Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muapostora Pauro akanyora kuti Jehovha “haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira.” (1 VaK. 10:13) Izvi zvinoreva here kuti Jehovha anogara aongorora kuti ndezvipi zvatinogona kutsungirira obva asarudza miedzo yatichasangana nayo?

Ona kuti maonero akadaro anoita kuti pave nemibvunzo ipi. Imwe hama ine mwanakomana akazviuraya yakabvunza kuti: ‘Jehovha akagara aona here kuti ini nemudzimai wangu taizokwanisa kutsungirira kuzviuraya kwemwanakomana wedu? Izvi zvakaitika here nekuti Mwari akanga atoziva kare kuti taigona kuzvitsungirira?’ Pane chikonzero chakanaka here chekufunga kuti Jehovha anoronga kuti zvinhu zvifambe saizvozvo muupenyu hwedu?

Tikaongorora 1 VaKorinde 10:13 tinoona kuti Bhaibheri haritsigiri pfungwa yekuti Jehovha anogara aziva kuti ndezvipi zvatinogona kutsungirira obva asarudza miedzo yatichasangana nayo. Ngationgororei zvikonzero zvina zvinoita kuti tidaro.

Chekutanga, Jehovha akapa vanhu chipo cherusununguko rwekusarudza. Anoda kuti tisarudze tega zvatinoda kuita muupenyu. (Dheut. 30:19, 20; Josh. 24:15) Kana tikasarudza zvakanaka, tinogona kutarisira kuti Jehovha atitungamirire. (Zvir. 16:9) Asi kana tikasarudza kuita zvakaipa, tichakohwa zvatinenge tadyara. (VaG. 6:7) Dai Jehovha aisarudza kuti miedzo ipi yatichasangana nayo, taizonyatsova nerusununguko rwekusarudza here?

Chechipiri, Jehovha haatidziviriri ‘pazviitiko zvisingafanoonekwi.’ (Mup. 9:11) Tsaona yakashata zvikuru inogona kuitika kwatiri nokuti zvinenge zvangoitikawo kuti tanga tiri panzvimbo yacho. Jesu akataura nezvenjodzi yakauraya vanhu 18 vakawirwa neshongwe, uye akaratidza kuti kufa kwavakaita kwaisava kuda kwaMwari. (Ruka 13:1-5) Hazvina musoro kufunga kuti Mwari anogara asarudza kuti ndiani anopona uye ndiani anofa panongoerekana paitika zvimwe zvinhu.

Chechitatu, mumwe nemumwe wedu anobatanidzwa panyaya yekuperera kuna Mwari. Yeuka kuti Satani akati vashumiri vaJehovha vanomushumira nekuti ane zvaanovapa. Akati hatizorambi takavimbika kuna Jehovha kana tikaedzwa. (Job. 1:9-11; 2:4; Zvak. 12:10) Kudai Jehovha aiita kuti tirege kusangana nemimwe miedzo nemhaka yekuti anoona kuti hatigoni kuitsungirira, izvozvo zvaisazotsigira here kupomera kwaSatani?

Chechina, Jehovha haasarudzi kugara aziva zvose zvichaitika kwatiri. Pfungwa yekuti Mwari anogara asarudza miedzo yatichasangana nayo inoreva kuti anofanira kuziva zvose zvine chekuita neramangwana redu. Asi izvozvo zvinopesana neMagwaro. Mwari anokwanisa kuziva ramangwana. (Isa. 46:10) Asi Bhaibheri rinoratidza kuti anosarudza zvinhu zvaanoda kugara aziva nezveramangwana. (Gen. 18:20, 21; 22:12) Saka simba rake rekukwanisa kugara aziva zvimwe zvinhu anorishandisa achiremekedza rusununguko rwedu rwekusarudza.Dheut. 32:4; 2 VaK. 3:17.

Saka tinofanira kunzwisisa sei mashoko aPauro ekuti: “Mwari . . . haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira”? Pano Pauro ari kutsanangura zvinoitwa naJehovha, munhu paanenge ari mumiedzo kwete isati yavapo. Mashoko aPauro anotipa chivimbo chekuti pasinei nemiedzo yatingasangana nayo, Jehovha achatitsigira kana tikavimba naye. (Pis. 55:22) Ngationgororei zvinhu zviviri zvakaita kuti Pauro ataure mashoko aya.

Chekutanga, miedzo yatinosangana nayo “inozivikanwa nevanhu.” Saka vamwe vakambosanganawo nemiedzo yakafanana neyedu. Miedzo yakadaro tinokwanisa kuitsungirira kana tikavimba naMwari. (1 Pet. 5:8, 9) Mumavhesi anotangira 1 VaKorinde 10:13, Pauro anotaura nezvemiedzo yakasangana nevaIsraeri murenje. (1 VaK. 10:6-11) Vaya vakavimba naJehovha vakakwanisa kutsungirira miedzo iyoyo asi Pauro anotaura kuti ‘vamwe vavo’ havana kuteerera. Zvinonzwisa urombo kuti vamwe vaIsraeri vakaita zvakaipa zvaidiwa nemwoyo yavo nokuti havana kuvimba naMwari.

Chechipiri, “Mwari akatendeka.” Zvakaitwa naMwari kuvanhu vake kubvira kare zvinoratidza kuti anoramba achibatsira “vaya vanomuda nevaya vanochengeta mirayiro yake.” (Dheut. 7:9) Izvozvo zvinoratidzawo kuti Mwari anogara achizadzisa zvaanenge avimbisa. (Josh. 23:14) Nemhaka yekutendeka kwake, vese vanomuda uye vanomuteerera vanogona kuva nechivimbo chekuti achazadzisa zvaakavimbisa. Tine chokwadi chekuti: (1) Haazobvumiri chero muedzo upi zvawo kuti usvike pekuti havazokwanisi kuutsungirira, uye (2) “achaitawo nzira yokubuda nayo.”

Jehovha “anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose”

Jehovha anoita sei kuti vaya vanovimba naye vawane nzira yekubuda nayo pavanosangana nemiedzo? Kana achida hake, anogona kungobvisa muedzo watinenge tasangana nawo. Asi yeuka mashoko aPauro ekuti: “[Jehovha] achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” Saka kakawanda kacho anoita ‘nzira yokubuda nayo’ kuburikidza nekutipa zvatinoda kuti tigone kutsungirira miedzo. Ona zvimwe zvingaitwa naJehovha pakutipa nzira yekubuda nayo:

  • “Anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaK. 1:3, 4) Jehovha anogona kudzikamisa pfungwa dzedu nemwoyo achishandisa Shoko rake, mweya mutsvene, uye zvekudya zvekunamata zvatinopiwa nemuranda akatendeka.Mat. 24:45, Joh. 14:16, VaR. 15:4.

  • Anogona kutitungamirira achishandisa mweya mutsvene. (Joh. 14:26) Panouya miedzo, mweya mutsvene unogona kutibatsira kuyeuka nyaya dzemuBhaibheri nemazano arimo tobva taziva matanho atinofanira kutora.

  • Anogona kushandisa ngirozi kuti dzitibatsire.VaH. 1:14.

  • Anogona kutibatsira achishandisa vatinonamata navo, avo vanogona ‘kutisimbisa’ nemashoko avo nezviito zvavo.VaK. 4:11.

Saka tingati mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 10:13 anorevei? Jehovha haasarudzi miedzo yatinosangana nayo. Asi panouya miedzo muupenyu hwedu tinogona kuva nechokwadi chekuti kana tichinyatsovimba naJehovha, haatomboregi miedzo yedu ichisvika pekuti hatimbokwanisi kuitsungirira; achatoita nzira yekubuda nayo kuti tiitsungirire. Izvozvo zvinonyaradza zvikuru!