Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatsira ‘Vatorwa’ Kuti ‘Vashumire Jehovha Vachifara’

Kubatsira ‘Vatorwa’ Kuti ‘Vashumire Jehovha Vachifara’

“Jehovha anorinda vatorwa.”​—PIS. 146:9.

NZIYO: 17, 109

1, 2. (a) Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzinosangana nematambudziko api? (b) Mibvunzo ipi inovapo?

“PAKATANGA hondo yevagari vemuBurundi, mhuri yedu yakanga iri pagungano,” yakadaro imwe hama inonzi Lije. “Taiona vanhu vachimhanya vachiridza pfuti. Vabereki vangu nesu vana 11 takatiza tiine zvinhu zvishomanana chete. Vamwe vemumhuri yedu vakazosvika kune mumwe musasa wevapoteri kuMalawi pashure perwendo rwemakiromita 1 600. Vamwe takaenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana.”

2 Pasi rose, pava nevapoteri vanopfuura 65 000 000 vakatiza misha yavo nemhaka yehondo kana kutambudzwa. Hapasati pambova nevapoteri vakawanda kudaro. * Pakati pavo pane zviuru zveZvapupu zvaJehovha. Vakawanda vakarasikirwa nehama dzavo nezvinhu zvavo. Vamwe vavo vakasangana nemamwe matambudziko api? Tingabatsira sei hama nehanzvadzi idzi kuti “dzishumire Jehovha dzichifara” pasinei nematambudziko adzo? (Pis. 100:2) Uye tingaparidzira sei mashoko akanaka kuvapoteri vanenge vasati vaziva nezvaJehovha?

UPENYU HWEMUPOTERI

3. Jesu uye vamwe vateveri vake vakawanda vakasvika sei pakuva vapoteri?

3 Pashure pekunge ngirozi yaJehovha yanyevera Josefa kuti Mambo Herodhi aida kuuraya Jesu, Jesu nevabereki vake vakava vapoteri muIjipiti. Vakaramba variko kusvikira Herodhi afa. (Mat. 2:13, 14, 19-21) Papera makumi emakore vadzidzi vaJesu vepakutanga “vakapararira munzvimbo dzose dzeJudhiya neSamariya” nemhaka yekutambudzwa. (Mab. 8:1) Jesu aiziva kuti vateveri vake vakawanda vaizomanikidzwa kusiya misha yavo. Akati: “Pavanokutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe.” (Mat. 10:23) Kutiza kwagara kwakangooma pasinei nekuti kwakonzerwa nei.

4, 5. Ingozi dzipi dzinosangana nevapoteri (a) pavanenge vachitiza? (b) pavanenge vachigara mumusasa wevapoteri?

4 Vapoteri vanogona kusangana nengozi dzakasiyana-siyana pavanenge vachitiza kana kuti pavanenge vari mumusasa wevapoteri. “Takafamba kwemavhiki tichiona zvitunha zvakawanda munzira,” anodaro Gad, munin’ina waLije. “Ndaiva nemakore 12. Makumbo angu akazvimba zvekuti ndakaudza vamwe vemumba medu kuti vaende havo vachindisiya. Baba vangu havana kuda kundisiya kuti ndizotorwa nevapanduki saka vakanditakura. Taingofunga chete zvinhu zvataida zuva rimwe nerimwe uye tainyengetera kuna Jehovha tichivimba naye. Dzimwe nguva taingodya mango chete, idzo dzataitemha mumiti yaiva munzira.”​—VaF. 4:12, 13.

5 Vakawanda vemumhuri maLije vakazopedzisira vava kugara mumisasa yevapoteri yeUnited Nations. Asi paivawo nedzimwe ngozi dzaiva mumisasa iyi. Lije, uyo ava mutariri wedunhu anoti: “Vanhu vakawanda vakanga vasina mabasa. Vaiita makuhwa, vaidhakwa, vaiita zvekubheja, vaiba uye vaiita unzenza.” Kuti vakurire miedzo iyi, vanhu vaJehovha vaiva mumisasa yacho vaifanira kugara vachishingaira pakuita mabasa ekunamata. (VaH. 6:11, 12; 10:24, 25) Kuti varambe vakasimba pakunamata, vaishandisa nguva yavo zvakanaka, uye vakawanda vakazviita kuburikidza nekupayona. Vakaramba vachiyeuka kuti kugara kwavo mumisasa yevapoteri kwaizopera sekupera kwakaita rwendo rwevaIsraeri murenje. Izvozvo zvakavabatsira kuti varambe vaine mafungiro akanaka.​—2 VaK. 4:18.

KURATIDZA RUDO KUVAPOTERI

6, 7. (a) “Kuda Mwari” kunoita kuti vaKristu vabate sei hama dzinenge dzichishayiwa? (b) Taura muenzaniso.

6 “Kuda Mwari” kunotiita kuti tiratidzane rudo, kunyanya zvinhu pazvinenge zvakaoma. (Verenga 1 Johani 3:17, 18.) VaKristu vepakutanga vemuJudhiya pavakanga vari munzara, ungano yakaronga kuti vabatsirwe. (Mab. 11:28, 29) Pauro naPetro vakarayirawo vaKristu kuti vagamuchirane zvakanaka. (VaR. 12:13; 1 Pet. 4:9) Kana vaKristu vachitarisirwa kuti vagamuchire hama dzinenge dzashanya, havafaniriwo here kugamuchira vavanonamata navo vanenge vari pangozi yekuurayiwa kana kuti vanenge vachitambudzwa nemhaka yekutenda kwavo?​—Verenga Zvirevo 3:27. *

7 Mumazuva achangopfuura, zviuru zveZvapupu zvaJehovha​—varume, vakadzi nevana—​zvaitofanira kutiza hondo nekutambudzwa kumabvazuva kweUkraine. Zvinosuwisa kuti vamwe vakaurayiwa. Asi vakawanda vavo vakatorwa nehama dzavo dzechiKristu dziri kune dzimwe nzvimbo muUkraine kuti dzigare navo, uye vamwewo vakawanda vakatorwa nezvimwe Zvapupu muRussia. Munyika mbiri idzi, havapindiri mune zvematongerwo enyika, kureva kuti vanoramba ‘vasiri venyika’ uye vanoramba vachishingaira ‘kuzivisa mashoko akanaka eshoko racho.’​—Joh. 15:19; Mab. 8:4.

KUBATSIRA VAPOTERI KUTI VASIMBISE KUTENDA KWAVO

8, 9. (a) Vapoteri vangasangana nematambudziko api pavanenge vava mune imwe nyika? (b) Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu patinenge tichivabatsira?

8 Vamwe vanomanikidzwa kusiya misha yavo vachienda kune dzimwe nzvimbo munyika yavo, asi vamwe vakawanda vanopedzisira vava mune dzimwe nyika vachirarama upenyu hwavasingatombozivi. Hurumende dzingavapa zvekudya, zvekupfeka nepekugara, asi zvekudya zvavakajairana nazvo zvingasawanika. Vaya vanenge vapotera kunyika dzinotonhora vachibva kunyika dzinodziya vangatonhorwa zvavasati vamboitwa uye vangasaziva kuti vopfeka sei kuti vadziyirwe. Kana vachibva kumaruwa, vangasaziva kushandisa midziyo yemumba yemazuva ano.

9 Dzimwe hurumende dzine zvirongwa zvekubatsira vapoteri kuti vajairane neupenyu hwavo hutsva. Zvisinei, pashure pemwedzi mishomanana, vapoteri vangatarisirwa kuti vatange kuzviriritira. Izvi zvinogona kuvaomera zvikuru. Funga zvinhu zvavanotarisirwa kuti vadzidze panguva imwe chete zvakaita semutauro mutsva, tsika itsva uye mitemo mitsva panyaya dzakadai sekubhadhara mitero, kupinda chikoro kunyange kuranga vana. Ungabatsira here hama nehanzvadzi dziri kusangana nematambudziko aya uchidziremekedza uye uchidziratidza mwoyo murefu?​—VaF. 2:3, 4.

10. Tingasimbisa sei kutenda kwevapoteri pavanongosvika? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

10 Rimwe dambudziko nderekuti dzimwe nguva hurumende dzinoita kuti zviome kuti hama dzinenge dzapotera dzibatane neungano. Mamwe masangano anovatyisidzira kuti kana vakaramba kuita mabasa anovatadzisa kupinda misangano havazopiwi rubatsiro kana mvumo yekuti vagare munyika macho. Dzimwe hama shomanana dzakabvuma mabasa akadai nekuti dzaitya uye dzaiona sekuti pakanga pasina zvekuita. Ndosaka zvichikosha kuti tikurumidze kuonana nehama dzedu dzinenge dzapotera. Dzinofanira kuona kuti tine hanya nadzo. Kubatsira hama dzedu uye kudzinzwira tsitsi kunogona kusimbisa kutenda kwadzo.​—Zvir. 12:25; 17:17.

KUBATSIRA VAPOTERI

11. (a) Vapoteri vanoda kubatsirwa nei pavanongosvika? (b) Vapoteri vangaratidza sei kuti vanoonga?

11 Pakutanga, tingada kubatsira hama dzedu nezvekudya, zvekupfeka kana kuti nezvimwe zvinokosha. * Kunyange kuita zvinhu zvidiki zvakadai sekupa hama tai, kunokosha chaizvo. Uye vapoteri pavanoratidza kuti vanoonga, vasinganetsi hama kuti dzivape zvinhu, vanoita kuti vanenge vavagamuchira vawane mufaro unobva pakupa. Asi kana vapoteri vakaramba vachirarama nezvinhu zvekupiwa vangapedzisira vasisina chiremerera uye vangakanganisa ukama hwavo nedzimwe hama. (2 VaT. 3:7-10) Kunyange zvakadaro, vapoteri vanoda kubatsirwa.

Tingabatsira sei hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dziri vapoteri? (Ona ndima 11-13)

12, 13. (a) Tingabatsira sei vapoteri? (b) Taura muenzaniso.

12 Kubatsira vapoteri hakudi mari yakawanda asi chinonyanya kudiwa inguva yedu uye rudo. Tinogona kuvabatsira nezvinhu zviri nyore zvakadai sekuvaratidza kuti vangashandisa sei zvifambiso zveruzhinji, vangatenga sei zvekudya zvine utano asi zvisingadhuri, kana kuvaratidza kuti vangawana sei zvinhu zvakadai semichina yekusonesa kana yekuchekesa uswa iyo inogona kuvabatsira kuti vawane cheuviri. Chinonyanya kukosha ndechekuti unogona kuvabatsira kuti vajairane neungano yavo itsva. Kana zvichiita, vatakure nemotokari yako pakuenda kumisangano. Uyewo vatsanangurire kuti vangaparidzira sei mashoko eUmambo kuvanhu vari mundima yenyu. Enda navo muushumiri.

13 Dzimwe hama ina dzechidiki dzaiva vapoteri padzakasvika mune imwe ungano, vamwe vakuru vakadzidzisa hama idzi kudhiraivha, kutaipa, kunyora mapepa ekutsvaga basa uyewo kuronga nguva yadzo kuti dzishumire Jehovha zvizere. (VaG. 6:10) Pasina nguva, vese vari vana vakava mapiyona. Kubatsirwa kwavakaitwa, pamwe chete nekushanda kwavo nesimba kuti vazadzise zvinangwa zvavo zvekunamata kwakavabatsira kuti vafambire mberi uye kuti vasamedzwa nenyika yaSatani.

14. (a) Vapoteri vanofanira kurwisa muedzo upi? (b) Taura muenzaniso.

14 Kungofanana nevamwe vaKristu vese, vapoteri vanofanira kurwisa kuti vasapinda mumuedzo wekukanganisa ushamwari hwavo naJehovha kuti vawane zvinhu. * Lije, ambotaurwa nezvake, pamwe chete nevamwe vemumba mavo vanoyeuka zvidzidzo zvine chekuita nekutenda zvavakadzidziswa nababa vavo kunyange pavaitiza. Anoti: “Vaiita vachirasa zvinhu zvishoma zvakanga zvisingakoshi zvataiva nazvo. Pakupedzisira, vakasimudza bhegi rakanga risisina chinhu ndokutaura vachinyemwerera kuti: ‘Maonaka? Zvinhu zvese zvaiva mubhegi umu hazvikoshi muupenyu!’”​—Verenga 1 Timoti 6:8.

KUBATSIRA VAPOTERI PAZVINHU ZVINONYANYA KUKOSHA

15, 16. Tingabatsira sei vapoteri (a) pane zvekunamata? (b) kuti vagadzikane mupfungwa?

15 Kubatsira vapoteri pakunamata uye pakuita kuti vagadzikane mupfungwa kunonyanya kukosha kupfuura kuvapa zvinhu zvekurarama nazvo. (Mat. 4:4) Vakuru vanogona kuvabatsira kuti vawane mabhuku emutauro wavo uye kuti vazivane nehama dzinotaura mutauro wavo. Vapoteri vakawanda vakaparadzaniswa nehama dzavo, ungano dzavo nezvimwewo zvinhu zvavakajairana nazvo. Hama dzavo dzechiKristu dzinofanira kuvabata nenzira inoita kuti vaone kuti Jehovha anovada uye kuti ane tsitsi. Kana vakasaona izvozvo vanogona kupedzisira vava pedyo nehama dzavo dzisingatendi kana kuti nevamwe vapoteri vasingatendi vanobva kunyika yavo vane tsika dzakafanana nedzavo. (1 VaK. 15:33) Tine ropafadzo yekushanda naJehovha ‘pakurinda vatorwa’ kuburikidza nekuvaita kuti vanzwe kuti vanonyatsodiwa muungano.​—Pis. 146:9.

16 Kungofanana naJesu nevabereki vake, vapoteri vangasakwanisa kudzokera kunyika dzavo kana vanhu vaivatambudza vachiri kutonga. Uyewo sezvakataurwa naLije, “vabereki vakawanda avo vakaona hama dzavo dzichibatwa chibharo uye dzichiurayiwa havatombodi kudzokera nevana vavo kunyika dzakaitika zvinhu izvozvo.” Kuti dzibatsire vaya vakasangana nezvinhu zvakadaro, hama dziri munyika dzinogamuchira vapoteri dzinofanira ‘kuvanzwira ngoni, kuvada kwazvo sehama, kuvanzwira tsitsi kwazvo uye kuzvininipisa.’ (1 Pet. 3:8) Kutambudzwa kwakaita kuti vamwe vapoteri vasasununguka kutaura nevamwe vanhu uye vanyare kutaura nezvekutambura kwavo kunyanya kana vana vavo varipo. Zvibvunze kuti, ‘Kudai ndiri ini ndakasangana nezvinhu izvi, ndaizoda kuti vamwe vandibate sei?’​—Mat. 7:12.

KUPARIDZIRA VAPOTERI VASIRI ZVAPUPU

17. Kuparidzira vapoteri kunovazorodza sei?

17 Mazuva ano vapoteri vakawanda vanobva kunyika dzatinorambidzwa kuita basa redu takasununguka. Zviuru zvevapoteri zviri kunzwa ‘shoko roUmambo’ kekutanga nemhaka yeZvapupu zvinoshingaira zviri munyika dzinogamuchira vapoteri. (Mat. 13:19, 23) Vakawanda vacho, avo ‘vakaremerwa,’ vari kuzorodzwa pamisangano yedu uye vanokurumidza kutaura kuti: “Mwari ari pakati penyu.”​—Mat. 11:28-30; 1 VaK. 14:25.

18, 19. Tingaratidza sei uchenjeri patinenge tichibatsira vapoteri?

18 Vaya vanoparidzira vapoteri vanofanira kuva “vakachenjera.” (Mat. 10:16; Zvir. 22:3) Nyatsoteerera pavanenge vachitaura nhamo dzavo asi usakurukura navo zvematongerwo enyika. Tevedzera mirayiridzo yehofisi yebazi neyehurumende uye usaisa upenyu hwako nehwevamwe pangozi. Nemhaka yekuti vapoteri vane zvitendero netsika zvakasiyana-siyana, unofanira kuziva uye kuremekedza maonero avo. Semuenzaniso, vanhu vanobva kune dzimwe nyika vane mapfekero avanoti ndiwo akakodzera kuitwa nevakadzi. Saka paunenge uchiparidzira vapoteri, pfeka zvisingazovagumburi.

19 Kufanana nemuSamariya akanaka wemumuenzaniso waJesu, tinoda kubatsira vanotambura, kusanganisira vaya vasiri Zvapupu. (Ruka 10:33-37) Nzira yakanakisisa yekuita izvozvo ndeyekuvaudza mashoko akanaka. Mumwe mukuru akabatsira vapoteri vakawanda akati: “Zvakakosha kutanga kuvaudza kuti tiri Zvapupu zvaJehovha uye kuti chinangwa chedu chikuru ndechekuvabatsira pane zvekunamata kwete kuvapa zvinhu. Kana tikasadaro, vamwe vangangowadzana nesu nekuti vanenge vachida kupiwa zvinhu.”

ZVAKANAKA ZVINOZOITIKA

20, 21. (a) Ndezvipi zvakanaka zvinoitika kana vapoteri vakaratidzwa rudo rwechiKristu? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Kuratidza “vatorwa” rudo rwechiKristu kunoita kuti pave nezvakanaka zvinoitika. Imwe hanzvadzi yechiKristu yakati mhuri yayo yakatiza kutambudzwa muEritrea. Pashure pekunge vamwe vana vake 4 vafamba rwendo rwainetesa kwemazuva 8 vachipfuura nemugwenga, vakasvika muSudan. Hanzvadzi yacho yakati: “Hama dzeko dzakavabata sehama dzepedyo dzichivapa zvekudya, zvokupfeka, pekugara uye mari yekufambisa. Ndivanaani vangagamuchira vanhu vavasingazivi mudzimba dzavo nemhaka bedzi yekuti vanonamata Mwari mumwe chete? Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvinodaro!”​—Verenga Johani 13:35.

21 Ko zvakadini nevana vakawanda vevapoteri kana kuti vevamwe vanhu vanenge vatamira munyika medu? Munyaya inotevera, tichakurukura zvatingaita tese kuti tivabatsire kuti vashumire Jehovha vachifara.

^ ndima 2 Munyaya ino, tiri kushandisa shoko rekuti “vapoteri” tichireva vanhu vakasiya misha yavo vachienda kune dzimwe nzvimbo munyika mavo kana kuti kune dzimwe nyika nemhaka yehondo, kutambudzwa, kana kuti njodzi dzinongoitika dzega. Maererano neUNHCR (United Nations High Commissioner for Refugees), mazuva ano “munhu mumwe chete pavanhu 113 vega vega akamanikidzwa kusiya musha wake.”

^ ndima 6 Ona nyaya inoti “Musakanganwa Kugamuchira Vaeni Zvakanaka” iri muNharireyomurindi yaOctober 2016, mapeji 8-12.

^ ndima 11 Mupoteri paanongosvika, vakuru vanofanira kukurumidza kutevedzera mirayiridzo iri mubhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, chitsauko 8 ndima 30. Vakuru vanogona kutaura neungano dziri kune dzimwe nyika kuburikidza nekutumira tsamba dzavo kubazi remunyika mavo vachishandisa jw.org. Pavanenge vakamirira mhinduro, vanogona kushandisa ungwaru pakubvunza mupoteri wacho nezveungano yake uye ushumiri hwake kuti vazive kuti akasimba zvakadini pakunamata.

^ ndima 14 Ona nyaya dzinoti “Hapana Munhu Anogona Kushandira Vanatenzi Vaviri” uye “Iva Akashinga Kwazvo Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako!” dziri muNharireyomurindi yaApril 15, 2014, mapeji 17-26.