Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Une Chido Chekumirira Nemwoyo Murefu Here?

Une Chido Chekumirira Nemwoyo Murefu Here?

“Nemiwo shivirirai [kana kuti ivai nemwoyo murefu].”—JAK. 5:8.

NZIYO: 114, 79

1, 2. (a) Chii chingaita kuti tibvunze kuti: “Kusvikira rini”? (b) Nei mienzaniso yevashumiri vakatendeka vekare ichigona kutikurudzira?

“KUSVIKIRA rini?” Mubvunzo uyu wakabvunzwa nevaprofita vakatendeka, Isaya naHabhakuki. (Isa. 6:11; Hab. 1:2) Paainyora Pisarema 13, Mambo Dhavhidhi akabvunza ka4 kuti: “Kusvikira rini?” (Pis. 13:1, 2) Kunyange Ishe wedu Jesu Kristu akabvunzawo mubvunzo iwoyo paakaona kuti vanhu vepanguva yake vaisava nekutenda. (Mat. 17:17) Saka hatifaniri kushamisika kana dzimwe nguva tikava nemubvunzo iwoyo.

2 Chii chingaita kuti tibvunze kuti: “Kusvikira rini”? Zvichida tinogona kunge takaitirwa zvakaipa. Kana kuti tinogona kunge tiri kutsungirira marwadzo ekukwegura uye kurwara kana matambudziko ekurarama ‘munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.’ (2 Tim. 3:1) Kana kuti taneta nemafungiro nemaitiro akaipa evanhu vatiri kurarama navo. Pasinei nechingaita kuti tiubvunze, zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti vashumiri vaJehovha vakatendeka vekare vainzwa vakasununguka kubvunza mubvunzo iwoyo watingava nawo, uye havana kupiwa mhosva yekuti vakaubvunzirei.

3. Chii chingatibatsira patinosangana nematambudziko?

3 Asi chii chingatibatsira patinosangana nematambudziko akadaro? Mudzidzi Jakobho, uyo aiva munin’ina waJesu, akafemerwa kuti atiudze kuti: “Naizvozvo, hama, shivirirai [kana kuti ivai nemwoyo murefu] kusvikira pakuvapo kwaShe.” (Jak. 5:7) Tese tinofanira kuva nemwoyo murefu. Asi kuva neunhu uhwu hunodiwa naMwari kunosanganisirei?

CHII CHINONZI MWOYO MUREFU?

4, 5. (a) Kuva nemwoyo murefu kunosanganisirei? (b) Mudzidzi Jakobho akaenzanisira sei kuti tinofanira kubvuma kumirira? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Maererano neBhaibheri, mweya mutsvene ndiwo unoita kuti tive nemwoyo murefu. Vanhu vane chivi havakwanisi kunyatsova nemwoyo murefu wavanofanira kuva nawo vasingabatsirwi naMwari. Mwoyo murefu chipo chinobva kuna Mwari, uye kuva nawo inzira huru yekuratidza kuti tinomuda. Kuva nemwoyo murefu kunoratidzawo kuti tinoda vamwe. Kuramba tichitadza kuva nemwoyo murefu kunoita kuti rudo rusasimba, asi kuva nawo kunorusimbisa. (1 VaK. 13:4; VaG. 5:22) Mwoyo murefu wakabatana nehumwe unhu hunokosha hwechiKristu. Semuenzaniso, wakabatana chaizvo nekutsungirira, uko kunotibatsira kushingirira zvinhu pazvinenge zvakaoma asi tichiramba tiine maonero akanaka. (VaK. 1:11; Jak. 1:3, 4) Mwoyo murefu unosanganisirawo kusadzorera patinotambudzwa uye kuramba takatsiga pasinei nezvingaitika kwatiri. Uyewo, Bhaibheri rinotikurudzira kubvuma kuti tinofanira kumirira. Izvi zvinobudiswa pachena pana Jakobho 5:7, 8. (Verenga.)

5 Nei tichifanira kubvuma kuti tinofanira kumirira kuti Jehovha agadzirise zvinhu? Jakobho akaenzanisa mamiriro edu ezvinhu neemurimi. Kunyange zvazvo murimi achishanda nesimba pakudyara zvirimwa zvake, haakwanisi kuchinja mamiriro ekunze kana makuriro ezvirimwa zvacho. Haakwanisi kuita kuti nguva imhanye. Anobvuma kuti anofanira kumirira nemwoyo murefu kuti azowana “chibereko chinokosha chenyika.” Saizvozvowo, pane zvakawanda zvatisingakwanisi kuchinja patinenge tichimirira kuti Jehovha azadzise zvaakavimbisa. (Mako 13:32, 33; Mab. 1:7) Kufanana nemurimi, tinofanira kumirira nemwoyo murefu.

6. Tingadzidzei pane zvakaitwa nemuprofita Mika?

6 Zviri kuitika mazuva ano zvakangofanana nezvaiitika pakararama muprofita Mika. Akararama paitonga Mambo Ahazi ainge akaipa, uye mazuva iwayo vanhu vaiita zvakaipa zvemarudzi ese. Vakanga vava ‘kunyatsozviita,’ kureva kuti vakanga vava nyanzvi pakuita zvakaipa. (Verenga Mika 7:1-3.) Mika akaona kuti akanga asingakwanisi kuchinja zvinhu izvi. Saka aizoita sei? Anotiudza kuti: “Asi ini, ndicharamba ndichitarira kuna Jehovha. Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu. Mwari wangu achandinzwa.” (Mika 7:7) Isuwo tinofanira ‘kumirira’ sezvakaita Mika.

7. Nei tichifanira kuita zvinopfuura kungomirira kuti Jehovha azadzise zvaakavimbisa?

7 Kana tiine kutenda kwakafanana nekwaMika, tichava nechido chekumirira Jehovha. Takasiyana nemusungwa ari mujeri anenge akamirira kuurayiwa. Anotofanira kumirira asi anenge asiri kufarira zvichaitika kwaari. Izvi zvakasiyana chaizvo nezvatiri kuita. Tine chido chekumirira Jehovha nekuti tinoziva kuti achazadzisa vimbiso yake yekutipa upenyu husingaperi panguva chaiyo yakakodzera. Saka ‘tinotsungirira zvizere nemwoyo murefu uye nemufaro.’ (VaK. 1:11, 12) Mwari wedu haafari nazvo kana tikamirira asi tichigunun’una kana kunyunyuta kuti ari kunonoka kugadzirisa zvinhu.—VaK. 3:12.

VANHU VAKATENDEKA VAIVA NEMWOYO MUREFU

8. Chii chatinofanira kuyeuka patinenge tichifungisisa nezvevarume nevakadzi vakatendeka vekare?

8 Tichawedzera kuva nechido chekumirira kana tikayeuka varume nevakadzi vakatendeka vekare vakamirira nemwoyo murefu kuti Jehovha azadzise zvaakavimbisa. (VaR. 15:4) Patinenge tichifungisisa nezvavo, ngatiyeukei kuti vaifanira kumirira kwenguva yakareba sei, nei vaiva nechido chekumirira uye kuti kuva nemwoyo murefu kwakaita kuti vawane makomborero api.

Abrahamu aitofanira kumirira makore akawanda kuti vazukuru vake, Isau naJakobho vaberekwe (Ona ndima 9, 10)

9, 10. Abrahamu naSara vaifanira kumirira Jehovha kwenguva yakareba sei?

9 Ngatimboonai zvakaitwa naAbrahamu naSara. Vanotaurwawo pavanhu “vanogara nhaka yezvipikirwa pachishandiswa kutenda nokushivirira.” Magwaro anotiudza kuti “pashure pokunge Abrahamu [aratidza mwoyo murefu],” akawana vimbiso yekuti Jehovha aizomukomborera, oita kuti vana vake vawande. (VaH. 6:12, 15) Vimbiso iyoyo yaizotora nguva kuti izadziswe. Saka Abrahamu aitofanira kumirirazve nemwoyo murefu. Sungano yakaitwa naJehovha naAbrahamu yakatanga kushanda musi waNisani 14, 1943 B.C.E. Abrahamu naSara pamwe chete nevamwe vemumhuri yavo ndipo pavakayambuka Rwizi rwaYufratesi vachipinda muNyika Yakapikirwa. Abrahamu aitofanira kumirira kwemakore 25 kuti mwanakomana wake Isaka aberekwe muna 1918 B.C.E., uye aitofanira kumirira kwemamwe makore 60 kuti vazukuru vake, Isau naJakobho vaberekwe muna 1858 B.C.E.—VaH. 11:9.

10 Abrahamu akapiwa nyika yakakura sei? Tinoudzwa kuti: “Asi [Jehovha] haana kumupa [Abrahamu] chimwe chinhu chaizogarwa nhaka mairi, aiwa, kunyange [panokwana tsoka yake]; asi akapikira kumupa iyo kuti ive yake, uye pashure pake kuvana vake, paakanga asati ava nomwana.” (Mab. 7:5) Zvakatora makore 430 Abrahamu ayambuka Yufratesi kuti vana vake vazova rudzi rwaizotora nyika iyoyo.—Eks. 12:40-42; VaG. 3:17.

11. Nei Abrahamu aiva nechido chekumirira Jehovha, uye achawana makomborero api nemhaka yekuva nemwoyo murefu?

11 Abrahamu aiva nechido chekumirira nekuti aiva nechokwadi chekuti Jehovha aizozadzisa zvaakavimbisa. (Verenga VaHebheru 11:8-12.) Abrahamu aida kumirira, kunyange zvazvo asina kuona chipikirwa chacho chichinyatsozadzika panguva yaakararama. Asi fungidzira kufara kuchaita Abrahamu paachamutswa kuti ararame muparadhiso. Achashamiswa paachaona kuti muBhaibheri mune chikamu chakakura chinotaura nezveupenyu hwake uye hwevana vake. * Chimbofungidzira kufara kwaachaita paachanzwisisa kukosha kwezvaakaita pakuzadzika kwechinangwa chaJehovha panyaya yemwana akavimbiswa. Hapana mubvunzo kuti achaona kuti kunyange zvazvo akamirira kwenguva refu, akamirira zviripo.

12, 13. Nei Josefa aifanira kuva nemwoyo murefu uye aiva neunhu hupi hwakanaka?

12 Josefa, mwana wemuzukuru waAbrahamu, akaratidzawo kuti aiva nechido chekumirira nemwoyo murefu. Akaitirwa zvinhu zvakaipa chaizvo. Kutanga, paaiva nemakore anenge 17, vakoma vake vakamutengesa kuti ave muranda. Akabva azonyeperwa kuti ainge aedza kubata mudzimai watenzi wake chibharo, zvikaita kuti apedzisire akandwa mujeri. (Gen. 39:11-20; Pis. 105:17, 18) Zvaiita sekuti airangirwa kuita zvakanaka panzvimbo pekuti akomborerwe. Asi pashure pemakore 13, zvinhu zvakabva zvangochinja nekukurumidza. Akabudiswa mujeri achibva agadzwa kuva mutevedzeri wamambo weIjipiti.—Gen. 41:14, 37-43; Mab. 7:9, 10.

13 Josefa akatsamwa here paakaitirwa zvakaipa? Akabva arega here kuvimba naMwari wake, Jehovha? Kwete. Chii chakabatsira Josefa kuti amirire nemwoyo murefu? Aiva nekutenda muna Jehovha. Akaona ruoko rwaJehovha rwuchimubatsira. Ona kuti akaratidza sei izvozvo pamashoko aakaudza vakoma vake. Akati: “Musatya, nokuti ndiri munzvimbo yaMwari here? Imi maindifungira zvakaipa. Mwari aifunga zvakanaka kuti vanhu vazhinji vachengetedzwe vari vapenyu sezvazvakaita nhasi.” (Gen. 50:19, 20) Pakupedzisira, Josefa akaona kuti ainge amirira zviripo.

14, 15. (a) Chii chinoshamisa pakuratidza kwakaita Dhavhidhi mwoyo murefu? (b) Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti amirire nemwoyo murefu?

14 Mambo Dhavhidhi akaitirwawo zvinhu zvakawanda zvakaipa. Kunyange zvazvo akazodzwa naJehovha achiri mudiki kuti azova mambo wevaIsraeri, Dhavhidhi aifanira kumirira kwemakore anenge 15 asati agadzwa samambo wevaJudha. (2 Sam. 2:3, 4) Pane imwe nguva mumakore iwayo, Mambo Sauro uyo ainge asina kutendeka akatanga kuvhima Dhavhidhi achida kumuuraya. * Izvi zvakaita kuti Dhavhidhi agare achitiza, dzimwe nguva achitizira kunyika yevatorwa uye dzimwe nguva kumapako murenje. Kunyange Sauro paakazourayiwa muhondo, Dhavhidhi aifanira kumirira zvakare kwemakore anenge 7 kuti azopiwa umambo hwerudzi rwese rwevaIsraeri.—2 Sam. 5:4, 5.

15 Nei Dhavhidhi aiva nechido chekumirira nemwoyo murefu? Anotipa mhinduro yacho mupisarema raakanyora ka4 mubvunzo wekuti: “Kusvikira rini?” Akati: “Asi ini ndakavimba [nerudo rwenyu rwakavimbika]; mwoyo wangu ngaufarire kuponesa kwenyu. Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandipa mubayiro.” (Pis. 13:5, 6) Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha aimuda uye kuti Jehovha aizoramba akavimbika kwaari. Aitarisira nemufaro kuti achanunurwa, uye aifunga nezvekukomborerwa kwaainge amboitwa naJehovha. Zvechokwadi, Dhavhidhi aiziva kuti aimirira zviripo.

Jehovha haatarisiri kuti isu tive nemwoyo murefu asi iye wacho asingadi kuva nawo

16, 17. Jehovha Mwari naJesu Kristu vakaratidza sei muenzaniso wakanaka chaizvo panyaya yekuva nechido chekumirira?

16 Jehovha haatarisiri kuti isu tive nemwoyo murefu asi iye wacho asingadi kuva nawo. Ndiye muenzaniso mukuru pakuva nechido chekumirira. (Verenga 2 Petro 3:9.) Jehovha ava nezviuru zvemakore akamirira nemwoyo murefu kuti nyaya dzakamutswa mumunda weEdheni dzigadziriswe zvekuti panosara pasina kana ane mubvunzo. Ari ‘kumirira’ nemwoyo murefu kuti nguva yekuti zita rake rinyatsotsveneswa isvike. Izvi zvichaita kuti “vaya vari kuramba vachimumirira” vazowana makomborero atisingagoni kufungidzira.—Isa. 30:18.

17 Jesu anewo chido chekumirira. Kunyange zvazvo akaramba akavimbika paaiva pasi pano, uye akapa upenyu hwake sechibayiro muna 33 C.E., aitofanira kumirira kusvikira muna 1914 kuti azotanga kutonga. (Mab. 2:33-35; VaH. 10:12, 13) Vavengi vese vaJesu vachazoparadzwa zvachose pashure peKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000. (1 VaK. 15:25) Achange amirira kwenguva yakareba chaizvo, asi tinogona kuva nechokwadi chekuti achange amirira zviripo.

CHII CHICHATIBATSIRA?

18, 19. Chii chichatibatsira kuti tive nechido chekumirira nemwoyo murefu?

18 Saka hapana mubvunzo kuti mumwe nemumwe wedu anofanira kuva nechido chekumirira, kuva nemwoyo murefu. Asi chii chichatibatsira kuti tidaro? Nyengeterera mweya mutsvene waMwari. Yeuka kuti mwoyo murefu chibereko chemweya mutsvene. (VaEf. 3:16; 6:18; 1 VaT. 5:17-19) Teterera kuna Jehovha kuti akubatsire kutsungirira nemwoyo murefu.

19 Yeukawo kuti chii chakabatsira Abrahamu, Josefa uye Dhavhidhi kuti vamirire nemwoyo murefu kuzadziswa kwezvakavimbiswa naJehovha. Vakabatsirwa nekutenda kwavo muna Jehovha uye kuvimba kwavaiita naye. Havana kungoisa pfungwa pane zvavaida ivo kana pakurarama upenyu hwakanaka. Kufungisisa kuti zvinhu zvakavafambira sei, kuchatikurudzira kumirira.

20. Mumwe nemumwe wedu anofanira kutsunga kuitei?

20 Saka kunyange tichisangana nemiedzo nematambudziko, takatsunga kuramba ‘takamirira.’ Zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva tingachema tichiti, “Kusvikira rini, haiwa Jehovha?” (Isa. 6:11) Asi tichibatsirwa nesimba remweya mutsvene waMwari, mumwe nemumwe wedu akatsunga kutaurawo mashoko aJeremiya ekuti: “Jehovha ndiye mugove wangu . . . Ndokusaka ndichamumirira.”—Mari. 3:21, 24.

^ ndima 11 Mubhuku raGenesisi mune zvitsauko 15 zvinotaura nezvenhoroondo yaAbrahamu. Uyewo, zita rekuti Abrahamu rinowanika kanopfuura ka40 mushanduro yechiShona yeMagwaro echiKristu echiGiriki.

^ ndima 14 Kunyange zvazvo Sauro akarambwa naJehovha pashure pekunge ati pfuurei makore maviri achitonga, akabvumirwa kuti arambe achitonga kwemamwe makore 38, kusvikira paakazofa.—1 Sam. 13:1; Mab. 13:21.