Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Hurukuro Dzavose Dzakaparadzira Mashoko Akanaka muIreland

Hurukuro Dzavose Dzakaparadzira Mashoko Akanaka muIreland

CHIKEPE zvachaifamba chichibva paBelfast Lough, vanhu vashoma vainge vakamira muchikepe chacho vakaona zuva rakati bhaa pazvikomo zvakasvibirira. Maiva muna May 1910. Aka kaiva kechishanu kuti Charles T. Russell aende kuIreland. Pavaifamba, Hama Russell vakaona ngarava mbiri dzakakura chaizvo dzaigadzirwa. Imwe yacho ingarava yakazonyura yainzi Titanic uye imwe yacho yainzi Olympic. * Kuseri kwenzvimbo inogadzirirwa zvikepe kwaiva neVadzidzi veBhaibheri 12 vainge vakamira panosungirirwa zvikepe vachimirira kusvika kwavo.

Pachine makore 20, Hama Russell pavaitsvaga nzira yakanakisisa yekuparadzira nayo mashoko akanaka pasi rese, vakasarudza kuita nzendo dzinotevedzana vachienda kunyika dziri kunze kweUnited States. Vakatanga nekuenda kuIreland muna July 1891. Vari mungarava yainzi City of Chicago, vaiona zuva richinyura nechepamusoro peQueenstown uye vanofanira kunge vakayeuka zvaitaurwa nevabereki vavo nezvenzvimbo iyoyo yavaimbogara. Hama Russell nevanhu vavaifamba navo pavakapfuura nemumataundi uye misha yakanaka, vakaona kuti paiva nendima yainge “yakamirira kukohwewa.”

Hama Russell vakashanyira Ireland kanomwe. Zviri pachena kuti vaya vakaratidza kufarira pakaenda Hama Russell kekutanga, vakaita kuti mazana, uye pamwe pacho zviuru zvevanhu, zvizoda kuteerera hurukuro dzavo pavaizoshanyazve. Pavakazoita rwendo rwavo rwechipiri muna May 1903, misangano yavose yaiitwa muBelfast nemuDublin yaishambadzirwa mumapepanhau eko. Russell anoyeuka kuti “vanhu vainyatsoteerera” hurukuro yavo yaitaura nezvekutenda kwaAbrahamu uye makomborero achawanikwa nevanhu mune ramangwana.

Nemhaka yekufarira kwaiita vakawanda, Ireland yakashanyirwawo naHama Russell parwendo rwavo rwechitatu muEurope. Hama 5 dzakavakwazisa sezvavaienda panokwirirwa ngarava muBelfast mumwe musi ari mangwanani muna April 1908. Hurukuro yavose yainge yashambadzirwa yaiti, “Kuparadzwa kweUmambo hwaSatani,” iyo yakapiwa manheru emusi iwoyo yakateererwa nevanhu vanenge 300 vaifarira. Mumwe aipikisa aiva pakati pavo akakurumidza kubatsirwa pachishandiswa Magwaro neunyanzvi. MuDublin mumwe aipikisa zvakanyanya ainzi Mr. O’Connor, uyo aiva munyori weYMCA, akaedza kuita kuti vanhu vanenge 1 000 vaiteerera vapandukire Vadzidzi veBhaibheri. Chii chakazoitika?

Ngatidzokei kumashure tofunga kuti chii chaigona kunge chakaitika ipapo. Mumwe murume ari kutsvaga chokwadi cheBhaibheri anouya kuzonzwa hurukuro yavose yakashambadzirwa mubepanhau rinonzi The Irish Times. Anonetseka kuti awane pekugara muimba yakazara nevanhu. Murume wacho anoteerera nemwoyo wese mukurukuri ane bvudzi jena, ane ndebvu uye akapfeka jasi dema rakareba. Mukurukuri zvaanopa hurukuro yake, anofamba-famba pachikuva achifambisa-fambisa maoko akasununguka, achinyatsoshandisa magwaro zvakarongeka uye achiita kuti murume wacho anzwisise chokwadi cheBhaibheri. Kunyange zvazvo pasina gudzanzwi, inzwi remukurukuri wacho rinozadza imba yese zvekuti vanhu vanoramba vachimuteerera kweawa nehafu. Uye pachikamu chemibvunzo nemhinduro, O’Connor neshamwari dzake vanomupikisa asi anokwanisa kutsigira zvaanga achitaura achishandisa Bhaibheri. Vateereri vanoombera vachitsigira mukurukuri. Zvinhu pazvinodzikama, murume uya anofarira chokwadi anokumbira hama kuti adzidze zvakawanda. Maererano nevakaona zvichiitika, vakawanda vakadzidza chokwadi nenzira iyi.

Vachibva muNew York muna May 1909 nengarava yainzi Mauretania, vachishanya kechina, Hama Russell vakaenda naHama Huntsinger, avo vaigona kunyora zvakawanda nemashoko mashoma, kuitira kuti nguva yavaifamba mugungwa vaishandise kutaura mashoko enyaya dzemuWatch Tower, mashoko acho achinyorwa pasi. Hurukuro yavose yakapiwa naHama Russell muBelfast yakateererwa nevanhu 450, uye vanenge 100 vavo vakanga vakamira nekuti pakanga pasina pekugara.

Hama C. T. Russell vari mungarava yainzi Lusitania

Izvozvo ndizvo zvakaitikawo parwendo rwechishanu rwataurwa kwatangira nyaya ino. Pashure pehurukuro yavose muDublin, mumwe muongorori wezvechitendero aizivikanwa chaizvo, uyo akauya naO’Connor, akapindurwa mibvunzo yake yeMagwaro, uye zvakafadza vateereri. Zuva rakatevera racho, vanhu vaiva parwendo vakakwira chikepe chinomhanya chaifambisa matsamba ndokuenda kuLiverpool, ndokuzokwira ngarava yaizivikanwa chaizvo yainzi Lusitania vachienda kuNew York. *

Hurukuro yavose yakashambadzwa mubepanhau reThe Irish Times, remusi wa20 May 1910

Hurukuro dzavose dzaishambadzirwa dzakapiwawo Hama Russell pavakashanya kechi6 nekechi7 muna 1911. Muna April, Vadzidzi veBhaibheri 20 muBelfast, vakagamuchira vanhu 2 000 vakauya kuzoteerera hurukuro yaiva nemusoro wekuti “Upenyu Pashure Perufu.” O’Connor akauya muDublin nemumwezve murume aiva nemibvunzo, asi vateereri vakafara nemhinduro dzemuMagwaro dzaipiwa. Muna October uye November mugore iroro, mamwe mataundi akashanyirwawo, uye vanhu vakawanda vakauya. O’Connor nevamwe varume 100 vaiita zvemhirizhonga, vakaedza kuvhiringa zvakare musangano waiitwa muDublin, asi vateereri vakanyatsotsigira mukurukuri.

Kunyange zvazvo Hama Russell vainyanya kupa hurukuro dzavose panguva iyoyo, vakanzwisisa kuti “hapana munhu anganzi kana asipo zvinhu hazvifambi” nekuti “iri harisi basa remunhu; ibasa raMwari.” Hurukuro dzavose dzaishambadzirwa, idzo dzakazova Musangano Wavose, dzakavhura mikana yakanaka yekuzivisa chokwadi cheMagwaro. Zvakaguma nei? Hurukuro dzavose dzakabatsira pakuparadzira mashoko akanaka, uye ungano dzakatangwa mumaguta akawanda muIreland.​—Kubva mudura renhoroondo yedu kuBritain.

^ ndima 3 Pasina makore maviri, Titanic yakanyura.

^ ndima 9 Ngarava yeLusitania yakaputitswa nechekumaodzanyemba kweIreland muna May 1915.