Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ipa Rukudzo Kune Vakakodzerwa Narwo

Ipa Rukudzo Kune Vakakodzerwa Narwo

“Kuropafadzwa nokukudzwa nokubwinya nesimba ngazvive kuna Iye agere pachigaro choumambo nokuGwayana nokusingaperi-peri.”—ZVAK. 5:13.

NZIYO: 9, 108

1. Nei vamwe vanhu vakakodzera kukudzwa, uye tichakurukurei iye zvino?

KUKUDZA munhu kunoreva kumuratidza kuti unomuona seanokosha uye kuti unomuremekedza. Tinotarisira kuti munhu anofanira kukosheswa kana kuremekedzwa saizvozvo kana aine zvaakaita kuti akudzwe kana kuti aine chinzvimbo chinokosha. Saka tingabvunza kuti ndivanaani vatinofanira kukudza uye kuti nei tichifanira kuvakudza?

2, 3. (a) Nei Jehovha ari iye akanyanya kukodzera kukudzwa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Gwayana rinotaurwa pana Zvakazarurwa 5:13 ndiani, uye nei rakakodzera kukudzwa?

2 Sezvinoratidzwa pana Zvakazarurwa 5:13, ‘Iye agere pachigaro choumambo uye Gwayana’ vakakodzera kukudzwa zvechokwadi. Muchitsauko 4 chebhuku iroro reBhaibheri tinoona chimwe chikonzero nei Jehovha akakodzera kukudzwa. Zvisikwa zvisingaoneki zviri kudenga zvinoshevedzera zvichirumbidza Jehovha, “Uyo anorarama nokusingaperi-peri.” Zvinoti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.”—Zvak. 4:9-11.

3 Gwayana racho ndiJesu Kristu, “Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika.” (Joh. 1:29) Bhaibheri rinotiudza kuti anopfuura nekure madzimambo ose aripo kana kuti akambovapo. Rinoti ndiye “Mambo wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya vanotonga semadzishe, iye oga asingafi, anogara muchiedza chisingasvikiki, asina munhu akambomuona kana anogona kumuona.” (1 Tim. 6:14-16) Hakuna mumwe mambo akambozvipira kufa kuti adzikinure zvivi zvedu. Haunzwi here uchida kubatana nezviuru zvengirozi pakuzivisa kuti: “Gwayana rakaurayiwa rakakodzera kuva nesimba nepfuma nouchenjeri nemasimba nokukudzwa nokubwinya nokurumbidzwa”?—Zvak. 5:12.

4. Nei tichitofanira kukudza Jehovha naKristu?

4 Tinotofanira kukudza Jehovha naKristu. Hatigoni kuwana upenyu husingaperi kana tisingavakudzi. Mashoko aJesu ari pana Johani 5:22, 23 anotibatsira kuona izvozvo. Anoti: “Baba havambotongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Asingakudzi Mwanakomana haakudziwo Baba vakamutuma.”—Verenga Pisarema 2:11, 12.

5. Nei tichifanira kukudza uye kuremekedza vanhu vose zvavo?

5 Vanhu vakasikwa “nomufananidzo waMwari.” (Gen. 1:27) Saka vakawanda vacho vanoratidza unhu hwaMwari kunyange zvazvo vachisiyana pakuhuratidza. Vanhu vanokwanisa kuratidzana rudo, mutsa uye kunzwirana tsitsi. Vanhu vakasikwa vaine hana. Kunyange zvazvo ichimbokanganisika, inokwanisa kuvabatsira kuziva zvakanaka nezvakaipa, kuvimbika nekusavimbika uye zvakakodzera nezvisina kukodzera. (VaR. 2:14, 15) Vanhu vakawanda vanotorwa mwoyo nezvinhu zvakachena uye zvakanaka. Vanowanzoda kuva nerugare nevamwe. Zviri pachena kuti vanhu vakasikwa vachikwanisa kutevedzera Jehovha, saka vanokodzera kukudzwa uye kuremekedzwa.—Pis. 8:5.

KUZIVA PEKUGUMIRA PAKUKUDZA VAMWE

6, 7. Zvapupu zvaJehovha zvakasiyana sei nevakawanda panyaya yekukudza vanhu?

6 Tinoziva kuti vamwe vanhu vanofanira kukudzwa, asi zvingatiomera kuziva kuti tovakudza sei uye kuti kusvika papi. Vanhu vakawanda vanoita zvinhu vachitevedzera mafungiro enyika yaSatani. Ndicho chikonzero nei vanhu vachinamata vamwe varume kana kuti vakadzi pane kungovaratidza rukudzo neruremekedzo rwakakodzera. Vanokwidziridza vatungamiriri vezvitendero nevezvematongerwo enyika, vanoita zvemitambo, nyanzvi dzekuvaraidza vanhu, uyewo vamwe vanhu vakakurumbira, vachitovaita savanamwari. Saka vakuru nevadiki vanoona vanhu vakadaro semienzaniso yekutevedzera, zvimwe vachitotevedzera tutsika twavo, mapfekero uye maitiro avo.

7 VaKristu vechokwadi havakudzi vanhu saizvozvo. Kristu ndiye ega munhu akamborarama panyika watinogona kuona semuenzaniso wakakwana wekutevedzera. (1 Pet. 2:21) Mwari haafari nazvo kana tikapa vanhu rukudzo rwavasina kukodzera kuwana. Tinofanira kuyeuka chokwadi chinokosha chekuti: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaR. 3:23) Hapana munhu akakodzera kukudzwa zvekusvika pakunamatwa.

8, 9. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei vakuru vehurumende? (b) Tinotsigira vakuru vehurumende kusvika papi?

8 Kune vamwe vanhu vakakodzera kukudzwa nokuremekedzwa nemhaka yezvinzvimbo zvavo. Vakuru vehurumende vanotarisirwa kuchengetedza mutemo nerunyararo uye kubatsira vanhu vemunyika mavo. Izvi zvinobatsira vanhu vose. Saka muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti vaone vakuru vehurumende ‘semasimba makuru’ uye kuti vazviise pasi pavo. Akavarayira kuti: “Ipai vose zvakavakodzera, kune anorayira mutero, mutero; . . . kune anorayira kukudzwa, kukudzwa kwakadaro.”—VaR. 13:1, 7.

9 SeZvapupu zvaJehovha tinoita zvose zvatinogona kuti tiratidze vakuru vehurumende kuti tinovaremekedza. Asi nyika imwe neimwe ine maitiro ayo, saka zvinotarisirwa kwatiri nevakuru vehurumende zvinosiyana munzvimbo nenzvimbo. Tinoita zvavanotirayira pavanenge vachiita mabasa avo. Asi kana vakatiudza kuti tiite zvinopesana nezvinodiwa naMwari hatibvumi. Pakadaro tinoteerera uye tinokudza Jehovha panzvimbo pevanhu.—Verenga 1 Petro 2:13-17.

10. Vashumiri vaJehovha vekare vakatisiyira muenzaniso upi wakanaka?

10 Vashumiri vaJehovha vekare vakaratidza muenzaniso panyaya yekukudza hurumende nevatungamiriri vayo. Roma payakarayira vanhu kuti vanyoreswe, Josefa naMariya vakateerera. Vakaenda kuBhetrehema pasinei nekuti Mariya ainge ava pedyo nekusununguka mwana wake wekutanga. (Ruka 2:1-5) Pave paya, Pauro paakapomerwa kuti ainge apara mhosva, akazvidzivirira neruremekedzo uye akaratidza rukudzo rwakakodzera kuna Mambo Herodhi Agripa uye kuna Festo, gavhuna wepurovhinzi yeRoma yainzi Judhiya.—Mab. 25:1-12; 26:1-3.

11, 12. (a) Nei tichisiyanisa mabatiro atinoita vakuru vehurumende nevatungamiriri vezvitendero? (b) Chii chakaitika chimwe Chapupu chekuAustria pachakaremekedza mumwe murume?

11 Asi Zvapupu zvaJehovha hazvipi vatungamiriri vezvitendero rukudzo rwakapfurikidza, kunyange zvazvo vatungamiriri ivavo vangatarisira kukudzwa kwakadaro. Zvitendero zvenhema zvinotaura zvisiri izvo nezvaMwari uye zvinomonyanisa dzidziso dzeShoko rake. Saka tinokudza vatungamiriri vezvitendero sezvatinongoita vamwe vanhu vose, asi hativakudzi zvinopfuura ipapo. Tinoyeuka kuti Jesu akataura kuti varume vakadaro vepanguva yake vaiva vanyengeri uye vatungamiriri vakapofumara. (Mat. 23:23, 24) Asi patinopa vatungamiriri vehurumende rukudzo neruremekedzo rwakakodzera, dzimwe nguva vanogona kutibatsira.

12 Leopold Engleitner aiva Chapupu chaishingaira chaibva kuAustria. Akasungwa nevaNazi akaendeswa nechitima kumusasa wevasungwa weBuchenwald. Dr. Heinric Gleissner aivawo muchitima chacho ari musungwa. Aibva kuAustria uye aiita zvematongerwo enyika. Asi akanga asingafarirwi nevaNazi. Vari parwendo rwekuenda kumusasa wacho, Hama Engleitner vakaratidza ruremekedzo pavaitsanangurira Gleissner zvavaitenda uye akanyatsoteerera. Pakapera hondo yenyika yechipiri Gleissner akashandisa simba rake kakawanda kuti abatsire Zvapupu muAustria. Zvimwe unoziva mimwe mienzaniso yezvakanaka zvakaitika Zvapupu pazvakapa vatungamiriri vehurumende rukudzo rwavanonzi neBhaibheri vapiwe.

VAMWE VAKAKODZERA KUKUDZWA

13. Ndivanaani vanofanira kunyanya kuremekedzwa nekukudzwa uye nei?

13 Vatinonamata navo vakakodzera kukudzwa nekuremekedzwa. Tinofanira kunyanya kukudza nekuremekedza vakuru sezvo vachitungamirira ungano. (Verenga 1 Timoti 5:17.) Tinokudza hama idzi pasinei nekwadzinobva, dzidzo yadzo uye kuti dzine mari here kana kuti hadzina. Bhaibheri rinovati “zvipo zviri varume” uye vanoita basa rinokosha pakupa vanhu vaMwari zvavanoda pakunamata. (VaEf. 4:8) Funga nezvevakuru veungano, vatariri vematunhu, nhengo dzeDare reBazi uye nhengo dzeDare Rinotungamirira. VaKristu vepakutanga vairemekedza zvikuru vaya vainge vakagadzwa kuti vatungamirire uye ndizvo zvatinoitawo mazuva ano. Hatiiti setichanamata vamiririri veungano yechiKristu vanozivikanwa zvikuru. Uye kana varipo hatiite kunge tashanyirwa nengirozi. Asi tinoremekedza nekukudza hama dzakadaro nemhaka yekuti dzinoshanda nesimba uye dzinozvininipisa.—Verenga 2 VaKorinde 1:24; Zvakazarurwa 19:10.

14, 15. Taura musiyano uri pakati pevafudzi vechiKristu nevatungamiri vezvimwe zvitendero.

14 Vakuru vakadaro vakaita sevafudzi vanozvininipisa. Vanoramba kubatwa sezvinoitwa vanhu vakakurumbira vari munyika uye izvi zvinoratidza kuti vanozvininipisa. Vakasiyana nevatungamiriri vezvitendero vemazuva ano nevemunguva yaJesu. Jesu akataura nezvevatungamiriri ivavo achiti: “Vanoda nzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru nezvigaro zvepamberi mumasinagogi, uye kukwaziswa mumisika.”—Mat. 23:6, 7.

15 Vafudzi chaivo vechiKristu vanoteerera mashoko aJesu ekuti: “Musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete, asi imi mose muri hama. Zvakare, musati baba kumunhu ari panyika, nokuti Baba venyu vamwe chete, Ivo vokudenga. Uyewo musanzi ‘vatungamiriri,’ nokuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu. Asi mukuru pakati penyu ngaave mushumiri wenyu. Munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa, uye munhu wose anozvininipisa achakwidziridzwa.” (Mat. 23:8-12) Izvozvo ndizvo zvinoita kuti vakuru veungano dzose dzeZvapupu vadiwe, varemekedzwe uye vakudzwe nevavanonamata navo.

Vakuru pavanoshumira vachizvininipisa vanosvika pakudiwa, kuremekedzwa uye kukudzwa nevamwe (Ona ndima 13-15)

16. Nei uchifanira kushanda nesimba kuti unzwisise uye uite zvinotaurwa neBhaibheri nezvekukudza vamwe?

16 Zvinogona kutora nguva kuti tizive kuti ndivanaani vatinofanira kukudza uye kuti tovakudza sei. Ndizvo zvazvakanga zvakaitawo kuvaKristu vepakutanga. (Mab. 10:22-26; 3 Joh. 9, 10) Asi tikaita zvinotaurwa neBhaibheri nezvekukudza vamwe tinenge tichishandira zviripo. Kupa vamwe rukudzo rwakakodzera kunoita kuti tiwane makomborero akawanda.

KUKUDZA VAMWE ZVAKAKODZERA KWAKANAKIREI?

17. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kukudza vaya vane masimba?

17 Patinoremekedza nekukudza vaya vane zvinzvimbo muhurumende, kazhinji kacho vanogona kudzivirira kodzero yedu yekuparidza takasununguka. Izvozvo zvinowanzoitawo kuti vasashore basa redu. Makore apfuura, mumwe piyona wekuGermany anonzi Birgit, akaenda kunoona mwanasikana wake achigirajuweta. Vadzidzisi vepachikoro chaidzidza mwanasikana wake vakamuudza kuti vaifarira kuva nevana veZvapupu pachikoro pavo. Vakataura kuti pachikoro ichi paisazonakidza kudai paisava nevana veZvapupu. Birgit akati, “Vana vedu vanodzidziswa kuteerera mitemo yaMwari, uye izvi zvinosanganisira kuremekedza nekukudza vadzidzisi vavo.” Mumwe mudzidzisi akati: “Kudai vana vese vakaita sevenyu, kudzidzisa kungadai kuri nyore zvikuru.” Mavhiki akazotevera, mumwe wevadzidzisi ivavo akapinda gungano remunharaunda muguta reLeipzig.

18, 19. Chii chatinofanira kuyeuka pakukudza vakuru?

18 Tinofanira kutungamirirwa nemazano euchenjeri atinowana muShoko raMwari panyaya yekupa vakuru vari muungano rukudzo rwakakodzera. (Verenga VaHebheru 13:7, 17.) Tese tinokwanisa kurumbidza vakuru nemhaka yekushanda kwavo nesimba uye ndizvo zvatinofanira kuita. Tinofanirawo kuedza kutevedzera mirayiridzo yavanotipa. Izvi zvinogona kuvabatsira kuti varambe vachiita mabasa avo vachifara. Asi hazvirevi kuti tinoedza kutevedzera mukuru anozivikanwa zvikuru pamapfekero ake, mapiro aanoita hurukuro kunyange matauriro ake. Kana tikadaro, tinenge tichiita kuti vanhu vaone sekuti tiri kutevera munhu iyeye kwete Kristu. Hatifaniri kukanganwa kuti naiyewo munhu ane chivi. Kristu ndiye muenzaniso watinofanira kutevedzera.

19 Patinopa vakuru rukudzo neruremekedzo rwakakodzera asi tisingavabati sezvinoitwa vanhu venyika vakakurumbira, tinenge tichitovabatsira. Tinenge tichiita kuti zvive nyore kuti vadzivise kudada, kuzvionera pamusoro kana kuzviona sevasingakanganisi.

20. Kukudza vamwe kunotibatsira sei?

20 Kupa vamwe rukudzo rwakakodzera kunotibatsira kuti tidzivise kuzvifunga uye kunotibatsira kuti tirambe tichizvininipisa patinokudzwa. Kunoitawo kuti titevedzere sangano raJehovha iro risingapi vanhu rukudzo rwakapfurikidza kana kuti rwavasingakodzeri, vangava vatendi kana kuti kwete. Uyewo kuita izvozvo kuchenjera nokuti kunotibatsira kuti tisagumburwa kana mumwe munhu watinokudza akaita chimwe chinhu chinotiodza mwoyo.

21. Kupa vamwe rukudzo rwakakodzera kunonyanya kubatsirei?

21 Kupa vanhu rukudzo rwakakodzera kwakanyanya kunakira kuti kunofadza Jehovha. Patinoita izvozvo, tinenge tichiita zvaanoda uye tinoramba takavimbika kwaari. Izvi zvinoita kuti akwanise kupindura chero ani anoedza kumushora. (Zvir. 27:11) Nyika yakazara nevanhu vasingazivi kukudza vamwe zvakakodzera. Tinofara chaizvo kuti tinoziva kupa vamwe rukudzo sezvinodiwa naJehovha.