Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofungei?

Unofungei?

Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uve shamwari yaMwari here?

VAMWE VANOTI . . .

hazviiti kuti vave shamwari dzaMwari nekuti vanotadza. Vamwe vanoti Mwari haana hanya nesu. Iwe unofungei?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Mwari “anoshamwaridzana nevakarurama.” (Zvirevo 3:32) Kana tikamuteerera, tinogona kuva shamwari dzake.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  • Mwari anoda kuva Shamwari yedu.—Jakobho 4:8.

  • SeShamwari yedu, Mwari akagadzirira kutibatsira uye kutikanganwira.—Pisarema 86:5.

  • Shamwari dzaMwari dzinoda zvaanoda uye dzinovenga zvaanovenga.—VaRoma 12:9.