Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatsira Vana ‘Vevatorwa’

Kubatsira Vana ‘Vevatorwa’

“Handina chikonzero chikuru chokuonga chinopfuura zvinhu izvi, kuti ndinzwe kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.”—3 JOH. 4.

NZIYO: 134, 133

1, 2. (a) Vana vakawanda vevanhu vakatamira kune dzimwe nyika vanosangana nedambudziko ripi? (b) Nyaya ino ichakurukura mibvunzo ipi?

“KUBVA ndichiri kamwana kadiki, ndaitaura mutauro wevabereki vangu kumba nekumisangano,” anodaro Joshua uyo akaenda kune imwe nyika nevabereki vake. “Asi pandakatanga kuenda kuchikoro, ndakatanga kufarira mutauro wemunyika yatakatamira. Pasina makore akawanda, ndakanga ndatochinja zvachose. Ndaisanzwisisa zvaidzidziswa kumisangano uye tsika dzangu nedzevabereki vangu dzakanga dzakatosiyana.” Zvakaitika kuna Joshua zviri kuitikawo kuvanhu vakawanda.

2 Mazuva ano pane vanhu vanopfuura 240 000 000 vasingagari munyika dzavakaberekerwa. Kana uri mubereki akatamira kune imwe nyika, ungabatsira sei vana vako kuti vave vana vakasimba pakunamata ‘vanoramba vachifamba muchokwadi’? (3 Joh. 4) Uye vamwe vangabatsira sei?

VABEREKI, RATIDZAI MUENZANISO WAKANAKA

3, 4. (a) Vabereki vangaratidza sei vana vavo muenzaniso wakanaka? (b) Vabereki havafaniri kutarisirei kubva kuvana vavo?

3 Vabereki, muenzaniso wenyu unokosha pakubatsira vana venyu kuti vatange kufamba munzira inoenda kuupenyu husingaperi. Pavanoona “muchitanga kutsvaka umambo,” vanodzidza kuvimba naJehovha kuti avape zvekurarama nazvo zuva rimwe nerimwe. (Mat. 6:33, 34) Saka musatsvaga zvinhu zvakawanda. Bvumai kurasikirwa nezvinhu kuti muite zvekunamata pane kuregeredza zvekunamata kuti muwane zvinhu. Edzai kurarama musina zvikwereti. Tsvagai “pfuma kudenga,” kureva kufarirwa naJehovha, kwete pfuma yepanyika kana “kukudzwa nevanhu.”​—Verenga Mako 10:21, 22; Joh. 12:43.

4 Musambofa makabatikana zvekuti munoshayira vana venyu nguva. Itai kuti vazive kuti munodada navo pavanosarudza kuisa Jehovha pekutanga pane kuti vazvitsvagire mukurumbira nepfuma kana kukutsvagirai zvinhu izvozvo. Musava nemaonero asiri echiKristu ekuti vana vanofanira kuita kuti vabereki vavo vave neupenyu huri nyore. Yeukai kuti “vana havafaniri kuchengetera vabereki vavo pfuma, asi vabereki ndivo vanofanira kuchengetera vana vavo.”​—2 VaK. 12:14.

VABEREKI, EDZAI KUKUNDA DAMBUDZIKO REMITAURO

5. Nei vabereki vachifanira kutaura nevana vavo nezvaJehovha?

5 Sezvakagara zvataurwa, vanhu “vanobva mumitauro yose yemarudzi” vari kudirana vachiuya kusangano raJehovha. (Zek. 8:23) Asi kusiyana kwemitauro kunogona kuita kuti muomerwe nekudzidzisa vana venyu chokwadi. Vana venyu ndivo vadzidzi venyu veBhaibheri vanonyanya kukosha, uye ‘kuziva kwavo’ Jehovha kunoita kuti vawane upenyu husingaperi. (Joh. 17:3) Kuti vana venyu vadzidze zvinodiwa naJehovha, munofanira ‘kutaura nezvazvo’ pese pazvinenge zvakakodzera.​—Verenga Dheuteronomio 6:6, 7.

6. Vana venyu vangabatsirwa sei nekudzidza mutauro wenyu? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

6 Vana venyu vanogona kudzidza mutauro wemunyika yamakatamira pavanoenda kuchikoro uye kubva kune vamwe vanhu, asi vanodzidza mutauro wenyu kunyanya nekugara vachiutaura nemi. Kunze kwekungobatsira vana venyu kuti vakurukure nemi zviri kutsi kwemwoyo, kuziva mutauro wenyu kune zvimwe zvakunovabatsira. Kugona mitauro miviri kunobatsira vana venyu kuti varodze pfungwa dzavo uye kunovabatsira kunzwisisa mafungiro evamwe. Kungaitawo kuti vave nemikana yekuwedzera ushumiri hwavo. Carolina, uyo ane vabereki vakatamira kune imwe nyika anoti, “Kuva muungano yemutauro wevabereki vangu kuri kundinakidza chaizvo. Uye ndiri kunakidzwa chaizvo nekushanda mundima inodiwa vaparidzi vakawanda.”

7. Mungaitei kana vana venyu vachitaura mutauro wakasiyana newenyu?

7 Kunyange zvakadaro, vana vevanhu vakatamira kune imwe nyika pavanodzidza tsika nemutauro zvemunyika macho, vamwe vavo vanopedzisira vasisina chido chekutaura mutauro wevabereki vavo uye vangatotadza kuutaura. Vabereki, kana vana venyu vakadaro, mungaedza here kudzidza mutauro wemunyika macho? Zvichava nyore kurera vana venyu muchokwadi kana muchinzwisisa zvavanotaura, zvinovavaraidza, zvavanodzidza kuchikoro uye kana muchikwanisa kutaura nevadzidzisi vavo. Zvisinei, kudzidza mumwe mutauro kunoda nguva, kushanda nesimba uye kuzvininipisa. Asi kudai mwana wenyu aizova matsi, maisazoedza here kudzidza mutauro wemasaini kuti mukwanise kutaura naye? Handizvo here zvinofanira kuitwa kana mwana achinyatsokwanisa kukurukura nemumwe mutauro? *

8. Mungabatsira sei vana venyu kana musinganyatsogoni mutauro wavanonzwisisa?

8 Zvingasaita kuti vamwe vabereki vakatamira kune imwe nyika vanyatsogona mutauro unenge wava kushandiswa nevana vavo. Izvozvo zvinogona kuita kuti vabereki vaomerwe pakubatsira vana vavo kuti vanzwisise zvinhu zvakadzama zviri ‘muzvinyorwa zvitsvene.’ (2 Tim. 3:15) Kana zviri izvo zviri kuitika mumhuri menyu hazvirevi kuti hamukwanisi kubatsira vana venyu kuti vazive uye vade Jehovha. “Amai vedu vaisanyatsogona mutauro watainzwisisa, uye ini nehanzvadzi dzangu taisanyatsogona mutauro wavo,” akadaro mumwe mukuru anonzi Shan. “Asi pataiona vachidzidza Bhaibheri, vachinyengetera uye vachiita zvese zvavaigona kuti vaitise kunamata kwemhuri vhiki imwe neimwe, takanzwisisa kuti kuziva Jehovha kunokosha zvikuru.”

9. Vabereki vangabatsira sei vana vangada kudzidza nezvaJehovha mumitauro miviri?

9 Vamwe vana vangafanira kudzidza nezvaJehovha mumitauro miviri, mutauro wekuchikoro uye mutauro unotaurwa kumba. Saka vamwe vabereki vanoshandisa mabhuku, zvinhu zvekuteerera uye mavhidhiyo mumitauro yacho iri miviri. Zviri pachena kuti vabereki vakatamira kune dzimwe nyika vanofanira kushandisa nguva yakawanda uye kushanda nesimba zvikuru kuti vabatsire vana vavo kuti vave neushamwari hwakasimba naJehovha.

MUNOFANIRA KUPINDA NEUNGANO YEMUTAURO UPI?

10. (a) Ndiani anofanira kusarudza kuti mhuri yopinda neungano yemutauro upi? (b) Anofanira kuitei asati aita chisarudzo?

10 Kana vanhu vakabva kune dzimwe nyika vachigara kure neZvapupu zvinotaura mutauro wavo vanofanira kupinda neungano yemutauro wemunzvimbo yavanenge vachigara. (Pis. 146:9) Asi kana paine ungano iri pedyo inoshandisa mutauro wenyu, mubvunzo unovapo ndewekuti: Iungano yemutauro upi yakanyanya kunakira mhuri yenyu? Anenge ari musoro mumhuri anofanira kusarudza pashure pekunyatsofungisisa, kunyengetera uye kukurukura nemudzimai wake nevana. (1 VaK. 11:3) Zvinhu zvipi zvaangafunga nezvazvo? Mazano api eBhaibheri anoshanda panyaya iyi? Ngatikurukurei mamwe acho.

11, 12. (a) Kunzwisisa mutauro kunobatsira sei mwana pamisangano? (b) Nei vamwe vana vasingadi kudzidza mutauro wevabereki vavo?

11 Vabereki vanofanira kunyatsoongorora kuti zvii zvichabatsira vana vavo. Pasinei nekuti vanotaura mutauro upi, pane zvimwe zvinodiwa kuti vana vakwanise kubata chokwadi kunze kwekungodzidziswa kwemaawa mashoma pamisangano vhiki rega rega. Kunyange zvakadaro, kana vana vakaenda kumisangano inoitwa nemutauro wavanonyatsonzwisisa, vangadzidza zvakawanda nekungova pamisangano, zvimwe vachitodzidza zvakawanda kupfuura zvinofungwa nevabereki vavo. Asi kana vana vasinganyatsonzwisisi mutauro wacho, havakwanisi kudzidza zvakawanda. (Verenga 1 VaKorinde 14:9, 11.) Uye mwana angasaramba achifunga nemutauro waamai kana kuti ungasamubaya mwoyo. Vamwe vana vanogona kutodzidza kupindura uye kupa hurukuro mumutauro wevabereki vavo asi mashoko acho asingabvi pamwoyo.

12 Uyewo hausi mutauro chete unoita kuti mwana anzwisise zvaanodzidza. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Joshua, ambotaurwa nezvake patangira nyaya ino. Hanzvadzi yake inonzi Esther yakati: “Kana vana vachifarira mutauro wevabereki vavo kazhinji vanobva vafarirawo tsika dzavo nechitendero chavo.” Kana vana vaine tsika dzakasiyana nedzevabereki vavo, vangasada kudzidza mutauro wevabereki vavo uye chitendero chavo. Saka vabereki vakatamira kune dzimwe nyika vangaita sei?

13, 14. (a) Nei mumwe murume nemudzimai vakaenda nemhuri yavo kuungano yemutauro wemunyika mavakatamira? (b) Vakaitei kuti varambe vakasimba pakunamata?

13 Vabereki vechiKristu vanokoshesa zvinobatsira vana vavo pakunamata kupfuura zvavanofarira ivo pachavo. (1 VaK. 10:24) Samuel, baba vaJoshua naEsther, anoti: “Ini nemudzimai wangu taicherechedza vana vedu kuti tione kuti mutauro upi waivabatsira kuti vakure pakunamata, uye tainyengetera kuti tive neuchenjeri. Mhinduro yeminyengetero yedu yaisava nyore kwatiri. Asi patakaona kuti vana vakanga vasiri kunyatsobatsirwa nemisangano yemutauro wedu, takasarudza kupinda neungano yemutauro wemunyika yatakatamira. Taigara tichipinda misangano uye tichiparidzira tese. Taikokawo hama dzemuungano kuti tidye tese uye tishanyire dzimwe nzvimbo. Zvese izvi zvakabatsira vana vedu kuti vazive hama dzemuungano uyewo kuti vazive Jehovha saMwari wavo, Baba vavo uye Shamwari yavo. Taiona izvi zvichikosha zvikuru kupfuura kuti vanyatsogona mutauro wedu.”

14 Samuel anowedzera kuti: “Kuti tirambe takasimba pakunamata, ini nemudzimai wangu taipindawo misangano mumutauro wedu. Taigara takabatikana uye takaneta. Asi tinotenda Jehovha kuti akakomborera zvataiita uye kuzvipira kwedu. Vana vedu vese vari vatatu vari kushumira Jehovha mubasa renguva yakazara.”

VECHIDIKI VANGAITEI?

15. Nei imwe hanzvadzi inonzi Kristina yakaona kuti yaigona kushumira Jehovha zviri nani muungano yemutauro wemunyika mavakatamira?

15 Vana vanenge vabva zera vangasvika pakuona kuti vanogona kushumira Jehovha zviri nani muungano yemutauro wavanonyatsonzwisisa. Kana zvakadaro, vabereki havafaniri kuona sekuti vana vavo havachavada. Kristina anoti: “Ndaiti zivei mutauro wevabereki vangu, asi zvaitaurwa kumisangano ndakanga ndisingazvinzwisisi. Pandaiva nemakore 12, ndakapinda gungano mumutauro wandaishandisa kuchikoro. Apa ndipo pandakatanga kunzwisisa kuti zvaitaurwa ipapo ndicho chaiva chokwadi. Ndakabatsirwawo pandakatanga kunyengetera mumutauro wandaishandisa kuchikoro. Zvaiva nyore kutaura naJehovha zvichibva pamwoyo.” (Mab. 2:11, 41) Paakanga abva zera, Kristina akakurukura nyaya yacho nevabereki vake ndokusarudza kuenda kuungano yemutauro iwoyo. Anoti: “Kudzidza nezvaJehovha mumutauro wandaishandisa kuchikoro kwakaita kuti ndide kuita zvakawanda.” Pasina nguva, Kristina akava piyona wenguva dzose.

16. Nei hanzvadzi inonzi Nadia ichifara kuti yakaramba iri muungano yemutauro wevabereki vayo?

16 Vechidiki, munofunga kuti zviri nani kuva muungano yemutauro wemunyika yamunogara here? Kana zvakadaro, zvibvunzei kuti nei. Kutamira kuungano yakadaro kuchakubatsirai kuswedera pedyo naJehovha here? (Jak. 4:8) Kana kuti munoda kutamira kune imwe ungano nekuti munotarisira kuti ikoko muchange musina anokuongororai uye kuti muchange muine zvishoma zvekuita here? Nadia, uyo ava kushanda paBheteri anoti, “Ini nevamwe vana vemumba medu patakanga tava kuyaruka, taida kutamira kuungano yemutauro wemunyika matinogara.” Asi vabereki vake vaiziva kuti izvozvo zvaisazonyanya kubatsira vana vavo pane zvekunamata. “Iye zvino tinoonga kuti vabereki vedu vakashanda nesimba kuti vatidzidzise mutauro wavo uye vakaita kuti tirambe tiri muungano yemutauro iwoyo. Izvi zviri kutibatsira chaizvo uye zviri kuita kuti tive nemikana yakawanda yekubatsira vamwe kuti vazive Jehovha.”

VAMWE VANGABATSIRAWO SEI?

17. (a) Jehovha akapa ani basa rekurera vana? (b) Vabereki vangawana sei rubatsiro rwekudzidzisa vana vavo chokwadi?

17 Jehovha akapa vabereki, kwete vanasekuru navanaambuya kana ani zvake, basa rekurera vana vavo muchokwadi. (Verenga Zvirevo 1:8; 31:10, 27, 28.) Kunyange zvakadaro, vabereki vasingazivi mutauro wemunyika yavari kugara vangada kubatsirwa kuti vadzidzise vana vavo zvinosvika pamwoyo. Kukumbira kuti vamwe vavabatsire hakurevi kuti vanenge vava kuregeredza basa rekubatsira vana vavo pakunamata, asi inogona kuva imwe nzira yekuvarera nayo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Semuenzaniso, vabereki vangakumbira vakuru vemuungano kuti vavape mazano panyaya yekuitisa kunamata kwemhuri uye kuti vavabatsire kutsvaga shamwari dzakanaka dzevana vavo.

Vana nevabereki vanobatsirwa nekuwadzana neungano (Ona ndima 18, 19)

18, 19. (a) Hama nehanzvadzi dzakasimba pakunamata dzingabatsira sei vechidiki? (b) Vabereki vanofanira kuramba vachiitei?

18 Semuenzaniso, vabereki vanogona kupota vachikoka dzimwe mhuri kuti vaite vese kunamata kwemhuri. Uyewo, vechidiki vakawanda vanobudirira kana vaine shamwari dzakakura pakunamata idzo dzinogona kubuda navo muushumiri uye kutandara navo. (Zvir. 27:17) “Ndinonyatsoyeuka hama dzakandibatsira,” anodaro Shan ambotaurwa nezvake. “Ndaidzidza zvakawanda padzaindibatsira kugadzirira hurukuro. Uye ndainakidzwa nekutandara kwataiita tiri boka.”

19 Asi vaya vanosarudzwa nevabereki kuti vabatsire vana vavo vanofanira kuita kuti vechidiki varemekedze vabereki vavo, vachitaura zvakanaka nezvavo, kwete kuvatorera basa ravo rekurera vana. Kupfuura izvozvo, vaya vanenge vachibatsira havafaniri kuita zvimwe zvinhu zvinoonekwa nevari muungano kana kuti nevari kunze sezvisina kukodzera. (1 Pet. 2:12) Vabereki havafaniri kubva vangosiyira vamwe vanhu basa rekudzidzisa vana vavo zvine chekuita nekunamata. Vanofanira kuongorora kuti vana vavo vari kuwana rubatsiro rwakaita sei kubva kune vamwe vanhu uye vanofanira kuramba vachidzidzisa vana vavo.

20. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vave vashumiri vaJehovha?

20 Vabereki, nyengeterai kuna Jehovha uye itai zvese zvamunogona pakubatsira vana venyu. (Verenga 2 Makoronike 15:7.) Koshesai ushamwari hwemwana wenyu naJehovha kupfuura zvamunoda imi pachenyu. Itai zvese zvamunogona kuti muve nechokwadi chekuti Shoko raMwari rasvika pamwoyo wemwana wenyu. Musambofa makarasa tariro yekuti mwana wenyu anogona kuva mushumiri waJehovha akanaka. Vana venyu pavanoita zviri muShoko raMwari uye pavanotevedzera muenzaniso wenyu wakanaka, muchanzwa sezvakaita muapostora Johani nezvevanhu vaakadzidzisa chokwadi. Akati: “Handina chikonzero chikuru chokuonga chinopfuura zvinhu izvi, kuti ndinzwe kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.”​—3 Joh. 4.

^ ndima 7 Ona nyaya inoti: “Unogona Kudzidza Mumwe Mutauro!” iri muMukai! yaApril 2007, mapeji 26-28.