Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muchagadzirisa Kusanzwisisana Moita Kuti Pave Nerugare Here?

Muchagadzirisa Kusanzwisisana Moita Kuti Pave Nerugare Here?

JEHOVHA MWARI anokurudzira vaKristu kuti vade rugare, kuti vakoshese rugare. Panova nerugare rukuru pakati pevanamati vechokwadi kana tikava vanhu vanoita kuti pave nerugare. Izvi zvinoita kuti vanhu vanoda rugare vade kuuya muungano yechiKristu.

Semuenzaniso, mumwe murume aiva n’anga yakakurumbira muMadagascar akacherechedza kuti Zvapupu zvaJehovha zvine rugare. Akati, ‘Kana ndikazoda kuita zvekunamata, ichi ndicho chitendero chandingada kubatana nacho.’ Nekufamba kwenguva akarega kuita zvemidzimu, akaita mwedzi yakawanda achigadzirisa wanano yake kuti ienderane nezviri muMagwaro uye akatanga kunamata Jehovha, Mwari werugare.

Kufanana nemurume iyeye, gore negore vanhu vakawanda vanowana rugare rwavaitsvaga nemaziso matsvuku pavanouya muungano yechiKristu. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti “godo rinovava nokukakavara” zvinoparadza ushamwari muungano uye zvinoita kuti muve nekusanzwisisana. (Jak. 3:14-16) Zvinofadza kuti Bhaibheri rinewo mazano anobatsira kuti tidzivise matambudziko akadaro, towedzera kuva nerugare. Kuti tikwanise kudaro, ngatimboonai zvakaitika kune vamwe vanhu.

MATAMBUDZIKO UYE ZVINGAITWA PAKUAGADZIRISA

“Taisanzwisisana neimwe hama yandaishanda nayo. Rimwe zuva, vanhu vaviri vakapinda mataishandira vakationa tichipopotedzana.”—CHRIS.

“Imwe hanzvadzi yandaiwanzoparidza nayo yakangoerekana yati timire urongwa hwedu hwekuparidza. Yakabva yarega kutaura neni. Handina kuziva kuti yaizviitirei.”—JANET.

“Taitaura pafoni tiri vatatu. Mumwe wevandaitaura navo akabva aoneka uye ndakafunga kuti akanga aisa foni pasi. Ndakabva ndataura zvakashata nezvake nemumwe akanga achiri pafoni asi ndakazoziva kuti uya ainge aoneka akanga asina kuisa foni pasi.”—MICHAEL.

“Mamwe mapiyona maviri emuungano medu akatanga kunetsana. Mumwe wacho akanga ava kugara achitukirira mumwe wake. Kunetsana kwavaiita nezvinhu zvisina basa kwaiita kuti vamwe vaore mwoyo.”—GARY.

Ungaona sekuti idzi inyaya diki. Asi nyaya imwe neimwe yaigona kuita kuti vanhu vacho varwadziwe zvikuru uye vakanganisike pakunamata. Asi zvinofadza kuti hama nehanzvadzi idzodzo dzakabvuma kutungamirirwa neBhaibheri dzikakwanisa kuva nerugare zvakare. Unofunga kuti mazano api emuBhaibheri adzakashandisa?

“Musanetsana parwendo.” (Gen. 45:24) Josefa akapa vakoma vake zano iri pavakanga vava kudzokera kuna baba vavo. Mashoko ake aiva euchenjeri. Kana munhu asingazvidzori uye achikurumidza kutsamwa, anogona kugumbura vamwe. Chris akasvika pakuona kuti aiva nedambudziko rekuzvikudza uye rekusada kuudzwa zvekuita nevamwe. Nemhaka yekuti aida kuchinja, akakumbira ruregerero kuhama yaaigara achipopotedzana nayo uye akashanda nesimba kuti asakurumidza kutsamwa. Hama yacho yakachinjawo payakaona kuti Chris akanga achishanda nesimba kuti achinje. Iye zvino vari kunakidzwa nekushumira Jehovha pamwe chete.

“Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri.” (Zvir. 15:22) Janet akazoona kuti aifanira kunyatsofungisisa chokwadi ichi. Akasarudza “kurangana” kana kuti kutaura nehanzvadzi yacho. Pavaitaura, Janet akashandisa ungwaru kuti hanzvadzi yacho itaure kuti nei yaiva nechigumbu. Pakutanga, vainge vasina kusununguka pavaikurukura, asi zvakava nani sezvavaikurukura nezvedambudziko racho vakadzikama. Hanzvadzi yacho yakazoona kuti yakanga isina kunzwisisa imwe nyaya yakanga isinei naJanet. Yakakumbira ruregerero uye vari kushumira Jehovha pamwe chete zvakare.

“Zvino, kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.” (Mat. 5:23, 24) Pamwe unoyeuka zano iri rakataurwa naJesu muMharidzo yepaGomo. Michael akanetseka chaizvo paakaona kuti akanga ataura mashoko anogumbura vamwe. Ainge akatsunga kuita kuti pavezve nerugare. Akazvininipisa, akaenda kuhama yaakanga agumbura kuti anokumbira ruregerero vachionana. Zvakaguma nei? Michael anoti, “Hama yangu yakandiregerera nemwoyo wese.” Vakavazve shamwari.

“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.” (VaK. 3:12-14) Panyaya yemapiyona maviri ainetsana, mumwe mukuru ane mutsa akaabatsira kuti afunge nezvemibvunzo yakadai seiyi: “Isu tiri vaviri tine kodzero yekuita kuti vamwe vashaye mufaro here nemhaka yekusanzwisisana kwedu? Tine chikonzero chakanaka here chinotitadzisa kushivirirana kuti tikwanise kuramba tichishumira Jehovha tiine rugare? Mapiyona acho akabvuma zano raakapiwa ndokurishandisa. Iye zvino ava kuwirirana sezvaanoparidza mashoko akanaka.

Kana mumwe munhu akakurwadzisa, kutanga kushandisa zano richangobva kutaurwa riri pana VaKorose 3:12-14 kunogona kubatsira. Vakawanda vakaona kuti, vachizvininipisa, vanogona kungoregerera vokanganwa nezvazvo. Kana ukaona sekuti pane zvichiri kuda kugadziriswa pashure pekunge waita izvi, ungashandisa here zano riri pana Mateu 18:15? Zano raJesu riri ipapo rinotaura nezvedanho rinofanira kutorwa kana munhu akaita chivi chakakura achitadzira mumwe. Asi pamwe ndiro zano raunenge uchifanira kushandisa. Enda kuhama kana hanzvadzi yako woedza kutaurirana nayo nemutsa uye uchizvininipisa kuti mugadzirise nyaya yacho.

Bhaibheri rine mamwe mazano anobatsira. Kuti mazano acho ashande, unofanira kuva ‘nechibereko chemweya’ icho chinoumbwa nezvinhu zvinoti: “Rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaG. 5:22, 23) Kungofanana neoiri inoita kuti muchina ushande zvakanaka, chibereko chemweya chinoita kuti zvive nyore kuti vanhu vagadzirise zvinhu vova nerugare.

KUSIYANA KWEUNHU KUNOITA KUTI MUUNGANO MUNAKIDZE

Kusiyana kweunhu kunogona kuita kuti vanhu vave neushamwari hwakasimba. Kunogona kuitawo kuti vanhu vanetsane. Imwe hama yava nemakore iri mukuru inoti: “Zvingaomera munhu anonyara kuti awirirane nemunhu akasununguka uye anotaurisa. Kusiyana ikoko kungaita sekusina basa; asi kunogona kuita kuti pave nematambudziko akakura.” Zvisinei, unofunga kuti vanhu vane unhu hwakanyanya kusiyana vachatotadza kuwirirana here? Funga nezvevamwe vaapostora vaviri. Petro aiva munhu akaita sei? Unogona kumuona semunhu aitaura zvinhu sezvazviri uye aiita zvinhu asina kutanga anyatsofunga. Ko Johani aiva munhu akaita sei? Tinogona kumuona semurume aiva nerudo sezvinoratidzwa pane zvaakataura nezvaakaita. Panogona kunge paine zvikonzero zvinoita kuti tione vaapostora ivavo saizvozvo. Zvinoita sekuti vakanga vaine unhu hwakasiyana. Kunyange zvakadaro, vakashanda pamwe chete zvakanaka. (Mab. 8:14; VaG. 2:9) Saizvozvowo, zvinoita kuti vaKristu vane unhu hwakasiyana vashande pamwe chete mazuva ano.

Zvimwe muungano yenyu mune hama inotaura nekuita zvinhu zvinokusvota. Pasinei naizvozvo, unoziva kuti Kristu akafira munhu iyeye uye kuti unofanira kumuratidza rudo. (Joh. 13:34, 35; VaR. 5:6-8) Saka pane kubva wati haudi kuita shamwari yake kana kupota uchimunzvenga, zvibvunze kuti: ‘Hama yangu iri kuita chinhu chisingabvumirwi neMagwaro here? Iri kutoita zvekuronga kundirwadzisa here kana kuti tingori neunhu hwakasiyana?’ Uyewo, chimwe chinonyanya kukosha kuzvibvunza kuti: ‘Ine humwe unhu hwandingada kuvawo nahwo here?’

Mubvunzo wapedzisira kubvunzwa unokosha. Kana munhu wacho achitaurisa asi iwe uri munhu akanyarara, funga kuti zviri nyore sei kwaari kuti atange kutaura nevanhu muushumiri. Unogona kukumbira kushanda naye muushumiri woona kuti ungadzidzei kwaari. Kana ari munhu ane rupo, asi iwe wakati omerei, wadii kuona mufaro waainawo unobva pakupa vakwegura, vanorwara uye vanoshayiwa? Chiripo ndechekuti, kunyange zvazvo muine unhu hwakasiyana, munogona kuva pedyo nepedyo kana mukaisa pfungwa pane zvakanaka zvinoitwa nemumwe. Izvi zvingasaita hazvo kuti muite tsika nditsikewo, asi zvinogona kukubatsirai kuti muve pedyo mowedzera kuva nerugare pakati penyu uye muungano.

Yudhiya naSindike vaigona kunge vakasiyana pamaitiro avo uye paunhu hwavo. Asi muapostora Pauro akavakurudzira “kuti vave nokufunga kwakafanana munaShe.” (VaF. 4:2) Uchaedzawo here kuita kuti muve nekufunga kwakafanana mova nerugare?

KURUMIDZAI KUGADZIRISA KUSANZWISISANA

Kungofanana nemasora ari kukura mumaruva, kuvenga vamwe kunogona kuramba kuchiwedzera kana tikasashanda nesimba kuti tikudzure mumwoyo medu. Kana mwoyo wemunhu ukaremerwa nekuchengeta chigumbu, zvinogona kutokanganisa ungano. Kana tichida Jehovha uye hama dzedu, tichaita zvese zvatinogona kuti kusanzwisisana kwedu neimwe hama kana hanzvadzi kusakanganisa kana kuderedza rugare rweungano yevanhu vaMwari.

Kana ukazvininipisa, woedza kuita kuti pave nerugare, pane zvakanaka zvinogona kuitika

Patinogadzirisa kusanzwisisana tiine chinangwa chekuita kuti pave nerugare, tingashamiswa nezvakanaka zvinozoitika. Semuenzaniso, chimwe chapupu chakati: “Ndaiona sekuti imwe hanzvadzi yaindiona sekamwana. Zvaindisvota chaizvo. Kusvotwa kwacho zvakwaiwedzera, ndakatanga kutaura nayo zvisina ruremekedzo. Ndaizviudza kuti, ‘Haandiremekedzi semunhu mukuru, saka handisi kuzomuremekedzawo.’”

Chapupu ichi chakazotanga kufunga nezvemaitiro acho. “Ndakatanga kuona zvikanganiso zvangu uye ndakazvishora chaizvo. Ndakaona kuti ndaifanira kuchinja mafungiro angu. Pashure pekunyengetera kuna Jehovha nezvenyaya yacho, ndakatengera hanzvadzi yacho chipo ndikanyora kadhi ndichikumbira ruregerero nemhaka yemaitiro angu akashata. Takambundirana tikabvumirana kusiyana nenyaya yacho. Kubvira ipapo, hatina kuzombonetsana zvakare.”

Vanhu vanoda chaizvo kuva nerugare. Kunyange zvakadaro, kana vakaona kuti vari kutarisirwa pasi kana kuti chinzvimbo chavo chinogona kutorwa, vakawanda vanotanga kuita zvinhu zvinovhiringidza rugare. Izvi ndizvo zvinoitwa nevakawanda vasinganamati Jehovha, asi pakati pevashumiri vake panofanira kuramba paine rugare nekubatana. Jehovha akafemera Pauro kuti anyore kuti: “Ndinokutetererai kuti mufambe zvakakodzera kudanwa kwamakadanwa nako, nepfungwa dzinozvininipisa zvakakwana nounyoro, nomwoyo murefu, muchishivirirana murudo, muchivavarira nomwoyo wose kuchengeta kubatana [kwemweya] muchisungo chorugare.” (VaEf. 4:1-3) “Chisungo chorugare” ichocho chinokosha zvikuru. Ngatichisimbisei, totsunga kugadzirisa chero kusanzwisisana kungaitika pakati pedu.