Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chivako Chinotsigira Uprofita hweBhaibheri

Chivako Chinotsigira Uprofita hweBhaibheri

KUROME, ITALY, KUNE CHIVAKO CHINOSHANYIRWA NEVANHU VAKAWANDA VANOBVA MUNYIKA DZAKASIYANA-SIYANA. CHIVAKO ICHI NDECHEKUREMEKEDZA MUMWE MAMBO AINGE AKAKURUMBIRA AINZI​—TITUS.

Madziro echivako chaTitus ane mifananidzo yakavezwa inoratidza chimwe chinhu chakaitika kare. Asi vanhu vakawanda havazivi kuti chivako ichi chinopupurira kuti uprofita hweBhaibheri ndehwechokwadi.

GUTA RAKANZI RICHAPARADZWA

Pakazosvika 30 C.E., umambo hweRoma hwaitonga nzvimbo yainge yakakura kubva kuBritain neGaul (yava kunzi France) kusvika kuEgypt, uye nzvimbo iyi yainge yakabudirira zvikuru uye iine rugare. Asi pane imwe nzvimbo yainzi Judhiya yaisada kutongwa neumambo hweRoma.

Bhuku rinonzi Encyclopedia of Ancient Rome rinoti: “VaRoma nevaJudha vaivengana chaizvo. VaJudha vaisafarira vaRoma nekuti vaisakoshesa tsika dzevaJudha uye vaRoma vaidzvanyirira vaJudha vachivati vakaoma musoro.” VaJudha vakawanda vaitarisira kuti paizova namambo aizokwanisa kurwisa vaRoma oita kuti nyika yevaIsraeri ive sezvayainge yakaita kare. Asi muna 33 C.E., Jesu Kristu akataura kuti Jerusarema raizoparadzwa.

Jesu akati: “Mazuva achauya pauri apo vavengi vako vachakupoteredza norusvingo rwakavakwa nemapango akapinza uye vachakukomberedza nokukutambudza kumativi ose, uye vachakurovera pasi iwe nevana vako vari mukati mako, uye havazosiyi dombo riri pamusoro perimwe dombo mauri.”​Ruka 19:43, 44.

Vadzidzi vaJesu vakashamiswa nemashoko aya. Pavakazoona temberi yemuJerusarema papera mazuva maviri, mumwe wavo akati: “Mudzidzisi, onai! matombo acho kuti akaita sei uye zvivako zvacho kuti zvakaita sei!” Mamwe matombo epatemberi yacho anonzi aiva akareba mamita anopfuura 11, akafara mamita 5, uye mamita 3 kuenda mudenga! Kunyange zvakadaro, Jesu akavapindura kuti: “Kana zviri zvinhu izvi zvamuri kuona, mazuva achauya pasingazosiyiwi pano dombo riri pamusoro perimwe dombo risingakoromorwi.”​Mako 13:1; Ruka 21:6.

Jesu akaenderera mberi achiti: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, panguva iyoyo zivai kuti rava kuda kuitwa dongo. Panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevaya vari mukati maro ngavabude, uye vaya vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.” (Ruka 21:20, 21) Zvakataurwa naJesu zvakaitika here?

KUPARADZWA KWEGUTA

Makore 33 akapera Judhiya ichiri kungotongwa neRoma. Asi muna 66 C.E., mumwe gavhuna weRoma aitonga Judhiya ainzi Gessius Florus akatora mari yepatemberi, vaJudha vachibva vatsamwa zvekutsamwa zviya. Masoja evaJudha akapinda muJerusarema, akauraya boka remasoja eRoma aigaramo, ndokubva aramba kutongwa nevaRoma.

Papera mwedzi inenge mitatu, masoja anopfuura 30 000 evaRoma aitungamirirwa naCestius Gallus akaenda kuJerusarema kuti anorakasha vapanduki ava. Masoja acho akakurumidza kupinda muguta racho ndokuchera masvingo etemberi. Asi akabva azongoenda. VaJudha vakafara ndokutanga kudzingirira masoja eRoma. Pakangobuda masoja evaJudha achidzingirira eRoma, vaKristu vakabva vatiza vachienda kumakomo aiva mhiri kwerwizi rwaJodhani sezvainge zvataurwa naJesu.​—Mateu 24:15, 16.

Gore rakatevera racho, masoja eRoma akadzoka kuzorwisa vaJudha achitungamirirwa naVespasian nemwanakomana wake Titus. Asi pakafa Mambo Nero muna 68 C.E., Vespasian akasiya Titus achitungamirira masoja anenge 60 000, iye ndokudzoka kuRoma kuti aende pachigaro.

Muna June 70 C.E., Titus akati masoja ake ateme miti yaiva muJudhiya, ndokuishandisa kugadzira rusvingo rwaitenderera Jerusarema rwakanga rwakareba makiromita 7. Pakazosvika September, masoja eRoma ainge atora zvinhu uye apisa guta netemberi yaro uye hapana dombo rakasara riri pamusoro perimwe, sezvakataurwa naJesu. (Ruka 19:43, 44) Vaongorori vanofungidzira kuti, “vanhu vanoda kusvika 500 000 vakafa muJerusarema uye munyika yacho yese.”

KUKUNDA KUNE MUTSINDO

Muna 71 C.E., Titus akadzokera kuItaly uye vanhu vemuguta reRoma vakamugamuchira nemufaro. Guta rese rakaungana kuti ripemberere kukunda uku.

Vanhu vakafara pavakaona zvinhu zvainge zvatorwa kuJerusarema zvichiratidzwa mumigwagwa. Vakanakidzwa nekuona chingoro chaifamba chiine mifananidzo yezvakanga zvaitika kuhondo uye yezvinhu zvainge zvatorwa mutemberi yekuJerusarema.

Muna 79 C.E., Titus akazopiwa chigaro cheumambo chababa vake Vespasian. Asi papera makore maviri chete, Titus akangoerekana afa. Munin’ina wake Domitian akatanga kutonga uye akavaka chivako chekuyeuka kukunda kwakaita Titus vaJudha.

CHIVAKO CHACHO CHICHIRIKO

Chivako chaTitus kuItaly mazuva ano

Vanhu vakawanda pavanoshanya kuRome vanonakidzwa nekuona chivako chaTitus. Vamwe vanoyemura magadzirirwo achakaitwa, vamwe vanobva vayeuka nezvesimba raiva neumambo hweRoma uye vamwewo vanobva vafunga nezvekuparadzwa kwakaitwa Jerusarema netemberi yaro.

Asi vanhu vanonyatsoverenga Bhaibheri vanoona chivako ichi seuchapupu hwekuti uprofita hweBhaibheri ndehwechokwadi uye hwakafemerwa naMwari.​—2 Petro 1:19-21.