Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mutongi Wenyika Yose” Anogara Achiita Zvakarurama

“Mutongi Wenyika Yose” Anogara Achiita Zvakarurama

“Iye iDombo, basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira.”​—DHEUT. 32:4.

NZIYO: 12, 135

1. Abrahamu akaratidza sei kuti aiva nechivimbo nekururamisira kwaJehovha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

“MUTONGI wenyika yose haasi kuzoita zvakarurama here?” (Gen. 18:25) Paakabvunza mubvunzo iwoyo, Abrahamu akaratidza kuti aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizotonga Sodhoma neGomora zvakarurama. Abrahamu aiva nechokwadi chekuti Jehovha aisazomboita zvisina kururama kuburikidza ‘nekuuraya munhu akarurama pamwe chete neakaipa.’ Abrahamu ‘aisakwanisa kufungidzira’ Mwari achiita zvakadaro. Papera makore anenge 400, Jehovha akataura nezvake pachake achiti: “Iye iDombo, basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; iye akarurama uye akatendeseka.”​—Dheut. 31:19; 32:4.

2. Nei tichigona kutaura kuti Jehovha haakwanisi kuita zvisina kururama?

2 Nei Abrahamu aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizopa mutongo wakarurama nguva dzose? Nekuti Jehovha ndiye anoratidza muenzaniso mukuru wekururamisira uye wekururama. Mashoko echiHebheru anoshandurwa kuti “kururamisira” uye “kururama” anowanzoshandiswa pamwe chete muMagwaro echiHebheru nekuti anoreva zvakafanana. Sezvo Jehovha ari iye anotiudza kuti zvakarurama ndezvipi, maonero ake akarurama nguva dzose. Uyewo Shoko rake pachake rinoti “anoda kururama nokururamisira.”​—Pis. 33:5.

3. Taura muenzaniso wemazuva ano unoratidza kuti munyika hamuna kururamisira.

3 Vanhu vakanaka vanonyaradzwa nekuziva kuti Jehovha anoruramisira nguva dzose. Sezvo nyika izere nekusaruramisira dzimwe nguva vanhu vanoitirwa zvinhu zvakaipa chaizvo. Semuenzaniso, vamwe vanhu vakatongerwa mhosva dzavasina kupara ndokuvharirwa mujeri. Vamwe vakazoonekwa kuti havana mhosva, pashure pekugara mujeri kwemakumi emakore, nyaya dzavo padzakaongororwazve pachishandiswa umboo hweDNA. Kunyange zvazvo kugara mujeri usina mhosva kuchishungurudza uye kuchirwadza zvikuru, pane kumwe kusaruramisira kungatonyanya kurwadza vaKristu.

MUUNGANO

4. Kutenda kwemuKristu kungaedzwa sei?

4 VaKristu vanotarisira kubatwa zvisina kururama nevanhu vasiri muungano yechiKristu. Asi kutenda kwedu kunogona kuedzwa kana tikaona sekuti pane kusaruramisira kuri kuitwa muungano kana kuti tikaona sekuti hatina kubatwa zvakanaka. Uchaita sei kana uchifunga kuti wabatwa zvisina kunaka muungano kana kuti nemumwe muKristu? Ucharega izvozvo zvichikutadzisa kunamata here?

5. Nei muKristu asingafaniri kushamisika kana akaona vamwe vachibatwa zvisina kunaka muungano kana kuti zvikaitika kwaari?

5 Sezvo tese tiine chivi uye tichikanganisa, tinoziva kuti isu pachedu tinogona kubatwa zvisina kunaka muungano kana kuti tinogona kubata mumwe muKristu zvisina kunaka. (1 Joh. 1:8) Kunyange zvazvo zvinhu zvakadaro zvisingawanzoitiki, vaKristu vakatendeka havashamisiki kana kurega kunamata kana izvozvo zvikaitika. Ndosaka Jehovha akatipa mazano anoshanda ari muShoko rake kuti atibatsire kuramba takaperera kwaari kunyange kana tikatadzirwa nevatinonamata navo.​—Pis. 55:12-14.

6, 7. Imwe hama yakasangana nekusaruramisira kwakaita sei muungano, uye chii chakaibatsira kubata nyaya yacho zvakanaka?

6 Funga zvakaitika kuna Willi Diehl. Kutanga muna 1931, Hama Diehl vakashumira vakatendeka paBheteri muBern, Switzerland. Muna 1946, vakapinda kirasi yechi8 yechikoro cheGiriyedhi muNew York, U.S.A. Pashure pekunge vagirajuweta, vakapiwa basa remudunhu muSwitzerland. Munyaya yavo youpenyu, Hama Diehl vakati: “Muna May 1949, ndakazivisa hofisi yebazi yaiva muBern kuti ndaironga kuchata.” Vakapindurwa kutii? “Hapana imwe ropafadzo yauchava nayo kunze kwekuva piyona wenguva dzose.” Hama Diehl vakaenderera mberi vachitsanangura kuti: “Ndaisabvumirwa kupa hurukuro . . . Vakawanda vakanga vasingachatikwazisi, vachitibata sevanhu vakadzingwa.”

7 Hama Diehl vakaitei nazvo? Vakati: “Kunyange zvakadaro, taiziva kuti kuroorana hakupesani neMagwaro, saka taigara tichinyengetera uye tichivimba naJehovha.” Maonero asina kunaka aiitwa wanano ayo ainge aita kuti pave nekusaruramisira akazogadziriswa, uye Hama Diehl vakadzorerwa ropafadzo dzavo. Kuvimbika kwavo kuna Jehovha kwakakomborerwa. * Tingada kuzvibvunza kuti: ‘Ndaizoratidza maonero akanaka akafanana naiwaya here kana ndikabatwa zvisina kunaka saizvozvo? Ndaizomirira Jehovha here, kana kuti ndaizoda kugadzirisa nyaya yacho ndega?’​—Zvir. 11:2; verenga Mika 7:7.

8. Nei ungaona sekuti wabatwa zvisina kururama kana kuona sekuti ndizvo zvaitirwa mumwe munhu muungano?

8 Pamwe pacho unogona kuona sekuti wabatwa zvisina kururama kana kuona sekuti ndizvo zvaitirwa mumwe munhu muungano. Izvi zvinogona kuitika nekuti tinenge tisingazivi zvese nezvenyaya yacho kana kuti chivi chatiinacho chinenge chichititadzisa kuona zvinhu neziso rakanaka. Kunyange tichinyatsonzwisisa nyaya yacho kana kuti kwete, kunyengetera kuna Jehovha, kuvimba naye uye kuramba takavimbika kwaari zvichaita kuti tisambofa ‘takatsamwira Jehovha.’​—Verenga Zvirevo 19:3.

9. Mienzaniso ipi yatichakurukura munyaya ino neinotevera?

9 Ngationgororei mienzaniso mitatu yekusaruramisira kwakaitika pakati pevanhu vaJehovha vanotaurwa muBhaibheri. Munyaya ino tichakurukura nezvaJosefa, muzukuruchibvi waAbrahamu, uye zvaakaitirwa nevakoma vake. Munyaya inotevera tichaongorora zvakaitwa naJehovha kuna Ahabhi Mambo weIsraeri uyewo zvakaitwa nemuapostora Petro paaiva muAndiyoki yeSiriya. Patinenge tichikurukura mienzaniso iyi, tsvaga zvidzidzo zvichakubatsira kuti urambe wakaisa pfungwa pazvinhu zvekunamata uye kuti urambe uri shamwari yaJehovha, kunyanya paunenge uchifunga kuti wabatwa zvisina kururama.

JOSEFA AKABATWA ZVISINA KURURAMA

10, 11. (a) Josefa akasangana nekusaruramisira kwakaita sei? (b) Josefa akawana mukana wei paaiva mujeri?

10 Josefa, mushumiri waJehovha akatendeka, akabatwa zvisina kunaka nevatorwa asi zvinotonyanya kurwadza ndezvekuti kunyange vakoma vake vakamubatawo saizvozvo. Paakanga ava kuda kusvitsa makore 20, vakoma vake vakamubata vakamutengesa kuti ave muranda. Akabva aendeswa kuIjipiti asingadi. (Gen. 37:23-28; 42:21) Pashure pemakore akati kuti ari munyika iyoyo, akapomerwa kuti aida kubata chibharo uye akabva aiswa mujeri nyaya yacho isina kutongwa. (Gen. 39:17-20) Kuva muranda uye kugara kwaakaita mujeri zvakaita makore anenge 13. Zvii zvatinodzidza pane zvakaitika kuna Josefa zvichatibatsira kana tikasabatwa zvakanaka nemunhu wemuungano?

11 Josefa akava nemukana wekutaura nyaya yake kune mumwe musungwa. Musungwa wacho aimbova mukuru wevadiri vaMambo. Josefa nemudiri wacho pavaiva mujeri, mudiri akarota hope, Josefa ndokudzidudzira. Josefa akataura kuti mudiri wacho aizodzorerwa pachinzvimbo chaaiva nacho mumba maFarao. Josefa paakatsanangura zvaainge afemerwa naMwari, akashandisa mukana wacho kuti ataure zvainge zvaitika kwaari. Tinowana zvidzidzo zvinokosha pane zvakataurwa naJosefa uyewo pane zvaakarega kutaura.​—Gen. 40:5-13.

12, 13. (a) Mashoko aJosefa kumudiri wamambo anoratidza sei kuti haana kungogamuchira chinyararire kusaruramisira kwaakaitirwa? (b) Zvii zvisina kutaurwa naJosefa paaikurukura nemudiri?

12 Verenga Genesisi 40:14, 15. Ona kuti Josefa akataura kuti akanga ‘abiwa.’ Zviri pachena kuti akanga aitirwa zvakaipa. Josefa akataurawo kuti akanga asina kupara mhosva yaakaisirwa mujeri. Nemhaka yaizvozvo, akakumbira mudiri wacho kuti azotaura nezvake kuna Farao. Nei? Akataura chinangwa chake achiti: ‘Kuitira kuti undibudise muimba ino.’

13 Mashoko aJosefa anoratidza here kuti akangogamuchira zvakaitika kwaari asina chimwe chinhu chaaiedza kuita nezvazvo? Kwete. Ainyatsoziva kuti ainge aitirwa zvinhu zvakawanda zvisina kururama. Ndokusaka akatsanangura zvainge zvaitika kwaari kumudiri wamambo uyo aigona kuzomubatsira. Zvisinei, ona kuti muMagwaro hapana chinoratidza kuti akaudza chero ani zvake, kunyange Farao, kuti vakoma vake ndivo vainge vamutengesa. Vakoma vake pavakauya kuIjipiti uye pavakanga vayanana naJosefa, Farao akavagamuchira ndokuvakoka kuti vagare muIjipiti uye kuti vagare ‘munzvimbo yakanaka yenyika yose yeIjipiti.’​—Gen. 45:16-20.

Mashoko akaipa anogona kuita kuti dambudziko riwedzere kukura (Ona ndima 14)

14. Chii chichatibatsira kuti tisava pamuedzo wekutaura mashoko akaipa kunyange patinenge tabatwa zvisina kururama?

14 MuKristu paanoona sekuti abatwa zvisina kururama anofanira kungwarira kuti asaparadzira mashoko anokuvadza. Asi zvakakodzera kuti atsvage kubatsirwa nevakuru uye kuvazivisa kana munhu ari muungano aita chivi chakakura. (Revh. 5:1) Kunyange zvakadaro, munyaya dzakawanda dzekuti panenge pasina chivi chakakura chakaitwa nyaya inogona kugadziriswa pasina kupinza mumwe munhu, kunyange vakuru. (Verenga Mateu 5:23, 24; 18:15.) Ngativei vanhu vakavimbika toshandisa mazano eBhaibheri pakugadzirisa nyaya dzakadaro. Mune dzimwe nyaya, tinogona kutozoona kuti tinenge tisina kumbobatwa zvisina kunaka. Zvinotifadza chaizvo kuti tinenge tisina kuita kuti nyaya yacho iwedzere kuipa kuburikidza nekuchera mumwe muKristu. Yeuka kuti kunyange takarurama kana kuti kwete, kutaura mashoko anokuvadza hakuzombofi kwakagadzirisa zvinhu. Kuvimbika kuna Jehovha uye kuhama dzedu kuchatidzivirira kuti tisaita chikanganiso chakadaro. Achitaura nezvemunhu “anofamba asina mhosva,” munyori wepisarema akati: “Iye anenge asina kuchera vamwe norurimi rwake. Anenge asina chakaipa chaakaitira shamwari yake, anenge asina kuzvidza waanonyatsozivana naye.”​—Pis. 15:2, 3; Jak. 3:5.

YEUKA USHAMWARI HWAKO NAJEHOVHA

15. Josefa akakomborerwa sei nemhaka yekuti aiva neushamwari hwakanaka naJehovha?

15 Tinowana chidzidzo chinokosha paushamwari hwaJosefa naJehovha. Mumakore anenge 13 aaibatwa zvisina kunaka, Josefa akaratidza kuti aiona zvinhu semaonero anoita Jehovha. (Gen. 45:5-8) Haana kumbobvira apomera Jehovha kuti ndiye ainge akonzera zvakaitika kwaari. Kunyange zvazvo asina kukanganwa kutadzirwa kwaakaitwa, izvozvo hazvina kubva zvamushayisa mufaro. Chinonyanya kukosha ndechekuti haana kubvumira kuti kukanganisa kwevamwe kumuparadzanise naJehovha. Kuvimbika kwaJosefa kwakamupa mukana wekuona Jehovha achigadzirisa kusaruramisira kwacho uye achimukomborera iye nemhuri yake.

16. Nei tichifanira kuwedzera kuswedera pedyo naJehovha kana tikabatwa zvisina kururama muungano?

16 Saizvozvowo, tinofanira kukoshesa uye kuchengetedza ushamwari hwedu naJehovha. Ngatisambobvumira kuti kukanganisa kwehama dzedu kutiparadzanise naMwari watinoda uye watinonamata. (VaR. 8:38, 39) Asi kana tikabatwa zvisina kururama newatinonamata naye, ngatitevedzerei Josefa towedzera kuswedera pedyo naJehovha, tichishanda nesimba kuti tive nemaonero ake. Kana taita zvese zvatinogona kuti tigadzirise nyaya yacho tichishandisa mazano eBhaibheri, tinofanira kuisiyira kuna Jehovha, tichivimba kuti achaigadzirisa panguva yake uye nenzira yake.

VIMBA ‘NEMUTONGI WENYIKA YOSE’

17. Tingaratidza sei kuti tinovimba ‘neMutongi wenyika yose’?

17 Chero bedzi tichiri munyika ino, tinogona kutarisira kubatwa zvisina kururama. Apo neapo, iwe kana mumwe munhu waunoziva munogona kubatwa zvisina kunaka kana kuona sekuti pane kusaruramisira kuri kuitika muungano. Usarega izvozvo zvichikutadzisa kunamata. (Pis. 119:165) Asi sevashumiri vaMwari vakatendeka, tinoramba takavimbika, tichinyengetera uye tichivimba naye. Panguva imwe chete tinofanira kubvuma kuti tingasaziva zvese nezvenyaya yacho. Tinonyatsoziva kuti dambudziko racho rinogona kunge riri pamaonero atinoita nyaya yacho sevanhu vane chivi. Sezvatadzidza pamuenzaniso waJosefa, tinoda kudzivisa kutaura mashoko akaipa, tichiziva kuti mashoko akadaro anoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Pakupedzisira, pane kuti tiedze kugadzirisa zvinhu tega, ngatitsungei kuva vanhu vakavimbika tichimirira Jehovha kuti agadzirise zvinhu. Izvozvo zvinoita kuti tifarirwe naJehovha uye atikomborere sezvaakaita Josefa. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha, “Mutongi wenyika yose,” acharamba achiita zvakarurama “nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira.”​—Gen. 18:25; Dheut. 32:4.

18. Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Munyaya inotevera tichaona mimwe mienzaniso miviri yekusaruramisira kwakaitika pakati pevanhu vaJehovha vanotaurwa muBhaibheri. Kuongorora mienzaniso iyoyo kucharatidza kuti kuzvininipisa uye kuda kuregerera vamwe zvakabatana papi nemaonero anoita Jehovha kururamisira.

^ ndima 7 Ona nyaya youpenyu yaWilli Diehl inoti, “Jehovha ndiMwari Wangu, Wandichavimba Naye,” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 1991.