Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwoyo Wako Uchabatsirwa Nezvinhu Zvakanyorwa Here?

Mwoyo Wako Uchabatsirwa Nezvinhu Zvakanyorwa Here?

“Zvinhu izvi . . . zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.”—1 VAK. 10:11.

NZIYO: 11, 61

1, 2. Nei tava kuda kuongorora mienzaniso yemadzimambo mana aJudha?

KANA ukaona mumwe munhu achitsvedza odonha munzira, haungwarirewo here paunenge wava kufamba munzira iyoyo? Kuongorora zvikanganiso zvakaitwa nevamwe kunogona kutibatsira kuti tidzivise kuzoita zvikanganiso zvakadaro. Ndizvo zvazvakaitawo panyaya dzekunamata. Tinogona kuwana zvidzidzo zvinokosha kubva pazvikanganiso zvevamwe, kusanganisira zvevakanyorwa muBhaibheri.

2 Varume vana vatakadzidza nezvavo munyaya yakapfuura avo vaiva madzimambo aJudha vakashumira Jehovha nemwoyo wakakwana. Asi vakamboita zvikanganiso zvakakura. Tingadzidzei pane zvakaitika kwavari uye tingadzivisa sei kuita zvikanganiso zvavakaita? Kufungisisa nezvemienzaniso yavo kunogona kuita kuti tibatsirwe nezvinhu zvakanyorwa kare kuti tirayiridzwe.—Verenga VaRoma 15:4.

KUVIMBA NEUCHENJERI HWEVANHU KUNOPINZA MUNA TAISIREVA

3-5. (a) Kunyange zvazvo mwoyo waAsa wainge wakakwana kuna Jehovha, akaita chikanganiso chipi? (b) Chii chingangodaro chakaita kuti Asa asavimba naJehovha Bhaasha paakauya kuzorwisa Judha?

3 Ngatitangei nekuongorora zvakaitwa naAsa toona kuti Shoko raMwari ringatibatsira sei muupenyu. Asa akavimba naJehovha pakauya masoja 1 000 000 evaItiopiya kuzorwisa Judha, asi akatadza kuita izvozvo Bhaasha mambo weIsraeri paakatanga kuvaka guta reRama, iro raiva pamuganhu weumambo hweJudha. (2 Mak. 16:1-3) Paaida kurwisa Bhaasha, Asa akavimba neuchenjeri hwake ndokutenga Mambo Bheni-hadhadhi weSiriya kuti arwise Bhaasha. Zvakarongwa naAsa zvakabudirira here? Bhaibheri rinotaura kuti: “Bhaasha paakangozvinzwa, akabva arega kuvaka Rama, akamisa basa rake.” (2 Mak. 16:5) Pakutanga, Asa anogona kunge akafunga kuti akanga aita chisarudzo chakanaka.

4 Asi Jehovha akaona sei zvakaitwa naAsa? Mwari akatumira muprofita Hananai kuti atsiure Asa nekuti akanga asina kuvimba naJehovha. (Verenga 2 Makoronike 16:7-9.) Hananai akati, “Kubvira zvino hondo dzichauya kuzokurwisa.” Kunyange zvazvo Bhaasha akarega kuvaka Rama, Asa nevanhu vake vakazoramba vachirwiswa nevavengi panguva yese yaaitonga.

5 Sezvatakaona munyaya yakapfuura, Mwari akaongorora mwoyo waAsa uye akati wainge wakakwana. (1 Madz. 15:14) Kuna Mwari, Asa akanga akazvipira zvikuru kwaari, achiita zvaidiwa naJehovha. Asi aitozotambura nemhaka yekuti akaita zvinhu nekusachenjera. Paaida kurwisa Bhaasha, chii chakaita kuti Asa avimbe neuchenjeri hwake uye naBheni-hadhadhi panzvimbo pekuti avimbe naJehovha? Angangodaro akafunga here kuti kutsvaga nzira dzekurwisa nadzo Bhaasha kwaizoita kuti zvinhu zvimufambire pane kutsvaga kubatsirwa naMwari? Angangodaro akafunga izvozvo nekuti akapiwa zano risina kunaka here?

6. Tingadzidzei pachikanganiso chakaitwa naAsa? Taura muenzaniso.

6 Nyaya yaAsa ichaita here kuti tide kuongorora zvatinoita muupenyu? Patinosangana nematambudziko akanyanya kuoma, zvinogona kuva nyore kuona kuti tinofanira kuvimba naJehovha. Asi tinoita sei nenyaya diki dzezuva nezuva? Tinovimba nemafungiro evanhu here kuburikidza nekuedza kudzigadzirisa tega? Kana kuti tinoratidza here kuti tinovimba naJehovha kuburikidza nekutsvaga mazano emuBhaibheri toedza kuashandisa? Semuenzaniso, dzimwe nguva vemumhuri mako vangaedza kukutadzisa kupinda misangano kana kuti gungano. Pakadaro unokumbira Jehovha kuti akutungamirire uye akubatsire kuona kuti ungaita sei. Kana kuti ngatitii wakapererwa nebasa uye uri kutambura kuti uwane rimwe. Paunenge uchitaura nemunhu anogona kukupinza basa, ungamuudza here kuti uchagara uchipinda misangano vhiki nevhiki? Chero dambudziko ratingasangana naro, tinofanira kuteerera mashoko emunyori wePisarema uyo akati: “Isa nzira yako pana Jehovha, uvimbe naye, uye iye achazviita.”—Pis. 37:5.

CHII CHINGAITIKA KANA TIKASHAMWARIDZANA NEVAKAIPA?

7, 8. Jehoshafati akaita zvikanganiso zvipi uye zvakaguma nei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

7 Ko mwanakomana waAsa, Jehoshafati, akaitawo sei? Aiva neunhu hwakanaka hwaidiwa naMwari. Akaita zvinhu zvakawanda zvakanaka paaivimba naMwari. Asi akaitawo zvisarudzo zvairatidza kusachenjera. Semuenzaniso, akaroora kwaMambo Ahabhi akanga akaipa zvikuru, uyo aiva weumambo hwekuchamhembe hweIsraeri. Uye pasinei nenyevero yaakapiwa nemuprofita Mikaya, Jehoshafati akabatana naAhabhi pakunorwisa vaSiriya. Pairwiwa hondo yacho Jehoshafati akapona nepaburi retsono. Akabva adzokera kuJerusarema. (2 Mak. 18:1-32) Muprofita Jehu akabva amubvunza kuti: “Munofanira kubatsira vakaipa, uye kuda vanovenga Jehovha here?”—Verenga 2 Makoronike 19:1-3.

8 Jehoshafati akadzidza here pane zvakaitika kwaari? Kunyange zvazvo akaramba achishingaira kufadza Mwari, zvinoita sekuti haana kudzidza pane zvaakanga aita naAhabhi uye kubva panyevero yaakapiwa naJehu. Jehoshafati akaitazve chisarudzo chaisaratidza uchenjeri. Akabatana nemwanakomana waAhabhi ainzi Mambo Ahaziya, uyo ainge akaipa kwazvo uye ari muvengi waMwari. Jehoshafati naAhaziya vakabatana pakugadzira ngarava, idzo dzakaparadzwa dzisati dzatomboshandiswa.—2 Mak. 20:35-37.

9. Ushamwari hwakaipa hungakanganisa sei upenyu hwedu?

9 Kuverenga nyaya dzaJehoshafati kunofanira kuita kuti tide kuongorora upenyu hwedu. Tingazviita sei? Jehoshafati aiva mambo akanaka. Akaita zvinhu zvakanaka uye “akatsvaka Jehovha nomwoyo wake wose.” (2 Mak. 22:9) Asi kushamwaridzana nevanhu vakaipa kwakaita kuti zvinhu zvimuipire. Yeuka chirevo chemuBhaibheri chinoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvir. 13:20) Pamwe pacho tinogona kunge tiri kuedza kubatsira vanofarira kuti vauye muchokwadi. Asi kushamwaridzana kwakaita Jehoshafati naAhabhi kwakapotsa kwamuurayisa. Saizvozvowo, kana tikaita tsika nditsikewo nevanhu vasingashumiri Jehovha zvinogona kutipinza mungozi.

10. (a) Tinodzidzei kubva kuna Jehoshafati panyaya yekuroora kana kuroorwa? (b) Chii chatinofanira kuyeuka patinosangana nemuedzo wekushamwaridzana nevakaipa?

10 Tingadzidzei pane zvakaitika kuna Jehoshafati? MuKristu angatanga kuda mumwe munhu asingadi Jehovha, achifunga kuti munhu wekuroorana naye akakodzera haawaniki pakati pevaKristu vechokwadi. Kana kuti muKristu angamanikidzwa nehama dzake dzisingatendi kuti aroore kana kuroorwa nguva isati yanyanya kufamba. Uyewo, vamwe vanonzwa seimwe hanzvadzi yakati: “Takasikwa tichida kudiwa uye kuva neshamwari dzepedyo.” MuKristu anofanira kuita sei pakadaro? Kufungisisa zvakaitika kuna Jehoshafati kunogona kubatsira. Aiwanzogara achitsvaga kutungamirirwa naMwari. (2 Mak. 18:4-6) Asi chii chakaitika Jehoshafati paakatanga kushamwaridzana naAhabhi uyo akanga asingadi Jehovha? Jehoshafati aisafanira kukanganwa kuti maziso aJehovha anotarira vaya vane mwoyo wakakwana kwaari. Mazuva ano maziso aMwari ‘anotarira-tarirawo panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.’ (2 Mak. 16:9) Anonzwisisa zvatiri kusangana nazvo uye anotida. Unotenda here kuti kana uchida munhu wekuroorana naye akakodzera, Mwari anozviziva uye anoda kukubatsira? Iva nechokwadi chekuti pane imwe nguva achakubatsira!

Ngwarira ngozi yekusungwa zvisina kukodzera pajoko nemunhu asingatendi (Ona ndima 10)

USAREGA MWOYO WAKO UCHIZVIKUDZA

11, 12. (a) Hezekiya akabudisa sei zvaiva mumwoyo make? (b) Nei Hezekiya asina kuramba akatsamwirwa naMwari?

11 Tinodzidzei kubva kuna Hezekiya? Jehovha akabatsira Hezekiya kuti aone zvaiva mumwoyo make. (Verenga 2 Makoronike 32:31.) Hezekiya paakarwara zvakanyanya, Mwari akamupa chiratidzo chekuti aizopora. Chiratidzo chacho chaiva chekuti mumvuri wakadzoka kumashure. Machinda eBhabhironi akatuma nhume kuti dzinobvunza nezvechiratidzo ichocho. (2 Madz. 20:8-13; 2 Mak. 32:24) Achibudisa zvaiva mumwoyo make paakanga ‘asiyiwa’ naMwari, Hezekiya akaratidza vaBhabhironi ‘zvose zvaiva papfuma yake.’ Izvi zvakabudisa pachena “zvose zvaiva mumwoyo [maHezekiya].”

12 Bhaibheri haritiudzi kuti chii chakaita kuti mwoyo waHezekiya uzvikudze. Ungangodaro wakazvikudza nemhaka yekukunda kwaakaita vaAsiriya here kana kuti kuporeswa kwaakaitwa naMwari nenzira inoshamisa? Ungangodaro wakazvikudza here nekuti aiva “nepfuma zhinji kwazvo nokukudzwa kukuru kwazvo”? Pasinei nekuti chii chakaita kuti mwoyo waHezekiya uzvikudze, zvaakaita izvozvo zvakamutadzisa “kuitawo zvakanaka maererano nokubatsirwa kwaakaitwa.” Izvozvo zvinosuwisa chaizvo! Kunyange zvazvo Hezekiya akanga ashumira Jehovha nemwoyo wakakwana, pane imwe nguva akazvikudza uye Jehovha haana kufara nazvo. Asi “Hezekiya akazozvininipisa” uye iye nevanhu vake havana kuzoramba vakatsamwirwa naMwari.—2 Mak. 32:25-27; Pis. 138:6.

13, 14. (a) Ndepapi ‘patingasiyiwa naJehovha kuti atiedze’? (b) Tingaita sei patinorumbidzwa nemhaka yezvatinenge taita?

13 Tingabatsirwa sei nekuverenga uye kufungisisa nezvenyaya yaHezekiya? Yeuka kuti kuzvikudza kwaHezekiya kwakaoneka pashure pekunge Jehovha akunda Saniheribhi uye aporesa Hezekiya paakarwara zvekuda kufa. Isuwo patinoita zvimwe zvinhu zvakanaka, kungangodaro here kuri kuti Jehovha ‘ari kutisiya tega kuti atiedze,’ achibvumira kuti zviri mumwoyo medu zvibude pachena? Semuenzaniso, hama inogona kunge yashanda nesimba kuti igadzirire uye ipe hurukuro pamberi pevanhu vakawanda. Vakawanda vanoirumbidza pamusana pehurukuro yacho. Hama yacho ichaita sei nekurumbidzwa kwainenge ichiitwa?

14 Patinorumbidzwa, zvakanaka kuti tishandise mashoko aJesu ekuti: “Kana maita zvinhu zvose zvamunenge manzi muite, itii, ‘Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.’” (Ruka 17:10) Panyaya iyi yekurumbidzwa tinogona kudzidzawo pane zvakaitika kuna Hezekiya. Kuzvikudza kwake kwakaoneka pakuti “haana kuitawo zvakanaka maererano nokubatsirwa kwaakaitwa.” Kufungisisa zvatakaitirwa naMwari kuchatibatsira kuti tisava neunhu hunovengwa naJehovha. Tinogona kutaura nezvaJehovha uye kuti akatibatsira sei. Akatipa Magwaro Matsvene uye mweya mutsvene unotsigira vanhu vake.

NGWARIRA PAKUITA ZVISARUDZO

15, 16. Nei Josiya asina kuchengetedzwa naMwari uye akafa?

15 Ngatipedzisei nekuona kuti inyevero ipi yatinowana pane zvakaitika kuna Mambo Josiya ainge akanaka. Ona kuti chii chakaita kuti akundwe uye afe. (Verenga 2 Makoronike 35:20-22.) Josiya ‘akaenda kunorwisa’ Mambo Neko weIjipiti kunyange zvazvo mambo wacho akaudza Josiya kuti akanga asina kuuya kuzomurwisa. Bhaibheri rinoti mashoko aNeko “akabva mumuromo maMwari.” Saka nei Josiya akaenda kunomurwisa? Bhaibheri haritauri kuti akazviitirei.

16 Asi Josiya aizoziva sei kuti mashoko aNeko akanga abva mumuromo maJehovha? Aigona kubvunza Jeremiya, mumwe wevaprofita vakatendeka. (2 Mak. 35:23, 25) Asi hapana chinoratidza kuti ndizvo zvaakaita. Uyewo, Neko akanga akananga kuKakemishi kunorwisana “neimwe imba” kwete neJerusarema. Uyewo, zvaisava nechekuita nezita raMwari nekuti Neko akanga asiri kushora Jehovha kana vanhu vake. Saka Josiya haana kufunga zvakanaka paakaenda kunorwisa Neko. Pane chidzidzo chatinogona kushandisa here panyaya iyi? Patinosangana nedambudziko, zvakanaka kufunga kuti Jehovha angada kuti tiite sei panyaya yacho.

17. Patinosangana nedambudziko, tingadzivisa sei kuita chikanganiso sechakaitwa naJosiya?

17 Kana pakamuka dambudziko tinofanira kutsvaga kuti ipfungwa dzipi dzemuBhaibheri dzinoshanda panyaya yacho todzishandisa zvakanaka. Dzimwe nguva tingada kutaura nevakuru. Tinogona kunge takafunga zvatinoziva panyaya yacho uye takatsvakurudza mumabhuku edu. Asi panogona kunge paine dzimwe pfungwa dzemuBhaibheri dzekufunga nezvadzo dzatinogona kubatsirwa nemukuru kuti tiongorore. Semuenzaniso, hanzvadzi inoziva kuti inofanira kuita basa rekuparidza mashoko akanaka. (Mab. 4:20) Ngatitii hanzvadzi yacho inoronga kuenda kunoparidza mumwe musi, asi murume wayo asingatendi anoti isaenda. Murume wacho anoti vava nenguva vasina kumbotandara vese, saka ane kwaanoda kuti vamboenda. Ingafunga mavhesi eBhaibheri angaibatsira akadai seanotaura nezvekuteerera Mwari uye nezvemurayiro wekuita vadzidzi. (Mat. 28:19, 20; Mab. 5:29) Asi inofanira kufungawo nezvekuzviisa pasi pemurume wayo uye kuva munhu anonzwisisa. (VaEf. 5:22-24; VaF. 4:5) Murume wacho anotoirambidza zvachose here kuenda kunoparidza, kana kuti ari kuda kuti vambotandara vese musi mumwe chete? Tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa sezvatinoita kuda kwaMwari uye toedza kuva nehana yakanaka.

RAMBA UINE MWOYO WAKAKWANA UFARE

18. Ungabatsirwa sei nekuongorora nyaya dzemadzimambo mana atakurukura munyaya ino?

18 Sezvo tiine chivi dzimwe nguva tinogona kuitawo zvimwe zvikanganiso sezvakaitwa nemadzimambo mana atakurukura nezvawo. Tinogona (1) kuvimba neuchenjeri hwedu, (2) kushamwaridzana nevanhu vakaipa, (3) kutanga kuzvikudza, kana kuti (4) kuita zvisarudzo tisina kutanga tafunga kuti zvinodiwa naMwari ndezvipi. Asi Jehovha anoona zvakanaka matiri sezvaakaita kumadzimambo mana iwayo. Anoonawo kuti tinomuda zvakadini uye kuti tinoda sei kumushumira zvizere. Saka akatipa mienzaniso inotinyevera kuti atibatsire kuti tisaite zvikanganiso zvakakura. Ngatifungisisei nyaya idzi dzemuBhaibheri toratidza kuti tinoonga kuti Jehovha akatipa mienzaniso yakadaro!