Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngoro Uye Korona Zvinokuchengetedza

Ngoro Uye Korona Zvinokuchengetedza

“Izvi zvichaitika kana mukateerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.”​—ZEK. 6:15.

NZIYO: 61, 22

1, 2. Zekariya paakapedza kuona chiratidzo chechi7, zvinhu zvainge zvakamira sei kuvaJudha vaiva muJerusarema?

ZEKARIYA paanopedza kuona chiratidzo chechi7, anosara aine zvakawanda zvekufunga nezvazvo. Jehovha akanga avimbisa kuti vanhu vasina kutendeseka vaizozvidavirira pamabasa avo akaipa. Zvechokwadi vimbiso iyoyo yakasimbisa Zekariya. Asi pakanga pasina chainge chanyatsochinja. Kusatendeseka nezvimwe zvinhu zvakaipa zvainge zvichiri kuitwa uye pakanga pachiri nebasa kuti temberi yaJehovha yaiva muJerusarema ipere kuvakwa. Chii chakaita kuti vaJudha vakurumidze kurega basa ravakanga vapiwa naMwari? Vakanga vadzokera kuJerusarema kuti vangovandudza upenyu hwavo here?

2 Zekariya aiziva kuti vaJudha vakaenda kuJerusarema vaiva varume nevakadzi vane kutenda kwakasimba. Vaiva vaya “vakanga vamutswa mwoyo naMwari wechokwadi” kuti vasiye dzimba dzavo nemabhizinesi avo. (Ezra 1:2, 3, 5) Vakasiya nyika yavakanga vakajaira, ndokutamira kunzvimbo iyo vakawanda vavo vakanga vasina kumboona. Dai kuvakazve temberi yaJehovha kwaisakosha, vangadai vasina kuita rwendo rwakaoma rwemakiromita anenge 1 600 vachifamba nemunyika ine makomo nemakoronga.

3, 4. VaJudha vakadzokera kuJerusarema vakasangana nematambudziko api?

3 Rwendo irworwo rwaizenge rwakaita sei? VaJudha vacho pavaifamba, zviri pachena kuti vaiita nguva yakawanda vachifunga nezvemusha wavo mutsva. Vakanga vanzwa nezvekunaka kwaimbova kwakaita guta reJerusarema. Vanhu vainge vakwegura vaiva pakati pavo vakanga vaona kunaka kwainge kwakaita temberi yacho. (Ezra 3:12) Kudai wakafamba navo, ungadai wakanzwa sei pawaingotanga kuona Jerusarema, musha wako mutsva? Ungadai wakasuwa here pawaizoona matongo akazara masora? Waizodai wakatanga here kuenzanisa masvingo makuru eBhabhironi neeJerusarema ainge akakoromoka, aine mikaha yakakura panzvimbo dzaimbova nemagedhi uye nharire? Kunyange zvakadaro, vanhu havana kuodzwa mwoyo. Vakanga vatoona kuponesa kwaJehovha parwendo rwavo rwainge rwakareba rwekudzokera kumusha. Chinhu chekutanga chavakaita pavakasvika kwaiva kugadzira atari panzvimbo yaimbova netemberi, uye vakatanga kupa zvibayiro zuva nezuva kuna Jehovha. (Ezra 3:1, 2) Pakutanga, zvaiita sekuti hapana chaizombovaodza mwoyo.

4 Kuwedzera pabasa rekuvaka temberi, vaIsraeri vaifanira kuvakazve maguta avo. Vaifanira kuvakazve dzimba, kurima minda uye kutsvaga zvekudya. (Ezra 2:70) Basa ravaifanira kuita raiita serakakura chaizvo. Asi pasina nguva vakabva vatanga kupikiswa chaizvo. Kupikiswa kwacho kwakaita makore 15, uye zvishoma nezvishoma vaJudha vakatanga kuora mwoyo. (Ezra 4:1-4) Dambudziko rakakura rakaitika muna 522 B.C.E., Mambo wePezhiya paakarambidza kuti Jerusarema rivakwezve. Zvaiita sekuti guta racho raisazovakwazve.​—Ezra 4:21-24.

5. Jehovha akaita sei vanhu vake pavakamira kuita basa?

5 Jehovha aiziva zvaidiwa nevanhu vake. Mwari akapa Zekariya chiratidzo chekupedzisira kuti abatsire vaJudha kuona kuti aivada uye aikoshesa zvese zvavainge vaita kusvika panguva iyoyo uye kuti aizovadzivirira kana vakadzokera kunoita basa raakanga avapa. Panyaya yekuvakazve temberi, Jehovha akavimbisa kuti: “Izvi zvichaitika kana mukateerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.”​—Zek. 6:15.

UTO RENGIROZI

6. (a) Chiratidzo chaZekariya chechi8 chinotanga sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei mabhiza acho aine mavara akasiyana?

6 Chiratidzo chechi8 uye chekupedzisira chakaonekwa naZekariya chingangodaro chiri icho chinonyanya kusimbisa kutenda. (Verenga Zekariya 6:1-3.) Ita seuri kuona izvi: “Pakati pemakomo maviri . . . emhangura” panobuda ngoro ina dzingangodaro dzakagadzirirwa hondo dzichimhanya zvisingaiti. Mabhiza ari kudhonza ngoro dzacho ane mavara akasiyana. Izvi zvinobatsira kusiyanisa vatyairi vengoro dzacho. “Izvi zvii?” akabvunza kudaro Zekariya. (Zek. 6:4) Isuwo tinoda kuziva nekuti chiratidzo ichi chinotibatsira.

Jehovha achiri kushandisa ngirozi dzake kuti adzivirire uye asimbise vanhu vake

7, 8. (a) Makomo maviri anomiririrei? (b) Nei makomo acho ari emhangura?

7 MuBhaibheri makomo anogona kumiririra umambo kana hurumende. Makomo anotaurwa naZekariya akafanana nemakomo maviri anotaurwa muuprofita hwaDhanieri. Rimwe gomo rinomiririra uchangamire hwaJehovha neutongi hwake husingaperi. Rimwe racho rinomiririra Umambo hwaMesiya hunotungamirirwa naJesu. (Dhan. 2:35, 45) Kubvira pakagadzwa Jesu pachigaro cheUmambo muna 1914, makomo maviri acho akaita zvinokosha pakuzadzisa chinangwa chaMwari panyika.

8 Nei makomo acho ari emhangura? Kufanana negoridhe, mhangura isimbi inokosheswa chaizvo. Jehovha akarayira kuti simbi iyi inopenya ishandiswe pakuvaka tebhenekeri uye pava paya yakashandiswa mutemberi muJerusarema. (Eks. 27:1-3; 1 Madz. 7:13-16) Saka zvakakodzera kuti mhangura yemakomo maviri ekufananidzira itiyeuchidze nezvekunaka kweuchangamire hwaJehovha uye kweUmambo hwaMesiya, uhwo huchaita kuti vanhu vachengeteke uye vawane makomborero.

9. Vatyairi vengoro ndivanaani uye vakapiwa basa rei?

9 Ngatidzokei kungoro dziya. Ngoro dzacho nevatyairi zvinomiririrei? Zvinomiririra ngirozi, zvichida mapoka engirozi. (Verenga Zekariya 6:5-8.) Vari kubva “pamberi paIshe wenyika yose” vaine basa rinokosha ravari kufanira kuita. Ibasa ripi ravapiwa? Ngoro nevatyairi vacho vatumwa kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Basa ravo nderekudzivirira vanhu vaJehovha, zvikurukuru kubva “kunyika yokumaodzanyemba,” Bhabhironi. Jehovha achava nechokwadi chekuti Bhabhironi harizotapi vanhu vake zvakare. Izvi zvinofanira kunge zvakanyaradza chaizvo vavaki vetemberi panguva yaZekariya. Vaisafanira kunetseka kuti vavengi vavo vangaitei.

10. Uprofita hwaZekariya hwengoro nevatyairi vadzo hunoita kuti vanhu vaMwari vave nechokwadi chei?

10 Jehovha wemauto achiri kushandisa ngirozi dzake kuti adzivirire uye asimbise vanhu vake, sezvaaiita panguva yaZekariya. (Mar. 3:6; VaH. 1:7, 14) Kubva pakasunungurwa vanhu vaMwari muutapwa hwekufananidzira muBhabhironi Guru muna 1919, kunamata kwechokwadi kuri kuramba kuchikura uye kuchiwedzera pasinei nekupikiswa. (Zvak. 18:4) Sezvo tichidzivirirwa naMwari, hatifaniri kutya kuti sangano raJehovha ringangotapwa zvakare nechitendero chenhema. (Pis. 34:7) Pane kudaro, tinogona kuva nechokwadi chekuti vashumiri vaMwari pasi rese vacharamba vachibudirira pakunamata. Sezvatinofungisisa zvakaonekwa naZekariya, tinoona pasina mubvunzo kuti tinochengetedzwa nemakomo maviri.

11. Nei tisingafaniri kutya kurwiswa kuchaitwa vanhu vaMwari?

11 Munguva pfupi iri kuuya vezvematongerwo enyika vachabatana kuti vaedze kuparadza vanhu vaMwari. (Ezek. 38:2, 10-12; Dhan. 11:40, 44, 45; Zvak. 19:19) Muuprofita hwaEzekieri vanhu ava vanoita sevakafukidza nyika sezvinoita makore uye vachiuya kwatiri vaine hasha, vakatasva mabhiza. (Ezek. 38:15, 16) * Pane chatinofanira kutya here? Aiwa! Tine uto raJehovha rinotidzivirira. Panguva iyoyo yakaoma pakutambudzika kukuru, ngirozi dzaJehovha wemauto dzichadzivirira vanhu vaMwari uye dzichaparadza vaya vanopikisa uchangamire hwake. (2 VaT. 1:7, 8) Iroro richava zuva rinofadza zvikuru! Asi ndiani anotungamirira uto raJehovha rekudenga?

JEHOVHA ANOPFEKEDZA MAMBO UYE MUPRISTI WAKE KORONA

12, 13. (a) Zekariya anobva audzwa kuti aitei? (b) Tsanangura kuti nei murume anonzi Nhungirwa achimiririra Jesu Kristu.

12 Zekariya ane zviratidzo 8 zvaaona iye chete. Iye zvino anobatanidzwa pachiitiko cheuprofita kuti akurudzire vaya vari kuvakazve temberi yaMwari. (Verenga Zekariya 6:9-12.) Zekariya anoudzwa kuti aunganidze sirivha negoridhe kubva kuna Heridhai, Tobhija naJedhaya, avo vachangodzoka kubva kuBhabhironi, uye kuti ashandise zvinhu izvozvo kugadzira “korona yakanaka kwazvo.” (Zek. 6:11) Zekariya anoudzwa here kuti aise korona yacho mumusoro maGavhuna Zerubhabheri werudzi rwaJudha uye muzukuru waDhavhidhi? Aiwa. Vanhu vainge vakatarisa vanofanira kunge vakashamiswa pavakaona achiisa korona yacho paMupristi Mukuru, Joshua.

13 Mupristi Mukuru Joshua paakapfekedzwa korona zvakamuita mambo here? Aiwa, Joshua aisava wedzinza reumambo raDhavhidhi saka aisakodzera kuva mambo. Kupfekedzwa kwaakaitwa korona kwaimiririra zvaizoitika kune mumwe munhu aizova mambo uye mupristi nekusingaperi. Mupristi mukuru anoitwa mambo anonzi Nhungirwa. Magwaro anonyatsoratidza kuti Nhungirwa ndiJesu Kristu.​—Isa. 11:1; Mat. 2:23. *

14. Jesu anoita basa ripi saMambo uye seMupristi Mukuru?

14 Achishanda saMambo uyewo seMupristi Mukuru, Jesu ndiye mutungamiriri weuto raJehovha rekudenga. Anoshanda nesimba kuti vanhu vaMwari seboka vagare vakachengeteka pasinei nekuti vari munyika ine mhirizhonga. (Jer. 23:5, 6) Munguva pfupi iri kuuya, Kristu achatungamirira pakukunda marudzi achitsigira uchangamire hwaMwari uye achidzivirira vanhu vaJehovha. (Zvak. 17:12-14; 19:11, 14, 15) Asi zuva iroro risati rasvika, Nhungirwa ane basa rakakura rekuita.

ACHAVAKA TEMBERI

15, 16. (a) Ibasa ripi rekudzorera uye rekunatsiridza rakaitwa mazuva ano, uye rakaitwa naani? (b) Chii chichange chaitika pachapera Kutonga kwaKristu Kwemakore 1 000?

15 Kuwedzera pakuva Mambo uye Mupristi Mukuru, Jesu akapiwawo basa ‘rekuvaka temberi yaJehovha.’ (Verenga Zekariya 6:13.) Munguva yedu, basa raJesu rekuvaka raisanganisira kusunungura vanamati vechokwadi kubva muBhabhironi Guru uye kudzorera ungano yechiKristu muna 1919. Akagadzawo “muranda akatendeka, akangwara” kuti atungamirire kunamata kwakachena pano panyika. (Mat. 24:45) Jesu ari kunatsiridzawo vanhu vaMwari achivabatsira kuti vanamate Mwari zvakachena.​—Mar. 3:1-3.

16 PaKutonga Kwemakore 1 000, Jesu nevamwe 144 000 vaachatonga navo vachaita kuti vanhu vakatendeka vasava nechivi. Kana izvi zvaitika vanamati vechokwadi vaJehovha chete ndivo vachasara panyika inenge yacheneswa. Pakupedzisira kunamata kwechokwadi kuchadzorerwa zvizere.

ITAWO BASA REKUVAKA

17. Jehovha anopazve vaJudha vimbiso ipi, uye mashoko ake anovabatsira sei?

17 VaJudha vakaita sei nemashoko aZekariya panguva yaakararama? Jehovha akanga avimbisa kuvabatsira uye kuvadzivirira kuitira kuti vapedze kuvaka temberi. Vimbiso iyoyo yakaita kuti vave netariro. Asi vanhu vashomanana vaizoita sei basa rakakura kudaro? Mashoko anozotaurwa naZekariya anoita kuti vasatya uye vave nechivimbo. Kuwedzera parutsigiro rwevanhu vakatendeka vakadai saHeridhai, Tobhija naJedhaya, Mwari anotaura nezvevamwe ‘vaizouya, vovaka temberi yaJehovha.’ (Verenga Zekariya 6:15.) Vaine chivimbo chekuti vari kutsigirwa naMwari, vaJudha vanokurumidza kutangazve basa ravo rekuvaka pasinei nekuti vakarambidzwa kuriita. Pasina nguva Jehovha anobva abvisa kurambidzwa kwacho uko kwakaita segomo, uye temberi inopera kuvakwa muna 515 B.C.E. (Ezra 6:22; Zek. 4:6, 7) Zvisinei, mashoko aJehovha anotsanangura zvinhu zvikuru zviri kuitika mazuva ano.

Jehovha haambokanganwi kuda kwatinomuita! (Ona ndima 18, 19)

18. Zekariya 6:15 iri kuzadzika sei mazuva ano?

18 Mazuva ano mamiriyoni evanhu ari kugamuchira kunamata kwechokwadi, uye mwoyo yavo iri kuita kuti vape ‘zvinhu zvavo zvinokosha,’ izvo zvinosanganisira nguva yavo, simba ravo uye pfuma yavo kuti vatsigire kunamata kwakachena. (Zvir. 3:9) Tingava sei nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa rutsigiro rwatinoramba tichipa? Yeuka kuti Heridhai, Tobhija naJedhaya vakaunza zvinhu zvakagadziriswa korona naZekariya. Korona yacho yakabva yava “chiyeuchidzo” chezvavakapa kuti vatsigire kunamata kwechokwadi. (Zek. 6:14) Saizvozvowo, basa ratinoitira Jehovha uye kuda kwatinomuita hazvizombofi zvakakanganwika. (VaH. 6:10) Jehovha acharamba achizvikoshesa nekusingaperi.

19. Zvakaonekwa naZekariya zvinofanira kutibatsira sei mazuva ano?

19 Zvese zvakaitwa pakutsigira kunamata kwechokwadi mumazuva ano ekupedzisira zvinonyatsoratidza kuti Jehovha ari kukomborera uye kuti Kristu ari kutungamirira. Tiri musangano rakatsiga, rakachengeteka uye rinoramba riripo nekusingaperi. Chinangwa chaJehovha chine chekuita nekunamata kwakachena ‘chichaitika.’ Koshesa nzvimbo yako pakati pevanhu vaMwari, uye ‘teerera inzwi raJehovha Mwari wako.’ Ukadaro ucharamba uchichengetedzwa naMambo wedu uye Mupristi Mukuru uyewo nevatyairi vengoro dzekudenga. Ita zvese zvaunogona kuti utsigire kunamata kwechokwadi. Paunoita izvozvo, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha wemauto achakuchengetedza mumazuva asara enyika ino, uye nekusingaperi.

^ ndima 11 Kuti uwane mamwe mashoko, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaMay 15, 2015, mapeji 29-30.

^ ndima 13 Shoko rekuti wekuNazareta rinobva pashoko rechiHebheru rekuti “nhungirwa.”