Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Ari Kutungamirira Vanhu vaMwari Mazuva Ano?

Ndiani Ari Kutungamirira Vanhu vaMwari Mazuva Ano?

“Yeukai vaya vari kukutungamirirai.”VAH. 13:7.

NZIYO: 125, 43

1, 2. Vaapostora vaJesu vangangodaro vakazvibvunza kutii pashure pekunge Jesu aenda kudenga?

VAAPOSTORA vaJesu vakanga vakamira paGomo reMiorivhi vakatarisa mudenga. Vakanga vachangobva kuona tenzi, uye shamwari yavo, Jesu, achienda kudenga ndokubva afukidzwa negore. (Mab. 1:9, 10) Jesu ainge aita makore maviri achivadzidzisa, achivakurudzira uye achivatungamirira. Asi iye zvino akanga aenda. Vaizoita sei?

2 Jesu akanga apa vateveri vake basa paakati: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Vaizokwanisa sei kuita basa iroro? Jesu akanga avavimbisa kuti vaizogamuchira mweya mutsvene. (Mab. 1:5) Asi ndiani aizotungamirira nekuronga basa rekuparidza raizoitwa munyika yose? Munguva dzekare Jehovha aishandisa varume vaimumiririra pakutungamirira vanhu vake. Saka vaapostora vangangodaro vakazvibvunza kuti, ‘Jehovha achagadza mumwe mutungamiriri here?’

3. (a) Pashure pekunge Jesu aenda kudenga, vaapostora vakatendeka vakaita chisarudzo chipi chaikosha? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Pasati papera mavhiki maviri kubva Jesu paakaenda kudenga, vadzidzi vake vakaongorora Magwaro, vakanyengetera kuti vatungamirirwe naMwari ndokusarudza Matiyasi kuti atsive Judhasi Iskariyoti semuapostora wechi12. (Mab. 1:15-26) Nei izvi zvaikosha kwavari uye kuna Jehovha? Vadzidzi vakaona kuti paifanira kuva nevaapostora 12. * Jesu akanga asarudza vaapostora kwete kuti vangofamba naye paaiita ushumiri hwake asi kuti vazoita basa rinokosha pakati pevanhu vaMwari. Raiva basa rei iroro uye Jehovha akashandisa sei Jesu kuti avabatsire kuriita? Urongwa hupi huripo pakati pevanhu vaMwari mazuva ano hwakafanana naihwohwo? Uye zvii zvatingaita kuti ‘tiyeuke vaya vari kutitungamirira’ kunyanya vaya vanoumba “muranda akatendeka, akangwara”?VaH. 13:7; Mat. 24:45.

JESU ANOTUNGAMIRIRA DARE RINOTUNGAMIRIRA

4. Vaapostora nevamwe vakuru vakazodzwa vaiva muJerusarema vaiita basa rei?

4 PaPendekosti ya33 C.E., vaapostora vakatanga kutungamirira ungano yechiKristu. Musi iwoyo, “Petro akamira nevane gumi nomumwe chete” ndokutaura chokwadi chinopa upenyu kuboka rakakura revaJudha nevamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha. (Mab. 2:14, 15) Vakawanda vavo vakava vatendi. Pashure paizvozvo, vaKristu ava vatsva “vakaramba vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora.” (Mab. 2:42) Vaapostora ndivo vaiona nezvekushandiswa kwemari yeungano. (Mab. 4:34, 35) Vaibatsira vanhu vaMwari pane zvekunamata. Vakati: “Isu tichazvipira pakunyengetera nepaushumiri hweshoko.” (Mab. 6:4) Uye vaigadza vaKristu vaiva neruzivo kuti vaende kunoparidza kunzvimbo dzakanga dzisati dzamboparidzirwa. (Mab. 8:14, 15) Nekufamba kwenguva, vamwe vakuru vakazodzwa vakabatana nevaapostora pakuronga zvinhu muungano dzose. Sedare rinotungamirira, vaipa mirayiridzo kuungano dzose.Mab. 15:2.

5, 6. (a) Mweya mutsvene waibatsira sei dare rinotungamirira? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Ngirozi dzaibatsira sei dare rinotungamirira? (c) Shoko raMwari raitungamirira sei dare rinotungamirira?

5 VaKristu vepakutanga vaiziva kuti dare rinotungamirira raitungamirirwa naJehovha achishandisa Jesu. Vaizviziva sei izvozvo? Kutanga, mweya mutsvene waibatsira dare rinotungamirira. (Joh. 16:13) Mweya mutsvene wakadururwa pavaKristu vose, asi wainyanya kubatsira vaapostora nevamwe vakuru vaiva muJerusarema pakutungamirira. Semuenzaniso, muna 49 C.E., mweya mutsvene wakatungamirira dare iri pakuita chisarudzo panyaya yekudzingiswa. Ungano dzakateerera zvakanga zvasarudzwa uye izvi zvakaita kuti dzirambe “dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera vanhu vazhinji zuva nezuva.” (Mab. 16:4, 5) Tsamba yaitaura nezvechisarudzo ichocho chakanga chaitwa yakabudisa pachena kuti dare rinotungamirira raiva nemweya mutsvene, uye rairatidza rudo nekutenda.Mab. 15:11, 25-29; VaG. 5:22, 23.

6 Chechipiri, ngirozi dzaibatsira dare rinotungamirira. Koneriyasi asati abhabhatidzwa, ngirozi yakamuudza kuti atsvage muapostora Petro. Petro paakaparidzira Koneriyasi nehama dzake, mweya mutsvene wakadururwa pavari kunyange zvazvo varume vaivapo vakanga vasina kudzingiswa kana kuti kuchecheudzwa. Saka Koneriyasi ndiye akava muKristu asina kudzingiswa wekutanga pavanhu vemamwe marudzi. Izvi zvakaita kuti vaapostora nevamwe vakuru vaite zvaienderana nekuda kwaMwari zvekugamuchira vanhu vemamwe marudzi vasina kudzingiswa muungano yechiKristu. (Mab. 11:13-18) Ngirozi dzaitsigirawo basa rekuparidza rairongwa nedare rinotungamirira. (Mab. 5:19, 20) Chechitatu, Shoko raMwari raitungamirira dare iroro. Vakuru ivavo vakazodzwa vaitungamirirwa neMagwaro pakuita zvisarudzo zvine chekuita nedzidziso uye pakuronga zvinhu muungano.Mab. 1:20-22; 15:15-20.

7. Nei tichigona kuti Jesu aitungamirira vaKristu vepakutanga?

7 Kunyange zvazvo dare iroro raiva nesimba muungano yepakutanga, raiziva kuti Jesu ndiye aiva Mutungamiriri. Muapostora Pauro akanyora kuti: “[Kristu] akapa vamwe kuti vave vaapostora.” Akatiwo, “Isu ngatikurei norudo muzvinhu zvose muna Kristu, uyo ari musoro.” (VaEf. 4:11, 15) Pane kusarudza kuti vashevedzwe nezita remumwe muapostora akakurumbira, ‘vadzidzi vakatanga kushevedzwa kuti vaKristu nokutungamirira kwaMwari.’ (Mab. 11:26) Pauro aiziva kuti zvaikosha kuti vaKristu ‘vabatisise tsika’ kana kuti dzidziso dzaibva muMagwaro dzaidzidziswa nevaapostora nevarume vakanga vachitungamirira. Kunyange zvakadaro, akati: “Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose [kusanganisira vedare rinotungamirira] ndiKristu; . . . uyewo musoro waKristu ndiMwari. (1 VaK. 11:2, 3) Zvaiva pachena kuti Jehovha ainge agadza Mwanakomana wake Kristu Jesu kuti atungamirire ungano.

‘IRI HARISI BASA REMUNHU’

8, 9. Hama Russell vakaita basa ripi rinokosha kubvira muna 1870?

8 Kubvira muna 1870, Charles Taze Russell nevamwe vake vakaedza kushanda nesimba kuti ivo nevamwe vanhu vanamate Mwari maererano nechokwadi cheBhaibheri. Kuti vakwanise kuparadzira chokwadi cheBhaibheri mumitauro yakasiyana-siyana, Zion’s Watch Tower Tract Society yakanyoreswa zviri pamutemo muna 1884 uye Hama Russell ndivo vaiva purezidhendi wacho. * Hama Russell vainyatsodzidza Bhaibheri uye vakafumura vasingatyi kuti dzidziso dzakadai seyeUtatu neyekuti mweya haufi ndedzenhema. Vakanzwisisa kuti kudzoka kwaKristu kwaisazooneka nemaziso uye kuti “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzaizoguma muna 1914. (Ruka 21:24) Hama Russell vakashandisa nguva yavo, simba ravo nemari yavo kuti vaudze vamwe chokwadi ichi. Zviri pachena kuti panguva iyoyo inokosha, Hama Russell vaishandiswa naJehovha uye naJesu musoro weungano.

9 Hama Russell havana kuzvitsvagira mbiri. Muna 1896 vakanyora kuti: ‘Hatidi kukudzwa zvakapfurikidza, hatidi kutyiwa pamusana pezvatiri kana kuti zvatinonyora; uyewo hatidi kunzi Revhurendi kana kunzi Rabhi. Uye hatidi kuti chero munhu upi zvake ashevedzwe nemazita edu.’ Vakazotaurawo kuti: ‘Iri harisi basa remunhu.’

10. (a) Jesu akagadza “muranda akatendeka, akangwara” riini? (b) Tsanangura kuti zvakajekeswa sei kuti dare rinotungamirira rakasiyana neWatch Tower Society.

10 Muna 1919, makore matatu Hama Russell vafa, Jesu akagadza “muranda akatendeka, akangwara.” Aizoita basa rei? Rekupa veimba yake “zvokudya . . . panguva yakakodzera.” (Mat. 24:45) Mumakore iwayo, boka duku rehama dzakazodzwa dzaishumira dziri pamahofisi edu makuru muBrooklyn, New York, dzaigadzira nekuparadzira zvekudya zvekunamata kuvateveri vaJesu. Mashoko ekuti “dare rinotungamirira” akatanga kuwanika muzvinyorwa zvedu kuma1940 uye panguva iyoyo tainzwisisa kuti ainyanya kureva vatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society. Zvisinei, muna 1971, zvakajekeswa kuti Dare Rinotungamirira rakasiyana nesangano reWatch Tower Society iro riri sangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu Zvapupu Jehovha pane dzimwe nyaya. Saka kubvira panguva iyoyo hama dzakazodzwa dzaigona kuva muDare Rinotungamirira asi dzisiri vatungamiriri vesangano reWatch Tower Society. Mumakore achangopfuura, dzimwe hama dziri muboka ‘remamwe makwai’ dzakatanga kushumira sevatungamiriri vesangano reWatch Tower Society nemamwe masangano epamutemo anoshandiswa nevanhu vaMwari. Izvi zvinoita kuti Dare Rinotungamirira riise pfungwa pakutungamirira vanhu vaMwari pane zvekunamata. (Joh. 10:16; Mab. 6:4) Nharireyomurindi yaJuly 15, 2013 yakatsanangura kuti “muranda akatendeka, akangwara” iboka duku rehama dzakazodzwa dzinoumba Dare Rinotungamirira.

Dare rinotungamirira kuma1950

11. Dare Rinotungamirira rinoshanda sei?

11 Vari muDare Rinotungamirira vanoita zvisarudzo pamwe chete. Vanozviita sei? Vanoita musangano vhiki imwe neimwe, izvo zvinoita kuti vakwanise kugara vachikurukura uye vabatane. (Zvir. 20:18) Gore negore vanochinjana kuva sachigaro pamisangano iyoyo sezvo pasina nhengo yeDare Rinotungamirira inoonekwa seinokosha kupfuura dzimwe. (1 Pet. 5:1) Uyewo mukomiti imwe neimwe yeDare Rinotungamirira vanochinjanawo kuva sachigaro gore negore. Uye mumwe nemumwe ari mudare iroro haazvioni semutungamiriri wevamwe vake, asi semumwe ‘weveimba’ anotungamirirwa uye anopiwa zvokudya nemuranda akatendeka.

Kubvira paakagadzwa muna 1919, muranda akatendeka ari kugadzirira vanhu vaMwari zvekudya zvekunamata (Ona ndima 10, 11)

“CHOKWADI NDIANI MURANDA AKATENDEKA, AKANGWARA?”

12. Sezvo Dare Rinotungamirira risingafemerwi naMwari uye richikanganisawo, mibvunzo ipi inovapo?

12 Dare Rinotungamirira harifemerwi naMwari uye rinokanganisawo. Saka rinogona kukanganisa pakutsanangura zviri muBhaibheri kana pakutungamirira sangano. Watch Tower Publications Index ine chikamu chakanzi “Beliefs Clarified,” icho chinoratidza kugadziridzwa kwemanzwisisiro ataiita Magwaro kubvira muna 1870. * Jesu haana kutiudza kuti muranda akatendeka aizotipa zvekudya zvekunamata zvisina kana pazvakakanganisika. Saka tingapindura sei mubvunzo waJesu wekuti: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara?” (Mat. 24:45) Ndezvipi zvinoratidza kuti Dare Rinotungamirira ndiro muranda akatendeka, akangwara? Ngationei zvinhu zvitatu zvatambokurukura zvaibatsira dare rinotungamirira panguva yevaapostora.

13. Mweya mutsvene wakabatsira sei Dare Rinotungamirira?

13 Uchapupu hwekuti vane mweya mutsvene. Mweya mutsvene wakabatsira Dare Rinotungamirira kuti rinzwisise chokwadi chemuMagwaro chakanga chisinganzwisiswi kare. Semuenzaniso, funga nezvezvimwe zvakagadziridzwa zviri mubhuku rataurwa mundima yapfuura. Hapana munhu aikwanisa kunzwisisa kana kutsanangura ‘zvinhu izvi zvakadzama zvaMwari’ asingabatsirwi nemweya mutsvene. (Verenga 1 VaKorinde 2:10.) Dare Rinotungamirira rine maonero akafanana neaPauro uyo akanyora kuti: “Tinotaurawo zvinhu izvi, kwete nemashoko anodzidziswa nouchenjeri hwevanhu, asi neaya anodzidziswa [nemweya].” (1 VaK. 2:13) Pashure pemazana emakore pachidzidziswa nhema, hapana chimwe kunze kwemweya mutsvene chaikwanisa kubatsira vanhu vaMwari kuti vawedzere kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri kubvira muna 1919.

14. Maererano naZvakazarurwa 14:6, 7, ngirozi dzinobatsira sei vanhu vaMwari mazuva ano?

14 Uchapupu hwekuti vanobatsirwa nengirozi. Dare Rinotungamirira mazuva ano rine basa guru rekutungamirira kuparidzirwa kwemashoko akanaka pasi rose kunoitwa nevaparidzi vanopfuura mamiriyoni 8. Nei basa iri rekuparidza riri kubudirira? Chimwe chikonzero ndechekuti ngirozi dziri kutsigira basa racho. (Verenga Zvakazarurwa 14:6, 7.) Zvinowanzoitika kuti vaparidzi vanoshanyira vanhu vanenge vachangobva kunyengetera vachikumbira kubatsirwa. * Kuwedzera kuri kuita basa rekuparidza nekuita vadzidzi pasi rose pasinei nekupikiswa zvakanyanya kunoitwa vanhu vaJehovha mune dzimwe nyika kunoratidzawo kuti vari kubatsirwa nengirozi.

15. Dare Rinotungamirira rakasiyana papi nevatungamiriri vezvimwe zvitendero zvinoti ndezvechiKristu? Taura muenzaniso.

15 Kutungamirirwa neShoko raMwari. (Verenga Johani 17:17.) Chimbofunga zvakaitika muna 1973. Nharireyomurindi yaJune 1 yakabvunza kuti: “Vanhu vanosvuta fodya vanogona kubhabhatidzwa here?” Mhinduro yacho yaiva yekuti: “Magwaro anoratidza kuti havagoni kubhabhatidzwa.” Pashure pekuratidza mamwe magwaro aienderana nenyaya iyi, Nharireyomurindi yacho yakatsanangura kuti nei munhu airamba achisvuta fodya aifanira kudzingwa. (1 VaK. 5:7; 2 VaK. 7:1) Yakataura kuti murayiro uyu haubvi kuvanhu asi unobva “kuna Mwari uyo anotaura achishandisa Shoko rake.” Pane here chimwe chitendero chinonyatsovimba neShoko raMwari zvakadaro kunyange zvazvo izvozvo zvingaomera nhengo dzacho? Rimwe bhuku rinotaura nezvezvitendero zvemuUnited States rakabuda muna 2015 rinoti: “Vatungamiriri vemachechi vanogara vachichinja dzidziso dzavo kuti dzienderane nezvinhu zvinenge zvichidiwa nevanhu vezvitendero zvavo nevamwewo vanhu vari munyika.” VeDare Rinotungamirira vanoita kuti Shoko raMwari rivatungamirire kwete mafungiro evanhu, uye izvi zvinoratidza kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira vanhu vake mazuva ano.

“YEUKAI VAYA VARI KUKUTUNGAMIRIRAI”

16. Ndeipi imwe nzira yatingayeuka nayo Dare Rinotungamirira?

16 Verenga VaHebheru 13:7. Bhaibheri rinoti tinofanira ‘kuyeuka vaya vari kutitungamirira.’ Imwe nzira yekuita izvozvo ndeyekutaura nezveDare Rinotungamirira muminyengetero yedu. (VaEf. 6:18) Funga nezvebasa ravainaro rekupa zvekudya zvekunamata, kutungamirira basa rekuparidza pasi rose uye kuona nezvekushandiswa kwemari yezvipo. Chokwadi tinofanira kugara tichivanyengeterera.

17, 18. (a) Tinoratidza sei kuti tinoteerera Dare Rinotungamirira? (b) Kuparidza kwatinoita kunotsigira sei muranda akatendeka uye Jesu?

17 Kuyeuka Dare Rinotungamirira hakungogumiri pakurinyengeterera asi kunosanganisirawo kuteerera zvarinotiudza. Dare Rinotungamirira rinotipa mirayiridzo richishandisa mabhuku edu, misangano uye magungano. Uye rinogadza vatariri vematunhu, avo vanogadzawo vakuru muungano. Vatariri vematunhu nevakuru vanoyeuka Dare Rinotungamirira kuburikidza nekunyatsotevedzera mirayiridzo yavanopiwa. Tose tinoratidza kuti tinoremekedza Mutungamiriri wedu Jesu, kuburikidza nekuteerera uye kuzviisa pasi pevarume vaari kushandisa kutitungamirira.VaH. 13:17.

18 Imwe nzira yatinoyeuka nayo Dare Rinotungamirira ndeyekushanda nesimba pakuparidza. Pauro akakurudzira vaKristu kuti vatevedzere kutenda kwevaya vari kuvatungamirira. Muranda akatendeka anoratidza kutenda kwakasimba kuburikidza nekushingaira pakuparadzira mashoko akanaka eUmambo. Uri muboka remamwe makwai anotsigira vakazodzwa pabasa iri rinokosha here? Uchafara zvikuru Mutungamiriri wako Jesu paachati: “Kana makazviitira mumwe wevaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini.”Mat. 25:34-40.

19. Nei uchida kutevera Mutungamiriri wedu Jesu, kunyange zvodini?

19 Paakadzokera kudenga, Jesu haana kubva akanganwa vateveri vake. (Mat. 28:20) Ainyatsoziva kuti mweya mutsvene, ngirozi uye Shoko raMwari zvakamubatsira sei kuti atungamirire vanhu vaMwari paaiva pasi pano. Saka ari kubatsira muranda akatendeka mazuva ano achishandisa zvinhu izvozvo. SevaKristu vakazodzwa, vaya vari muboka remuranda akatendeka “vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nokwarinoenda.” (Zvak. 14:4) Patinobvuma kutungamirirwa navo, tinenge tichitotevera Mutungamiriri wedu, Jesu. Munguva pfupi iri kuuya achatitungamirira kuupenyu husingaperi. (Zvak. 7:14-17) Hapana mutungamiriri wepanyika angativimbisa izvozvo.

^ ndima 3 Uchapupu huripo hunoratidza kuti Jehovha aiva neurongwa hwekuti vaapostora 12 vazova ‘matombo 12 enheyo’ dzeJerusarema Idzva. (Zvak. 21:14) Saka pakanga pasina chikonzero chekutsiva chero muapostora akatendeka aizopedza upenyu hwake hwepanyika.

^ ndima 8 Kubvira muna 1955, sangano iroro rinozivikanwa seWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

^ ndima 12 Onawo chikamu chakanzi “Kugadziridzwa Kwezvatinotenda,” chiri muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza.