Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinopfekenura Sei Unhu Hwekare Torega Kuhupfekazve?

Tinopfekenura Sei Unhu Hwekare Torega Kuhupfekazve?

“Pfekenurai unhu hwekare nemabasa ahwo.”—VAK. 3:9.

NZIYO: 121, 142

1, 2. Vanhu vakatii nezveZvapupu zvaJehovha?

VANHU vakawanda vanotaura nezveunhu hwakanaka hwavanoona pavanhu vaJehovha. Semuenzaniso, achitaura nezvehama nehanzvadzi dzedu dzemuNazi Germany, mumwe munyori anonzi Anton Gill akanyora kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvaivengwa zvisingaiti nevaNazi. . . . Pakazosvika gore ra1939, [mumisasa yevasungwa] makanga mava neZvapupu 6 000.” Munyori wacho akawedzerawo kuti kunyange zvazvo Zvapupu zvaitambudzwa zvine utsinye, zvaizivikanwa sevanhu vanovimbwa navo, vanoramba vakadzikama pavanoomeserwa, vakavimbika kuna Mwari wavo uye vakabatana.

2 Makore apfuura, vanhu vemuSouth Africa vakaonawo unhu hwakadaro pavanhu vaMwari. Pane imwe nguva, Zvapupu zvemunyika iyi zvakasiyana ruvara rweganda zvaisakwanisa kuwadzana zvakasununguka. Zvisinei, musi weSvondo 18 December 2011, zvaifadza chaizvo kuona hama dzedu dzinopfuura 78 000 dzemarudzi akasiyana-siyana dzinobva muSouth Africa nemunyika dzakapoteredza dzichinamata pamwe chete munhandare yakakura kupfuura dzese muJohannesburg. Achitaura nezvevanhu ava, mumwe wemamaneja enhandare iyi akati: “Ava ndivo vanhu vane unhu kupfuura vamwe vese vandati ndamboona munhandare ino. Munhu wese akapfeka zvakanaka. Uye machenesa nzvimbo ino zvakanaka. Asi kupfuura zvese, imi muri sangano revanhu vemarudzi akasiyana-siyana.”

3. Chii chinoita kuti sangano redu risiyane nemamwe?

3 Mashoko iwayo akataurwa nevanhu vasiri Zvapupu anoratidza kuti sangano redu rakanyatsosiyana nemamwe ese. (1 Pet. 5:9) Asi chii chinoita kuti sangano redu risiyane chaizvo nemamwe ese? Tichibatsirwa neShoko raMwari nemweya wake mutsvene, tinoshanda nesimba kuti ‘tipfekenure unhu hwekare.’ Panzvimbo peunhu hwekare, ‘tinopfeka unhu hutsva.’—VaK. 3:9, 10.

4. Chii chatichakurukura munyaya ino uye nemhaka yei?

4 Kana tapfekenura unhu hwekare tinofanira kuva nechokwadi chekuti hatizohupfekizve. Munyaya ino, tichakurukura kuti tinobvisa sei unhu hwekare, kuti nei tichifanira kuita izvozvo nekukurumidza uye kuti nei zvichikwanisika pasinei nekuti munhu angave anyura zvakadini pakuita zvakaipa. Tichaonawo kuti vaya vava nemakore akawanda vari muchokwadi vangaitei kuti vasapfekazve unhu hwekare. Nei zvichikosha kuti tikurukure zvinhu izvozvo? Zvinosuruvarisa kuti vamwe vaimboshumira Jehovha vakavarairwa ndokudzokera kumaitiro avo ekare. Saka tese tinofanira kuteerera nyevero yekuti: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.”—1 VaK. 10:12.

“URAYAI” ZVIDO CHERO ZVIPI “KANA TICHITAURA NEZVOUFEVE”

5. (a) Taura muenzaniso unoratidza kuti nei munhu achifanira kukurumidza kupfekenura unhu hwekare. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Maererano naVaKorose 3:5-9, unhu hwekare hunosanganisira mabasa api?

5 Waizoita sei kana hembe yako ikasviba, zvimwe ichitonhuwa? Waizobvisa hembe yacho nekukurumidza sezvinobvira. Saizvozvowo, tinofanira kukurumidza kuteerera murayiro wekusiya mabasa anovengwa naMwari. Tinoda kuteerera murayiro wakajeka waPauro waakapa vaKristu vepanguva yake wekuti: “Bvisai zvose pamuri.” Ngatikurukurei mabasa akaipa maviri pane akanyorwa naPauro, ufeve uye kusachena.—Verenga VaKorose 3:5-9.

6, 7. (a) Mashoko aPauro anoratidza sei kuti munhu anofanira kushanda nesimba kuti abvise unhu hwekare? (b) Sakura airarama upenyu hwakaita sei, uye chii chakamupa simba rekuhusiya?

6 Ufeve. Zvinorehwa neshoko remuBhaibheri rakashandurwa kuti “ufeve” zvinosanganisira kuenda pabonde kwevanhu vasina kuchata vese uye ungochani. Pauro akaudza vaKristu kuti ‘vauraye nhengo dzemiviri yavo,’ kureva kuti vabvise zvido chero zvipi “kana tichitaura nezvoufeve.” Mashoko akashandiswa naPauro anonyatsoratidza kuti zvinoda kushanda nesimba kuti tibvise zvachose zvido zvakaipa zvakadaro. Kuita izvozvo kwakaoma asi tinogona kubudirira.

7 Funga zvakaitika kuna Sakura * wekuJapan. Paaikura, aigara akasurukirwa uye asina mufaro. Paakanga ava nemakore 15, akatanga kuenda pabonde nevanhu vakasiyana-siyana achiedza kuita kuti asasurukirwa. Izvi zvakaita kuti abvise pamuviri katatu. Anotsanangura kuti: “Pakutanga, ndainzwa sendakachengeteka pandaiita ufeve, ndichifunga kuti ndaidiwa. Asi pandairamba ndichiita zvepabonde, ndaitowedzera kunzwa ndisina kuchengeteka.” Sakura akaramba achirarama saizvozvo kusvika ava nemakore 23. Akabva atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Sakura akafarira chaizvo zvaaidzidza, uye Jehovha akamubatsira kuti asazvipa mhosva, asaramba achizvishora nezvaakaita uye asiye kuita zveufeve. Sakura ava kushumira sapiyona wenguva dzose uye haachasurukirwi. Iye zvino anoti: “Ndinofara chaizvo nekuti zuva rega rega ndinoona kuti Jehovha anondida.”

KUKURIRA MABASA ASINA KUCHENA

8. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvingaita kuti tive vasina kuchena pamberi paMwari?

8 Zvinhu zvisina kuchena. Shoko remuBhaibheri rakashandurwa kuti “zvinhu zvisina kuchena” rinoreva zvakawanda kupfuura zvivi zvepabonde. Rinogona kureva tsika inokuvadza yekusvuta kana kutaura majee anonyadzisira. (2 VaK. 7:1; VaEf. 5:3, 4) Rinosanganisirawo mabasa asina kuchena anoitwa nemunhu pachivande, akadai sekuverenga mabhuku anoita kuti munhu ade zvebonde kana kuona zvinonyadzisira, izvo zvingaita kuti ave netsika isina kuchena yekuita bonhora.—VaK. 3:5. *

9. Kukudziridza ‘chido chisingadzorwi chokurara nomumwe munhu’ kungaguma nei?

9 Vaya vane tsika yekuona zvinonyadzisira vanokudziridza ‘chido chisingadzorwi chekurara nemumwe munhu,’ izvo zvingapedzisira zvaita kuti vapindwe muropa nekuda bonde. Tsvakurudzo dzinoratidza kuti vaya vakabvuma kuti vane chishuwo chakasimba chekuona zvinonyadzisira vanoita sevanhu vakapindwa muropa nedoro kana nemadhiragi. Saka zviri pachena kuti kuona zvinonyadzisira kunokuvadza. Kunogona kuita kuti munhu azvipe mhosva, asakwanisa kuita zvakawanda pabasa, asava nemufaro mumhuri, arambane newaakaroorana naye kana kuzviuraya. Mumwe murume paakanga ava negore asisina chishuwo chekuona zvinonyadzisira, akati akanga avazve munhu ane chiremerera.

10. Ribeiro akakunda sei tsika yekuona zvinonyadzisira?

10 Vanhu vakawanda vanotofanira kuramba vachirwisa kuti vasatangazve tsika yekuona zvinonyadzisira. Asi zvakaitika kuna Ribeiro wekuBrazil zvinoratidza kuti munhu anokwanisa kukurira hondo iyi. Ribeiro akabva pamba paakanga ava kuyaruka uye nekufamba kwenguva akatanga kushanda mufekitari yaigaya mapepa kuti azoshandiswazve. Imomo aiona magazini ezvinonyadzisira. Anoti: “Zvishoma nezvishoma, zvakandipinda muropa. Ndakasvika pekuti ndaitononokerwa kuti mukadzi wandaigara naye abude kuti ndisare ndichiona mavhidhiyo ezvinonyadzisira.” Asi rimwe zuva ari kubasa Ribeiro akatarisa murwi wemabhuku aida kugayiwa ndokubva aona bhuku rine musoro unoti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Akaritora ndokuriverenga. Zvaakaverenga zvakaita kuti ade kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, asi zvakatora nguva yakareba kuti asiye tsika yake yakaipa. Chii chakazomubatsira? Anotsanangura kuti: “Kunyengetera, kudzidza Bhaibheri uye kufungisisa zvandaidzidza kwakaita kuti ndiwedzere kukoshesa unhu hwaMwari kusvikira kuda kwandaiita Jehovha kwasimba kupfuura chido chekuona zvinonyadzisira.” Achibatsirwa nesimba reShoko raMwari uye mweya wake mutsvene, Ribeiro akapfekenura unhu hwake hwekare, akabhabhatidzwa uye iye zvino ava mukuru muungano.

11. Chii chinodiwa kuti munhu arege tsika yekuona zvinonyadzisira?

11 Kuti akurire dambudziko rake, Ribeiro ane zvimwe zvaaifanira kuita kunze kwekungodzidza Bhaibheri. Aifanira kuzvipa nguva yekuti mashoko eBhaibheri asvike pamwoyo pake. Kunyengetera uye kufungisisa kwakasimbisa kuda kwaaiita Mwari zvekuti akakwanisa kukurira chido chake chekuona zvinonyadzisira. Kuda Jehovha zvakasimba uye kuvenga zvakaipa ndiko kunonyatsoita kuti munhu arege tsika yekuona zvinonyadzisira.—Verenga Pisarema 97:10.

BVISAI KUTSAMWA, KUTUKA UYE KUREVA NHEMA

12. Chii chakabatsira Stephen kuti abvise kutsamwa uye kutuka?

12 Vanhu vasingatani kushatirwa vanowanzoratidza kutsamwa kwavo kuburikidza nekutuka. Hapana mubvunzo kuti maitiro akadaro haaiti kuti mumhuri muve nemufaro. Mumwe samhuri wekuAustralia anonzi Stephen anoti: “Ndaituka chaizvo uye ndaiviruka nehasha panyaya dzisina kana basa. Ini nemudzimai wangu takamboparadzana katatu uye takanga tava kufambira zvekudambura muchato.” Zvapupu zvakabva zvatanga kudzidza Bhaibheri nemurume uyu nemudzimai wake. Chii chakaitika Stephen paakatanga kuteerera mazano eBhaibheri? Anoti: “Zvinhu zvakachinja zvinoshamisa mumba medu.” Stephen aimbova munhu asingatani kuviruka nehasha. Asi iye zvino anoti: “Ndichibatsirwa naJehovha, ndava munhu ane rugare uye akadzikama.” Iye zvino Stephen ava mushumiri anoshumira uye mudzimai wake ava nemakore akati kuti ari piyona wenguva dzose. Vakuru vemuungano yaStephen vanoti: “Stephen ihama yakanyarara, inoshanda nesimba uye inozvininipisa.” Vanoti havana kumbobvira vaona Stephen akatsamwa. Stephen anoona sekuti akazvigona ega here? Anoti: “Kudai ndisina kubvuma kuti Jehovha andibatsire kuchinja unhu hwangu zvachose, ndingadai ndisina kana kumbowana makomborero ese aya.”

13. Chii chinoita kuti kutsamwa kuve nengozi, uye inyevero ipi yatinopiwa neBhaibheri?

13 Bhaibheri rinotinyevera kuti tidzivise kutsamwa, kutaura mashoko akaipa uye kupopota. (VaEf. 4:31) Zvinosuwisa kuti zvinhu izvi zvinowanzokonzera mhirizhonga. Vanhu vari munyika vangaona kuita mhirizhonga sekusina kuipa, asi kunoita kuti Musiki wedu azvidzwe. Vakawanda vaitofanira kusiya mabasa akadaro kuti vakwanise kupfeka unhu hutsva.—Verenga Pisarema 37:8-11.

14. Zvinoita here kuti munhu anoita zvemhirizhonga ave munyoro?

14 Ona muenzaniso waHans, uyo anoshumira semukuru mune imwe ungano muAustria. Murongi mudare revakuru muungano yaHans anoti: “Ndiye mumwe wevanhu vanyoro zvikuru vaungada kuona.” Asi Hans haana kungotanga ari munhu munyoro. Paaiyaruka akatanga kunwa doro zvakanyanyisa uye izvi zvakaita kuti ave munhu wemhirizhonga. Pane imwe nguva paainge akadhakwa, akatsamwa zvikuru zvekuti akauraya musikana wake ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore 20. Pakutanga, kugara mujeri hakuna kuchinja unhu hwaHans. Nekufamba kwenguva, amai vake vakaronga kuti mumwe mukuru amushanyire mujeri, uye Hans akatanga kudzidza Bhaibheri. Anotsanangura kuti: “Yaiva hondo chaiyo kuti ndipfekenure unhu hwekare. Ndakakurudzirwa nemavhesi eBhaibheri akadai saIsaya 55:7 iyo inoti: ‘Munhu akaipa ngaasiye nzira yake,’ uyewo 1 VaKorinde 6:11 iyo inotaura nezvevanhu vakasiya mabasa akaipa ichiti: ‘Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita.’ Kwemakore akawanda, Jehovha akandibatsira nemwoyo murefu achishandisa mweya wake mutsvene kuti ndipfeke unhu hutsva.” Pashure pekunge aita makore 17 nehafu ari mujeri, Hans akabudiswa mujeri ava muKristu akabhabhatidzwa. Anoti: “Ndinoonga Jehovha nemhaka yengoni dzake huru uye kuregerera kwake kunoshamisa.”

15. Vanhu vanowanzoitei, asi Bhaibheri rinotii nezvazvo?

15 Kureva nhema kunobatanidzwawo paunhu hwekare. Semuenzaniso zvakajairika kuti vanhu vanyepe kuitira kuti vasabhadhara mutero kana kuti vasarangwa kana vaita zvivi. Asi Jehovha ‘ndiMwari wechokwadi.’ (Pis. 31:5) Saka anoda kuti ‘mumwe nemumwe’ wevanamati vake ‘ataure chokwadi nemuvakidzani wake’ uye ‘asareva nhema.’ (VaEf. 4:25; VaK. 3:9) Saka, tinofanira kutaura chokwadi kunyange pazvinenge zvakaoma kana kuti pazvingaita kuti tinyare.—Zvir. 6:16-19.

VAKAKUNDA SEI?

16. Munhu angabudirira sei pakupfekenura unhu hwekare?

16 Munhu haakwanisi kupfekenura unhu hwekare nesimba rake pachake. Vanhu vataurwa nezvavo munyaya ino vanoti, Sakura, Ribeiro, Stephen naHans, vaifanira kurwa zvakasimba kuti vasiye mabasa akaipa. Vakakunda vachibatsirwa nesimba reShoko raMwari uye mweya wake mutsvene. (Ruka 11:13; VaH. 4:12) Kuti tibatsirwe nesimba iroro, tinofanira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kufungisisa zvarinotaura uye kunyengeterera uchenjeri nesimba kuti tikwanise kushandisa mazano eBhaibheri. (Josh. 1:8; Pis. 119:97; 1 VaT. 5:17) Tinobatsirwawo neShoko raMwari nemweya wake mutsvene patinogadzirira misangano yeungano uye patinoipinda. (VaH. 10:24, 25) Kuwedzera pane izvozvo tinoda kushandisa zvinhu zvatinopiwa nesangano raJehovha zvakadai semagazini, JW Broadcasting, JW Library uye jw.org.—Ruka 12:42.

Tingabudirira sei pakupfekenura unhu hwekare? (Ona ndima 16)

17. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

17 Takurukura mabasa akaipa ayo vaKristu vanofanira kusiya vorega kuaitazve. Asi ndizvo chete here zvinodiwa kuti tifarirwe naMwari? Kwete. Tinofanirawo kupfeka unhu hutsva. Munyaya inotevera, tichaongorora zvimwe zviri paunhu hutsva zvatinofanira kuramba takapfeka.