Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuongorora Nyeredzi Nekufembera—Zvinobatsira Here?

Kuongorora Nyeredzi Nekufembera—Zvinobatsira Here?

KUONGORORA NYEREDZI

Kuongorora nyeredzi ndeimwe nzira yekushopera pachitariswa zvinhu zviri muchadenga kuti vanhu vazive zvichange zvakaita upenyu hwavo. Vanoita zvekuongorora nyeredzi vanoti panozvarwa munhu, vanotarisa panenge paine zvinhu izvi muchadenga kuti vazive zvichange zvakaita unhu hwake uye ramangwana rake.

Zvekuongorora nyeredzi zvakatangira kuBhabhironi, asi nanhasi zvichiri kuitwa. Muongororo yakaitwa kuUnited States muna 2012, 33% yevanhu vakabvunzwa yakati zvekuongorora nyeredzi “zvine sainzi mukati,” uye 10% yakati “itori sainzi.” Asi ndizvo here? Kwete. Ngationei zvikonzero zvacho.

  • Mapuraneti nenyeredzi hazvina simba rekudzora zvinoitwa nevanhu.

  • Zvavanotaura zvacho zvinogona kungoitika kune chero munhu.

  • Ongororo dzavo dzinobva pane zvaifungidzirwa kare kuti mapuraneti anotenderera nyika. Asi chokwadi ndechekuti mapuraneti anotenderera zuva.

  • Zvavanotaura nezvemunhu mumwe chete zvinosiyana-siyana.

  • Vanoongorora nyeredzi vanoti vanhu vari mumapoka 12 ezviratidzo zvezodiac, zvichienderana nemazuva avo ekuberekwa. Asi nekufamba kwemakore, nyika yanga ichichinja nzvimbo saka mapoka 12 ezviratidzo zvezodiac haachaenderani nezvaanonzi ndozvaanomiririra.

Zviratidzo zvezodiac zvinonzi zvinoratidza zvakaita unhu hwemunhu. Asi chokwadi ndechekuti vanhu vane unhu hwakasiyana nyangwe vakaberekwa zuva rimwe chete; zuva rakaberekwa munhu harinei chekuita neunhu hwake. Vanoongorora nyeredzi vanotaura zvakaita munhu vachishandisa zvinhu zvekufungidzira. Hakusi kusarura here ikoko?

KUFEMBERA

Kubvira kare, vanhu vainobvunza vafemberi. Vamwe vanoshopera vachitarisa zvinhu zvakadai sezvemukati memhuka nevanhu kana kuti kujobora chikafu kunoita huku. Vamwe vanoenda kun’anga nekumaprofita vachida kuziva zvichange zvakaita upenyu hwavo. Asi tinogona kuvimba nezvinhu izvi here? Kwete. Ngationei zvikonzero zvacho.

Zvinotaurwa nevafemberi hazviwirirani, kunyange kana vakashandisa nzira imwe chete yekufembera nayo. Semuenzaniso, kana munhu akanobvunza n’anga mbiri kuti upenyu hwake huchange hwakaita sei, anofanira kuudzwa zvinhu zvakafanana. Asi kakawanda kacho anoudzwa zvinhu zvakasiyana.

Vamwe havachavimbi nezvinhu zvinoshandiswa nevafemberi. Semuenzaniso, vafemberi vanobvunza munhu zvakawanda-wanda voteerera zvaanenge achitaura uye votarisa maitiro ake. Saka pavanozoti vari kuoneswa vanenge vari kutoshandisa zvavaudzwa neauya kuzobvunza. Munhu aenda kunobvunza wacho anenge asiri kuzviona kuti ndiye avaudza. Vamwe vafemberi vari kuita mari yakawanda nekubiridzira kwakadaro.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Zvekuongorora nyeredzi nekufembera zvinoita kuti zviite sekuti munhu mumwe nemumwe akatorongerwa ramangwana rake. Asi ndizvo here? Bhaibheri rinoti mumwe nemumwe wedu ane rusununguko rwekusarudza zvaanoda kuita muupenyu uye chese chatinosarudza chine mugumo wacho.​—Joshua 24:15.

Vanhu vanonamata Mwari havatendi muzvinhu izvi nekuti anovenga zvekushopera. Bhaibheri rinoti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.” *​—Dheuteronomio 18:10-12.

^ ndima 17 Ndiro zita raMwari “Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”​—Pisarema 83:18.