Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinopfeka Sei Unhu Hutsva Torega Kuhupfekenura?

Tinopfeka Sei Unhu Hutsva Torega Kuhupfekenura?

‘Pfekai unhu hutsva.’—VAK. 3:10.

NZIYO: 126, 28

1, 2. (a) Nei tichikwanisa kupfeka unhu hutsva? (b) Zvinhu zvipi zvinobatanidzwa paunhu hutsva zvinotaurwa pana VaKorose 3:10-14?

“UNHU hutsva.” Mashoko iwayo anowanika kaviri muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. (VaEf. 4:24; VaK. 3:10) Anoreva unhu “hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari.” Tinokwanisa kuva neunhu hwakadaro. Nemhaka yei? Nekuti Jehovha akasika vanhu nemufananidzo wake uye izvozvo zvinoita kuti tikwanise kuratidza unhu hwakanaka hwaainahwo.—Gen. 1:26, 27; VaEf. 5:1.

2 Nemhaka yekuti tine chivi chakabva kuvabereki vedu vekutanga, tinokanganiswa nezvido zvakaipa. Tinogonawo kunge takakanganiswa chaizvo nevanhu vakatipoteredza. Asi tichibatsirwa naJehovha, tinogona kubudirira kuva neunhu hwaanoda kuti tive nahwo. Kuti tisimbise chido chedu chekuita izvozvo, tichaongorora zvinhu zvakati kuti zvinobatanidzwa paunhu hutsva zvakafemerwa muapostora Pauro kuti anyore. (Verenga VaKorose 3:10-14.) Tichaonawo kuti tingazviratidza sei muushumiri hwedu.

‘IMI MOSE MURI VANHU VAMWE CHETE’

3. Ndechipi chimwe chinobatanidzwa paunhu hutsva?

3 Pashure pekutikurudzira kuti tipfeke unhu hutsva, Pauro akabva ataura nezvekusava nerusarura sechimwe chezvinhu zvinokosha paunhu hutsva. Akati: “Hapana muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, munhu wokune imwe nyika, muSitiya, muranda, [kana] munhu akasununguka.” * Nei muungano musingafaniri kusiyaniswa vanhu nemhaka yeruvara rweganda ravo, nyika yavanobva, kana kuti pfuma yavo? Nekuti vateveri vese vechokwadi vaKristu ‘vanhu vamwe chete.’—VaK. 3:11; VaG. 3:28.

4. (a) Vashumiri vaJehovha vanofanira kubata sei vamwe? (b) Chii chingaita kuti zvisava nyore kuti vaKristu vabatane?

4 Vaya vakapfeka unhu hutsva vanobata vavanonamata navo uye vamwe vanhu vese neruremekedzo, pasinei nekuti vanobva mumhuri dzakaita sei kana kuti vane ruvara rweganda rwakaita sei. (VaR. 2:11) Izvi zvingasava nyore mune dzimwe nyika. Semuenzaniso, kare muSouth Africa hurumende yakaronga kuti pave nenzvimbo dzinogara vanhu zvichienderana neruvara rweganda ravo. Vanhu vakawanda veko, kusanganisira Zvapupu, vachiri kugara munzvimbo idzodzo. Saka kuti Dare Rinotungamirira rikurudzire hama kuti ‘dziwedzere’ kushamwaridzana, muna October 2013 rakabvumira kuti pave neurongwa hunokosha hwekubatsira hama kuti dzizivane zviri nani. (2 VaK. 6:13) Izvozvo zvaisanganisirei?

5, 6. (a) Kuti pave neushamwari hwakasimba pakati pevanhu vaMwari mune imwe nyika, urongwa hupi hwakaitwa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Zvakaguma nei?

5 Pakaitwa urongwa hwekuti ungano mbiri dzemitauro yakasiyana kana kuti dzevanhu vane ruvara rweganda rwakasiyana dzive pamwe chete pane mimwe misi pakupera kwevhiki. Hama nehanzvadzi dzemuungano dzacho dzaiparidza nekupinda misangano pamwe chete uye dzaishanyirana kudzimba. Ungano dzakawanda dzakabatanidzwa muurongwa hwacho uye hofisi yebazi yakagamuchira mishumo yakawanda yakanaka, kunyange kubva kune vamwe vasiri Zvapupu. Semuenzaniso, mumwe mufundisi akataura kuti, “Handisi hangu Chapupu, asi ndinoti basa renyu rekuparidza rakanyatsorongeka uye makabatana pasinei nekusiyana kweruvara rweganda.” Urongwa uhwu hwakaita kuti Zvapupu zvinzwe sei?

6 Pakutanga, imwe hanzvadzi inotaura chiXhosa inonzi Noma yaizeza kukoka hama dzechichena dzemuungano yeChirungu kuti dziuye kumba kwayo sezvo yaiva munhu akaderera. Asi pashure pekunge aparidzira neZvapupu zvechichena uye akokwawo kudzimba dzavo, akati, “Vanhu ava vakangofananawo nesu!” Saka ungano yechiXhosa payakanga yava nejana rekukoka hama dzeungano yeChirungu, Noma akabika zvekudya, akakoka dzimwe hama. Pakati pevanhu vakauya paiva nemumwe mukuru wechichena. Noma anoti: “Zvakandibata mwoyo kuti hama yacho haina kuva nedambudziko nekugara pakireti.” Urongwa uhwu huri kuita kuti hama nehanzvadzi dzive neshamwari itsva uye dzakatsunga kuramba dzichiwedzera kuwadzana nedzimwe hama.

“RUDO RUKURU RWOKUNZWIRA VAMWE TSITSI, MUTSA”

7. Nei tichifanira kuramba tichinzwira vamwe tsitsi?

7 Ticharamba tichisangana nematambudziko kusvikira nyika yaSatani yaguma. Tinosangana nematambudziko akadai sekushaya mabasa, kurwara zvakanyanyisa, kutambudzwa, njodzi dzinongoitika dzega, kubirwa nezvimwewo. Kuti titsigirane pamatambudziko edu, tinofanira kuva netsitsi dzechokwadi. Kunzwira vamwe tsitsi kuchatibatsira kuti tiite mabasa emutsa. (VaEf. 4:32) Izvi zvichatibatsira kuti titevedzere Mwari uye tinyaradze vamwe.—2 VaK. 1:3, 4.

8. Kuva kwedu netsitsi nemutsa kuvanhu vese vari muungano kunogona kuita kuti pazoitika zvinhu zvipi zvakanaka? Taura muenzaniso.

8 Tingaratidza sei kuti tine hanya chaizvo nevanhu vari muungano medu vakabva kune dzimwe nyika kana kuti vanoshayiwa? Tinofanira kushamwaridzana navo tovabatsira kuona kuti vanokosha muungano. (1 VaK. 12:22, 25) Ona zvakaitika kuna Dannykarl uyo akatamira kuJapan achibva kuPhilippines. Vaaishanda navo vaibatwa zvakanaka, asi iye aisabatwa zvakanaka nekuti aibva kune imwe nyika. Akabva aenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha. Dannykarl anoti: “Anenge munhu wese aivamo aiva wemuJapan, asi vakandigamuchira zvakanaka, sekunge kuti ndainge ndagara ndichizivana navo.” Akaramba achiratidzwa mutsa, izvo zvakamubatsira kuti afambire mberi pakunamata. Akazobhabhatidzwa uye parizvino ari kushumira semukuru. Vakuru vanoona Dannykarl nemudzimai wake, Jennifer, sechikomborero chaicho muungano. Vakuru vanotaura nezvavo vachiti, “Vanorarama upenyu husina twakawandawanda vachipayona uye vanoratidza muenzaniso wakanaka wekuisa Umambo pekutanga.”—Ruka 12:31.

9, 10. Taura mienzaniso yemakomborero anobva pakuratidza vamwe tsitsi muushumiri.

9 Patinozivisa vamwe mashoko eUmambo, tinowana mukana wekuitira “vose zvakanaka.” (VaG. 6:10) Nemhaka yekunzwira tsitsi vanhu vakabva kune dzimwe nyika, Zvapupu zvakawanda zviri kuedza chaizvo kudzidza mimwe mitauro. (1 VaK. 9:23) Izvi zviri kuita kuti pave nemakomborero akakura. Semuenzaniso, imwe hanzvadzi inopayona kuAustralia inonzi Tiffany yakadzidza chiSwahili kuti ikwanise kubatsira ungano yechiSwahili iri muguta reBrisbane. Kunyange zvazvo zvaisava nyore kuti Tiffany adzidze mumwe mutauro, upenyu hwake hwavandudzika. Anoti: “Kana uchida kunakidzwa neushumiri, tamira muungano yemutauro wekune imwe nyika. Zvinoita sekuti waenda kune imwe nzvimbo nepo usina kubuda muguta raunogara. Unonyatsoona kubatana kunoshamisa kwakaita sangano redu rehama dziri pasi rese.”

Chii chinoita kuti vaKristu vabatsire vanhu vakabva kune dzimwe nyika? (Ona ndima 10)

10 Onawo muenzaniso weimwe mhuri yekuJapan. Mwanasikana wacho anonzi Sakiko, anoti: “Mumakore ekuma1990, taiwanzosangana nevanhu vakabva kuBrazil tiri muushumiri. Pataivaratidza magwaro akadai saZvakazarurwa 21:3, 4 kana kuti Pisarema 37:10, 11, 29, muBhaibheri ravo rechiPortuguese, vainyatsoteerera uye dzimwe nguva vaisvimha misodzi.” Asi mhuri yacho haina kungoperera pakuvanzwira tsitsi. Sakiko anoti: “Patakaona kuti vaiva nenzara pakunamata, takatanga kudzidza chiPortuguese semhuri.” Pava paya, mhuri iyi yakabatsira kutanga ungano yemutauro wechiPortuguese. Mumakore ese aya, mhuri yacho yabatsira vanhu vakawanda vakatamira muJapan kuti vave vashumiri vaJehovha. Sakiko anowedzera kuti: “Zvaida kushanda nesimba kuti tidzidze chiPortuguese, asi makomborero acho anopfuura nekure kushanda kwatakaita. Tinotenda Jehovha zvikuru.”—Verenga Mabasa 10:34, 35.

“PFEKAI . . . PFUNGWA DZINOZVININIPISA”

11, 12. (a) Nei tichifanira kupfeka unhu hutsva tiine vavariro yakanaka? (b) Chii chichatibatsira kuti tirambe tichizvininipisa?

11 Tinofanira kupfeka unhu hutsva kuti tikudze Jehovha kwete kuti tirumbidzwe nevanhu. Yeuka kuti kunyange ngirozi yainge yakakwana yakatanga kudada, zvikaita kuti ipedzisire yaita chivi. (Enzanisa naEzekieri 28:17.) Saka zvakatonyanya kuoma chaizvo kuti vanhu vane chivi vadzivise kudada uye kuzvikudza. Kunyange zvakadaro, tinokwanisa kupfeka kuzvininipisa. Chii chichatibatsira kuita izvozvo?

12 Kuti tirambe tichizvininipisa, zuva rega rega tinofanira kutsaura nguva yekufungisisa zvatinoverenga muShoko raMwari. (Dheut. 17:18-20) Tinofanira kunyanya kufungisisa zvaidzidziswa naJesu uye kushumira kwaaiita achizvininipisa. (Mat. 20:28) Jesu akatogeza tsoka dzevaapostora vake. (Joh. 13:12-17) Tinofanirawo kugara tichinyengeterera mweya mutsvene waMwari kuti utibatsire kurwisa chero pfungwa yatingava nayo yekuzviona setiri nani pane vamwe.—VaG. 6:3, 4; VaF. 2:3.

13. Kana tikazvininipisa tinowana makomborero api?

13 Verenga Zvirevo 22:4. Vanamati vese vechokwadi vanofanira kuzvininipisa uye izvi zvinoita kuti vawane makomborero akawanda. Kuzvininipisa kuchatibatsira kuti tiite kuti muungano muve nerugare nekubatana. Kuchaitawo kuti tiwane mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari. Muapostora Petro akanyora kuti: “Imi mose zvenyu [pfekai] pfungwa dzinozvininipisa kune mumwe nomumwe, nokuti Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.”—1 Pet. 5:5.

‘PFEKAI UNYORO NEMWOYO MUREFU’

14. Ndiani muenzaniso mukuru pakuratidza unyoro nemwoyo murefu?

14 Mazuva ano, vanhu vanyoro uye vane mwoyo murefu vanowanzoonekwa sevasina simba. Izvozvo hazvisi zvechokwadi. Unhu uhwu hwakanaka hunobva kuMunhu ane simba kupfuura vese. Jehovha ndiye muenzaniso mukuru pakuratidza unyoro nemwoyo murefu. (2 Pet. 3:9) Yeuka kuti akapindura sei achishandisa ngirozi dzake Abrahamu naRoti pavakamubvunza mibvunzo. (Gen. 18:22-33; 19:18-21) Uyewo kwemakore anopfuura 1 500, Jehovha akaitira mwoyo murefu vaIsraeri vaimupandukira.—Ezek. 33:11.

15. Jesu akasiya muenzaniso upi pakuratidza unyoro nemwoyo murefu?

15 Jesu aiva “munyoro.” (Mat. 11:29) Akaratidza mwoyo murefu chaizvo vateveri vake pavaikanganisa. Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akatsungirira kubatwa zvisina kunaka kwaaiitwa nevanhu vechitendero vaimupikisa. Asi akangoramba ari munyoro uye aine mwoyo murefu kusvika pakuurayiwa asina mhosva. Paairwadziwa chaizvo ari padanda rekutambudzikira, Jesu akanyengetera kuna Baba vake kuti varegerere vanhu vakamuuraya. Akati: “Havazivi zvavari kuita.” (Ruka 23:34) Kunyange Jesu paairwadziwa uye paaishungurudzika, akaramba ari munyoro uye aine mwoyo murefu.—Verenga 1 Petro 2:21-23.

16. Tingaratidza sei unyoro nemwoyo murefu?

16 Tingaratidza sei unyoro nemwoyo murefu? Pauro akataura imwe nzira yekuti tingazviita sei paakanyorera vaainamata navo kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo.” (VaK. 3:13) Zvinotoda unyoro nemwoyo murefu kuti titeerere murayiro uyu. Asi patinoregerera vamwe, tinoita kuti muungano muve nekubatana. Izvozvo zvinoitawo kuti vari muungano varambe vakabatana.

17. Nei kuva neunyoro nemwoyo murefu kuchikosha?

17 MuKristu anotofanira kuva neunyoro nemwoyo murefu. Izvi zvinokosha kuti tiponeswe. (Mat. 5:5; Jak. 1:21) Zvinotonyanya kukosha ndezvekuti patinova neunhu uhwu, tinokudza Jehovha uye tinobatsira vamwe kuti vavewo neunhu hwakadaro.—VaG. 6:1; 2 Tim. 2:24, 25.

“PFEKAI RUDO”

18. Rudo rwakabatana papi nekusava nerusarura?

18 Zvese zvatakurukura kusvika parizvino zvakabatana nerudo. Semuenzaniso, mudzidzi Jakobho aifanira kupa hama dzake zano nekuti dzaifarira vanhu vakapfuma chete. Akaratidza kuti izvozvo zvinopesana nemutemo wamambo wekuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” Akabva awedzera kuti: “Kana muchiramba muchisarurana, muri kutadza.” (Jak. 2:8, 9) Asi rudo runoita kuti tidzivise kusarura vamwe nemhaka yedzidzo yavo, ganda ravo kana kuti pfuma yavo. Hatitombofaniri kunyepedzera kuva vanhu vasina rusarura.

19. Nei zvichikosha kuti tipfeke rudo?

19 Rudo runewo “mwoyo murefu uye rune mutsa” uye “haruzvitutumadzi.” (1 VaK. 13:4) Zvinoda mwoyo murefu, mutsa uye kuzvininipisa kuti tirambe tichizivisa vavakidzani vedu mashoko eUmambo. (Mat. 28:19) Unhu ihwohwo hunoitawo kuti zvive nyore kuva neushamwari hwakanaka nehama nehanzvadzi dzedu dzese muungano. Kuratidza rudo rwakadaro kune mubayiro wei? Kunoita kuti pave neungano dzakabatana dzinoita kuti Jehovha akudzwe uye dzinoita kuti vanhu vafarire chokwadi. Zvakakodzera kuti rondedzero yemuBhaibheri yeunhu hutsva ipedziswe nechokwadi chekuti: “Kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.”—VaK. 3:14.

‘RAMBAI MUCHIITWA VATSVA’

20. (a) Tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi uye nei tichifanira kudaro? (b) Tinotarisira ramangwana rakaita sei?

20 Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Chii chimwe chandingaita kuti ndipfekenure unhu hwekare ndorega kuhupfekazve?’ Tinofanira kunyengetera nemwoyo wese kuti Mwari atibatsire, toshanda nesimba kuti tikurire chero mafungiro kana maitiro achatitadzisa kupinda muUmambo hwaMwari. (VaG. 5:19-21) Tinofanirawo kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoramba here ndichiitwa mutsva musimba rinoita kuti pfungwa dzangu dzishande?’ (VaEf. 4:23, 24) Tine chivi, saka tinofanira kushanda nesimba kuti tipfeke unhu hutsva toramba takahupfeka. Izvi zvinhu zvatinofanira kuramba tichiita. Fungidzira kuti upenyu huchange huchinakidza zvakadini munhu wese paanenge apfeka unhu hutsva zvakakwana!

^ ndima 3 Panguva yakanyorwa mashoko aya, vaSitiya vaitarisirwa pasi nekuti vaionekwa sevanhu vakasaririra muupenyu.