Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rugare rwaMwari Runopfuura Kufunga Kwose”

“Rugare rwaMwari Runopfuura Kufunga Kwose”

“Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu.”—VAF. 4:7.

NZIYO: 112, 58

1, 2. Zvakafamba sei kuti Pauro naSirasi vakandwe mujeri muFiripi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

PANENGE pakati peusiku. Mamishinari maviri, Pauro naSirasi vari mukatikati mejeri muguta reFiripi. Makumbo avo akasungwa zvakasimba uye misana yavo ichiri kurwadza nemhaka yekurohwa kwavachangobva kuitwa. (Mab. 16:23, 24) Izvi zvakanga zvaitika nekukurumidza zvikuru. Vasina kana kumbonyeverwa, vakanga vazvuzvurudzwa nemhomho yevanhu ndokuendeswa pamusika kuti vanomira pamberi pedare rainge raumbwa zvechimbichimbi. Vakabvarurirwa mbatya dzavo ndokuzvamburwa neshamhu. (Mab. 16:16-22) Izvi zvakanga zvisina kururama zvachose. Pauro, uyo aiva chizvarwa cheRoma, aifanira kutongwa zvakanaka. *

2 Pauro zvaakagara murima, anofunga zvaitika zuva iroro. Anofunga nezvevanhu vemuFiripi. Havana kana sinagogi yechiJudha muguta ravo, kusiyana nemamwe maguta akashanyirwa naPauro. VaJudha vanotoungana kunze kwemagedhi eguta racho, pedyo nerwizi. (Mab. 16:13, 14) Imhaka here yekuti muguta iri hamuna kana varume vanosvika 10 vechiJudha vanodiwa kuti paumbwe sinagogi? Zviri pachena kuti vanhu vemuFiripi vanodada chaizvo nekuva zvizvarwa zveRoma, kunyange zvazvo vakaita zvekupiwa kodzero yekuva zvizvarwa zveRoma. (Mab. 16:21) Zvingava here izvo zvaita kuti vasambofunga kuti vaJudha ava, Pauro naSirasi, vangava zvizvarwa zveRoma? Chero zvazvingava, vatokandwa mujeri vasina mhosva.

3. Nei Pauro angangodaro akanetseka nekusungwa kwaakaitwa, asi akava nemaonero akaita sei?

3 Zvimwe Pauro ari kufungawo zvakaitika mwedzi mishoma yapfuura. Akanga ari kune rimwe divi reGungwa reAegean, kuAsia Minor. Paakanga ari ikoko, mweya mutsvene waimurambidza kunoparidza kune dzimwe nzvimbo. Zvaiita sekuti mweya mutsvene waimuita kuti aende kune imwe nzvimbo. (Mab. 16:6, 7) Aifanira kuenda kupi? Akaoneswa chiratidzo paaiva muTroasi kuti azive kwaaifanira kuenda. Pauro akaudzwa kuti: “Yambukirai kuMakedhoniya.” Zvaidiwa naJehovha zvainge zvakajeka. Saka Pauro akabva angoenda kuMakedhoniya. (Verenga Mabasa 16:8-10.) Asi chii chakazoitika? Achangosvika kuMakedhoniya, akaiswa mujeri. Nei Jehovha akabvumira kuti izvozvo zviitike kuna Pauro? Aizogara mujeri kwenguva yakareba sei? Kunyange zvazvo Pauro ainetseka nemibvunzo iyi, haana kurega izvozvo zvichikanganisa kutenda kwake uye zvichimutadzisa kufara. Iye naSirasi vakatanga ‘kunyengetera vachirumbidza Mwari nerwiyo.’ (Mab. 16:25) Mwoyo yavo nepfungwa dzavo zvakazorodzwa nerugare rwaMwari.

4, 5. (a) Mamiriro edu ezvinhu anogona kufanana sei neaPauro? (b) Zvinhu zvakangoerekana zvachinja sei kuna Pauro?

4 Sezvakaitika kuna Pauro, zvichida pane dzimwe nguva pawakaona kuti wakaita maererano nekutungamirira kwemweya mutsvene waMwari, asi zvinhu hazvina kuita sezvawaitarisira. Wakasangana nematambudziko kana kuti wakava mumamiriro ezvinhu aida kuti uchinje zvinhu zvakakura muupenyu hwako. (Mup. 9:11) Paunofunga nezvazvo, zvimwe unonetseka kuti nei Jehovha akabvumira kuti zvimwe zvinhu zviitike. Kana zvakadaro, chii chinogona kukubatsira kuramba uchitsungirira uchinyatsovimba naJehovha? Kuti tiwane mhinduro, ngatidzokerei kunyaya yaPauro naSirasi.

5 Pauro naSirasi zvavanoimba nziyo dzekurumbidza, pane zvinobva zvaitika zvavanga vasingatarisiri. Panongoerekana paitika kudengenyeka kwenyika kunotyisa. Madhoo ejeri anobva angovhurika. Zvisungo zvevanhu vese vari mujeri zvinosununguka. Pauro anorambidza murindi wejeri kuzviuraya. Murindi wejeri nemhuri yake yese vanobhabhatidzwa. Zuva rinotevera racho, vakuru vehurumende vanotuma mapurisa kuti abudise Pauro naSirasi mujeri. Vakuru vehurumende vanovaudza kuti vabude muguta zvine runyararo. Pavanozoziva kuti Pauro naSirasi zvizvarwa zveRoma, vatongi vacho vanoona kuti vakakanganisa zvikuru, saka ivo pachavo vanouya kuzoperekedza varume vaviri ava. Asi Pauro naSirasi vanoti vanoda kutanga vaoneka hanzvadzi yavo Ridhiya, uyo anga achangobva kubhabhatidzwa. Uyewo, vanoshandisa mukana iwoyo kuti vasimbise hama. (Mab. 16:26-40) Zvinhu zvese zvakangoerekana zvachinja!

“RUNOPFUURA KUFUNGA KWOSE”

6. Iye zvino tichakurukurei uye tichaongororei?

6 Tinodzidzei pazviitiko izvi? Jehovha anokwanisa kuita zvisingatarisirwi, saka hatifaniri kuzvidya mwoyo patinosangana nematambudziko. Mashoko akazonyorwa naPauro kuhama dzake dzaiva muFiripi nezvenyaya yekuzvidya mwoyo uye rugare rwaMwari, anoratidza kuti akaramba achiyeuka chidzidzo ichocho. Ngatitangei nekukurukura mashoko ake ari pana VaFiripi 4:6, 7. (Verenga.) Uye tichaongorora mimwe mienzaniso yemuMagwaro, Jehovha paakaita zvaisatarisirwa. Tichazopedzisa nekuona kuti “rugare rwaMwari” runogona kutibatsira sei kuti titsungirire tichinyatsovimba naJehovha.

7. Pauro akadzidzisa chidzidzo chipi mutsamba yaakanyorera hama dzaiva muFiripi, uye tingadzidzei pamashoko ake?

7 Hapana mubvunzo kuti hama dzemuFiripi padzakaverenga tsamba yaPauro, dzakayeuka zvainge zvaitika kwaari uye kuti hapana mumwe wavo aitarisira kuti Jehovha aizopindira nenzira yaakaita. Pauro aivadzidzisei? Aivadzidzisa kuti: ‘Musazvidya mwoyo. Nyengeterai, uye muchawana rugare rwaMwari.’ Pauro akavaudza kuti “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” Izvozvo zvinorevei? Vamwe vashanduri vanoshandura mashoko acho vachiti, “runopfuura zvese zvatinofungidzira” kana kuti “runokunda zvese zvinorongwa nevanhu.” Pauro akanga achitotaura kuti “rugare rwaMwari” runoshamisa kupfuura zvingafungidzirwa. Saka kunyange zvazvo tingatadza kuona kuti matambudziko edu anogadzirisika sei, Jehovha anoona, uye anokwanisa kuita zvatisingatarisiri.—Verenga 2 Petro 2:9.

8, 9. (a) Kunyange zvazvo Pauro akaitirwa zvisina kururama paaiva muFiripi, izvozvo zvakaguma nei? (b) Nei hama dzaiva muFiripi dzaigona kuvimba nemashoko aPauro?

8 Hama dzaiva muFiripi padzaizofunga zvainge zvaitika mumakore 10 kubva panguva yakambosungwa Pauro naSirasi, dzaizosimbiswa pakunamata. Zvakanyorwa naPauro zvaiva zvechokwadi. Kunyange zvazvo Jehovha ainge abvumira zvinhu zvisina kururama kuti zviitike, izvi zvakaguma ‘nekudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.’ (VaF. 1:7) Vatongi vemuguta vaizotanga vafunga kaviri vasati vatambudza ungano itsva yevaKristu yainge ichangobva kuumbwa muguta ravo. Zvichida kutaura kwakaita Pauro kuti aiva chizvarwa cheRoma ndiko kwakaita kuti Ruka akwanise kuramba ari muFiripi pashure pekunge Pauro naSirasi vaenda. Saka Ruka aikwanisa kuramba achibatsira vaKristu vatsva vaiva muguta iroro.

9 Hama dzaiva muFiripi padzaiverenga tsamba yaPauro, dzaiziva kuti mashoko acho aisava emunhu aingonyora zvaaifunga. Pauro ainge asangana nematambudziko akakura, asi akaratidza kuti aiva ‘nerugare rwaMwari.’ Kunyange paakanyorera hama idzodzo Pauro ainge achigara pamba semusungwa muRoma. Asi akanga achiri kuratidza kuti “rugare rwaMwari” rwaiva naye.—VaF. 1:12-14; 4:7, 11, 22.

“MUSAZVIDYA MWOYO PAMUSORO PECHINHU CHERO CHIPI ZVACHO”

10, 11. Tinofanira kuitei patinenge tichinetseka nezverimwe dambudziko, uye chii chatingatarisira?

10 Chii chinogona kutibatsira kuti tisazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho uye kuti tive ‘nerugare rwaMwari’? Mashoko akanyorwa naPauro kuvaFiripi anoratidza kuti munyengetero ndiwo mushonga wekuzvidya mwoyo. Saka tinofanira kunyengetera patinenge tichizvidya mwoyo. (Verenga 1 Petro 5:6, 7.) Nyengetera kuna Jehovha uchinyatsovimba kuti ane hanya newe. Nyengetera kwaari ‘uchionga’ makomborero aunowana. Kuvimba kwatinoita naye kuchasimbiswa patinoramba tichiyeuka kuti “anogona kuita zvizhinji kwazvo kupfuura zvinhu zvose zvatinokumbira kana kufunga.”—VaEf. 3:20.

11 Sezvakaitika kuna Pauro naSirasi pavaiva muFiripi, tinogona kushamiswa nezvatinoitirwa naJehovha semunhu mumwe nemumwe. Zvingasava hazvo zvinoshamisira, asi nguva dzese anotiitira chaizvo zvakatinakira. (1 VaK. 10:13) Asi izvi hazvirevi kuti tinobva tagara tichingomirira kuti Jehovha agadzirise dambudziko racho. Tinofanira kuita zvinoenderana neminyengetero yedu. (VaR. 12:11) Izvozvo zvinoratidza kuti tiri kurevesa uye zvinoita kuti Jehovha atikomborere. Asi tinofanirawo kuziva kuti Jehovha anokwanisa kuita zvinopfuura zvatinokumbira, zvatinoronga uye zvatinotarisira. Dzimwe nguva anotishamisa nekuita zvatisingatarisiri. Ngationei dzimwe nyaya dzemuBhaibheri dzinoita kuti tiwedzere kuva nechivimbo chekuti Jehovha anokwanisa kutiitira zvatisingatarisiri.

MIENZANISO YEZVAKAITWA NAJEHOVHA ZVAISATARISIRWA

12. (a) Mambo Hezekiya akaitei paaida kurwiswa naMambo Saniheribhi weAsiriya? (b) Tinodzidzei pakugadzirisa kwakaita Jehovha dambudziko racho?

12 Patinoongorora Magwaro, tinowana mienzaniso yakawanda yezvakaitwa naJehovha zvaisatarisirwa. Mambo Hezekiya akararama panguva iyo Mambo Saniheribhi weAsiriya akapinda munharaunda yeJudha ndokutora maguta ese akavakirirwa achisiya Jerusarema. (2 Madz. 18:1-3, 13) Saniheribhi akabva auya kuzorwisa Jerusarema. Mambo Hezekiya akaitei paakasangana nedambudziko iri? Akanyengetera kuna Jehovha uye akatsvaga mazano kumuprofita waJehovha, Isaya. (2 Madz. 19:5, 15-20) Hezekiya akaedzawo kuratidza kuti aiva munhu anonzwisisa kuburikidza nekubhadhara faindi yaakatemerwa naSaniheribhi. (2 Madz. 18:14, 15) Pakupedzisira, Hezekiya akatanga kugadzirira achitarisira kuti Jerusarema raizokombwa kwenguva yakareba. (2 Mak. 32:2-4) Asi dambudziko racho rakagadziriswa sei? Jehovha akatuma ngirozi kuti iparadze masoja 185 000 aSaniheribhi muusiku humwe chete. Kunyange Hezekiya akanga asingatarisiri kuti ndizvo zvaizoitika.—2 Madz. 19:35.

Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Josefa?—Gen. 41:42 (Ona ndima 13)

13. (a) Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Josefa? (b) Chii chaisatarisirwa chakaitika kuna Sara, mudzimai waAbrahamu?

13 Ona zvakaitika kuna Josefa, mwanakomana waJakobho. Paaiva mujeri muIjipiti, Josefa aiziva here kuti aizogadzwa kuva mutevedzeri wamambo kana kuti aizoshandiswa naJehovha kuponesa hama dzake panzara? (Gen. 40:15; 41:39-43; 50:20) Hapana mubvunzo kuti zvakaitwa naJehovha zvaipfuura zvese zvaitarisirwa naJosefa. Fungawo nezvaSara, ambuya vaJosefa. Sara, uyo akanga akwegura, aitarisira here kuti Jehovha aizoita kuti abereke mwanakomana wake pachake, kwete wekuberekerwa nemushandikadzi? Kuberekwa kwaIsaka kwaipfuura zvese zvingangodaro zvaifungidzirwa naSara.—Gen. 21:1-3, 6, 7.

14. Tinogona kuva nechivimbo chei muna Jehovha?

14 Ichokwadi kuti hatitarisiri kuti Jehovha aite chishamiso chekutibvisira matambudziko edu ese tisati tapinda munyika itsva uyewo hatikumbiri kuti atiitire zvinhu zvinoshamisa muupenyu. Asi tinoziva kuti Mwari uyo akabatsira vashumiri vake nenzira dzinoshamisa ndiye Mwari wedu, Jehovha. (Verenga Isaya 43:10-13.) Chivimbo ichocho chinotibatsira kuti tive nekutenda maari. Tinoziva kuti anokwanisa kuita chero chinenge chichidiwa kuti atipe simba rekunyatsoita zvaanoda. (2 VaK. 4:7-9) Tinodzidzei kubva munyaya idzi dzemuBhaibheri? Sezvatinoona pane zvakaitika kuna Hezekiya, Josefa uye Sara, kana tikaramba takatendeka kuna Jehovha, anokwanisa kutibatsira kuti tikurire matambudziko anoita seasingakundiki.

Kana tikaramba takatendeka kuna Jehovha, anokwanisa kutibatsira kuti tikurire matambudziko anoita seasingakundiki

15. Chii chichatibatsira kuti tirambe tiine “rugare rwaMwari,” uye izvozvo zvinokwanisika sei?

15 Tingaramba sei tiine “rugare rwaMwari” patinotarisana nematambudziko? Tinoita izvozvo kuburikidza nekuramba tiine ushamwari hwakanaka naMwari wedu, Jehovha. Tinongokwanisa kuva neushamwari hwakadaro “pachishandiswa Kristu Jesu,” uyo akapa upenyu hwake sechibayiro cherudzikinuro. Kupiwa kwatakaitwa rudzikinuro irworwo ndechimwe chezvinhu zvinoshamisa zvakaitwa naBaba vedu. Jehovha anoshandisa rudzikinuro kuti adzime zvivi zvedu, zvoita kuti tikwanise kuva nehana yakachena toswedera pedyo naye.—Joh. 14:6; Jak. 4:8; 1 Pet. 3:21.

RUCHARINDA MWOYO YEDU NESIMBA REDU ROKUFUNGA

16. Chii chichaitika kana tikava ‘nerugare rwaMwari’? Taura muenzaniso.

16 Chii chinoitika patinogamuchira “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose”? Magwaro anotipa mhinduro paanotaura kuti ‘rucharinda mwoyo yedu nesimba redu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.’ (VaF. 4:7) Mumutauro warakatanga kunyorwa nawo muBhaibheri, shoko rinoshandurwa kuti ‘kurinda’ raishandiswa muchiuto. Shoko racho raireva mapoka emasoja aiita basa rekuchengetedza guta rakavakirirwa. Rimwe remaguta akadaro raiva guta reFiripi. Vagari vemuFiripi vainyatsorara hope, vachiziva kuti masoja ainge akachengetedza magedhi eguta ravo. Saizvozvowo, kana tiine “rugare rwaMwari,” mwoyo yedu nepfungwa dzedu zvinogara zvakagadzikana. Tinoziva kuti Jehovha ane hanya nesu uye anoda kuti tive nemufaro muupenyu. (1 Pet. 5:10) Kuziva izvozvo kunotirinda kuti tisakurirwa nekuzvidya mwoyo kana kuora mwoyo.

17. Chii chichatibatsira kuti tivimbe naJehovha panguva yekutambudzika kukuru?

17 Munguva pfupi iri kuuya, vanhu vachanangana nekutambudzika kwakakura chaizvo kusingazomboitikizve panyika. (Mat. 24:21, 22) Hatizivi zvese zvichaitika kwatiri semunhu mumwe nemumwe. Zvisinei, hapana chikonzero chekuti tizvidye mwoyo. Kunyange zvazvo tisingazivi zvese zvichaitwa naJehovha, tinoziva Mwari wedu. Taona pane zvaakamboita kare kuti pasinei nezvingaitika, Jehovha anoita kuti chinangwa chake chizadzike, uye dzimwe nguva anozviita nenzira inenge isingatarisirwi. Pese paanoita izvozvo, tinogona kuva ‘nerugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose’ munzira itsva.

^ ndima 1 Sirasi anofanira kunge aivawo chizvarwa cheRoma.—Mab. 16:37.