Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki​—Batsirai Vana Venyu Kuti Vave ‘Vakachenjera Kuti Vawane Ruponeso’

Vabereki​—Batsirai Vana Venyu Kuti Vave ‘Vakachenjera Kuti Vawane Ruponeso’

Kubvira paucheche wakaziva zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa kuita kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso.”​—2 TIM. 3:15.

NZIYO: 141, 134

1, 2. Nei vamwe vabereki vanganetseka vana vavo pavanenge vachida kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa?

GORE negore, vadzidzi veBhaibheri vanosvika zviuru vanozvitsaurira kuna Jehovha vobhabhatidzwa. Vakawanda vavo ndevechidiki vakarererwa muchokwadi uye vakasarudza kurarama upenyu hwakanaka chaizvo. (Pis. 1:1-3) Kana uri mubereki wechiKristu, hapana mubvunzo kuti unotarisira kuzoona mwana wako achibhabhatidzwa rimwe zuva.​—Enzanisa na3 Johani 4.

2 Kunyange zvakadaro, unogona kunetseka. Zvichida wakaona vamwe vechidiki vachibhabhatidzwa, asi pava paya vakanga vasisagutsikani kuti kurarama maererano nezvinodiwa naMwari kunovabatsira. Vamwe vacho vakatosiya chokwadi. Saka unogona kunetseka kuti mwana wako achatanga kushumira Jehovha asi kuda kwaanoita chokwadi kwozoderera. Anogona kuzoita sevanhu vemuungano yeEfeso, avo vakaudzwa naJesu kuti: “Wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga.” (Zvak. 2:4) Ungadzivisa sei izvozvo wobatsira mwana wako kuti ‘akure ozoponeswa’? (1 Pet. 2:2) Kuti tipindure mubvunzo iwoyo ngationei muenzaniso waTimoti.

“WAKAZIVA ZVINYORWA ZVITSVENE”

3. (a) Timoti akava sei muKristu, uye akaita sei nezvaakadzidza? (b) Pauro akaudza Timoti zvinhu zvipi zvitatu zvine chekuita nekudzidza?

3 Timoti anofanira kunge akadzidza nezvechiKristu munenge muna 47 C.E., Pauro paakashanya kuRistra kekutanga. Kunyange zvazvo Timoti angangodaro ainge asati asvitsa makore 20, anofanira kunge aishandisa zvaaidzidza. Pashure pemakore maviri akanga ava kufamba naPauro. Papera makore anenge 16 kubva ipapo, Pauro akanyorera Timoti achiti: “Rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani uye kuti kubvira paucheche wakaziva zvinyorwa zvitsvene [Magwaro echiHebheru], zvinokwanisa kuita kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso uchishandisa kutenda muna Kristu Jesu.” (2 Tim. 3:14, 15) Ona kuti Pauro akataura (1) nezvekuziva zvinyorwa zvitsvene, (2) nezvekuitwa kuti uve nechokwadi nezvinhu zvawakadzidza, uye (3) nezvekuva akachenjera kuti uwane ruponeso kuburikidza nekutenda muna Kristu Jesu.

4. Zvinhu zvipi zvawakaona zvichibatsira pakudzidzisa vana vako zvinobudirira? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Semubereki wechiKristu, unoda kuti mwana wako azive zvinyorwa zvitsvene. Mazuva ano, izvozvo zvinosanganisira Magwaro echiHebheru uye Magwaro echiKristu echiGiriki. Zvichienderana nekubata kwavanoita, kunyange vana vadiki vane zvavanogona kudzidza nezvevanhu vemuBhaibheri uye zviitiko zvirimo. Sangano raJehovha rakabudisa zvinhu zvakawanda zvinogona kushandiswa nevabereki kuti vabatsire vana vavo. Ndezvipi zvimwe zvinowanika mumutauro wako? Yeuka kuti kuziva Magwaro ndiyo faundesheni yekuti pave neushamwari hwakasimba naJehovha.

‘KUITWA KUTI UVE NECHOKWADI’

5. (a) Zvinorevei ‘kuitwa kuti uve nechokwadi’? (b) Tinoziva sei kuti Timoti akaitwa kuti ave nechokwadi nemashoko akanaka pamusoro paJesu?

5 Kuziva zvinyorwa zvitsvene kunokosha. Asi pane zvakawanda zvinobatanidzwa pakudzidzisa vana zvinhu zvekunamata kupfuura kungovadzidzisa nezvevanhu vemuBhaibheri uye zviitiko zvirimo. Timoti ‘akaitwawo kuti ave nechokwadi.’ Mumutauro wakashandiswa kunyora Bhaibheri, mashoko iwayo anoreva ‘kuitwa kuti unyatsobvuma kuti chimwe chinhu ndechechokwadi.’ Timoti akaziva Magwaro echiHebheru kubva achiri mucheche. Asi pane imwe nguva akava nechokwadi kuburikidza neuchapupu hwakasimba hwekuti Jesu ndiye aiva Mesiya. Timoti akanyatsova nechokwadi nemashoko akanaka zvekuti akabhabhatidzwa ndokushanda naPauro pakuita umishinari.

6. Ungabatsira sei vana vako kuti vave nechokwadi nezvavanodzidza muShoko raMwari?

6 Ungabatsira sei vana vako kuti vave nekutenda sekwaiva naTimoti, kuitira kuti naivowo ‘vaitwe kuti vave nechokwadi’? Chekutanga, iva nemwoyo murefu. Vana vako havangoerekani vava nekutenda nekuti iwe une kutenda. Zvinotora nguva kuti kutenda kwakasimba kuvepo. Mwana mumwe nemumwe anofanira kushandisa ‘simba rake rekufunga’ kuti ave nechokwadi nezviri muBhaibheri. (Verenga VaRoma 12:1.) Iwe semubereki une basa rinokosha kuti izvozvo zviitike, kunyanya mwana wako paanobvunza mibvunzo. Ngationei muenzaniso.

7, 8. (a) Vamwe baba vanoratidza sei mwoyo murefu pakudzidzisa mwanasikana wavo? (b) Ndepapi pawaifanira kuratidzawo mwoyo murefu pakudzidzisa mwana wako?

7 Vamwe baba vanonzi Thomas, vane mwanasikana ane makore 11, vanoti: “Mwanasikana wangu anogona kubvunza kuti, ‘Jehovha angadaro akashandisa kushanduka-shanduka kuti panyika pave nezvinhu zvipenyu here?’ kana kuti, ‘Nei tisingaiti zvinoita vamwe zvakadai sekuvhota, kuti tiedze kuvandudza zvinhu munharaunda?’ Dzimwe nguva ndinofanira kumbonyarara kuti ndisamupa mhinduro inoita seyekungomuudza zvaanofanira kutenda. Kuva nechivimbo hakubvi pakungoziva chinhu chikuru chimwe chete. Kunobva patunhu tudiki twakawanda twunopa uchapupu.”

8 Thomas anozivawo kuti anofanira kuva nemwoyo murefu pakudzidzisa mwanasikana wake. Kutaura zvazviri, vaKristu vese vanofanira kuva nemwoyo murefu. (VaK. 3:12) Thomas anoziva kuti zvichada nguva yakawanda uye kukurukura kakawanda kuti abatsire mwanasikana wake. Anofanira kushandisa Magwaro kuitira kuti mwanasikana wake asvike pakuva nechokwadi nezvaanodzidza. Thomas anoti, “Ini nemudzimai wangu tinoda kuziva kana mwanasikana wedu achinyatsotenda zvinhu zvaanodzidza uye kana zviine musoro kwaari, kunyanya zviya zvinokosha. Zvinenge zvakanaka kana aine mibvunzo. Kutaura chokwadi, ndinganetseka kana akangobvuma chimwe chinhu asingabvunzi mibvunzo.”

9. Ungaroverera sei Shoko raMwari muvana vako?

9 Kana vabereki vakadzidzisa nemwoyo murefu, nekufamba kwenguva vana vavo vachatanga kunzwisisa “kufara nokureba nokukwirira nokudzika” kwekutenda. (VaEf. 3:18) Tinogona kutsvaga zvinhu zvinoenderana nezera ravo uye kubata kwavanoita. Sezvavanova nechokwadi nezvavanodzidza, vachagona kudzivirira zvavanotenda pane vamwe, kusanganisira vekuchikoro. (1 Pet. 3:15) Semuenzaniso, vana vako vanokwanisa here kutsanangura vachishandisa Bhaibheri kuti chii chinoitika munhu paanofa? Zvinotsanangurwa neBhaibheri zvine musoro here kwavari? * Kuroverera Shoko raMwari mumwana wako kunoda mwoyo murefu, asi hakusi kushandira pasina.​—Dheut. 6:6, 7.

10. Chii chinokosha pakudzidzisa kwako?

10 Muenzaniso wako unokoshawo pakuita kuti vana vako vave nekutenda. Vamwe amai vane vanasikana vatatu vanonzi Stephanie, vanoti: “Kubvira vana vangu pavaiva vadiki diki, ndaifanira kugara ndichizvibvunza kuti, ‘Ndinotaura here nevana vangu nezvekuti nei ndiine chokwadi chekuti Jehovha ariko, ane rudo, uye nzira dzake dzakarurama? Vana vangu vanonyatsoona here kuti ini ndinoda Jehovha chaizvo?’ Handingatarisiri kuti vana vangu vave nechokwadi nazvo kana ini ndisina.”

‘KUCHENJERA KUTI UWANE RUPONESO’

11, 12. Chii chinonzi uchenjeri uye nei tichigona kutaura kuti hauoneki nekungotarisa zera remunhu?

11 Sezvataona, Timoti (1) aiziva Magwaro uye (2) aiva nechokwadi nezvaaitenda. Asi Pauro airevei paakataura kuti zvinyorwa zvitsvene zvaigona kuita kuti Timoti ave ‘akachenjera kuti awane ruponeso’?

12 Bhuku raInsight on the Scriptures, Volume 2, rinotsanangura kuti, muBhaibheri, uchenjeri hunosanganisira “kugona kushandisa zivo nenzwisiso zvinobudirira pakugadzirisa matambudziko, kudzivisa njodzi, kuzadzisa zvinangwa, kana kuti kupa vamwe mazano pakuita izvozvo. Uchenjeri hunopesana neupenzi.” Bhaibheri rinotaura kuti upenzi hwakasungirirwa pamwoyo wemwana. (Zvir. 22:15) Sezvo uchenjeri huchipesana neupenzi, uchenjeri hunoratidza kuti munhu akura. Kukura pakunamata hakungooneki nezera remunhu asi nekutya kwaanoita Jehovha uye kugara akagadzirira kuteerera mirayiro yake.​—Verenga Pisarema 111:10.

13. Wechidiki angaratidza sei kuti akachenjera kuti azowana ruponeso?

13 Vechidiki vakakura pakunamata ‘havakandwi kwese kwese sekunge vanokandwa nemafungu uye vachitakurirwa kuno nekoko’ nezvido zvavo kana kuti nekuda kutevedzera vezera ravo. (VaEf. 4:14) Panzvimbo pezvo, vari kufambira mberi pakuita kuti “simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaH. 5:14) Vanoratidza kuti vari kuramba vachikura kuburikidza nekuita zvisarudzo zveuchenjeri, kunyange pavanenge vasiri kuonekwa nevabereki vavo kana vamwe vanhu vakuru. (VaF. 2:12) Uchenjeri hwakadaro hunodiwa kuti tiwane ruponeso. (Verenga Zvirevo 24:14.) Ungabatsira sei vana vako kuti vave nahwo? Kutanga, iva nechokwadi chekuti vana vako vanoziva zvinhu zvaunokoshesa zviri muBhaibheri. Kuburikidza nezvaunotaura uye muenzaniso wako, ita kuti vazive kuti zvinhu zvinonzi neShoko raMwari zvinokosha ndizvo zvaunokoshesawo.​—VaR. 2:21-23.

Nei zvichikosha kuti mubereki arambe achishanda nesimba? (Ona ndima 14-18)

14, 15. (a) Wechidiki ari kuda kubhabhatidzwa anofanira kufunga nezvenyaya dzipi dzinokosha? (b) Ungabatsira sei vana vako kuti vafungisise nezvemakomborero anobva pakuteerera mitemo yaMwari?

14 Zvisinei, pane zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura kungoudza vana vako kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Ungaita zvakanaka kana ukavabatsira kuti vapindure mibvunzo yakadai sekuti: ‘Nei Bhaibheri richirambidza zvinhu zvinoita sezvakanaka? Ndingava sei nechokwadi chekuti zvinotaurwa neBhaibheri zvakandinakira nguva dzese?’​—Isa. 48:17, 18.

15 Mwana anenge achida kubhabhatidzwa anofanira kubatsirwa kuti afunge pamusoro pezvinotarisirwa muKristu kuti aite. Kuva muKristu kunounza makomborero api? Matambudziko api aanozosangana nawo? Nei matambudziko acho pasina zviripo kana tichienzanisa nemakomborero acho? (Mako 10:29, 30) Idzodzo ndidzo nyaya dzinogona kusangana nemunhu paanenge abhabhatidzwa. Saka zvinokosha kufunga nezvenyaya idzi munhu asati aita danho iroro rakakura. Kana vana vakabatsirwa kuti vafunge nezvemakomborero anobva pakuteerera uye zvinoitika kana vakasateerera, vanogona kuva nechokwadi chekuti mitemo iri muBhaibheri yagara yakavanakira nguva dzese.​Dheut. 30:19, 20.

KANA KUTENDA KWEWECHIDIKI AKABHABHATIDZWA KWAVA KUDZIKIRA

16. Vabereki vanofanira kufunga nezvei kana kutenda kwemwana wavo akabhabhatidzwa kukatanga kudzikira?

16 Ko kana mwana wako akatanga kuratidza kuti haana chokwadi nezvatinotenda pashure pekunge abhabhatidzwa? Semuenzaniso, wechidiki akabhabhatidzwa anogona kunge ava kutorwa mwoyo nezvinhu zvenyika kana kuti angatanga kuva nemibvunzo pamusoro pezvakanakira kutevedzera mazano eBhaibheri. (Pis. 73:1-3, 12, 13) Semubereki, ziva kuti zvauchaita panyaya iyoyo zvinogona kuita kuti mwana wako asarudze kutevera zvaunotenda kana kuti kusiyana nazvo. Edza kusaita zvehondo nemwana wako nezvenyaya yacho, pasinei nekuti achiri mudiki here kana kuti akura. Chinangwa chako chinofanira kuva chekutsigira uye kubatsira mwana wako kuti avezve nekutenda.

17, 18. Kana wechidiki asisina chokwadi nezvimwe zvinhu, vabereki vangamubatsira sei?

17 Wechidiki akabhabhatidzwa, anenge akatozvitsaurira kuna Jehovha. Kuzvitsaurira ikoko kuvimbisa Mwari kuti uchamuda uye uchakoshesa kuda kwake kupfuura zvimwe zvese. (Verenga Mako 12:30.) Jehovha haarerutsi vimbiso iyoyo, uye haifaniri kurerutswa nemunhu chero upi zvake akaiita. (Mup. 5:4, 5) Panguva yakakodzera uye uchitaura zvine mutsa, yeuchidza mwana wako nezvazvo. Asi usati waita izvozvo, verenga uye dzidza zvinhu zvakapiwa vabereki nesangano raJehovha. Kana ukadaro unozokwanisa kunyatsobatsira mwana wako kuti aone kuti kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa kuti ave muKristu haisi nyaya yekutamba nayo asi kunounza makomborero akawanda.

18 Semuenzaniso, mazano anobatsira anowanika muapendikisi ine musoro unoti “Mibvunzo Inobvunzwa Nevabereki,” iri kuseri kwebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku​—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1. Inoti: “Kutanga, musakurumidza kugumisa kuti mwana wenyu aramba zvamunotenda. Kazhinji, panenge paine chiri seri.” Anogona kunge achida kuita zvinoitwawo nevezera rake. Anogona kunge achisurukirwa kana kuti achinzwa sekuti vamwe vaKristu vechidiki vari kuita zviri nani pakunamata kumupfuura. Apendikisi yacho inoenderera mberi ichiti: “Zvinotokosha ndezvokuti nyaya dzakaita seidzi hadzinei chokuita nepakavakirwa zvamunotenda. Dzinonyanya kuva nechokuita nemamiriro ezvinhu anoedza kutenda kwenyu, kunyanya iye zvino.” Apendikisi yacho inobva yapa mazano panyaya yekuti mubereki wechiKristu angabatsira sei wechidiki kuti ave nekutenda kwakasimba.

19. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vave ‘vakachenjera kuti vawane ruponeso’?

19 Semubereki, une basa rakakura uye ropafadzo yekurera vana vako “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Sezvataona, izvozvo hazvidi kungoperera pakuvadzidzisa zvinotaurwa neBhaibheri asiwo kuvabatsira kuti vave nechokwadi nezvavanodzidza. Vanofanira kuva nekutenda kwakasimba kuchaita kuti vazvitsaurire kuna Jehovha uye vamushumire nemwoyo wese. Kudai Shoko raJehovha, mweya mutsvene wake, uye zvaunoedza kuita zvikabatsira vana vako kuti vave ‘vakachenjera kuti vawane ruponeso.’

^ ndima 9 Zvinhu zvinobatsira pakudzidza bhuku rinonzi “Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?” zvakanaka chaizvo pakubatsira vechidiki uye vakura kuti vanzwisise uye vatsanangure chokwadi cheBhaibheri. Zvinhu izvi zvinowanika pajw.org mumitauro yakawanda. Enda pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > ZVEKUSHANDISA PAKUDZIDZA BHAIBHERI.