Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndinoziva Kuti Achamuka”

“Ndinoziva Kuti Achamuka”

“Shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.”​—JOH. 11:11.

NZIYO: 142, 129

1. Marita aiva nechivimbo chei nezvehanzvadzi yake? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

MARITA, shamwari yepedyo yaJesu uye mudzidzi wake, akanga achirwadziwa. Hanzvadzi yake, Razaro, akanga afa. Pane chaigona kuderedza kusuruvara kwake here? Hongu. Jesu akamuvimbisa kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Izvozvo zvingangodaro zvisina kubvisa kusuruvara kwake kwese, asi Marita akabvuma zvaakavimbiswa naJesu. Marita akati: “Ndinoziva kuti achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira.” (Joh. 11:20-24) Aiva nechokwadi chekuti izvozvo zvaizoitika mune ramangwana. Jesu akabva aita chishamiso. Akamutsa Razaro zuva iroro chairo.

2. Nei ungada kuva nechivimbo sechaiva naMarita?

2 Hatina chikonzero chekutarisira kuti Jesu kana Baba vake vachatiitira chishamiso chakadaro panguva ino. Asi une chokwadi here sechaiva naMarita chekuti mumwe munhu waunoda achamutswa mune ramangwana? Munhu wacho angava mudzimai kana murume wako, amai, baba, ambuya kana kuti sekuru vako. Kana kuti ungangodaro uri kurwadziwa nekufirwa nemwana. Unosuwa kumbundirana, kutaura uye kuseka nemunhu iyeye waunoda. Zvinofadza kuti kufanana naMarita, une chikonzero chakanaka chekutaura kuti, ‘Ndinoziva kuti munhu wandinoda achamuka parumuko.’ Kunyange zvakadaro, muKristu mumwe nemumwe anogona kubatsirwa nekufungisisa kuti nei achifanira kuva nechivimbo chakadaro.

3, 4. Zvaitendwa naMarita zvinogona kunge zvakasimbiswa sei nezvakanga zvichangobva kuitwa naJesu?

3 Zvingangodaro kuti Marita, uyo aigara pedyo neJerusarema, haana kuona Jesu achimutsa mwanakomana weimwe chirikadzi pedyo neNaini munharaunda yeGarireya. Asi anogona kunge akanzwa nezvazvo. Marita anogona kunge asina kuonawo mwanasikana waJairosi achimutswa naJesu. Vaya vaiva pamba pacho “vaiziva kuti akanga afa.” Kunyange zvakadaro, Jesu akabata ruoko rwemwana wacho ndokuti: “Musikana, muka!” Uye akabva angomuka ipapo. (Ruka 7:11-17; 8:41, 42, 49-55) Marita nemunin’ina wake Mariya vaiziva kuti Jesu aigona kurapa vanorwara. Saka vaifunga kuti dai Jesu aivapo Razaro angadai asina kufa. Asi sezvo shamwari yaJesu yainge yafa, chii chaizoitika kwairi mune ramangwana? Ona kuti Marita akataura nezvekumutswa kwaRazaro mune ramangwana, “pazuva rokupedzisira.” Nei aigona kuva nechokwadi nazvo? Uye nei uchigona kuva nechokwadi chekuti mune ramangwana kuchava nerumuko rungangosanganisira vanhu vaunoda?

4 Pane zvikonzero zvakanaka zvekuti uve nechivimbo chakadaro. Patinenge tichiongorora zvimwe zvacho, ungaona zvinhu zviri muShoko raMwari zvausingawanzobatanidzi netariro yako yekuonazve munhu waunoda.

ZVIITIKO ZVINOITA KUTI TIVE NETARIRO!

5. Chii chakaita kuti Marita ave nechivimbo chekuti Razaro aizomutswa?

5 Ona kuti Marita paakaonana naJesu haana kuti: ‘Ndinovimba kuti hanzvadzi yangu ichamuka.’ Akati: “Ndinoziva kuti achamuka.” Marita aiva nechokwadi nazvo nemhaka yezvishamiso zvaangangodaro akadzidza nezvazvo kunyange Jesu asati atombotanga ushumiri hwake. Akanga adzidza nezvazvo achiri mudiki kumba kwavo kana kuti kusinagogi. Tinogona kufunga nezvenhoroondo nhatu dzakanyorwa muMagwaro.

6. Marita aitoziva nezvechishamiso chipi?

6 Rumuko rwekutanga rwakaitika panguva iyo Mwari aipa muprofita wake Eriya simba rekuita zvishamiso. Mutaundi reZarefati raiva munharaunda yeFenikiya, imwe chirikadzi yaiva murombo yakagamuchira muprofita wacho pamba payo. Mwari akabva aita kuti furawa nemafuta zvechirikadzi yacho zvisapera, kuitira kuti iyo nemwanakomana wayo varambe vari vapenyu. (1 Madz. 17:8-16) Mwanakomana wacho akazorwara ndokufa. Eriya akabatsira chirikadzi yacho. Akanyengetera achiti: “Mwari wangu, ndapota, dzosai mweya womwana uyu maari.” Ndizvo zvakabva zvaitika. Mwari akanzwa Eriya, uye mwana wacho akavazve mupenyu. Urwu ndirwo rumuko rwekutanga rwakanyorwa muBhaibheri. (Verenga 1 Madzimambo 17:17-24.) Marita aitoziva nezvechiitiko ichocho chinoshamisa.

7, 8. (a) Rondedzera zvakaitwa naErisha kuti anyaradze mukadzi airwadziwa. (b) Chishamiso chakaitwa naErisha chinoratidzei nezvaJehovha?

7 Rumuko rwechipiri runotaurwa muMagwaro nderwemunhu akamutswa nemutsivi waEriya, muprofita Erisha. Mumwe mukadzi wechiIsraeri ainge akakurumbira wemuShunemi akagamuchira Erisha zvakanaka. Mukadzi uyu nemurume wake ainge akwegura vakanga vasina mwana. Achishandisa muprofita wacho, Mwari akaita kuti vave nemwanakomana. Papera makore akati kuti, mukomana wacho akafa. Fungidzira kurwadziwa kwakaita amai vacho. Vabvumirwa nemurume wavo, vakaita rwendo rwemakiromita anenge 30 kuenda kuGomo reKameri kwaiva naErisha. Muprofita wacho akatuma mushumiri wake Gehazi kuti afanoenda kuShunemi. Gehazi haana kukwanisa kumutsa mukomana wacho. Amai vacho naErisha vakabva vasvika.​—2 Madz. 4:8-31.

8 Vari mumba, Erisha akanyengetera ari pedyo nemutumbi wacho. Mukomana wacho akava mupenyu ndokuvazve naamai vake avo vakanga vasingachabatiki nemufaro. (Verenga 2 Madzimambo 4:32-37.) Amai vacho vanogona kunge vakayeuka munyengetero waHana paakaendesa Samueri kunoshumira patebhenekeri. Hana akati: “Jehovha . . . anoburutsira kuSheori, uye anomutsa.” (1 Sam. 2:6) Zviri pachena kuti Mwari akamutsa mukomana wacho muguta reShunemi, kuti aratidze kuti anokwanisa kumutsa vakafa.

9. Tsanangura kuti Erisha akabatanidzwa sei parumuko rwechitatu runotaurwa muBhaibheri.

9 Asi ichocho chakanga chisiri chishamiso chekupedzisira chaibatanidza Erisha. Akanga ashumira semuprofita kwemakore anopfuura 50 uye akabva ‘arwara nechirwere chakazomuuraya.’ Pave paya, mutumbi waErisha pawakanga wangova mapfupa chete, vavengi vakapinda munyika yeIsraeri. Vamwe vaIsraeri vakanga vachienda kunoviga mumwe murume. Vachiita chipatapata kuti vatize vavengi, vakakanda mutumbi wacho muguva maiva nemapfupa aErisha. Tinoverenga kuti: “Murume wacho paakagunzva mapfupa aErisha, akabva ava mupenyu, akamira netsoka dzake.” (2 Madz. 13:14, 20, 21) Funga kuti nyaya idzodzo dzerumuko dzakabatsira sei Marita. Zvechokwadi Mwari ane simba rekukunda rufu. Uye fungisisa kuti nyaya idzodzo dzinofanira kukubatsira sei. Dzinofanira kukuita kuti unyatsoona kuti simba raMwari rakakura uye harina parinogumira.

ZVAKAITIKA PANGUVA YEVAKRISTU VEKUTANGA

10. Chii chakaitika kune imwe hanzvadzi yechiKristu uye Petro akaita sei?

10 MuMagwaro echiKristu echiGiriki, tinoverengawo nezvekumutswa kwakaitwa vamwe vanhu paine vamiririri vaMwari. Tinoona izvozvo pakumutswa kwakaitwa mwanakomana wechirikadzi naJesu kunze kwetaundi reNaini uye paakamutsa mwanasikana waJairosi. Muapostora Petro ndiye akamutsa mumwe mukadzi wechiKristu ainzi Dhokasi (Tabhita). Petro akapinda mumba maiva nemutumbi wacho ndokunyengetera. Akabva ati: “Tabhita, muka!” Akamutswa pakarepo, uye Petro ‘akamupa kuvaKristu vaainamata navo ari mupenyu.’ Rumuko irworwo rwaiva nesimba zvekuti “vazhinji vakatenda munaShe.” Vaigona kupupurira nezvaIshe uye kuti Jehovha anogona kumutsa vakafa.​—Mab. 9:36-42.

11. Chiremba Ruka akati chii chakaitika kune mumwe mukomana, uye izvozvo zvakaita kuti vamwe vanzwe sei?

11 Pane vamwe vakaona rumwe rumuko ruchiitika. Rimwe zuva muapostora Pauro aiva pamusangano mukamuri repamusoro muTroasi. Pauro akataura kusvika pakati peusiku. Mumwe mukomana ainzi Yutiko aiteerera agare pahwindo. Asi akabatwa nehope ndokudonhera pasi achibva panhurikidzwa yechitatu. Zvimwe chiremba Ruka ndiye akatanga kusvika paiva naYutiko ndokuona kuti akanga asina kungokuvara kana kungofenda, asi kuti akanga afa! Pauro akadzika pasi akambundira chitunha chacho, ndokubva azivisa kuti: ‘Mupenyu.’ Izvi zvinofanira kunge zvakabatsira chaizvo vanhu vakazviona. Sezvo vaiziva zvainge zvaitika uye vachiona kuti rumuko rwainge rwaitika, “vakanyaradzwa kwazvo.”​—Mab. 20:7-12.

TARIRO YAKASIMBA

12, 13. Tichifunga nezvenyaya dzerumuko dzatakurukura, mibvunzo ipi yatinofanira kufunga nezvayo?

12 Nyaya dzataurwa pamusoro apa dzinofanira kuita kuti tive nechimwe chinhu chaiva naMarita. Aiva nechokwadi chekuti Mwari wedu uye Mupi Weupenyu anokwanisa kumutsa munhu akafa. Pese apo Jehovha aiita zvishamiso izvozvo paiva nemushumiri wake akatendeka akadai saEriya, Jesu kana kuti Petro. Asi tingatii nezvevaya vakafa pane dzimwewo nguva? Kana pane imwe nguva Mwari akanga asingamutsi vakafa, varume nevakadzi vakatendeka vaigona here kutarisira kuti Mwari achamutsa vakafa mune ramangwana? Vaigona here kunzwa sezvakaita Marita uyo akati: “Ndinoziva kuti [hanzvadzi yangu] achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira”? Nei aigona kutenda izvozvo, uye nei iwe uchigonawo kudaro?

13 Pane ndima dzinoverengeka dziri muShoko raMwari rakafemerwa dzinoratidza kuti vashumiri vaJehovha vakavimbika vaiziva kuti pane imwe nguva mune ramangwana vakafa vachamutswa. Ona dzimwe dzacho.

14. Tinodzidzei nezverumuko kubva panyaya yaAbrahamu?

14 Funga zvakaudzwa Abrahamu naMwari kuti aite naIsaka, mugari wenhaka ainge akamirirwa kwenguva refu. Jehovha akati: “Ndapota, tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete waunoda kwazvo, Isaka . . . umupe sechinopiwa chinopiswa.” (Gen. 22:2) Fungidzira kuti murayiro wakadaro unoita kuti munhu anzwe sei. Jehovha akanga avimbisa kuti marudzi ese aizokomborerwa kuburikidza nemwana waAbrahamu. (Gen. 13:14-16; 18:18; VaR. 4:17, 18) Jehovha akataurawo kuti mwana wacho aizouya “nokuna Isaka.” (Gen. 21:12) Asi izvozvo zvaizoitika sei kana Abrahamu aizouraya Isaka sechibayiro? Pauro akafemerwa kunyora kuti Abrahamu aitenda kuti Mwari aikwanisa kumutsa Isaka kubva kuvakafa. (Verenga VaHebheru 11:17-19.) Bhaibheri haritauri kuti Abrahamu akafunga kuti kana akateerera, Isaka aizomutswa pashure pemaawa mashomanana, zuva rimwe chete, kana kuti vhiki. Abrahamu aisakwanisa kuziva kuti mwanakomana wake aizomutswa riini. Asi aivimba kuti Jehovha aizomutsa Isaka.

15. Jobho akataura nezvetariro ipi?

15 Jobho aitarisirawo kuti kuchava nerumuko mune ramangwana. Aiziva kuti kana mutiwo zvawo ukatemwa, unogona kutungirazve woita semuti mutsva. Asi munhu haadaro. (Job. 14:7-12; 19:25-27) Kana munhu akafa, haakwanisi kuzvimutsa oraramazve. (2 Sam. 12:23; Pis. 89:48) Izvozvo zvaisareva hazvo kuti Mwari haagoni kumutsa munhu. Jobho aitenda kuti Jehovha aizosarudza nguva yekumuyeuka. (Verenga Jobho 14:13-15.) Jobho aisakwanisa kuziva kuti izvozvo zvaizoitika riini. Kunyange zvakadaro, aivimba kuti Iye akasika upenyu hwemunhu aigona uye aizomuyeuka omumutsa.

16. Ngirozi yakakurudzira sei muprofita Dhanieri?

16 Dhanieri ndemumwe murume ainge akatendeka watinoverenga nezvake muMagwaro echiHebheru. Akashumira Mwari akavimbika kwemakumi emakore uye Jehovha aimutsigira. Pane imwe nguva, ngirozi yakakurudzira Dhanieri, ‘murume aidiwa kwazvo’ kuti ‘ave nerugare’ uye kuti ‘asimbe.’​—Dhan. 9:22, 23; 10:11, 18, 19.

17, 18. Dhanieri akavimbiswei?

17 Dhanieri akanga ava kuda kusvitsa makore 100 uye ava pedyo nekufa. Anogona kunge aifunga nezveramangwana rake. Dhanieri aizoraramazve here? Izvozvo hazvina mubvunzo. Panoperera bhuku raDhanieri, tinoverenga zvaakavimbiswa naMwari kuti: “Zvino iwe, enda kusvikira kumugumo; uye uchazorora.” (Dhan. 12:13) Dhanieri uyo ainge akwegura, aiziva kuti vakafa vakazorora muguva ‘musina kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.’ Pasina nguva Dhanieri aizoenda imomo. (Mup. 9:10) Asi handiwo waizova mugumo wake. Akavimbiswa ramangwana rakanaka.

18 Mwari akaenderera mberi achiudza Dhanieri kuti: “Uchazomukira mugove wako pachapera mazuva acho.” Haana kuudzwa musi wacho kana kuti zvaizotora nguva yakareba sei. Dhanieri aizofa ozorora. Asi Dhanieri paakanzwa vimbiso yekuti, “Uchazomukira mugove wako,” akanzwisisa kuti aizomutswa mune ramangwana. Izvozvo zvaizoitika pashure penguva refu afa, “pachapera mazuva acho.” Jerusalem Bible rinotaura zvakavimbiswa Dhanieri richiti: “Uchamukira mugove wako pakupera kwenguva.”

Kufanana naMarita, unogona kuva nechivimbo chekuti rumuko ruchaitika (Ona ndima 19, 20)

19, 20. (a) Zvatakurukura kusvika pari zvino zvinobatana sei nezvakataurwa naMarita kuna Jesu? (b) Chii chimwe chatichakurukura?

19 Zviri pachena kuti Marita aiva nechikonzero chekuva nechivimbo chekuti Razaro, hanzvadzi yake yainge yakatendeka, ‘ichamuka pakumuka pazuva rekupedzisira.’ Vimbiso yakapiwa Dhanieri pamwe chete nechivimbo chaiva mumhinduro yaMarita kuna Jesu zvinofanira kuita kuti vaKristu vave nechivimbo chekuti kuchava nerumuko.

20 Taona kuti zvinhu chaizvo zvakaitika kare zvinoratidza kuti vakafa vanogona kumutswa vova vapenyu zvakare. Uye varume nevakadzi vaishumira Jehovha vaitarisira kuti rumuko ruchaitika pane imwe nguva mune ramangwana. Asi pane here chinoratidza kuti rumuko rwunogona kuitika pashure penguva refu rwavimbiswa? Kana zvakadaro, izvozvo zvaizotipa chimwe chikonzero chekutarisira nguva yerumuko sezvaiita Marita. Asi ruchaitika riini? Ngatikurukurei nezvazvo munyaya inotevera.