Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaratidzwa Zekariya Zvinokubatsira Sei?

Zvakaratidzwa Zekariya Zvinokubatsira Sei?

“Dzokai kwandiri, . . . uye ini ndichadzoka kwamuri.”​—ZEK. 1:3.

NZIYO: 89, 86

1-3. (a) Chii chaiitika kuvanhu vaJehovha Zekariya paakatanga kuprofita? (b) Nei Jehovha akaudza vanhu vake kuti ‘vadzoke kwaari’?

MUPUMBURU uri kubhururuka, mukadzi akavharirwa mumudziyo uye vakadzi vaviri vari kubhururuka nemapapiro akaita seeshuramurove. Zvinhu izvi zvakaonekwa naZekariya. (Zek. 5:1, 7-9) Nei Jehovha akaratidza muprofita wake zvinhu izvi zvinoshamisa? Chii chaiitika kuvaIsraeri panguva iyoyo? Mashoko akanyorwa naZekariya ezviratidzo izvozvo anotibatsira sei mazuva ano?

2 Mugore ra537 B.C.E., vanhu vaJehovha vakafara chaizvo. Pashure pemakore 70 vari muutapwa, vakasunungurwa kubva kuBhabhironi. Pakutanga vaiva nechido chekuita zvakanaka, zvekuti vakatanga basa rekudzorera kunamata kwechokwadi muJerusarema. Muna 536 B.C.E., faundesheni yetemberi yakavakwa. Panguva iyoyo vanhu vakanga “vachishevedzera kwazvo, uye inzwi racho rakatonzwika kure kwazvo.” (Ezra 3:10-13) Zvisinei, pasina nguva kupikiswa kwaiitwa basa ravo rekuvaka kwakawedzera. Pavakanga vaodzwa mwoyo nematambudziko akawanda avaisangana nawo, vanhu vakasiya basa rekuvaka temberi ndokutanga kugadzira misha yavo uye kurima minda yavo. Pashure pemakore 16, temberi yaJehovha yakanga isati yapera kuvakwa. Vanhu vaMwari vaida kuyeuchidzwa kuti vaifanira kudzoka kuna Jehovha vorega kuisa zvavaida ivo pekutanga. Jehovha aida kuti vadzoke kwaari, kuitira kuti vatangezve kumushumira nemwoyo wese vasingatyi.

3 Mwari akatumira muprofita Zekariya muna 520 B.C.E. kuti abatsire vanhu vake kuyeuka kuti nei vakanga vasunungurwa kubva kuBhabhironi. Zita rekuti Zekariya, iro rinoreva kuti “Jehovha Ayeuka,” rinogona kunge rakavayeuchidza chokwadi chinokosha. Kunyange zvazvo vakanga vakanganwa kuponeswa kwavakaitwa naJehovha, Mwari akanga achiri kuyeuka vanhu vake. (Verenga Zekariya 1:3, 4.) Akaita kuti vave nechokwadi chekuti aizovabatsira kudzorera kunamata kwechokwadi, asi akavanyeverawo zvakasimba kuti aisazongorega vanhu vachimunamata vaine mwoyo miviri. Ngationei kuti Jehovha akaita sei kuti vanhu vake vaite chimwe chinhu achishandisa zvakaonekwa naZekariya kechi6 nekechi7. Uyewo mazuva ano tingadzidzei pane izvozvo?

CHIRANGO CHAMWARI PAVANHU VANOBA

4. Zekariya akaonei pane zvaakaratidzwa kechi6 uye nei zvichikosha kuti mupumburu wacho wainge wakanyorwa kumativi ese? (Ona mufananidzo 1 panotangira nyaya ino.)

4 Chitsauko 5 chaZekariya chinotanga nechiratidzo chisina kujairika. (Verenga Zekariya 5:1, 2.) Zekariya akaona mupumburu wakareba mamita anenge 9 uye wakafara mamita anenge 4,5 uchibhururuka. Mupumburu wacho wainge wakavhurika zvekuti munhu aigona kuuverenga. Waiva nemashoko ekutonga kumativi ese ari maviri. (Zek. 5:3) Kakawanda mupumburu wainyorwa divi rimwe chete, saka zviri pachena kuti mupumburu uyu waiva nemashoko aikosha chaizvo.

VaKristu havafaniri kuita umbavha chero hupi zvahwo (Ona ndima 5-7)

5, 6. Jehovha anoona sei kuba chero kupi zvako?

5 Verenga Zekariya 5:3, 4. Kunyange zvazvo vanhu vese vachizvidavirira kuna Jehovha, vanhu vanodanwa nezita rake ndivo vanotonyanya kuzvidavirira. Vaya vanoda Jehovha vanoziva kuti kuba chero kupi zvako ‘kunomhura zita raMwari wavo.’ (Zvir. 30:8, 9) Pasinei nevavariro yekuba kwacho kana kuti zvichiita sekuti pane chikonzero chakanaka chekuba, mbavha yacho inenge ichinyanya kukoshesa kuda zvinhu kupfuura kuda Mwari. Inorerutsa mutemo waMwari, yozvidza Jehovha nezita rake.

6 Waona here pana Zekariya 5:3, 4 kuti “kutuka . . . [kwaizopinda] muimba yembavha . . . uye iko [kwaizogara] muimba yake, kwoiparadza”? Mutongo waJehovha haunzvengeki. Unogona kupinda pese panenge pakahwanda munhu kuti ufukunure uipi pakati pevanhu vaJehovha. Kunyange zvazvo munhu angaita kuti hurumende, vaanoshandira, vakuru vemuungano, kana vabereki vasaziva nezveumbavha hwake, haakwanisi kuhuvanzira Mwari uyo anotaura kuti kuba chero kupi zvako kuchabudiswa pachena. (VaH. 4:13) Zvinozorodza chaizvo kuwadzana nevanhu vanoziva kuti vanofanira kuva “vakatendeseka muzvinhu zvose”!​—VaH. 13:18.

7. Tinganzvenga sei kutuka kuri pamupumburu uri kubhururuka?

7 Kuba kwese kunogumbura Jehovha. Tinoiona seropafadzo yakakura kurarama zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha, tichiramba tichizvibata nenzira inoita kuti zita rake risazvidzwa. Kana tikadaro, mutongo waJehovha waakarongera vanhu vasingamuteereri hauzouyi patiri.

KUITA ZVINOENDERANA NESHOKO REDU “ZUVA NEZUVA”

8-10. (a) Chii chinonzi mhiko? (b) Mambo Zedhekiya akatadza kuzadzisa mhiko ipi?

8 Mashoko ainge akanyorwa pamupumburu waibhururuka anobva anonyevera vaya ‘vanoita mhiko dzenhema muzita raMwari.’ (Zek. 5:4) Mhiko inoreva mashoko ekupika anotaurwa achisimbisa kuti chimwe chinhu ndechechokwadi kana kuti ivimbiso yekuti munhu achaita chimwe chinhu kana kuti haasi kuzochiita.

9 Kuita mhiko muzita raJehovha haisi nyaya yekutamba nayo. Izvi ndizvo chaizvo zvakaitwa namambo akapedzisira kugara pachigaro cheumambo muJerusarema. Zedhekiya akapika naJehovha kuti aizoramba achizviisa pasi pamambo weBhabhironi. Asi Zedhekiya haana kuchengeta mhiko yake. Izvi zvakaita kuti Jehovha azivise mutongo wake kwaari nemashoko ekuti: “Noupenyu hwangu, . . . [Zedhekiya] achafira [muBhabhironi], nzvimbo yamambo akamugadza kuti ave mambo, asi iye akazvidza mhiko yake uye akaputsa sungano yake.”​—Ezek. 17:16.

10 Mambo Zedhekiya akaita mhiko yake muzita raMwari, uye Jehovha aitarisira kuti aizadzise. (2 Mak. 36:13) Kunyange zvakadaro, Zedhekiya akatsvaga kubatsirwa neIjipiti kuti asava pasi pejoko reBhabhironi, asi hazvina zvazvakabatsira.​—Ezek. 17:11-15, 17, 18.

11, 12. (a) Ndeipi mhiko inonyanya kukosha yatingaita? (b) Mhiko yedu yekuzvitsaurira inofanira kutibatsira sei pakurarama kwedu kwezuva nezuva?

11 Jehovha anoteererawo vimbiso dzatinoita. Anokoshesa chaizvo mhiko dzatinoita, uye tinofanira kudzizadzisa kuti tifarirwe naye. (Pis. 76:11) Pavimbiso dzese dzatinoita, inonyanya kukosha ndiyo yatakaita patakazvitsaurira kuna Jehovha. Kuzvitsaurira imhiko yekushumira Jehovha chero zvodini.

12 Tingazadzisa sei mhiko yedu yekuzvitsaurira? Zvatinoita patinosangana nemiedzo mikuru kana midiki zvinofanira kuratidza kuti tinokoshesa mhiko yatakaita yekuti ticharumbidza Jehovha “zuva nezuva.” (Pis. 61:8) Semuenzaniso, kana mumwe munhu watinoshanda naye kana wekuchikoro akaedza kutamba nesu achiita seanotida, tinoona iwoyo semukana wekuti ‘tifarire nzira dzaJehovha’ here kuburikidza nekuramba izvozvo? (Zvir. 23:26) Kana tiri mumhuri ine vamwe vasiri Zvapupu, tinokumbira Jehovha here kuti atibatsire kuramba tichirarama sevaKristu pasinei nekuti vamwe handizvo zvavari kuita? Zuva nezuva tinonyengetera here kuna Baba vedu vekudenga vane rudo, tichivatenda nekutitungamirira uye kutida kwavanoita? Tinozvipa here nguva yekuverenga Bhaibheri zuva nezuva? Hatina here kutovimbisa kuti tichaita zvinhu izvozvo? Zvatinoita zvinoratidza kuti tinoteerera here kana kuti kwete. Kunyatsoita zvinhu zvekunamata kunoratidza kuti tinoda Jehovha uye kuti takazvitsaurira kwaari. Kunamata kwedu anotova mararamiro edu. Kuzadzisa zvatakavimbisa kunoita kuti tive neramangwana rakanaka.​—Dheut. 10:12, 13.

13. Tinodzidzei pachiratidzo chechi6 chakaonekwa naZekariya?

13 Chiratidzo chechi6 chakaonekwa naZekariya chatibatsira kuona kuti vanhu vanoda Jehovha havafaniri kuita umbavha chero hupi zvahwo kana kuita mhiko dzenhema. Tinoonawo kuti Jehovha haana kusiya vaIsraeri pasinei nekutadza kwavaiita. Ainzwisisa miedzo yavaisangana nayo sezvo vainge vakakombwa nevavengi. Anotiratidza muenzaniso kuburikidza nekuzadzisa zvaakavimbisa, uye achatibatsira kuzadzisawo zvatakavimbisa. Imwe nzira yaanotibatsira nayo ndeyekutipa tariro yekuti nekukurumidza achabvisa uipi hwese panyika. Chiratidzo chinotevera chakaonekwa naZekariya chinosimbisa tariro iyoyo.

UIPI ‘HUNOISWA MUNZVIMBO YAHWO YAKAKODZERA’

14, 15. (a) Muchiratidzo chechi7, Zekariya anoonei? (Ona mufananidzo 2 panotangira nyaya ino.) (b) Mukadzi ari mumudziyo weefa anomiririrei, uye nei akavharirwa imomo?

14 Apedza kuona mupumburu waibhururuka, Zekariya anoudzwa nengirozi kuti ‘atarire.’ Chii chaanoona muchiratidzo chechi7? Anobva aona mudziyo unonzi “efa,” uchibuda. (Verenga Zekariya 5:5-8.) Mudziyo uyu une “chivharo cheraundi chakagadzirwa nomutobvu.” Chivharo chacho pachinobviswa, Zekariya anoona “mukadzi agere mukati.” Ngirozi inotsanangura kuti mukadzi ari mumudziyo wacho “Uipi.” Fungidzira kunetseka kunoita Zekariya paanoona mukadzi wacho achiedza kubuda maakavharirwa. Ngirozi yacho inobva yakurumidza kumudzorera mumudziyo wacho uye inobva yauvhara nechivharo chinorema chaizvo. Izvi zvinorevei?

15 Chikamu ichi chechiratidzo chinosimbisa kuti Jehovha haazombosiyi uipi chero hupi zvahwo pakati pevanhu vake. Achava nechokwadi chekuti hahupukunyuki uye hwabviswa nekukurumidza. (1 VaK. 5:13) Ngirozi yacho inoita kuti tive nechokwadi cheizvi kuburikidza nekudzorera chivharo chemutobvu pamudziyo wacho.

Jehovha akashanda nesimba kuti kunamata kwechokwadi kurambe kwakachena (Ona ndima 16-18)

16. (a) Zekariya anoona chii chichiitika kumudziyo weefa? (Ona mufananidzo 3 panotangira nyaya ino.) (b) Vakadzi vane mapapiro vari kuendesa mudziyo weefa kupi?

16 Zekariya anobva aona vakadzi vaviri vane mapapiro akasimba akaita seeshuramurove. (Verenga Zekariya 5:9-11.) Vakadzi ava vakasiyana chaizvo nemukadzi ari mumudziyo! Vakadzi vacho vanosimudza mudziyo une “Uipi.” Vari kuenda nahwo kupi? Uipi hunoendeswa “munyika yeShinari,” kana kuti Bhabhironi. Asi nei vari kuendesa mudziyo wacho kuBhabhironi?

17, 18. (a) Nei Shinari iri ‘nzvimbo yakakodzera’ kuti “Uipi” hugare? (b) Tinofanira kutsunga kuitei panyaya yeuipi?

17 KuvaIsraeri vepanguva yaZekariya, Shinari ndiyo nzvimbo yainge yakakodzera kuti Uipi huendeswe. Zekariya nevamwe vaJudha vaigona kubvumirana nazvo kuti Bhabhironi yaiva nzvimbo yeuipi panguva yavakararama. Sezvo vainge vakurira muguta iri raiitwa zvinhu zvinosemesa uye raiva nevanhu vainamata zvidhori, vaifanira kurwisa chaizvo zuva nezuva kuti vadzivise mafungiro aiva imomo. Chiratidzo ichi chinofanira kunge chakavazorodza sezvo chaiva chisimbiso chekuti Jehovha aizoita kuti kunamata kwechokwadi kurambe kwakachena.

18 Zvisinei, chiratidzo chacho chakayeuchidzawo vaJudha kuti vaifanira kuita kuti kunamata kwavo kurambe kwakachena. Uipi hauzombosiyiwi huchipinda pakati pevanhu vaJehovha. Pashure pekunge tapinda musangano raMwari rakachena, rine rudo uye rinotichengetedza, tinofanira kubatsira pakuita kuti rirambe rakachena. Uipi chero hupi zvahwo hahuna nzvimbo muparadhiso yedu yekunamata.

VANHU VAKACHENA VANOKUDZA JEHOVHA

19. Zvinhu zvinoshamisa zvakaratidzwa Zekariya zvinorevei kwatiri mazuva ano?

19 Zvakaratidzwa Zekariya pechi6 nepechi7 inyevero yakakura kune vanoramba vachiita zvakaipa, uye chiyeuchidzo chekuti Jehovha haazoregi uipi huchiramba huripo. Vanamati vake vechokwadi vanofanira kunyatsovenga uipi. Zviratidzo izvi zvinoita kuti tive nechivimbo chekuti tinogona kuchengetedzwa naBaba vedu vekudenga vane rudo. Kana tikashanda nesimba kuti tive vanhu vanofarirwa naMwari uye vaanodzivirira, hatizotukwi. Panzvimbo paizvozvo, Jehovha achatikomborera. Kushanda nesimba kwatinoita kuti tirambe takachena munyika yakazara uipi kuchange kuri kushandira zviripo. Tinogona kuva nechokwadi chekuti tinogona kubudirira tichibatsirwa naJehovha. Asi tingava sei nechokwadi chekuti kunamata kwechokwadi kuchakunda munyika ino yakazara neuipi? Chii chinoita kuti titi Jehovha achadzivirira sangano rake kutambudzika kukuru zvakunoswedera pedyo? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.