Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chokwadi Hachiunzi “Rugare, Asi Bakatwa”

Chokwadi Hachiunzi “Rugare, Asi Bakatwa”

“Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika; handina kuuya kuzounza rugare, asi bakatwa.”​—MAT. 10:34.

NZIYO: 123, 128

1, 2. (a) Tingava nerugare rwakaita sei iye zvino? (b) Chii chinotitadzisa kuwana rugare rwakakwana panguva ino? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

TESE tinoda kurarama murugare, tisingazvidyi mwoyo. Tinoonga chaizvo kuti Jehovha anotipa “rugare rwaMwari,” kureva kugadzikana mumwoyo uko kunogona kuita kuti tisakanganiswa nepfungwa nemanzwiro zvinovhiringidza. (VaF. 4:6, 7) Nekuti takazvitsaurira kuna Jehovha, tinova “norugare naMwari,” kureva ushamwari hwakanaka naye.​—VaR. 5:1.

2 Zvisinei, nguva yaMwari yekuti aunze rugare rwakakwana haisati yasvika. Mazuva ano ekupedzisira azere nekupesana, uye vanhu vakawanda vanongoda zvekunetsana nevamwe. (2 Tim. 3:1-4) SevaKristu, tinofanira kurwisana naSatani nedzidziso dzenhema dzaanokurudzira. (2 VaK. 10:4, 5) Asi hama dzedu dzisiri Zvapupu ndidzo dzingatonyanya kuvhiringidza rugare rwedu. Vamwe vangatoseka zvatinotenda, vangatipomera kuti tinopesanisa mhuri, kana kuti vangatityisidzira vachiti tikasasiya zvatinotenda vanenge vasisiri hama dzedu. Tinofanira kuona sei nyaya yekupikiswa nevemumhuri? Tingatsungirira sei matambudziko anokonzerwa nekupikiswa nevemumhuri?

TINOFANIRA KUONA SEI NYAYA YEKUPIKISWA NEVEMUMHURI?

3, 4. (a) Dzidziso dzaJesu dzinogona kuita sei? (b) Kutevera Jesu kunogona kunyanya kuoma papi?

3 Jesu aiziva kuti zvaaidzidzisa zvaizopesanisa vanhu uye kuti vaya vanomutevera vaizoda ushingi hwekuita izvozvo pavanopikiswa. Kupikiswa ikoko kwaigona kukanganisa rugare rwevanhu vemumhuri. Jesu akati: “Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika; handina kuuya kuzounza rugare, asi bakatwa. Nokuti ndakauya kuzoita kuti pave nokupesana, pakati pomwanakomana nababa vake, mwanasikana naamai vake, uye muroora navamwene vake. Chokwadi, vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yake.”​—Mat. 10:34-36.

4 Jesu paakati, “Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare,” akanga achireva kuti vamwe vevateereri vake vaifanira kufunga zvaizoitika kana vakamutevera. Mashoko ake aigona kupesanisa vanhu. Asi vavariro yaJesu yaiva yekuzivisa mashoko echokwadi anobva kuna Mwari, kwete kupesanisa vanhu. (Joh. 18:37) Kunyange zvakadaro, kubatisisa dzidziso dzaKristu kwaigona kuoma kana shamwari dzepedyo kana kuti veukama vakaramba kugamuchira chokwadi.

5. Chii chiri kuitika kuvateveri vaJesu?

5 Jesu akabatanidzawo kupikiswa nevemumhuri paakataura nezvekutambura kunofanira kutsungirirwa nevateveri vake. (Mat. 10:38) Kuti varatidze kuti vakakodzera Kristu, vadzidzi vake vanofanira kutsungirira kusekwa kana kutoparadzana nemhuri dzavo. Asi vanowana zvakawanda chaizvo kupfuura zvavanorasikirwa nazvo.​—Verenga Mako 10:29, 30.

6. Chii chatinofanira kuyeuka kana veukama vachipikisa zvatinoita pakunamata Jehovha?

6 Kunyange veukama pavanopikisa zvatinoita pakunamata Jehovha, tinongoramba tichivada, asi tinofanira kuyeuka kuti kuda kwatinoita Mwari naKristu ndiko kunouya pekutanga. (Mat. 10:37) Tinofanira kuzivawo kuti Satani achaedza kushandisa kuda kwatinoita hama dzedu kuti akanganise kuvimbika kwedu. Ngationei pamwe patingapikiswa nevemumhuri uye toona kuti tingatsungirira sei matambudziko anovapo.

MURUME KANA MUDZIMAI ASINGATENDI

7. Vaya vane murume kana mudzimai asingatendi vanofanira kuona sei mamiriro avo ezvinhu?

7 Bhaibheri rinonyevera kuti vaya vanoroora kana kuroorwa “vachava nedambudziko munyama yavo.” (1 VaK. 7:28) Kana uine murume kana mudzimai asingatendi matambudziko enyu anogona kuwedzera. Kunyange zvakadaro, zvinokosha kuti uone mamiriro ako ezvinhu sezvinoitwa naJehovha. Kana mumwe wako asingadi kutevera Kristu panguva ino, hachisi chikonzero chine musoro chekuparadzana kana kurambana. (1 VaK. 7:12-16) Kunyange zvazvo murume wako asingatendi uye asingatungamiriri pazvinhu zvekunamata, anofanira kuremekedzwa nemhaka yekuti ndiye musoro wemhuri. Saizvozvowo, mudzimai asingatendi anofanira kuratidzwa rudo rwekuzvipira nemurume wake wechiKristu.​—VaEf. 5:22, 23, 28, 29.

8. Mibvunzo ipi yaungazvibvunza kana mumwe wako akaedza kukutadzisa kuita zvakawanda pakunamata?

8 Ko kana mumwe wako akaedza kukutadzisa kuita zvakawanda pakunamata? Semuenzaniso, imwe hanzvadzi yakaudzwa nemurume wayo kuti mazuva api ayaigona kuita ushumiri. Kana uri mumamiriro ezvinhu akadaro, zvibvunze kuti: Mumwe wangu ari kundirambidza kunamata Mwari wangu here? Kana zvisina kudaro, ndinogona kubvuma zvaari kuda here? Kunzwisisa kunogona kubatsira pakudzivisa kunetsana muwanano pasina chikonzero.​—VaF. 4:5.

9. VaKristu vangadzidzisa sei vana vavo kuti vakudze mubereki asingatendi?

9 Kudzidzisa vana kunogona kunyanya kuoma kana uine murume kana mudzimai asingatendi. Semuenzaniso, unofanira kudzidzisa vana vako kuti vateerere murayiro weBhaibheri wekuti: “Kudza baba vako naamai vako.” (VaEf. 6:1-3) Asi ko kana mumwe wako asingararami maererano nemitemo yeBhaibheri? Ratidza muenzaniso kuburikidza nekukudza mumwe wako. Isa pfungwa paunhu hwake hwakanaka, uye taura zvinoratidza kuti unokoshesa mumwe wako. Usataura zvisina kunaka nezvemumwe wako pamberi pevana vako. Pane kudaro, vatsanangurire kuti munhu mumwe nemumwe anofanira kusarudza kushumira Jehovha kana kurega. Zvakanaka zvinoitwa nevana zvingaita kuti mubereki asingatendi afarire kunamata kwechokwadi.

Dzidzisa vana vako chokwadi cheBhaibheri pese pazvinoita (Ona ndima 10)

10. Mubereki wechiKristu ari muwanano nemunhu asingatendi, angadzidzisa sei vana chokwadi cheBhaibheri?

10 Dzimwe nguva mubereki asingatendi achada kuti vana vabatane naye pakupemberera mazororo echihedheni kana kuti vadzidziswe dzidziso dzenhema. Vamwe varume vasingatendi vanogona kurambidza mudzimai wechiKristu kudzidzisa vana zvinotaurwa neBhaibheri. Kunyange zvakadaro, mudzimai wechiKristu anoita zvaanogona kuti adzidzise vana chokwadi cheBhaibheri. (Mab. 16:1; 2 Tim. 3:14, 15) Semuenzaniso, murume ane mudzimai Chapupu angamurambidza kuita Chidzidzo cheBhaibheri chakarongeka nevana kana kumurambidza kuenda navo kumisangano. Kunyange zvazvo achiremekedza zvisarudzo zvemurume wake, panomuka mukana mudzimai anogona kutaura zvaanotenda vana vake varipo, uye paanodaro anenge achivadzidzisa tsika dzakanaka uye kuziva Jehovha. (Mab. 4:19, 20) Asi, vana vake vanofanira kuzozvisarudzira zvavanoda panyaya dzekunamata.​—Dheut. 30:19, 20. *

VEUKAMA VANOPIKISA KUNAMATA KWECHOKWADI

11. Chii chingaita kuti tinetsane neveukama vasiri Zvapupu?

11 Pakutanga, tingangodaro tisina kuudza vemumhuri nezvekudzidza kwedu neZvapupu zvaJehovha. Asi pakakura kutenda kwedu, takaona kuti taifanira kuvaudza zvatinotenda. (Mako 8:38) Kana ushingi hwako hwakaita kuti usawirirana neveukama vasiri Zvapupu, funga nezvematanho aungatora kuti usanyanya kunetsana navo asi uchiramba wakaperera kuna Mwari.

12. Chii chingaita kuti veukama vasingatendi vatipikise, asi tingaratidza sei kuvanzwisisa?

12 Nzwisisa veukama vasiri Zvapupu. Kunyange zvazvo tingafara zvikuru nechokwadi cheBhaibheri chatakadzidza, veukama vangafunga kuti takanyengerwa kana kuti tava mukachitendero kasinganzwisisiki. Vangatofunga kuti hatichavadi nekuti hatibatani navo pakupemberera mazororo. Vangatotyira kuti pane zvakaipa zvinogona kuzoitika kwatiri kana tafa. Tinofanira kuvanzwisisa kuburikidza nekuedza kuona zvinhu semaonero avanoita uye nekunyatsoteerera kuti tinzwisise zvavari kunetseka nazvo chaizvo. (Zvir. 20:5) Muapostora Pauro akaedza kunzwisisa “vanhu vemarudzi ose” kuitira kuti avaudze mashoko akanaka, uye kuita izvozvo kunogona kutibatsirawo.​—1 VaK. 9:19-23.

13. Tinofanira kutaura sei neveukama vasiri Zvapupu?

13 Taura zvine unyoro. “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose,” rinodaro Bhaibheri. (VaK. 4:6) Tinogona kukumbira Jehovha kuti atipe mweya mutsvene kuti tikwanise kuratidza chibereko chawo patinenge tichitaura neveukama vasiri Zvapupu. Hatifaniri kuedza kupikisa kapfungwa kese kenhema kavanotenda. Kana vakatirwadzisa nezvavanotaura kana zvavanoita, tinogona kutevedzera zvakaitwa nevaapostora. Pauro akanyora kuti: “Patinenge tichitukwa, tinokomborera; patinenge tichitambudzwa, tinotsungirira; patinenge tichireverwa zvakaipa, [tinopindura neunyoro].”​—1 VaK. 4:12, 13.

14. Kuramba tichiita zvakanaka kwakanakirei?

14 Ramba uchiita zvakanaka. Kunyange zvazvo kutaura neunyoro kuchibatsira pakukurukura neveukama vanopikisa, zvakanaka zvatinoita zvinogona kutobatsira zvakanyanya. (Verenga 1 Petro 3:1, 2, 16.) Kuburikidza nemuenzaniso wako, ita kuti hama dzako dzione kuti Zvapupu zvaJehovha zvinofara muwanano, zvinoriritira vana vazvo, uye zvinorarama upenyu hwakachena, hunogutsa. Kunyange veukama vakasagamuchira chokwadi, tinogona kuwana mufaro unobva pakufadza kwatinoita Jehovha kuburikidza nekuramba takatendeka.

15. Tingaronga sei zvatinozoita pamamiriro ezvinhu angaita kuti tinetsane nevamwe?

15 Gara waronga zvauchaita. Funga mamiriro ezvinhu angaita kuti munetsane, uye ona kuti ungazoita sei nawo. (Zvir. 12:16, 23) Imwe hanzvadzi yekuAustralia inoti: “Tezvara vangu vaipikisa chokwadi zvakasimba. Tisati tavafonera, ini nemurume wangu tainyengetera kuti Jehovha atibatsire kuti tisataura zvisina kunaka kana tatsamwirwa. Taigadzirira nyaya dzataizotaura kuitira kuti tirambe tichikurukura zvine ushamwari. Kuitira kuti tisaita nguva yakareba tichitaura, zvekuti taizopedzisira tava kunetsana nenyaya dzechitendero, taironga kuti tichaita nguva yakawanda sei tichitaura navo.”

16. Ungakurira sei manzwiro ekuzvipa mhosva panyaya yekuita zvisingafadzi veukama?

16 Chokwadi ndechekuti haungatarisiri kuti uchadzivisa kusawirirana kwese kungaitika pakati pako neveukama vasiri Zvapupu. Kunetsana ikoko kunogona kuita kuti unzwe uine mhosva, kunyanya nechikonzero chekuti unoda hama dzako chaizvo uye uri kugara uchiedza kuvafadza. Kana uchinzwa saizvozvo, edza kuita kuti kuvimbika kwako kuna Jehovha kuve pekutanga kudarika kuda kwaunoita vemumhuri yako. Izvozvo zvingatobatsira veukama kuti vaone kuti kushandisa chokwadi cheBhaibheri inyaya yeupenyu nerufu. Chero zvingaitika, yeuka kuti haugoni kumanikidza vamwe kugamuchira chokwadi. Pane kudaro, ngavaone pane zvaunoita kuti kutevera nzira dzaJehovha kunobatsira. Mwari wedu ane rudo anovapa mukana wekusarudza nzira yavanoda kutevera muupenyu, sezvaanongoitawo kwatiri.​—Isa. 48:17, 18.

KANA WEMUMHURI AKASIYA JEHOVHA

17, 18. Chii chingakubatsira kutsungirira kana mumwe wemumhuri akasiya Jehovha?

17 Kana wemumhuri akadzingwa kana kuti akazvibvisa muungano, unogona kunzwa sewabayiwa nebakatwa. Ungatsungirira sei marwadzo anokonzerwa neizvi?

18 Ramba uchiita zvinhu zvekunamata. Zvisimbise nekugara uchiverenga Bhaibheri, kugadzirira uye kupinda misangano yechiKristu, kuita ushumiri uye kunyengeterera simba rekutsungirira. (Jud. 20, 21) Ko kana uchinzwa sekuti mwoyo wako hausi pane zvauri kuita, zvekuti unenge uchingoitawo nekuti ndizvo zvaunofanira kuita? Usakanda mapfumo pasi! Kugara uchiita zvinhu zvekunamata kunogona kukubatsira kuti ukwanise kudzora mafungiro nemanzwiro ako. Funga zvakaitika kumunyori wePisarema 73. Akanga ava nemaonero asina kunaka uye ava kushungurudzika chaizvo, asi akakwanisa kugadzirisa mafungiro ake paakapinda munzvimbo yaMwari yekunamatira. (Pis. 73:16, 17) Kunamata Jehovha wakatendeka kunogona kukubatsira kuitawo saizvozvo.

19. Ungaratidza sei kuti unoremekedza urongwa hwaJehovha hwekuranga?

19 Remekedza chirango chaJehovha. Urongwa hwake hunogona kubatsira zvikuru mutadzi wacho uyewo munhu wese, kunyange zvazvo pakutanga zvichirwadza. (Verenga VaHebheru 12:11.) Semuenzaniso, Jehovha anotirayira kuti ‘tirege kufambidzana’ nevatadzi vasingapfidzi. (1 VaK. 5:11-13) Pasinei nekurwadziwa kwedu mumwoyo, tinofanira kudzivisa kuwadzana neveukama vakadzingwa tichishandisa zvinhu zvakadai sefoni, kunyora meseji, tsamba, e-mail, kana kuti pasocial network.

20. Tinofanira kuramba tiine tariro ipi?

20 Ramba uine tariro. Rudo “rune tariro pazvinhu zvose,” kusanganisira tariro yekuti vaya vakasiya Jehovha vachadzoka kwaari. (1 VaK. 13:7) Kana ukaona uchapupu hwekuti mumwe wemumhuri ari kuchinja mwoyo, unogona kumunyengeterera kuti awane simba rinobva muMagwaro, oita zvinoenderana nechikumbiro chaJehovha chekuti: “Dzoka kwandiri.”​—Isa. 44:22.

21. Unofanira kuitei kana ukapesana neveukama nemhaka yekuti uri kutevera Jesu?

21 Jesu akataura kuti kana tikada mumwe munhu kupfuura iye, tinenge tisina kukodzera iye. Asi aiva nechivimbo chekuti vadzidzi vake vaizova neushingi hwekuramba vakavimbika kwaari pasinei nekupikiswa nevemumhuri. Kana kutevera Jesu kwakaunza “bakatwa” mumhuri yako, vimba naJehovha kuti akubatsire kukunda matambudziko auri kusangana nawo. (Isa. 41:10, 13) Wana mufaro unobva pakuziva kuti Jehovha naJesu vanofadzwa nezvaunoita uye kuti vachakupa mubayiro wekutendeka kwako.

^ ndima 10 Kuti uwane mashoko anotaura nezvekudzidzisa vana mumhuri ine mubereki ari Chapupu nemumwe asiri, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaAugust 15, 2002.