Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kuchenjera Kwako Ngakukomborerwe!”

“Kuchenjera Kwako Ngakukomborerwe!”

MASHOKO ari pamusoro apa akataurwa naDhavhidhi achirumbidza mumwe mukadzi waakasangana naye. Mukadzi wacho ainzi Abhigairi. Chii chakaita kuti Dhavhidhi amurumbidze uye tingadzidzei kubva pamuenzaniso wemukadzi uyu?

Dhavhidhi akasangana nemukadzi uyu panguva yaaitiza Mambo Sauro. Abhigairi aiva mudzimai waNabhari, murume aiva mupfumi aifudza makwai ake akawanda chaizvo munzvimbo yaiva nemakomo kumaodzanyemba kweJudha. Dhavhidhi nevarume vake vakanga vaita ‘serusvingo runodzivirira’ kuvafudzi vaNabhari nemakwai ake. Pava paya, Dhavhidhi akatumira nhume kuna Nabhari, achikumbira ‘chero chaaiva nacho’ chekuti vadye. (1 Sam. 25:8, 15, 16) Chikumbiro ichi chainge chakakodzera tichifunga nezvekuti Dhavhidhi nevarume vake vakanga vachengetedza sei zvinhu zvaNabhari.

Asi Nabhari, uyo aiva nezita rinoreva kuti “Benzi” kana kuti “Munhu asina njere,” akaita zvaienderana nezvinorehwa nezita rake. Akapindura nehasha uye nemashoko ekutuka, achiramba kupa Dhavhidhi zvaakanga akumbira. Saka Dhavhidhi akagadzirira kuranga Nabhari nemhaka yemapinduriro aakaita. Nabhari nemhuri yake vaizopinda mutsekwende nemhaka yeupenzi hwake.—1 Sam. 25:2-13, 21, 22.

Achiziva zvakaipa zvaizoitika nemhaka yezvakanga zvarongwa naDhavhidhi asina kunyatsofunga, Abhigairi akapindira munyaya yacho neushingi. Akateterera Dhavhidhi zvine ruremekedzo achitaura nezveushamwari hwaDhavhidhi naJehovha. Uye akapa zvekudya zvakawanda kuna Dhavhidhi, uyo aizova mambo anotevera, uye akapawo varume vake. Izvi zvakaita kuti Dhavhidhi abvume kuti Jehovha akanga ashandisa mukadzi uyu kumudzivisa kuti asaita zvinhu zvaizoita kuti ave nemhosva pamberi paMwari. Dhavhidhi akati kuna Abhigairi: “Kuchenjera kwako ngakukomborerwe, uye komborerwa iwe wandidzivisa nhasi kuti ndirege kuva nemhosva yeropa.”—1 Sam. 25:18, 19, 23-35.

Hatingambofi takada kutevedzera Nabhari, uyo asina kuonga zvakanaka zvaakaitirwa. Uyewo kana tikaona kuti pane zvakaipa zvava kuda kuitika, zvakanaka kuti tiite zvese zvatinogona kuti tizvidzivise. Saka tinogona kuvawo nemaonero akafanana neemunyori wemapisarema uyo akaudza Mwari kuti: “Ndidzidzisei zvakanaka, kuchenjera nezivo.”—Pis. 119:66.

Vamwe vanogona kuona kuti tine uchenjeri kubva pane zvatinoita. Kunyange vakasazvitaura, vanogona kunzwa sezvakaita Dhavhidhi uyo akati: “Kuchenjera kwako ngakukomborerwe.”