Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anotungamirira Vanhu Vake

Jehovha Anotungamirira Vanhu Vake

“Jehovha achakutungamirira nguva dzose.”ISA. 58:11.

NZIYO: 152, 22

1, 2. (a) Zvapupu zvaJehovha zvakasiyana papi nezvimwe zvitendero? (b) Tichakurukurei munyaya ino neinotevera?

“MUTUNGAMIRIRI wenyu ndiani?” Zvapupu zvaJehovha zvinowanzobvunzwa mubvunzo iwoyo. Izvozvo hazvishamisi nekuti muzvitendero zvakawanda mune murume kana kuti mukadzi mumwe chete anenge ari mutungamiriri. Asi isu tinoudza vanhu kuti hatitungamirirwe nemunhu wepanyika. Mutungamiriri wedu ndiJesu Kristu uyo anotungamirirwawo naBaba vake, Jehovha.Mat. 23:10.

2 Zvisinei, pane boka revarume vanoumba “muranda akatendeka, akangwara,” avo vanotungamirira vanhu vaMwari mazuva ano. (Mat. 24:45) Saka tinoziva sei kuti Jehovha ndiye ari kutitungamirira achishandisa Mwanakomana wake? Munyaya ino neinotevera, tichaongorora kuti Jehovha akashandisa sei vamwe vanhu kuti vatungamirire vanhu vake. Nyaya dzacho dzichataura zvinhu zvitatu zvinoratidza kuti Jehovha aitsigira varume ivavo, zvichiratidza kuti ndiye aitungamirira vanhu vake uye kuti ndiye achiri Mutungamiriri wavo.Isa. 58:11.

MWEYA MUTSVENE WAIITA KUTI VAVE NESIMBA

3. Chii chakabatsira Mosesi kuti atungamirire vaIsraeri?

3 Mweya Mutsvene waiita kuti vamiririri vaMwari vave nesimba. Mosesi akasarudzwa naMwari kuti ave mutungamiriri wevaIsraeri. Chii chakamubatsira kuti aite basa iroro rakakura? Jehovha ‘akaisa mweya wake mutsvene maari.’ (Verenga Isaya 63:11-14.) Saka Jehovha ndiye aitungamirira vanhu vake, nekuti mweya mutsvene wake ndiwo waibatsira Mosesi.

4. VaIsraeri vaizoziva sei kuti Mosesi aiva nemweya waMwari? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Sezvo mweya mutsvene usingaoneki, vaIsraeri vaizoziva sei kuti waishanda pana Mosesi? Mweya mutsvene wakabatsira Mosesi kuti aite zvishamiso uye kuti azivise zita raMwari kuna Farao. (Eks. 7:1-3) Mweya mutsvene wakaitawo kuti Mosesi ave munhu ane rudo, munyoro uye ane mwoyo murefu. Unhu uhwu hwakaita kuti akwanise kuzotungamirira vaIsraeri. Akanga akasiyana zvikuru nevatungamiriri vedzimwe nyika avo vaiva neutsinye uye vaingofunga zvakanakira ivo chete. (Eks. 5:2, 6-9) Zvaiva pachena kuti Jehovha akanga asarudza Mosesi kuti ave mutungamiriri wevanhu vake.

5. Tsanangura kuti Jehovha akapa sei vamwe varume vechiIsraeri simba kuti vatungamirire vanhu vake.

5 Nekufamba kwenguva, mweya mutsvene waJehovha wakabatsira vamwe varume vaakagadza kuti vatungamirire vanhu vake. Semuenzaniso, ‘Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nemweya wouchenjeri.’ (Dheut. 34:9) ‘Mweya waJehovha wakava pana Gidhiyoni.’ (Vat. 6:34) Uye ‘mweya waJehovha wakatanga kushanda pana Dhavhidhi.’ (1 Sam. 16:13) Varume vose ivava vaivimba nemweya waMwari kuti uvabatsire, uye waivapa simba rekuita zvinhu zvavaisakwanisa kuita nesimba ravo pachavo. (Josh. 11:16, 17; Vat. 7:7, 22; 1 Sam. 17:37, 50) Zviri pachena kuti Jehovha ndiye akavapa simba rekuita izvozvo, saka ndiye aifanira kurumbidzwa.

6. Nei Mwari aida kuti vanhu vake varemekedze vatungamiriri vaiva muIsraeri?

6 VaIsraeri vaifanira kuita sei pavaiona uchapupu hwekuti mweya mutsvene waishanda pavarume ivavo? VaIsraeri pavakagunun’una nezveutungamiriri hwaMosesi, Jehovha akati: “Vanhu ava vacharamba vasingandiremekedzi kusvikira rini?” (Num. 14:2, 11) Zviri pachena kuti Jehovha akasarudza Mosesi, Joshua, Gidhiyoni uye Dhavhidhi kuti vatungamirire vanhu vachimumiririra. Vanhu pavaiteerera varume ava, vainge vachitotevera Jehovha seMutungamiriri wavo.

VAKABATSIRWA NENGIROZI

7. Ngirozi dzakabatsira sei Mosesi?

7 Ngirozi dzakabatsira vamiririri vaMwari. (Verenga VaHebheru 1:7, 14.) Jehovha akashandisa ngirozi pakupa Mosesi basa rekuita, pakumupa Mutemo uye pakumutungamirira. Mwari akatuma Mosesi ‘somutongi nomununuri achishandisa ngirozi yakazviratidza kwaari iri mugwenzi reminzwa.’ (Mab. 7:35) Jehovha ‘akashandisa ngirozi’ kupa Mutemo, uyo wakashandiswa naMosesi pakurayira vaIsraeri. (VaG. 3:19) Uye Jehovha akamuudza kuti: “Tungamirira vanhu kwandakakutaurira nezvakwo. Tarira! Ngirozi yangu ichakutungamirira.” (Eks. 32:34) Bhaibheri haritauri kuti vaIsraeri vakaona ngirozi ichiita mabasa iwayo. Asi zvaiitwa naMosesi pakurayira uye pakutungamirira vanhu zvairatidza kuti aibatsirwa nengirozi.

8. Ngirozi dzakabatsira sei Joshua naHezekiya?

8 Mosesi paakafa, Joshua ndiye akanga ava kutungamirira vanhu. Joshua akasimbiswa ‘nemukuru weuto raJehovha’ kuti atungamirire vanhu vaMwari pakurwisa vaKenani, uye vaIsraeri vakakunda muhondo yacho. (Josh. 5:13-15; 6:2, 21) Pave paya, Mambo Hezekiya akavingwa neuto guru reAsiriya raida kurwisa Jerusarema. Muusiku humwe chete, ‘ngirozi yaJehovha yakauraya varume 185 000.’2 Madz. 19:35.

9. Kunyange zvazvo vamiririri vaMwari vaikanganisa, vaIsraeri vaitarisirwa kuitei?

9 Ngirozi hadzikanganisi asi varume vadzaibatsira vaikanganisa. Mosesi akambotadza kutsvenesa Jehovha. (Num. 20:12) Joshua akaita sungano nevaGibhiyoni asina kubvunza Mwari. (Josh. 9:14, 15) Kwekanguva, ‘mwoyo waHezekiya wakambozvikudza.’ (2 Mak. 32:25, 26) Asi pasinei nekukanganisa kwevarume ava, vaIsraeri vaitarisirwa kuvateerera. Jehovha aitsigira varume ivavo achishandisa ngirozi dzake. Saka Jehovha ndiye aitungamirira vanhu vake.

VAKATUNGAMIRIRWA NESHOKO RAMWARI

10. Mosesi aitungamirirwa sei neMutemo waMwari?

10 Shoko raMwari raitungamirira vamiririri vake. MuBhaibheri, Mutemo wakapiwa vaIsraeri unonzi “Mutemo waMosesi.” (1 Madz. 2:3) Asi Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha ndiye akavapa Mutemo wacho, uye Mosesi aifanira kuuteererawo. (2 Mak. 34:14) Pashure pekunge Jehovha arayira kuti tebhenekeri yaifanira kumiswa sei, “Mosesi akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naJehovha. Akaita izvozvo chaizvo.”Eks. 40:1-16.

11, 12. (a) Joshua nemamwe madzimambo aitonga vanhu vaMwari vaifanira kuita sei? (b) Shoko raMwari rakabatsira sei vatungamiriri vevanhu vake?

11 Kubvira paakatanga kutungamirira vaIsraeri, Joshua aiva nebhuku rakanyorwa Shoko raMwari. Akaudzwa kuti: “Unofanira kuriverenga nenzwi riri pasi masikati nousiku, kuti uchenjerere kuita maererano nezvose zvakanyorwa mariri.” (Josh. 1:8) Madzimambo akazotonga vanhu vaMwari akatevedzerawo zvaiitwa naJoshua. Vaifanira kuverenga Mutemo uyu zuva nezuva, kuzvinyorera kopi yawo uye ‘kuchengeta mashoko ose omutemo uyu nemirau iyi nokuzviita.’—Verenga Dheuteronomio 17:18-20.

12 Shoko raMwari rakabatsira sei varume vaitungamirira? Ona muenzaniso waMambo Josiya. Pakawanikwa chinyorwa chaiva neMutemo waMosesi, munyori waJosiya akatanga kumuverengera Mutemo wacho. * Mambo akaita sei? “Paakangonzwa mashoko ebhuku romutemo, akabva abvarura nguo dzake.” Asi haana kugumira ipapo. Achitungamirirwa neShoko raMwari, Josiya akatanga kuparadza zvidhori zvose zvainamatwa munyika macho uye akaronga mutambo wePaseka wakakura kupfuura yose yainge yamboitwa. (2 Madz. 22:11; 23:1-23) Nemhaka yekuti Josiya nevamwe vatungamiriri vakatendeka vaitungamirirwa neShoko raMwari, vaiva nechido chekugadzirisa uye kujekesa mirayiridzo yavaipa vanhu vaMwari. Izvozvo zvaibatsira vanhu vaMwari kuti vaite zvinoenderana nekuda kwake.

13. Musiyano upi waiva pakati pevatungamiriri vevanhu vaMwari nevatungamiriri vemarudzi echihedheni?

13 Madzimambo iwayo akatendeka ainge akasiyana zvikuru nevatungamiriri vemamwe marudzi avo vaitungamirirwa neuchenjeri hwevanhu. Vanhu veKenani nevatungamiriri vavo vaiita zvinhu zvinosemesa zvakadai semakunakuna, ungochani, kurara nemhuka, kupa vana sezvibayiro uye kunamata zvidhori. (Revh. 18:6, 21-25) Uyewo vatungamiriri veBhabhironi neveIjipiti vaisava nemirayiro yeutsanana yakafanana neyakapiwa vaIsraeri naMwari. (Num. 19:13) Asi vanhu vaMwari vaiona kuti vatungamiriri vavo vakatendeka vaikurudzira vanhu kuti vave vakachena pakunamata nepatsika uye kuti vave vanhu vakashambidzika. Zviri pachena kuti Jehovha aivatungamirira.

14. Nei Jehovha airanga vamwe vatungamiriri vevanhu vake?

14 Haasi madzimambo ese aitonga vanhu vaMwari aitevedzera mirayiro yaMwari. Vaya vaisateerera Jehovha vairamba kutungamirirwa nemweya mutsvene, ngirozi dzake uye Shoko rake. Dzimwe nguva Jehovha aivaranga kana kuvatsiva nevamwe. (1 Sam. 13:13, 14) Panguva yake yakakodzera, akagadza mumwe munhu aizova mutungamiriri anopfuura vose vaainge amboshandisa.

JEHOVHA ANOGADZA MUTUNGAMIRIRI AKANAKA KWAZVO

15. (a) Vaprofita vakaratidza sei kuti kwaizouya mutungamiriri akasiyana nevamwe? (b) Mutungamiriri akaprofitwa nezvake aiva ani?

15 Kwemazana emakore, Jehovha akaprofita kuti aizogadza munhu akanyatsokodzera kutungamirira vanhu vake. Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Jehovha Mwari wako achakumutsira muprofita anobva pakati pako, pakati pehama dzako, akaita seni—imi munofanira kumuteerera.” (Dheut. 18:15) Isaya akataura kuti uyu aizova “mutungamiriri nomudzori.” (Isa. 55:4) Uye Dhanieri akafemerwa kunyora nezvekuuya ‘kwaMesiya Mutungamiriri.’ (Dhan. 9:25) Pakupedzisira, Jesu Kristu pachake akataura kuti aiva “Mutungamiriri” wevanhu vaMwari. (Verenga Mateu 23:10.) Vadzidzi vaJesu vaimutevera vasingamanikidzwi, uye vakabvuma kuti ndiye ainge asarudzwa naJehovha. (Joh. 6:68, 69) Chii chakaita kuti vave nechokwadi chekuti Jesu Kristu ndiye aishandiswa naJehovha pakutungamirira vanhu vake?

16. Chii chinoratidza kuti mweya mutsvene waiita kuti Jesu ave nesimba?

16 Mweya mutsvene waiita kuti Jesu ave nesimba. Pakabhabhatidzwa Jesu, Johani Mubhabhatidzi akaona “matenga achiparadzana, uye, [mweya] uchiburukira paari wakaita senjiva.” Pashure paizvozvo, “[mweya] wakabva wamugombedzera kupinda murenje.” (Mako 1:10-12) Paaiita ushumiri hwake pasi pano, mweya mutsvene waMwari wakapa Jesu simba rekuita zvishamiso uye kudzidzisa. (Mab. 10:38) Uyewo mweya mutsvene wakaita kuti Jesu ave nerudo, mufaro uye kutenda kwakasimba. (Joh. 15:9; VaH. 12:2) Hapana mumwe mutungamiriri akaratidza kuti aiva nemweya mutsvene saiye. Jesu ndiye akanga asarudzwa naJehovha.

Ngirozi dzakabatsira sei Jesu achangobva kubhabhatidzwa? (Ona ndima 17)

17. Ngirozi dzaibatsira sei Jesu?

17 Ngirozi dzaibatsira Jesu. Pashure pekunge Jesu abhabhatidzwa, “ngirozi dzakauya, dzikatanga kumushumira.” (Mat. 4:11) Maawa mashomanana asati afa, ‘ngirozi yakabva kudenga ikazviratidza kwaari, ikamusimbisa.’ (Ruka 22:43) Jesu aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizotuma ngirozi kuti dzimubatsire kuita kuda kwaMwari pese paaida kubatsirwa.Mat. 26:53.

18, 19. Shoko raMwari rakatungamirira sei Jesu muupenyu hwake uye pakudzidzisa kwake?

18 Jesu aitungamirirwa neShoko raMwari. Kubva paakatanga ushumiri hwake, Jesu aitungamirirwa neMagwaro. (Mat. 4:4) Jesu akatosvika pakufa padanda rekutambudzikira achiteerera Shoko raMwari. Kunyange paakanga ava kufa, mamwe emashoko aakataura aiva nechekuita neuprofita hwaMesiya. (Mat. 27:46; Ruka 23:46) Kusiyana naJesu, vatungamiriri vezvitendero vepanguva iyoyo vaisashandisa Shoko raMwari pese paraipesana netsika dzavo. Achidzokorora mashoko akataurwa naJehovha achishandisa muprofita Isaya, Jesu akati nezvavo: “Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.” (Mat. 15:7-9) Jehovha aizosarudza chero mumwe wevarume ivavo kuti atungamirire vanhu vake here?

19 Jesu aiita uye aidzidzisa zvaienderana neShoko raMwari. Paaiedzwa nevatungamiriri vechitendero, aisashandisa uchenjeri hwake kana ruzivo rwake pakuvapindura. Asi aishandisa Magwaro pakudzidzisa vanhu. (Mat. 22:33-40) Pane kuudza vanhu nezveupenyu hwaakararama kudenga kana nezvekusikwa kwezvinhu ‘akavhura pfungwa dzavo kwazvo kuti vanzwisise zvaireva Magwaro.’ (Ruka 24:32, 45) Jesu aida Shoko raMwari uye aiva nechido chekuudza vamwe zviri mariri.

20. (a) Jesu akakudza sei Jehovha? (b) Musiyano waiva pakati paJesu naHerodhi Agripa I unotidzidzisei nezvevatungamiriri vanosarudzwa naJehovha?

20 Kunyange zvazvo vateereri vake vaishamiswa “nemashoko anofadza” aaitaura, Jesu aiita kuti Mudzidzisi wake Jehovha akudzwe. (Ruka 4:22) Mumwe murume aiva mupfumi paakaedza kukudza Jesu achimuti “Mudzidzisi Akanaka,” Jesu akamupindura achizvininipisa kuti: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwomumwe chete, iye Mwari.” (Mako 10:17, 18) Asi papera makore anenge masere, Herodhi Agripa I akava mambo kana kuti mutungamiriri weJudhiya. Akanga akasiyana zvikuru naJesu. Pane mumwe musangano unokosha, Herodhi akapfeka “zvipfeko zvoumambo.” Vanhu pavakanzwa zvaaitaura vakashevedzera vachiti: “Inzwi ramwari, kwete romunhu!” Zviri pachena kuti Herodhi akafarira kurumbidzwa kwaakaitwa. Chii chakabva chaitika? “Ngirozi yaJehovha yakabva yamurova, nokuti haana kukudza Mwari; uye akadyiwa nehonye, akafa.” (Mab. 12:21-23) Hapana munhu akaona izvi aizofunga kuti Herodhi ainge asarudzwa naJehovha kuti ave mutungamiriri. Asi Jesu akaratidza pachena kuti akagadzwa naMwari uye aigara achimukudza seMutungamiriri Mukuru wevanhu vake.

21. Tichakurukurei munyaya inotevera?

21 Utungamiriri hwaJesu hwaisava hwemakore mashoma chete. Pashure pekumutswa kwake, akati: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika. . . Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:18-20) Asi semunhu asingaoneki ari kudenga, Jesu aizotungamirira sei vanhu vaMwari panyika? Ndiani aizoshandiswa naJehovha ari pasi paJesu kuti atungamirire vanhu vake? Uye vaKristu vaizoziva sei vamiririri vaMwari? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyoyo.

^ ndima 12 Ichi chingangodaro chaiva chinyorwa chakanyorwa naMosesi pachake.