Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ripa Zvaunopika”

“Ripa Zvaunopika”

“Uripe mhiko dzako kuna Jehovha.”​MAT. 5:33.

NZIYO: 124, 51

1. (a) Mutongi Jefta naHana vakanga vakafanana papi? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.) (b) Mibvunzo ipi ichapindurwa munyaya ino?

JEFTA aiva mutungamiriri akashinga; Hana aiva mudzimai aizviisa pasi pemurume wake. Jefta aiva murwi asingatyi; Hana aiva mudzimai aizvininipisa uye aigona kuchengeta musha wake nemhuri yake. Kunze kwekunamata Mwari mumwe chete, ndezvipi zvimwe zvainge zvakafanana pana Mutongi Jefta naHana, mudzimai waErikana? Vese vakaita mhiko kuna Mwari, uye vakaripa mhiko dzavakaita kwaari. Vakaratidza muenzaniso wakanaka kuvarume nevakadzi vanosarudza kuita mhiko kuna Jehovha mazuva ano. Asi pane mimwe mibvunzo inovapo yakadai seiyi: Chii chinonzi mhiko? Kuita mhiko kuna Mwari inyaya yakakura zvakadini? Tinowana zvidzidzo zvipi pana Jefta naHana?

2, 3. (a) Chii chinonzi mhiko? (b) Magwaro anotii nezvekuita mhiko kuna Mwari?

2 MuBhaibheri, mhiko ivimbiso inokosha inoitwa kuna Mwari. Munhu anogona kuvimbisa kuita chimwe chinhu, kupa chipo, kuitira Jehovha rimwe basa, kana kurega zvimwe zvinhu. Munhu anozvisarudzira ega kuita mhiko. Zvisinei, Mwari anoona mhiko sechinhu chitsvene uye chinofanira kuripwa. (Gen. 14:22, 23; VaH. 6:16, 17) Magwaro anotii nezvekukura kwenyaya yekuita mhiko kuna Mwari?

3 Mutemo waMosesi wakati: “Kana munhu akapika kuna Jehovha kana kuti akapika mhiko yokuti asunge mweya wake . . . , haafaniri kuputsa shoko rake. Anofanira kuita maererano nezvose zvakabuda mumuromo make.” (Num. 30:2) Soromoni akazofemerwa kunyora kuti: “Pose paunopika mhiko kuna Mwari, usanonoka kuiripa, nokuti haafariri mapenzi. Ripa zvaunopika.” (Mup. 5:4) Jesu akaratidzawo kuti kuita mhiko inyaya yakakura paakati: “Zvakanzi kune vomunguva yekare, ‘Usapika usingaiti, asi uripe mhiko dzako kuna Jehovha.’”—Mat. 5:33.

4. (a) Kuita mhiko kuna Mwari inyaya yakakura zvakadini? (b) Tichadzidzei nezvaJefta naHana?

4 Saka zviri pachena kuti kuita mhiko kuna Mwari inyaya yakakura chaizvo. Maonero atinoita mhiko dzedu anosimbisa kana kuti anokanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Dhavhidhi akanyora kuti: ‘Ndiani angakwira mugomo raJehovha, Uye ndiani angasimuka munzvimbo yake tsvene? Ani naani asina kupika zvenhema neupenyu Hwangu [Jehovha], kana kupika achinyengera.’ (Pis. 24:3, 4) Jefta naHana vakaita mhiko dzei, uye zvaiva nyore here kuti vadziripe?

VAKARIPA MHIKO DZAVO KUNA MWARI

5. Jefta akapika kutii, uye chii chakazoitika?

5 Jefta akachengeta vimbiso yaakaita kuna Mwari paakanga ava kuda kuenda kunorwisa vaAmoni, avo vaishungurudza vanhu vaMwari. (Vat. 10:7-9) Achida chaizvo kukunda, Jefta akapika kuti: “Chokwadi kana mukaisa vanakomana vaAmoni muruoko rwangu, munhu achabuda, anobuda mumasuo eimba yangu kuzondichingura pandinodzokera norugare ndichibva kuvanakomana vaAmoni, achavawo waJehovha.” Chii chakazoitika? VaAmoni vakakundwa, uye mwanasikana waJefta waaida ndiye akabuda kuzomuchingura paakadzoka. Ndiye ‘aizova waJehovha.’ (Vat. 11:30-34) Izvozvo zvaireva kuti aifanira kuzoita sei?

6. (a) Zvaiva nyore here kuti Jefta nemwanasikana wake varipe mhiko yaJefta? (b) Tinodzidzei nezvekuita mhiko pana Dheuteronomio 23:21, 23 uye Pisarema 15:4?

6 Kuti aripe mhiko yababa vake, mwanasikana waJefta aifanira kushumira Jehovha nguva yakazara patebhenekeri. Jefta akanga aita mhiko yacho asina kufunga here? Aiwa. Angangodaro ainyatsoziva kuti mwanasikana wake ndiye aigona kuzobuda kuti amuchingure. Kunyange zvakadaro, zvakanga zvakaomera baba nemwanasikana wavo kuti varipe mhiko yacho. Kwaitova kuzvipira chaiko. Paakaona mwanasikana wake, Jefta ‘akabvarura nguo dzake’ akataura mashoko anoratidza kuti akarwadziwa mumwoyo make. Mwanasikana wake ‘akasvimha misodzi nokuda kwoumhandara hwake.’ Nei akadaro? Jefta akanga asina mwanakomana uye mwanasikana wake mumwe chete aisazokwanisa kuroorwa omuberekera vazukuru. Pakanga pasina nzira yekuchengetedza nayo zita remhuri nenhaka yemhuri. Asi handizvo zvainyanya kukosha. Jefta akati: “Ndashama muromo wangu kuna Jehovha, uye handikwanisi kurega.” Uye mwanasikana wake akapindura kuti: “Ndiitirei maererano nezvabuda mumuromo menyu.” (Vat. 11:35-39) Jefta nemwanasikana wake vakanga vakavimbika zvekuti vaisazombofunga kuputsa mhiko yakanga yaitwa kuna Mwari Wokumusorosoro, pasinei nekuti zvaizovarwadza sei.—Verenga Dheuteronomio 23:21, 23; Pisarema 15:4.

7. (a) Hana akaita mhiko yei, akaiitirei uye zvakamufambira sei? (b) Mhiko yakaitwa naHana yaizoita kuti Samueri ave neupenyu hwakaita sei? (Ona mashoko emuzasi.)

7 Hana akaripawo mhiko yaakanga aita kuna Jehovha. Paakaita mhiko yake akanga achinetseka uye aitambudzika zvikuru nekuti akanga asina mbereko uye aigara achitsvinyirwa. (1 Sam. 1:4-7, 10, 16) Hana akaudza Jehovha zvaiva kutsi kwemwoyo wake ndokupika kuti: “Haiwa Jehovha wemauto, chokwadi kana mukatarira kutambudzika kwomurandasikana wenyu, mukandiyeuka, mukasakanganwa murandasikana wenyu uye mukapa murandasikana wenyu mwana mukomana, ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, uye musoro wake hauzoveurwi nechisvo.” * (1 Sam. 1:11) Munyengetero waHana wakapindurwa uye akabereka mwanakomana wake wedangwe. Hana akafara chaizvo. Asi haana kukanganwa mhiko yaakanga aita kuna Mwari. Paakabereka mwana wake mukomana, akati: “Ndakamukumbira kuna Jehovha.”​—1 Sam. 1:20.

8. (a) Zvaiva nyore here kuti Hana aripe mhiko yake? (b) Mashoko aDhavhidhi ari muPisarema 61 anokuyeuchidzei nezvemafungiro akanaka aiva naHana?

8 Samueri paakangorumurwa, zvichida aine makore matatu, Hana akaita zvaakanga apika kuna Mwari. Haana kana kumbofunga nezvekusaripa mhiko yake. Akaenda naSamueri kuna Eri, Mupristi Mukuru, kutebhenekeri yaiva muShiro ndokuti: “Ndakanyengetera pamusoro pomukomana uyu [uye Jehovha akandipa] chikumbiro changu chandakamukumbira. Iniwo, ndamupa Jehovha. Mazuva ose aanenge ari mupenyu, ndiye akakumbirirwa Jehovha.” (1 Sam. 1:24-28) Paakanga ari kuShiro, “mukomana wacho Samueri akaramba achikura Jehovha ainaye.” (1 Sam. 2:21) Zvaisava nyore kuti Hana aripe mhiko yake. Aida mwanakomana wake chaizvo, asi aisazokwanisa kuva naye zuva nezuva achiri mudiki. Funga kuti aisuwa sei kumumbundira, kutamba naye uye kumurera. Kunyange zvakadaro, haana kumbodemba kuripa kwaakaita mhiko yake kuna Mwari. Mwoyo wake waifara muna Jehovha.​—1 Sam. 2:1, 2; verenga Pisarema 61:1, 5, 8.

Uri kuripa mhiko dzako kuna Jehovha here?

9. Mibvunzo ipi yatichapindura?

9 Sezvo tava kunzwisisa kuti kuita mhiko kuna Mwari inyaya yakakura chaizvo, ngationgororei mibvunzo iyi: Imhiko dzipi dzatingaita sevaKristu? Uyewo, nei zvichikosha kuti tiripe mhiko dzedu?

MHIKO YAKO YEKUZVITSAURIRA

Mhiko yekuzvitsaurira (Ona ndima 10)

10. Ndeipi mhiko inonyanya kukosha inoitwa nemuKristu uye inosanganisirei?

10 Mhiko inonyanya kukosha inoitwa nemuKristu ndeyekutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Nei zvakadaro? Nekuti munhu anonyengetera ari ega achivimbisa Jehovha kuti achashandisa upenyu hwake hwese pakumushumira kunyange zvodini. Sezvakataurwa naJesu, munhu ‘anozviramba,’ kureva kuti anopika kuti achaisa kuda kwaMwari pekutanga muupenyu hwake. (Mat. 16:24) Kubvira musi iwoyo zvichienda mberi, ‘anenge ava waJehovha.’ (VaR. 14:8) Munhu wese anozvitsaurira anofanira kukoshesa mhiko yake sezvakaitwa nemunyori wemapisarema uyo akataura nezvemhiko dzaakanga aita kuna Mwari achiti: “Ndicharipa Jehovha nechii nokuda kwezvose zvaakandibatsira nazvo? Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha, chokwadi ndichazviita pamberi pevanhu vake vose.”​—Pis. 116:12, 14.

11. Pawakabhabhatidzwa chii chawakazivisa?

11 Wakatsaurira upenyu hwako kuna Jehovha ndokuratidza kuzvitsaurira ikoko nekubhabhatidzwa mumvura here? Kana wakadaro wakaita zvakanaka chaizvo. Yeuka kuti musi wawakabhabhatidzwa, wakabvunzwa pamberi pezvapupu kuti wakanga wazvitsaurira here kuna Jehovha uye kuti wainzwisisa here “kuti kuzvitsaurira kwako uye kubhabhatidzwa zvinoita kuti uve mumwe weZvapupu zvaJehovha wakabatana nesangano raMwari rinotungamirirwa [nemweya mutsvene].” Pawakapindura uchiti hongu wakatozivisa pachena kuzvitsaurira kwako uye wakaratidza kuti waikodzera kubhabhatidzwa semushumiri waJehovha akagadzwa. Izvozvo zvinofanira kunge zvakaita kuti Jehovha afare chaizvo.

12. (a) Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza? (b) Petro akatikurudzira kuti tive neunhu hwakaita sei?

12 Zvisinei, kubhabhatidzwa angori mavambo. Kana tabhabhatidzwa, tinoda kuramba tichirarama zvinoenderana nekuzvitsaurira kwedu tichishumira Mwari takatendeka. Saka, tingazvibvunza kuti: ‘Ndafambira mberi zvakadini pakunamata kubva pandakabhabhatidzwa? Ndiri kuramba ndichishumira Jehovha nemwoyo wese here? (VaK. 3:23) Ndiri kunyengetera, kuverenga Shoko raMwari, kupinda misangano yeungano uye kuita ushumiri kakawanda sezvandinogona here? Ndava kuregeredza kuita zvinhu izvi here?’ Muapostora Petro akatsanangura kuti tinogona kudzivisa kuva vanhu vasingaiti basa kana tikaramba tichiwedzera zivo, kutsungirira uye kuzvipira kuna Mwari pakutenda kwedu.​—Verenga 2 Petro 1:5-8.

13. MuKristu akazvitsaurira ndokubhabhatidzwa anofanira kuzivei?

13 Hazviiti kuti tidzime mhiko yekuzvitsaurira kwatakaita kuna Mwari. Kana munhu akaneta nekushumira Jehovha kana kuti nekurarama semuKristu, haakwanisi kutaura kuti akanga asina kunyatsozvitsaurira uye kuti kubhabhatidzwa kwake kwakanga kusingashandi. * Pasinei nezvaangataura, paakabhabhatidzwa, aitozivisa vanhu vese kuti akazvitsaurira zvizere kuna Mwari. Saka achazvidavirira kuna Jehovha neungano kana akaita chivi chakakura. (VaR. 14:12) Hatidi kumbofanana nevanhu vakanzi naJesu: “Wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga.” Panzvimbo pezvo, tinoda kuti Jesu akwanise kutaura nezvedu achiti: “Ndinoziva mabasa ako, norudo rwako nokutenda noushumiri nokutsungirira, uye kuti mabasa ako enguva pfupi yapfuura anopfuura aya ekare.” (Zvak. 2:4, 19) Ngatiitei zvese zvatinogona kuti tifadze Jehovha nekurarama maererano nemhiko yedu yekuzvitsaurira kwaari.

MHIKO YAKO YEMUCHATO

Mhiko yemuchato (Ona ndima 14)

14. Ndeipi mhiko yechipiri inonyanya kukosha ingaitwa nemunhu uye nei?

14 Mhiko yechipiri inonyanya kukosha ingaitwa nemunhu imhiko yemuchato. Nemhaka yei? Nekuti wanano itsvene. Murume nemukadzi vanoita mhiko dzavo dzemuchato pamberi paMwari nezvapupu. Vanowanzovimbisana kuti vachadanana, vachachengetana uye vacharemekedzana uye kuti vachaita izvozvo “chero bedzi [vese] vari vaviri vachararama pamwe chete pasi pano maererano nourongwa hwaMwari hwokuroorana.” Vamwe vanogona kunge vasina kushandisa mashoko aya chaiwo, asi vakatoita mhiko pamberi paMwari. Pashure pekuita mhiko, vanonzi vava murume nemudzimai, uye vanofanira kuramba vachigara vese kweupenyu hwese. (Gen. 2:24; 1 VaK. 7:39) Jesu akati: “Naizvozvo ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari,” angava murume kana mudzimai wacho kana kuti mumwe munhuwo zvake. Saka vanhu vari kupinda muwanano havafaniri kufunga kuti kana vakasawirirana vanogona kungorambana.​—Mako 10:9.

15. Nei vaKristu vasingafaniri kurerutsa wanano sezvinoitwa nevanhu vari munyika?

15 Ichokwadi kuti hapana kumbobvira pava newanano isina matambudziko. Wanano imwe neimwe inoumbwa nevanhu vaviri vane chivi. Ndokusaka Bhaibheri richitaura kuti vakaroorana ‘vachava nedambudziko’ pane dzimwe nguva. (1 VaK. 7:28.) Zvinosuwisa kuti vakawanda munyika vanorerutsa wanano. Kana zvikanetsa mumba mavo, vanongokanda mapfumo pasi, vosiya wavakaroorana naye. Asi vaKristu havafaniri kuita zvakadaro. Kutadza kuripa mhiko yemuchato kwakafanana nekureva nhema pamberi paMwari, uye Mwari anovenga vanhu vanoreva nhema. (Revh. 19:12; Zvir. 6:16-19) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Wakasunganidzwa nomudzimai here? Rega kutsvaka kusunungurwa.” (1 VaK. 7:27) Pauro aigona kudaro nekuti aiziva kuti Jehovha anovengawo kurambana kune unyengeri mukati.​—Mar. 2:13-16.

16. Bhaibheri rinotii nezvekurambana uye kuparadzana?

16 Jesu akadzidzisa kuti chikonzero chimwe chete chemuMagwaro chinogona kuita kuti mhiko yemuchato isunungurwe ndechekuti mumwe munhu anoita upombwe mumwe wake obva asarudza kusamuregerera. (Mat. 19:9; VaH. 13:4) Ko zvakadini nekuparadzana newaakaroorana naye? Zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi zvakajeka. (Verenga 1 VaKorinde 7:10, 11.) Bhaibheri haritauri kuti vanhu vanofanira kuparadzana kana zvaita sei. Zvisinei, mumwe muKristu anogona kuona zvakakodzera kuti aparadzane newaakaroorana naye kana upenyu hwake kana kuti ushamwari hwake naMwari huri pangozi. Anogona kunge achirohwa zvakanyanya kana kuti achipikiswa nemumwe wake anenge akasiya kunamata. *

17. VaKristu vakaroorana vangaitei kuti wanano yavo igare kweupenyu hwese?

17 Kana vakaroorana vakaenda kuvakuru veungano vachitsvaga mazano ekugadzirisa matambudziko emuwanano yavo, vakuru vanofanira kuvabvunza kuti vakaona here vhidhiyo inonzi Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi? uye kuti vakadzidza here pamwe chete bhurocha rinonzi Mhuri Yenyu Inogona Kufara. Nemhaka yei? Nekuti zvinhu izvi zvine mazano emuBhaibheri akabatsira vakawanda kusimbisa wanano dzavo. Mumwe murume nemudzimai vakati: “Kubva patakatanga kudzidza bhurocha iri, tiri kufara muwanano yedu zvatanga tisati tamboita.” Mumwe mudzimai akataura nezvewanano yake yemakore 22, iyo yakanga yava kuda kuparara, achiti: “Tese takabhabhatidzwa, asi manzwiro uye mafungiro atakanga tava kuita nezveupenyu akanga asiyana. Vhidhiyo iyi yakauya panguva chaiyo. Zvinhu zvava nani chaizvo muwanano yedu.” Uri muwanano here? Ita zvese zvaunogona kuti ushandise mazano aJehovha muwanano yako. Kuita izvi kunogona kukubatsira kuti ufare sezvaunoripa mhiko yako yemuchato.

MHIKO YEVARI MUBASA CHAIRO RENGUVA YAKAZARA

18, 19. (a) Vabereki vakawanda vechiKristu vari kuitei? (b) Tingatii nezvevaya vari mubasa chairo renguva yakazara?

18 Waona here kuti chii chimwe chakanga chakafanana pana Jefta naHana? Mhiko dzavo dzakaita kuti vana vavo vazoshandisa upenyu hwavo hwese pakuita basa dzvene patebhenekeri. Izvi zvakaita kuti vana vavo vararame upenyu hunogutsa chaizvo. Mazuva ano, vabereki vakawanda vechiKristu vari kukurudzira vana vavo kuti vaite basa renguva yakazara uye kuti vashandise upenyu hwavo pakushumira Mwari. Vaya vari kuita izvi vanofanira kurumbidzwa nemwoyo wese.​—Vat. 11:40; Pis. 110:3.

Mhiko yebasa chairo renguva yakazara (Ona ndima 19)

19 Parizvino, kune vanhu 67 000 vari muBoka Romunyika Yose Revashumiri Chaivo Venguva Yakazara reZvapupu zvaJehovha. Vamwe vanoshanda paBheteri, vamwe vanoita basa rekuvaka uye vamwe vatariri vematunhu. Vamwe vanoshumira sevarayiridzi vari mundima, * mapiyona chaiwo, mamishinari, vashandi vepadzimba dzemagungano kana kuti vashandi vepazvivako zvinoitirwa zvikoro zvesangano. Vese vakaita mhiko yekubvuma kurarama upenyu husina twakawanda wanda, kusaita basa rinovapa mari vasina kupiwa mvumo uye kuita chero zvavanonzi vaite kuti basa reUmambo rifambire mberi. Vanonzi vashumiri chaivo kwete nekuti vakakosha kupfuura vamwe vashumiri vese vaMwari asi mabasa avanoita ndiwo anokosha. Vakatsunga kuramba vachirarama maererano nemhiko yavakaita chero bedzi vachiri mubasa chairo renguva yakazara.

20. Chii chatinofanira kuita “zuva nezuva,” uye nei?

20 Pamhiko dzatakurukura dzatingaita kuna Mwari, wakaita ngani? Unonyatsoziva kuti mhiko dzawakaita hadzifaniri kurerutswa. (Zvir. 20:25) Kukundikana kuita zvatakavimbisa Jehovha uye kukundikana kuripa mhiko dzedu kunogona kukanganisa ushamwari hwedu naye. (Mup. 5:6) Saka ngatifarei ‘tichiimbira zita raJehovha nokusingaperi sezvatinoripa mhiko dzedu zuva nezuva.’​—Pis. 61:8.

^ ndima 7 Maererano nemhiko yakaitwa naHana, mwana wake aizova muNaziri kweupenyu hwake hwese. Izvi zvinoreva kuti aizotsaurwa kuti aitire Jehovha basa dzvene.​—Num. 6:2, 5, 8.

^ ndima 13 Tichifunga nezvematanho anotorwa nevakuru kuti vaone kana munhu achikodzera kubhabhatidzwa, kashoma chaizvo kuti kubhabhatidzwa kwemunhu kunzi hakushandi.

^ ndima 16 Ona nyaya inoti: “Zvinotaura Bhaibheri Nezvokurambana Uye Kuparadzana” iri muMashoko Okuwedzera mubhuku rinonzi “Rambai Muri Murudo rwaMwari.”

^ ndima 19 Varayiridzi vari mundima ihama dzinodzidzisa Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo, Chikoro Chevakuru Veungano kana kuti Chikoro Chevatariri Vematunhu Nemadzimai Avo. Kakawanda kacho vanodzidzisira paDzimba Dzemagungano, paDzimba dzeUmambo kana pazvivako zvinoitirwa zvikoro zvesangano.