Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoziva Jehovha Here Sezvaiitwa naNoa, Dhanieri, Uye Jobho?

Unoziva Jehovha Here Sezvaiitwa naNoa, Dhanieri, Uye Jobho?

“Varume vanoda zvakaipa havagoni kunzwisisa kutonga, asi vaya vanotsvaka Jehovha vanogona kunzwisisa zvinhu zvose.”—ZVIR. 28:5.

NZIYO: 126, 150

1-3. (a) Chii chichatibatsira kuti tirambe takatendeka kuna Mwari mumazuva ano ekupedzisira? (b) Tichadzidzei munyaya ino?

MAZUVA ekupedzisira zvaava kuda kuguma, vakaipa vari kuramba ‘vachimera semasora.’ (Pis. 92:7) Saka hazvishamisi kuti vanhu vari kurasa tsika. Munyika ino, tingava sei “vacheche pane zvakaipa” asi ‘tova vakakura zvakakwana pakunzwisisa kwedu’?​—1 VaK. 14:20.

2 Mhinduro yacho inowanika murugwaro rwedu rwuri kutungamirira rune chikamu chinoti: “Vaya vanotsvaka Jehovha vanogona kunzwisisa zvinhu zvose,” kureva zvese zvinodiwa pakumufadza. (Zvir. 28:5) Pfungwa yakafanana naiyoyo inotaurwa pana Zvirevo 2:7, 9, iyo inotaura kuti Jehovha “achachengetera vanhu vakarurama uchenjeri hunobatsira.” Izvozvo zvinoita kuti vakarurama vakwanise ‘kunzwisisa kururama nokururamisira nokutendeseka, izvo zvinhu zvose zvakanaka.’

3 Noa, Dhanieri, naJobho vakava neuchenjeri ihwohwo. (Ezek. 14:14) Ndizvo zviri kuitawo vanhu vaMwari mazuva ano. Zvakadini newe? ‘Unonzwisisa zvinhu zvese’ zvinodiwa pakufadza Jehovha here? Chinokosha ndechekuti uve nezivo yakarurama pamusoro pake. Tichifunga izvozvo, ngationei kuti (1) Noa, Dhanieri, naJobho vakasvika sei pakuziva Mwari, (2) zivo iyoyo yakavabatsira sei, uye (3) tingavawo sei nekutenda sekwavo.

NOA AKAFAMBA NAMWARI MUNYIKA YAKAIPA

4. Noa akasvika sei pakuziva Jehovha, uye zivo yakarurama yakamubatsira sei?

4 Noa akasvika sei pakuziva Jehovha? Kubvira pakasikwa vanhu, varume nevakadzi vane kutenda vange vachidzidza nezvaMwari kuburikidza nenzira nhatu dzinoti: kucherechedza zvinhu zvakasikwa, kunzwa zvinotaurwa nevamwe vanhu vanotya Mwari, uye kuburikidza nekuona makomborero ekurarama zvinoenderana nemitemo yaMwari. (Isa. 48:18) Noa aigona kuona uchapupu hwekuti Mwari ariko uye aigona kudzidza kuti akaita sei, kuburikidza nekucherechedza zvinhu zvakasikwa. Saka aigona kunzwisisa kuti Jehovha ane simba uye kuti ndiye ega Mwari wechokwadi. (VaR. 1:20) Izvi zvakaita kuti asangoperera pakubvuma kuti Mwari ariko, asi ave nekutenda kwakasimba maari.

5. Noa akaziva sei chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu?

5 “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa.” (VaR. 10:17) Noa akaziva sei nezvaJehovha? Hapana mubvunzo kuti akadzidza zvakawanda kubva kuhama dzake. Idzi dzaisanganisira baba vake Rameki, avo vaiva murume aiva nekutenda uye vakaberekwa Adhamu achiri mupenyu. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) Dzaisanganisirawo sekuru vake Metusera uye tateguru vake Jaredhi, avo vakararama kwemamwe kwemakore 366 kubva pakaberekwa Noa. * (Ruka 3:36, 37) Zvimwe kubva kuvarume ava nemadzimai avo, Noa akadzidza nezvekutanga kwevanhu uye chinangwa chaMwari chekuti vanhu vakarurama vazare panyika. Anogona kunge akadzidzawo nezvekupanduka kwaAdhamu naEvha muEdheni uye aigona kuona zvinhu zvakaipa zvainge zvakonzerwa nekupanduka ikoko. (Gen. 1:28; 3:16-19, 24) Chero zvazvingava, zvaakadzidza zvakamubaya mwoyo, zvikaita kuti ashumire Mwari.​—Gen. 6:9.

6, 7. Itariro ipi yakasimbisa kutenda kwaNoa?

6 Kutenda kunosimbiswa netariro. Fungidzira kuti Noa akanzwa sei paakaziva kuti zita rake, iro rinogona kunge richireva kuti “Zororo kana kuti Kunyaradzwa,” raiva netariro mukati. (Gen. 5:29) Achifemerwa naMwari, Rameki akati: ‘Uyu achatinyaradza pakurwadziwa kwemaoko edu kunobva panyika yakatukwa naJehovha.’ Noa aiva netariro muna Mwari. Kufanana naAbheri naInoki avo vakararama asati avapo, aiva nekutenda ‘mumwana’ aizopwanya musoro wenyoka.​—Gen. 3:15.

7 Kunyange zvazvo Noa angangodaro asina kunyatsonzwisisa uprofita hwakanyorwa pana Genesisi 3:15, hapana mubvunzo kuti akaona kuti hwaipa tariro yekuponeswa. Kuwedzera ipapo, vimbiso yakapiwa mumunda weEdheni yaiwirirana nemashoko akataurwa naInoki, uyo akafanotaurawo nezvemutongo waMwari pavanhu vakaipa. (Judha 14, 15) Mashoko aInoki, ayo achanyatsozadziswa paAmagedhoni, akasimbisa kutenda kwaNoa uye tariro yaaiva nayo.

8. Zivo yakarurama pamusoro paMwari yakadzivirira sei Noa?

8 Zivo yakarurama pamusoro paMwari yakabatsira sei Noa? Zivo yakarurama yakaita kuti Noa ave nekutenda uyewo ave neuchenjeri hunobva kuna Mwari, izvo zvakamudzivirira kuti asakuvadzwa, kunyanya pakunamata. Semuenzaniso, nemhaka yekuti Noa “akafamba naMwari wechokwadi,” haana kufamba kana kuti kuwadzana nevanhu vakanga vasingadi Mwari. Haana kunyengedzwa nemadhimoni ainge ava nemiviri yevanhu, ayo akashamisa chaizvo vanhu vainge vasina kutenda kuburikidza nezvaaiita zvaisagonekwa nevanhu, zvimwe achitosvika pakunamatwa. (Gen. 6:1-4, 9) Noa aizivawo kuti vanhu vakaudzwa kuti vaberekane vazadze nyika. (Gen. 1:27, 28) Saka anofanira kunge akaziva kuti vanhu havana kusikirwa kuti varare nengirozi uye kuti izvozvo zvakaipa. Hapana mubvunzo kuti izvozvo zvakaoneka pakaberekwa vana vainge vakakurisa uye vaine simba kupfuura vamwe vanhu vese. Nekufamba kwenguva Mwari akayambira Noa kuti aizounza mafashamo panyika. Kutenda kwaiita Noa kuti mafashamo aizouya kwakamuita kuti avake areka ndokuponesa mhuri yake.​—VaH. 11:7.

9, 10. Tingatevedzera sei kutenda kwaNoa?

9 Tingava sei nekutenda sekwaNoa? Tinofanira kunyatsodzidza Shoko raMwari, toda zvatinodzidza, uye toita kuti zivo yacho ichinje zvatiri uye ititungamirire. (1 Pet. 1:13-15) Kana tikadaro, kutenda uye uchenjeri hunobva kuna Mwari zvichabva zvatidzivirira pamazano aSatani uye pamafungiro akaipa enyika. (2 VaK. 2:11) Mafungiro iwayo anoita kuti vanhu vade zvekurwisana uye unzenza. Uye anoita kuti vanyanye kuda kuita zvinodiwa nenyama. (1 Joh. 2:15, 16) Angatoita kuti vanhu vasina kusimba pakunamata varambe uchapupu hwekuti zuva guru raMwari rava pedyo. Cherechedza kuti Jesu paakaenzanisa nguva yatiri neyaNoa, haana kunyanya kuisa pfungwa pakurwisana uye paunzenza, asi pangozi yekusatombova nehanya nezvekunamata.​—Verenga Mateu 24:36-39.

10 Zvibvunze kuti: ‘Mararamiro andinoita anoratidza here kuti ndinonyatsoziva Jehovha? Kutenda kwangu kunoita kuti ndirarame zvinoenderana nezvinonzi naMwari zvakarurama here uyewo ndidzidzise vamwe zvaanoda kuti vaite?’ Mhinduro dzako dzichakubatsira kuti uzive kana uri kufamba naMwari sezvakaita Noa.

DHANIERI AKARATIDZA UCHENJERI PAAIVA MUBHABHIRONI

11. (a) Kuda Mwari kwaiita Dhanieri achiri mudiki kunoratidzei nezvemarererwo aakaitwa? (b) Unhu hupi hwaDhanieri hwaungada kutevedzera?

11 Dhanieri akasvika sei pakuziva Jehovha? Zviri pachena kuti Dhanieri akadzidziswa nevabereki vake, avo vakamudzidzisa kuda Jehovha neShoko rake. Dhanieri akaramba achida Jehovha neShoko rake kweupenyu hwake hwese. Kunyange paakanga akwegura, ainyatsodzidza Magwaro. (Dhan. 9:1, 2) Zivo yakadzama yaiva naDhanieri pamusoro paMwari, kusanganisira mabatiro ayo Mwari aiita vaIsraeri, inonyatsoratidzwa mumunyengetero wemwoyo wese wemuprofita iyeye wakanyorwa pana Dhanieri 9:3-19. Wadii kuwana nguva yekuverenga munyengetero iwoyo uye kuufungisisa, uchinyatsoona zvaunokuudza nezvaDhanieri.

12-14. (a) Dhanieri akaratidza sei uchenjeri hunobva kuna Mwari? (b) Dhanieri akakomborerwa sei nekuti akaratidza ushingi ndokuramba akavimbika kuna Mwari?

12 Zivo yakarurama pamusoro paMwari yakabatsira sei Dhanieri? Zvaisava nyore kuti vaJudha vakatendeka vashumire Mwari vari muBhabhironi mainge makazara chihedheni. Semuenzaniso, Jehovha akaudza vaJudha kuti: “Tsvakaiwo rugare rweguta randakaita kuti mutapwe muchienda kwariri.” (Jer. 29:7) Asi panguva imwe chete, aida kuti vazvipire kwaari zvakazara. (Eks. 34:14) Chii chakabatsira Dhanieri kuti anyatsoita zvese zviri zviviri? Uchenjeri hunobva kuna Mwari hwakamubatsira kunzwisisa kuti kuzviisa pasi pevane masimba kunorevei. Pashure pemazana emakore, Jesu akadzidzisa pfungwa iyoyo.​—Ruka 20:25.

13 Funga zvakaitwa naDhanieri pakapiwa murayiro wairambidza kunyengetera kuna mwari chero upi kana munhu upi zvake kunze kwamambo kwemazuva 30. (Verenga Dhanieri 6:7-10.) Dhanieri aigona kungofunga kuti, ‘Anongova mazuva 30 chete kwete zvachose!’ Asi akaramba kukoshesa mutemo wevanhu kupfuura kunamata Mwari. Aigona hake kunge akanyengetera pachivande kuitira kuti asaonekwa. Aiziva kuti kunyengetera kwaaiita zuva nezuva kwaizivikanwa nevakawanda. Saka kunyange zvazvo zvaireva kuti upenyu hwake hwaizova pangozi, Dhanieri haana kuda kuita kuti vanhu vafunge kuti arega kunyengetera sezvaaiita.

14 Jehovha akakomborera chisarudzo chaDhanieri chairatidza ushingi nekuvimbika kwake kuburikidza nekuita chishamiso chekumununura kuti asaurayiwa zvine utsinye. Izvozvo zvakaita kuti papiwe uchapupu hwakakura nezvaJehovha kusvika kunzvimbo dzaiva kure muUmambo hweMedhiya nePezhiya.—​Dhan. 6:25-27.

15. Tingava sei nekutenda sekwaDhanieri?

15 Tingava sei nekutenda sekwaDhanieri? Kuti tive nekutenda kwakasimba hatifaniri kungoperera pakuverenga Shoko raMwari asi tinofanira ‘kurinzwisisa.’ (Mat. 13:23) Tinoda kuziva mafungiro uye manzwiro aMwari pane zvatinoita. Saka tinofanira kufungisisa zvatinoverenga. Chimwe chinokosha kunyengetera zvichibva pamwoyo, kunyanya patinosangana nematambudziko. Tinogona kuva nekutenda kuti Jehovha achatipa uchenjeri nesimba patinonyengetera tichizvikumbira.​—Jak. 1:5.

JOBHO AISHANDISA MAZANO AMWARI PAZVAINGE ZVAKANAKA UYE ZVAKAIPA

16, 17. Jobho akawana sei zivo yakarurama pamusoro paMwari?

16 Jobho akasvika sei pakuziva Jehovha? Jobho aisava muIsraeri. Asi aiva neukama naAbrahamu, Isaka, naJakobho, uye Jehovha akanga avadzidzisa nezvake uye chinangwa chaakasikira vanhu. Jobho akadzidza zvakawanda nezvezvinhu izvozvo zvinokosha, kunyange zvazvo zvisingataurwi kuti akazvidzidza sei. (Job. 23:12) Jobho akati: “Ndakanzwa nezvenyu.” (Job. 42:5) Uyewo Jehovha pachake akati Jobho aitaura chokwadi pamusoro pake.​—Job. 42:7, 8.

Kutenda kwedu kunosimbiswa patinoona unhu hwaMwari husingaoneki pazvinhu zvinooneka zvaakasika (Ona ndima 17)

17 Jobho akazivawo unhu hwaMwari nekutarisa zvinhu zvakasikwa. (Job. 12:7-9, 13) Pava paya, Erihu naJehovha vakashandisa zvinhu zvakasikwa kuti vayeuchidze Jobho kuti vanhu vadiki chaizvo kana vachienzaniswa naMwari. (Job. 37:14; 38:1-4) Zvakataurwa naJehovha zvakabaya mwoyo waJobho nekuti akazotaura kuna Mwari achizvininipisa achiti: “Ndava kuziva kuti munokwanisa kuita zvinhu zvose, uye hapana chamunofunga kuita chamungatadza. . . . Ndapfidza ndiri muguruva nemadota.”​—Job. 42:2, 6.

18, 19. Jobho akaratidza sei kuti ainyatsoziva Jehovha?

18 Zivo yakarurama pamusoro paMwari yakabatsira sei Jobho? Jobho ainyatsonzwisisa zvaidiwa naMwari. Ainyatsoziva Jehovha, uye akaita maererano nezivo iyoyo. Funga izvi: Jobho aiziva kuti aisagona kutaura kuti anoda Mwari asi panguva imwe chete asingaitiri vamwe mutsa. (Job. 6:14) Haana kuzvionera pamusoro pevamwe asi akaratidza kuti aiva nehanya nevanhu vese, vapfumi uye varombo. Akati: “Iye akandiita mudumbu haasi iye [akavaitawo] here.” (Job. 31:13-22) Sezviri pachena, Jobho akanga asina kubvumira mukurumbira neupfumi zvaaiva nazvo kuti zvikanganise maonero aaizviita kana kuti aaiita vamwe. Izvi zvakasiyana chaizvo nezvinoitwa nevanhu vakawanda vane simba uye upfumi munyika!

19 Jobho akaramba kunamata zvidhori chero kupi zvako kunyange mumwoyo make. Aiziva kuti kunamata kwenhema, kusanganisira kunyanya kuda pfuma, kwaizova kuramba “Mwari wechokwadi ari kumusoro.” (Verenga Jobho 31:24-28.) Aiona wanano sechinhu chitsvene pakati pemurume nemudzimai. Akatoita sungano nemaziso ake kuti asachiva mhandara. (Job. 31:1) Yeuka kuti panguva iyoyo Mwari aibvumira barika. Saka Jobho aigona kuva nemudzimai wechipiri kudai aida hake. * Asi zviri pachena kuti akatarisa zvakaitwa naMwari paakatanga wanano muEdheni ndokuita kuti muenzaniso iwoyo uve mutemo kwaari. (Gen. 2:18, 24) Pashure pemakore anenge 1 600, Jesu Kristu akadzidzisa vateereri vake kuti vatevedzere mitemo iyoyo yakarurama panyaya yewanano uye yebonde.​—Mat. 5:28; 19:4, 5.

20. Zivo yakarurama pamusoro paJehovha nemitemo yake inotibatsira sei pakusarudza shamwari dzakanaka nevaraidzo yakanaka?

20 Tingava sei nekutenda sekwaJobho? Zvakare, chinokosha ndechekuti tive nezivo yakarurama pamusoro paJehovha, toita kuti ititungamirire pazvese zvatinoita muupenyu. Semuenzaniso, munyori wemapisarema Dhavhidhi akataura kuti Jehovha ‘anovenga munhu wese anoda zvechisimba,’ uye Dhavhidhi akapa yambiro panyaya yekushamwaridzana “nevaya vanovanza zvavari.” (Verenga Pisarema 11:5; 26:4.) Magwaro aya anoita kuti unzwisise chii nezvemafungiro aMwari? Nzwisiso iyoyo inofanira kukubatsira sei pakuziva zvekuisa pekutanga muupenyu, pakushandisa Indaneti, uye pakusarudza shamwari nevaraidzo? Mhinduro dzako dzinogona kukubatsira kuona kuti unoziva Jehovha zvakadini. Kuti tirambe tisina mhosva munyika ino yakaipa, tinofanira kudzidzisa ‘simba redu rekunzwisisa’ kuitira kuti tikwanise kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa uyewo zvinhu zvine uchenjeri nezvisina.​—VaH. 5:14; VaEf. 5:15.

21. Chii chichatibatsira “kunzwisisa zvinhu zvose” zvatinofanira kuziva kuti tifadze Baba vedu vekudenga?

21 Nemhaka yekuti Noa, Dhanieri, naJobho vakatsvaga Jehovha nemwoyo wese, akaita kuti vamuwane. Akavabatsira “kunzwisisa zvinhu zvose” zvinodiwa pakumufadza. Saka vakava mienzaniso yevanhu vakarurama, uye vakanyatsobudirira muupenyu. (Pis. 1:1-3) Saka zvibvunze kuti, ‘Ndinoziva Jehovha sezvaiita Noa, Dhanieri, naJobho here?’ Nemhaka yekuti chokwadi chiri kuwedzera kujeka, unogona kutowedzera kunyatsomuziva. (Zvir. 4:18) Saka nyatsodzidza Shoko raMwari. Fungisisa zviri mariri. Uye nyengeterera mweya mutsvene. Uchabva waswedera pedyo naBaba vako vekudenga. Uye uchaita zvinoratidza kuti unonzwisisa uye une uchenjeri munyika ino isingadi Mwari.​—Zvir. 2:4-7.

^ ndima 5 Inoki, tateguru vaNoa ‘akafambawo naMwari wechokwadi.’ Zvisinei, “Mwari akamutora” pachiine makore 69 kuti Noa aberekwe.​—Gen. 5:23, 24.

^ ndima 19 Ndizvo zvakaitwawo naNoa. Aingova nemudzimai mumwe chete kunyange zvazvo vanhu vakatanga kuita barika pashure pekupanduka kwemuEdheni.​—Gen. 4:19.