Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gayo Akabatsira Sei Hama Dzake?

Gayo Akabatsira Sei Hama Dzake?

GAYO nevamwe vaKristu vakararama munguva yemuapostora Johani vakasangana nematambudziko. Vanhu vaiparadzira dzidziso dzenhema vaiedza kukanganisa ungano uye kuita kuti dzive nemapoka. (1 Joh. 2:18, 19; 2 Joh. 7) Mumwe murume ainzi Dhiyotrefesi aiparadzira “mashoko akaipa” nezvemuapostora Johani nevamwe vaKristu, airamba kugamuchira vaKristu vainge vari parwendo uye aiedza kuita kuti vamwe vaiva muungano vatevedzere zvaaiita. (3 Joh. 9, 10) Izvi ndizvo zvaiitika Johani paakanyorera Gayo tsamba. Tsamba yacho, iyo yakanyorwa munenge muna 98 C.E., iri muMagwaro echiKristu echiGiriki uye inonzi “Tsamba Yechitatu yaJohani.”

Pasinei nematambudziko aakasangana nawo, Gayo akaramba achishumira Jehovha akatendeka. Akaratidza sei kuti akanga akatendeka? Nei tichifanira kutevedzera muenzaniso waGayo mazuva ano? Tsamba yaJohani ingatibatsira sei kuita izvozvo?

TSAMBA KUSHAMWARI INODIWA

Munhu akanyora Tsamba Yechitatu yaJohani anozviti “murume mukuru.” Nemashoko iwayo chete, Gayo aigona kuziva kuti muapostora Johani ndiye ainge anyora tsamba yacho. Johani anokwazisa Gayo nemashoko eushamwari ekuti “anodiwa, wandinoda zvechokwadi.” Zvadaro Johani akaratidza kuti aishuwira kuti Gayo ave neutano hwakanaka sezvaakanga akaita pakunamata. Aya aiva mashoko akazonaka uye anokurudzira!​—3 Joh. 1, 2, 4.

Gayo anogona kunge aiva mutariri muungano, asi tsamba yacho haitauri hayo kuti ndizvo zvaaiva. Johani akarumbidza Gayo nemhaka yekuti aigamuchira hama kunyange zvazvo akanga asingadzizivi. Sezvo vashumiri vaMwari vagara vachizivikanwa nekugamuchira vaeni, Johani aiona zvaiitwa naGayo seuchapupu hwekuti ainge akatendeka.​—Gen. 18:1-8; 1 Tim. 3:2; 3 Joh. 5.

Mashoko aJohani ekuonga zvaiitwa naGayo pakugamuchira hama anoratidza kuti vaKristu vaiwanzofamba vachibva kwaiva naJohani vachienda kuungano dzainge dzakapoteredza uye vanofanira kunge vakaudza Johani zvavaisangana nazvo. Zvichida izvi ndizvo zvaiita kuti Johani azive nezveungano dzacho.

VaKristu vainge vari parwendo vaiona zviri nani kurara mudzimba dzevavainamata navo. Vaidaro nekuti mumahotera maiitwa zvinhu zvakaipa, vaenzi vaisabatwa zvakanaka uye maiwanzoitwa zvechipfambi. Saka pese pazvaiita, vanhu vakachenjera vainge vari parwendo vairara mudzimba dzeshamwari dzavo, uye kana vari vaKristu vairara mudzimba dzevamwe vaKristu.

“DZAKABUDA NOKUDA KWEZITA RAKE”

Johani akakurudzira Gayo kuti arambe achigamuchira vaeni paakamukumbira kuti ‘aendese hama dzaiva parwendo zvakanaka nenzira yakakodzera Mwari.’ Kuendesa vaenzi kuri kutaurwa pano kwaireva kuvapa zvese zvavaida kuti vakwanise kusvika kwavaienda. Zvaiva pachena kuti Gayo akanga aita izvozvo kuvaeni vaainge ambogamuchira nekuti vakaudza Johani nezverudo rwake uye kutenda kwake.​—3 Joh. 3, 6.

Vaenzi vacho vangangodaro vaiva mamishinari, nhume dzaJohani kana kuti vatariri vanofambira. Pasinei nekuti vaiva vanaani, vaenzi vacho vaifamba nokuda kwemashoko akanaka. Johani akataura kuti hama dzacho “dzakabuda nokuda kwezita rake.” (3 Joh. 7) Johani akanga abva kutaura nezvaMwari (ona vhesi 6), saka mashoko ekuti “nokuda kwezita rake” anoita seanoreva zita raJehovha. Saka hama idzi dzaiva nhengo dzeungano yechiKristu uye dzaifanira kugamuchirwa zvakanaka. Izvi zvinoenderana nezvakanyorwa naJohani kuti: “Naizvozvo, isu tinosungirwa kuti tigamuchire vanhu vakadaro zvakanaka, kuti tive vashandi pamwe chete muchokwadi.”​—3 Joh. 8.

KUBATSIRWA PADAMBUDZIKO RAKAKURA

Chikonzero chakaita kuti Johani anyorere Gayo chaisangova chekumutenda. Johani aidawo kumubatsira kugadzirisa dambudziko rakakura. Hatizivi kuti nei mumwe muKristu ainzi Dhiyotrefesi aisada kugamuchira vaKristu vaiva parwendo. Aitoedzawo kurambidza vamwe kugamuchira vaeni.​—3 Joh. 9, 10.

Hapana mubvunzo kuti vaKristu vakatendeka havaizomboda kugara kumba kwaDhiyotrefesi kunyange pazvaiita. Aida kuva nenzvimbo yekutanga muungano, aisaremekedza chero chii zvacho chaibva kuna Johani uye aiparadzira mashoko akaipa nezvemuapostora wacho nevamwe. Kunyange zvazvo Johani asina kutaura kuti aiva mudzidzisi wenhema, Dhiyotrefesi aisaremekedza muapostora Johani. Aida mukurumbira uye aiva nemafungiro asiri echiKristu zvichiratidza kuti ainge asina kuvimbika. Nyaya yaDhiyotrefesi inoratidza kuti vanhu vanoda zvinzvimbo uye vanozvikudza vanogona kuita kuti ungano ive nemapoka. Ndosaka Johani akaudza Gayo uye mumwe nemumwe wedu kuti: “Usava mutevedzeri wezvinhu zvakaipa.”​—3 Joh. 11.

CHIKONZERO CHIKURU CHEKUITA ZVAKANAKA

Kusiyana naDhiyotrefesi mumwe muKristu ainzi Dhemetriyo aiva muenzaniso wakanaka. Johani akati: “Dhemetriyo akapupurirwa [zvakanaka] . . . Chokwadi, isuwo, tiri [kumupupurira], uye iwe unoziva kuti uchapupu hwatinopa ndohwechokwadi.” (3 Joh. 12) Zvichida Dhemetriyo aizoda kubatsirwa naGayo uye muapostora Johani angangodaro akanyora Tsamba Yechitatu yaJohani kuti audze Gayo nezvaDhemetriyo. Dhemetriyo angangodaro ari iye akaenda netsamba yacho kuna Gayo. Seimwe yenhume dzaJohani, kana kuti zvichida semutariri anofambira, Dhemetriyo anogona kunge akasimbisa zvakanga zvanyorwa naJohani.

Nei Johani akakurudzira Gayo kuti arambe achigamuchira vaeni nepo iye akanga achitodaro nechekare? Johani akaona here kuti aifanira kubatsira Gayo kuti awedzere kushinga? Muapostora wacho ainetseka here kuti Gayo aigona kuzeza kugamuchira vaeni nekuti Dhiyotrefesi aiedza kudzinga vaKristu vese vaiita izvozvo muungano? Chero zvazvingava, Johani akasimbisa Gayo nekumuudza kuti: “Uyo anoita zvakanaka anobva kuna Mwari.” (3 Joh. 11) Ichocho chikonzero chikuru chekuti tiite zvakanaka uye kuti tirambe tichidaro.

Tsamba yaJohani yakakurudzira Gayo kuti arambe achigamuchira vaeni here? Sezvo Tsamba Yechitatu yaJohani iri muBhaibheri kuti ikurudzire vamwe ‘kutevedzera zvakanaka’ zvinoreva kuti inofanira kunge yakakurudzira Gayo.

ZVIDZIDZO ZVIRI MUTSAMBA YECHITATU YAJOHANI

Hapana zvimwe zvatinoziva nezvaGayo, hama yedu yakararama kare. Kunyange zvakadaro, tinogona kudzidza zvidzidzo zvakati kuti pazvishoma zvatinoziva nezveupenyu hwake.

‘Tingatevera sei nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka’?

Chekutanga, vakawanda vedu takaziva chokwadi nemhaka yevanhu vakatendeka vaiva nechido chekufamba kuitira kuti vatizivise chokwadi. Havasi havo vese vari muungano yechiKristu mazuva ano vanofamba nzendo dzakareba nekuda kwemashoko akanaka. Asi sezvakaita Gayo tinogona kutsigira uye kukurudzira vaya vanofamba nzendo, vakadai semutariri wedunhu nemudzimai wake. Kana kuti tinogona kutsigira hama nehanzvadzi dzinoenda kune dzimwe nzvimbo munyika madzinogara kana kune dzimwe nyika kuti dzishumire kunodiwa vaparidzi vakawanda veUmambo. Saka ‘ngatiteverei nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.’​—VaR. 12:13; 1 Tim. 5:9, 10.

Chechipiri, hatifaniri kushamisika kuti dzimwe nguva vamwe vanogona kusaremekedza vaya vari kutungamirira muungano mazuva ano. Pane vamwe vasina kuremekedza simba raJohani uye vamwe vaisaremekedza simba remuapostora Pauro. (2 VaK. 10:7-12; 12:11-13) Saka tinofanira kuitei kana tikaona zvinhu zvakadaro zvichiitika muungano? Pauro akapa Timoti zano rekuti: “Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva norupfave kuna vose, anokwanisa kudzidzisa, anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa, achirayiridza nounyoro vaya vasingadi.” Kana tikaramba tiine unyoro kunyange patinenge tagumburwa, vamwe vane tsika yekutsoropodza vakuru vanogona kupedzisira vachinja maonero avo. Uyewo Jehovha, anogona ‘kuvapa rupfidzo, runoita kuti vawane zivo yakarurama pamusoro pechokwadi.’​—2 Tim. 2:24, 25.

Chechitatu, vaKristu vanoshumira Jehovha vakavimbika pasinei nekupikiswa vanofanira kurumbidzwa nemhaka yekuramba kwavo vakatendeka. Muapostora Johani akakurudzira Gayo uye akamuita kuti azive kuti zvaaiita zvakanga zvakanaka. Saizvozvowo, mazuva ano vakuru vanofanira kutevedzera muenzaniso waJohani kuburikidza nekukurudzira hama nehanzvadzi dzavo kuitira kuti ‘dzisaneta.’​—Isa. 40:31; 1 VaT. 5:11.

Tsamba yakanyorerwa Gayo nemuapostora Johani ine mashoko 219 chete muchiGiriki uye ndiro bhuku diki pane ese muBhaibheri. Pasinei naizvozvo inokosha chaizvo kuvaKristu mazuva ano.