Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Unondida Here Kupfuura Idzi?”

“Unondida Here Kupfuura Idzi?”

“Simoni mwanakomana waJohani, unondida here kupfuura idzi?”​—JOH. 21:15.

NZIYO: 143, 65

1, 2. Pashure pekunge Petro nevamwe vake vaita usiku hwese vachiedza kubata hove, chii chakaitika kwaari?

VADZIDZI vaJesu 7 vakanga vaita usiku hwese vachiedza kubata hove muGungwa reGarireya asi hapana chavakanga vabata. Jesu, uyo akanga amutswa, akavaona ari pamhenderekedzo yegungwa. Akati kwavari: “‘Kandai mambure kurutivi rwokurudyi rwechikepe uye muchawana.’ Vakabva vaakanda, asi vakanga vasingachakwanisi kuakwevera mukati nokuda kwehove zhinji.”​—Joh. 21:1-6.

2 Pashure pekuvapa zvekudya zvemangwanani, Jesu akabvunza Simoni Petro kuti: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here kupfuura idzi?” Jesu airevei paakati “idzi”? Petro aida chaizvo kubata hove. Saka kunenge kuti Jesu aimubvunza kuti chii chaainyanya kuda zvechokwadi muupenyu. Ainyanya here kuda hove nebhizinesi rekubata hove kupfuura Jesu nezvaaidzidzisa? Petro akapindura Jesu kuti: “Hungu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” (Joh. 21:15) Petro akazadzisa mashoko ake. Kubva panguva iyoyo, akaratidza kuti aida Kristu kuburikidza nekushanda nesimba pabasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi, uye akava nhengo inokosha yeungano yechiKristu panguva iyoyo.

3. VaKristu vanofanira kungwarira ngozi dzipi?

3 Tingadzidzei pamashoko akataurwa naJesu kuna Petro? Tinofanira kungwarira kuti kuda kwatinoita Kristu kusaderera totadza kuita zvinhu zvine chekuita neUmambo. Jesu ainyatsoziva kuti mumazuva ano ekupedzisira, upenyu hwaizooma uye vanhu vaizozvidya mwoyo. Mumufananidzo wake wemudyari, Jesu akataura kuti vamwe vaizogamuchira “shoko roumambo” vomboshingaira pakutanga asi “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma [zvaizovhunga] shoko.” (Mat. 13:19-22; Mako 4:19) Kana tikasangwarira, zvinhu zvinoita kuti tizvidye mwoyo zuva nezuva zvinogona kukanganisa mwoyo yedu zvoita kuti tisashingaire pakunamata. Saka Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo.”​—Ruka 21:34.

4. Chii chichatibatsira kuongorora kuti kuda kwatinoita Kristu kwakasimba zvakadini? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Sezvakaitwa naPetro, tinoratidza kuti tinoda Kristu kuburikidza nekuisa basa raakatipa pekutanga muupenyu. Tingaita sei kuti tirambe tichiita izvozvo? Nguva nenguva tinoda kuzvibvunza kuti: ‘Chii chandinonyatsoda zvechokwadi muupenyu? Ndinonyanya kuwana mufaro kubva pakuita zvinhu zvekunamata here kana kuti pane zvimwewo zvinhu?’ Panyaya iyi, ngationgororei zvinhu zvitatu zvinogona kuita kuti kuda kwatinoita Kristu nezvinhu zvekunamata kuderere kana zvikasaiswa panzvimbo yazvo. Zvinhu zvacho zvinoti: basa rekuzviriritira, kumbozvivaraidza uye zvinhu zvenyama.

BASA REKUZVIRIRITIRA NGARIRAMBE RIRI PANZVIMBO YARO

5. Magwaro anoratidza kuti misoro yemhuri ine basa rei?

5 Petro aisabata hove zvekungovaraidzwa asi ndiro basa raimuraramisa. Mazuva ano vanenge vari misoro yemhuri vanoziva kuti Magwaro anoratidza kuti ndivo vanofanira kuita kuti mhuri dziwane zvadzinoda pakurarama. (1 Tim. 5:8) Vanofanira kushanda nesimba pakuita izvi. Zvisinei, mumazuva ano ekupedzisira mabasa ekuzviriritira anowanzoita kuti vanhu vazvidye mwoyo.

6. Zvii zviri kunetsa vanhu mumabasa mazuva ano?

6 Vanhu vakawanda vari kutsvaga mabasa asi mabasa acho mashoma. Nemhaka yeizvi, vanokwikwidzana kuti vawane mabasa. Vakawanda vanozvimanikidza kushanda maawa akawanda, asi kazhinji kacho vachipiwa mari shoma pane yavanofanira kuwana. Makambani ari kuedza kugadzira zvinhu zvakawanda achishandisa vanhu vashomanana. Izvi zviri kuita kuti vashandi vashungurudzike, varukutike kana kuti vatorwara. Vashandi vasingadi kushandira makambani avo saizvozvo vanogona kurasikirwa nemabasa avo.

7, 8. (a) Ndiani anofanira kuva pekutanga muupenyu hwedu? (b) Imwe hama yekuThailand yakawana chidzidzo chipi chinokosha nezvebasa rayo?

7 SevaKristu, takavimbika kuna Jehovha Mwari kupfuura zvatinoita kuna chero ani zvake kana kuti chii zvacho, kusanganisira vatinoshandira. (Ruka 10:27) Basa rekuzviriritira nderekuti tingowana cheuviri. Tinoshanda kuti tiwane zvatinoda pakurarama uye kuti titsigire ushumiri hwedu. Zvisinei, kana tikasangwarira, basa rekuzviriritira rinogona kukanganisa kunamata kwedu. Semuenzaniso, imwe hama yekuThailand yakati: “Basa rangu rekugadzira makombiyuta rainakidza, asi ndaifanira kushanda maawa akawanda. Saka raindisiya ndiine nguva shomanana yekuita zvinhu zvekunamata. Ndakazoona kuti ndaifanira kuchinja basa rangu kuti ndikwanise kuisa Umambo pekutanga.” Hama iyi yakaitei?

8 “Pashure pekuronga zvinhu zvangu kwerinenge gore,” yakadaro hama yacho, “ndakasarudza kufamba ndichitengesa maice cream. Pakutanga, ndaisawana mari inokwana uye zvakandiodza mwoyo. Pandaisangana nevandaimboshanda navo, vaindiseka uye vaindibvunza kuti nei ndaifunga kuti kutengesa maice cream kwaiva nani pane kugadzira makombiyuta ndiri munzvimbo inotonhorera. Ndakanyengetera kuna Jehovha ndichikumbira kuti andibatsire kuzadzisa chinangwa changu chekuwana nguva yakawanda yekuita zvinhu zvekunamata. Pasina nguva zvinhu zvakatanga kunaka. Ndakasvika pakunyatsoziva maice cream aifarirwa nemakasitoma angu uye ndakawedzera kuva nyanzvi pakuagadzira. Pasina nguva, ndakanga ndava kutengesa maice cream angu ese zuva nezuva. Ndakanga ndatova nemari yakawanda kupfuura pandaigadzira makombiyuta. Mufaro wangu wakawedzera nekuti ndaisazvidya mwoyo sezvandaiita pandaigadzira makombiyuta. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti iye zvino ndava pedyo zvikuru naJehovha.”​—Verenga Mateu 5:3, 6.

9. Tingaitei kuti maonero atinoita basa rekuzviriritira arambe akanaka?

9 Jehovha anokoshesa kushanda kwatinoita nesimba uye kushanda nesimba kunobatsira. (Zvir. 12:14) Asi sezvakadzidzwa nehama yabva kutaurwa, basa rekuzviriritira rinofanira kuramba riri panzvimbo yaro. Jesu akati: “Rambai muchitanga kutsvaka Umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose [kureva zvinhu zvekurarama nazvo] zvichawedzerwa kwamuri.” (Mat. 6:33) Kuti tione kuti maonero atinoita basa redu rekuzviriritira akanaka here, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoona basa rangu rekuzviriritira serinonakidza here asi ndichiona mabasa ekunamata seasingakoshi kana kuti asinganakidzi?’ Kufungisisa nezvemaonero atinoita basa redu uye zvinhu zvekunamata kunogona kutibatsira kuti tione kuti chii chatinonyanya kuda zvechokwadi muupenyu.

10. Jesu akadzidzisa chidzidzo chipi chinokosha?

10 Jesu akadzidzisa kuti chii chinofanira kuva pekutanga muupenyu. Pane imwe nguva, Jesu akashanyira Mariya naMarita kumba kwavo. Marita paaimhanya-mhanya achigadzira zvekudya, Mariya akasarudza kugara pedyo naJesu achiteerera zvaaidzidzisa. Marita paakanyunyuta kuti Mariya akanga asiri kumubatsira, Jesu akaudza Marita kuti: “Mariya, asarudza mugove wakanaka, uye haazoutorerwi.” (Ruka 10:38-42) Jesu akanga achidzidzisa Marita chidzidzo chinokosha. Kuti tisatsauswa nezvinhu zvatinoda pakurarama uye kuti tiratidze kuti tinoda Kristu, tinofanira kuramba tichisarudza “mugove wakanaka,” kureva kuisa zvinhu zvekunamata pekutanga.

MAONERO ATINOITA ZVINHU ZVEKUZVIVARAIDZA NAZVO

11. Magwaro anotii nezvekumbozorora uye kumbofurwa nemhepo?

11 Sezvo tichishanda nesimba uye tichigara takabatikana, tinoda nguva yekumbozorora uye kumbofurwa nemhepo. Shoko raMwari rinoti: “Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti adye, anwe, aite kuti mweya wake ufadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.” (Mup. 2:24) Jesu aiziva kuti kumbozorora kunokosha. Pashure pekushanda zvakaoma pakuparidza, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.”​—Mako 6:31, 32.

12. Nei tichifanira kungwarira panyaya yekuzvivaraidza? Taura muenzaniso.

12 Kuzvivaraidza kunokosha. Zvisinei, pane ngozi yekuti tinogona kupedzisira tava kuona kuzvivaraidza sekunokosha kupfuura zvimwe zvinhu zvese. Munguva yevaapostora, vanhu vakawanda vaiva nemafungiro ekuti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaK. 15:32) Mazuva ano vanhu vakawanda vane mafungiro akadaro. Semuenzaniso, makore akapfuura mumwe murume wechidiki wekuEurope akatanga kupinda misangano yechiKristu. Asi ainyanya kunakidzwa nekuzvivaraidza zvekuti akapedzisira arega kuwadzana nevanhu vaJehovha. Nekufamba kwenguva, akazonzwisisa kuti kunyanya kuda kuzvivaraidza kwakanga kwamupinza mumatambudziko akawanda. Saka akatangazve kudzidza Bhaibheri uye akazova muparidzi wemashoko akanaka. Pashure pekunge abhabhatidzwa, akati: “Chandinongodemba ndechekuti ndakanga ndatotambisa nguva yakawanda pandakazoziva kuti kushumira Jehovha kunounza mufaro kupfuura zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo zviri munyika.”

13. (a) Taura muenzaniso unoratidza kuti kunyanya kuita zvekuzvivaraidza kune ngozi. (b) Chii chingatibatsira kuti tive nemaonero akanaka panyaya yekuzvivaraidza?

13 Chinangwa chekuzvivaraidza ndechekuti timbofurwa nemhepo uye tiwanezve simba. Izvozvo zvinoda nguva yakawanda sei? Funga nezvemuenzaniso uyu: Vakawanda vedu tinofarira kumbodya zvinhu zvakadai semakeke nemasuwiti, asi tinoziva kuti kugara tichingodya zvinhu zvakadaro kunokanganisa utano hwedu. Saka, tinonyanya kudya zvinhu zvinovaka muviri. Saizvozvowo, kupedza nguva yakawanda tichiita zvinhu zvekuzvivaraidza kuchakanganisa utano hwedu pakunamata. Kuti izvozvo zvisaitika, tinogara tichiita mabasa eUmambo. Tingaziva sei kana tiine maonero akanaka panyaya yekuzvivaraidza? Tinogona kutsvaga vhiki ratinonyora pasi maawa atinoshandisa pakuita zvinhu zvekunamata zvakadai sekuenda kumisangano, kuparidza uye kudzidza tiri tega nekuita kunamata kwemhuri. Zvadaro tinogona kuenzanisa nguva iyoyo neyatinenge tashandisa pakuzvivaraidza nezvinhu zvakadai sekuona TV, kutamba mavideo game kana mimwewo mitambo. Patinoenzanisa nguva dzacho, tinodzidzei? Pane zvatinofanira kuchinja here?​—Verenga VaEfeso 5:15, 16.

14. Chii chinofanira kutibatsira pakusarudza zvekuzvivaraidza nazvo?

14 Jehovha anotibvumira kusarudza zvekuzvivaraidza nazvo, uye misoro yemhuri inogonawo kusarudzira mhuri dzayo. MuBhaibheri, Jehovha anotipa mazano anoratidza maonero ake uye mazano aya anotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka. * Varaidzo yakanaka “chipo chaMwari.” (Mup. 3:12, 13) Kunyange zvakadaro, tinoziva kuti zvinosarudzwa nevanhu pakuzvivaraidza zvinosiyana-siyana. (VaG. 6:4, 5) Pasinei nezvatingasarudza pakuzvivaraidza, tinofanira kungwarira kuti zvirambe zviri panzvimbo yazvo. Jesu akati: “Pane pfuma yako, ndipowo pachava nomwoyo wako.” (Mat. 6:21) Saka kuda kwatinoita Jesu nemwoyo wese kuchaita kuti zvatinofunga, zvatinotaura uye zvatinoita zviratidze kuti tinokoshesa mabasa eUmambo kupfuura zvimwe zvese muupenyu.​—VaF. 1:9, 10.

KURWISA CHIDO CHEKUVA NEZVINHU

15, 16. (a) Kuda zvinhu kunogona sei kuva muedzo kumuKristu? (b) Jesu akapa zano ripi reuchenjeri panyaya yekuda zvinhu?

15 Vanhu vakawanda vanogara vachingofunga hembe dziri mufashoni, mafoni, makombiyuta nezvimwewo zvinenge zvichangoburwa. Saka muKristu mumwe nemumwe anofanira kugara achizviongorora kuburikidza nekuzvibvunza mibvunzo yakadai seiyi: ‘Ndava kunyanya kukoshesa zvinhu here zvekuti ndinoita nguva yakawanda ndichitsvakurudza uye ndichifunga nezvemotokari kana hembe dzichangoburwa kupfuura yandinoita ndichigadzirira misangano? Ndava kunyanya kubatikana nezvinhu zveupenyu zvekuti ndinoita nguva shoma ndichinyengetera kana kuverenga Bhaibheri here?’ Kana tikaona kuti kuda kwatinoita zvinhu kwakura kupfuura kuda kwatinoita Kristu, tinofanira kufungisisa mashoko aJesu ekuti: “Muchenjerere kuchochora kwemarudzi ose.” (Ruka 12:15) Nei Jesu akapa nyevero iyoyo yakasimba?

16 Jesu akati “hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri.” Akawedzera kuti: “Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” Zvinodaro nekuti “vanatenzi” vacho vese vanoda kuzvipira kwakazara. Jesu akataura kuti ‘zvimwe tichavenga mumwe toda mumwe wacho, kana kuti tichaomerera kune mumwe tozvidza mumwe wacho.’ (Mat. 6:24) Sezvo tiine chivi, tese tinofanira kuramba tichirwisa ‘kuchiva kwenyama yedu,’ kusanganisira kuda zvinhu.​—VaEf. 2:3.

17. (a) Nei vanhu vanokoshesa kugutsa zvido zvavo vachiomerwa nekuisa zvinhu panzvimbo yazvo? (b) Chii chinotibatsira kurwisa chido chekuwana zvinhu?

17 Vanhu vanokoshesa kugutsa zvido zvavo vanoomerwa nekuisa zvinhu panzvimbo yazvo. Nei zvakadaro? Nekuti havanzwisisi zvinhu zvekunamata. (Verenga 1 VaKorinde 2:14.) Kusanzwisisa ikoko kunoita kuti zvivaomere kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. (VaH. 5:11-14) Saka vamwe vanopedzisira vava nechido chakasimba chekuwana zvinhu. Asi pavanozviwana, vanowedzera kuda zvimwe. (Mup. 5:10) Zvinofadza kuti pane mushonga unogona kutidzivirira kuti tisakanganiswa nekuda zvinhu. Mushonga wacho kugara tichiverenga Shoko raMwari Bhaibheri. (1 Pet. 2:2) Jesu akafungisisa nezvechokwadi chaMwari uye izvozvo zvakamubatsira kurwisa miedzo. Saizvozvowo, kushandisa mazano eBhaibheri kunotibatsira kurwisa chido chekuwana zvinhu. (Mat. 4:8-10) Patinodaro, tinoratidza Jesu kuti tinomuda kupfuura chero chinhu chipi zvacho.

Zvii zvaunoisa pekutanga muupenyu? (Ona ndima 18)

18. Watsunga kuitei?

18 Jesu paakabvunza Petro kuti: “Unondida here kupfuura idzi?” aimuyeuchidza kuti aifanira kuisa zvinhu zvekunamata pekutanga muupenyu hwake. Petro, uyo ane zita rinoreva kuti “dombo,” aiita zvinoenderana nezita rake nekuti akanga akatsiga sedombo. (Mab. 4:5-20) Mazuva ano, isuwo tinofanira kutsunga kuti tirambe tichinyatsoda Kristu, tichiita kuti basa rekuzviriritira, zvekuzvivaraidza nazvo uye zvinhu zvenyama zvirambe zviri panzvimbo yazvo. Zvatinosarudza muupenyu ngazviratidze kuti tine mafungiro akafanana neaPetro uyo akaudza Jesu kuti: “Ishe, munoziva kuti ndinokudai kwazvo.”

^ ndima 14 Ona nyaya inoti “Zvaunovaraidzwa Nazvo Zvinobatsira Here?” iri muNharireyomurindi yaOctober 15, 2011, mapeji 9-12, ndima 6-15.