwa hwaMwari akachinja?

12 Zvisinei, mabasa edu muurongwa hwaMwari anogona kuchinja nekufamba kwenguva. Funga nezvaJesu. Pakutanga, vaingova vaviri, iye naJehovha. (Zvir. 8:22) Akazobatsira pakusika ngirozi, matenga nenyika uye vanhu. (VaK. 1:16) Pava paya, Jesu akapiwa rimwe basa pasi pano. Akatanga ari kamwana kacheche ndokuzova munhu mukuru. (VaF. 2:7) Pashure pekunge afa, Jesu akamutswa ndokudzokera kudenga kuti azova Mambo weUmambo hwaMwari muna 1914. (VaH. 2:9) Asi hapasiripo pakapedzisira kuchinja basa rake. Pashure peKutonga Kwemakore Ane Chiuru, Jesu achadzorera Umambo hwake kuna Jehovha kuti “Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.”1 VaK. 15:28.

13 Saizvozvowo, tinotarisira kuti mabasa edu anogona kuchinja nguva nenguva, kazhinji kacho nemhaka yezvisarudzo zvedu. Semuenzaniso, wakaroora kana kuroorwa here? Wava nevana here? Kana uri munhu akura, wakaita kuti upenyu hwako husave netwakawanda wanda kuti ukwanise kuita basa renguva yakazara here? Chimwe nechimwe chezvisarudzo izvozvo chakaita kuti basa redu richinje. Kuchinja kunoita zvinhu muupenyu hwedu kunogona kuita kuti tikwanise kuita zvakawanda kana kuti zvishoma pakushumira Mwari. Uchiri wechidiki here kana kuti wakura? Utano hwako hwakanaka here kana kuti hahuna? Jehovha anoziva kuti mumwe nemumwe wedu anonyatsokwanisa kuita zvipi pakumushumira. Haatarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi uye anokoshesa chaizvo zvese zvatinoita.VaH. 6:10.

14. Kuva nemwero kunotibatsira sei kuti tigutsikane uye toramba tiine mufaro pabasa redu?

14 Jesu aifarira mabasa ake ose aakapiwa uye nesuwo tinogona kuwana mufaro pamabasa edu. (Zvir. 8:30, 31) Munhu ane mwero anogutsikana nemabasa aainawo muungano. Haanyanyi kunetseka nezvekuda kuwana mamwe mabasa kana kuti nezviri kuitwa nevamwe. Anoshanda nesimba pabasa rake, achinakidzwa naro nekuti anoriona serinobva kuna Jehovha. Anoremekedzawo nzvimbo kana kuti mabasa akapiwa vamwe naJehovha. Kuva nemwero kunotibatsira kuti tifarire kukudza vamwe uye kuvatsigira.VaR. 12:10.

KUVA NEMWERO HAKUREVI CHII?

15. Tingadzidzei kubva pamuenzaniso waGidhiyoni wekuva nemwero?

15 Gidhiyoni akaratidza muenzaniso wakanaka chaizvo wekuva nemwero. Ngirozi yaJehovha payakatanga kuzviratidza kwaari, Gidhiyoni akati: “Chiuru changu ndicho chiduku pakati paManase, uye ndini muduku muimba yababa vangu.” (Vat. 6:15) Paakabvuma kuita basa raakapiwa, Gidhiyoni akava nechokwadi chekuti akanga anyatsonzwisisa zvose zvaidiwa naJehovha, uye akatsvaga kutungamirirwa naye. (Vat. 6:36-40) Gidhiyoni aiva neushingi. Kunyange zvakadaro, akaita basa rake akangwarira, achiratidza uchenjeri. (Vat. 6:11, 27) Haana kuona basa iri semukana wekuti awane mukurumbira. Paakangopedza kuriita, akabva adzokera kumba kwake.Vat. 8:22, 23, 29.

16, 17. Munhu ane mwero anotarisa chii paanenge achifunga nezvekufambira mberi pakunamata?

16 Kuva nemwero hakurevi kuti hatifaniri kumbobvuma dzimwe ropafadzo muungano kana kushanda nesimba kuti tive nadzo. Magwaro anokurudzira vanhu vose kuti vafambire mberi. (1 Tim. 4:13-15) Asi basa redu rinofanira kuchinja here kuti tinzi tafambira mberi? Kwete. Tichibatsirwa naJehovha, tinogona kufambira mberi pakunamata pasinei nebasa ratiri kuita. Tinogona kuramba tichivandudza zvipo zvatakapiwa naMwari, towedzera kuita mabasa akanaka.

17 Munhu ane mwero anotanga aona kuti basa raanotarisirwa kuzoita rinosanganisirei asati aribvuma. Anogona kubva aongorora mamiriro ake ezvinhu. Semuenzaniso, achakwanisa kuwedzera rimwe basa asingazoregeredzi zvimwe zvinhu zvinokosha here? Mamwe mabasa aari kuita anogona kupiwa vamwe here kuitira kuti akwanise kuita basa idzva? Kana pamibvunzo iyi paine waunopindura kuti kwete, zvichida pane mumwe anokwanisa kuita basa racho zviri nani parizvino. Kunyengetera uye kunyatsoongorora zvinhu sezvazviri kuchatibatsira kuti tisaedza kuita zvatisingakwanisi. Kuva nemwero kungaita kuti tirambe mamwe mabasa.

18. (a) Kuva nemwero kuchatibatsira kuti tiite sei patinopiwa rimwe basa? (b) VaRoma 12:3 inotibatsira sei kuva nemwero?

18 Patinobvuma rimwe basa, muenzaniso waGidhiyoni unotiyeuchidza kuti hatikwanisi kubudirira tisingatungamirirwi naJehovha uye tisina chikomborero chake. Ndosaka tichikurudzirwa kuti ‘tive nomwero pakufamba naMwari wedu.’ (Mika 6:8) Saka pese patinogamuchira basa idzva, tinofanira kunyatsofungisisa zvatinoudzwa naJehovha achishandisa Shoko rake uye sangano rake. Tinofanira kudzidza kuita zvinhu maererano nekutungamirirwa kwatinoitwa naJehovha. Ngatiyeukei kuti kuzvininipisa kwaJehovha ndiko ‘kunoita kuti tive vakuru’ kwete unyanzvi hwedu. (Pis. 18:35) Kusarudza kuva nemwero pakufamba naMwari kuchatibatsira kuti tisafunga nezvedu kupfuura zvatinofanira kuita uye tisazvitarisira pasi.Verenga VaRoma 12:3.

19. Nei tichifanira kuva nemwero?

19 Munhu ane mwero anoziva kuti Jehovha ndiye ega akakodzera kukudzwa nekuti ndiye Musiki wedu uye Changamire wezvinhu zvose. (Zvak. 4:11) Kuva nemwero kunotibatsira kuti tigutsikane nebasa redu muurongwa hwaMwari uye tiriite nemazvo. Kuva nemwero kunotidzora kuti tisaita zvinhu zvisina unhu, uye kunoita kuti vanhu vaJehovha vabatane. Kuva nemwero kunoita kuti titange tinyatsofunga tisati taita chimwe chinhu, zvoita kuti tidzivise kuita zvivi zvakakura. Nemhaka yezvikonzero izvi, kuva nemwero kuchiri kukosha kuvanhu vaMwari vose, uye Jehovha anokoshesa vaya vanoedza kuva nemwero. Asi ko patinoedzwa? Nyaya inotevera icharatidza kuti tingaramba sei tiine mwero patinosangana nemiedzo.