Mwari Ava Pedyo Kubvisa Kutambura
“Haiwa Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira rini, imi musinganzwi? Ndichashevedzera kwamuri kuti mundibatsire pakuitirwa chisimba kusvikira rini, imi musingaponesi?” (Habhakuki 1:2, 3) Mashoko aya akataurwa naHabhakuki, murume aidiwa naMwari. Zvaakataura zvinoratidza kuti ainge asina kutenda here? Aiwa! Mwari akavimbisa Habhakuki kuti ane nguva yaachabvisa kutambura.—Habhakuki 2:2, 3.
Kana uri kutambura kana kuti mumwe munhu waunoziva ari kutambura, zviri nyore kufunga kuti Mwari ari kunonoka kupindira. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti: “Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”—2 Petro 3:9.
MWARI ACHAZVIITA RIINI?
Nguva yacho yava pedyo! Jesu akataura zvinhu zvaizoratidza kuti nyika yava kuda kuguma. (Mateu 24:3-42) Kuzadzika kuri kuita uprofita hwaJesu mazuva ano kunoratidza kuti nguva yekuti Mwari apindire yava pedyo. *
Asi Mwari achazviita sei kuti kutambura kupere? Jesu paaiva panyika, akaratidza simba rina Mwari rekubvisa kutambura. Inzwa zvimwe zvaakaita.
Njodzi Dzinongoitika Dzega: Jesu paaiva muchikepe nevadzidzi vake muGungwa reGarireya, kwakaita mhepo ine simba zvekuti chikepe chakanga chava kuda kunyura. Asi akaratidza kuti iye naBaba vake vanogona kudzora mamiriro ekunze. (VaKorose 1:15, 16) Jesu akangoti “Shii! Nyarara!” Chii chakazoitika? “Mhepo yacho yakadzikama, kudzikama kukuru kukavapo.”—Mako 4:35-39.
Zvirwere: Jesu aizivikanwa kuti airapa zvirema nemapofu, uye vaya vaiva nepfari, maperembudzi nezvimwewo zvirwere. “Akarapa vose vakanga vachinetseka.”—Mateu 4:23, 24; 8:16; 11:2-5.
Kushomeka Kwezvekudya: Jesu akashandisa simba raakapiwa naBaba vake kuti aite kuti zvekudya zvaiva zvishoma zviwande. MuBhaibheri makanyorwa zvishamiso zviviri paakapa zviuru zvevanhu zvekudya.—Mateu 14:14-21; 15:32-38.
Rufu: Simba raJehovha rekumutsa vanhu vakafa rinoonekwa pakumutsa vanhu kwakaitwa naJesu. Pavanhu vatatu vaakamutsa, mumwe akanga atova nemazuva 4 afa.—Mako 5:35-42; Ruka 7:11-16; Johani 11:3-44.
^ Kuti unzwe zvakawanda nezvemazuva ekupedzisira, verenga chidzidzo 32 chebhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye rinowanikawo pawebsite yedu inonzi www.pr418.com.