Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jakobho akava tateguru waMesiya nekuti akatenga kodzero yaIsau yeudangwe here?

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Panguva yevaIsraeri, mutsara wedzinza raizouya naMesiya waitevera kodzero yeudangwe here?

Taimbotaura mashoko akarerekera ikoko. Izvozvo zvaiita sezvinoenderana nezvatinoverenga pana VaHebheru 12:16. Vhesi iyoyo inotaura kuti Isau akanga “asingaongi zvinhu zvitsvene” uye “akatsinhanisa udangwe hwake nokudya kumwe chete.” Izvi zvaiita sezvinopa pfungwa yekuti Jakobho paakawana ‘kodzero yeudangwe,’ akavawo pamutsara wekuva tateguru waMesiya.—Mat. 1:2, 16; Ruka 3:23, 34.

Zvisinei, kuongororazve nyaya dziri muBhaibheri kunoratidza kuti murume aisafanira hake kuva dangwe kuti ave tateguru waMesiya. Ona humwe uchapupu hwacho.

Pavanakomana vaJakobho (Israeri), dangwe rake naReya aiva Rubheni. Pava paya, mwanakomana wekutanga waJakobho nemudzimai wake waaida zvikuru, Rakeri, aiva Josefa. Rubheni paakaita zvakaipa, kodzero yake yeudangwe yakaenda kuna Josefa. (Gen. 29:31-35; 30:22-25; 35:22-26; 49:22-26; 1 Mak. 5:1, 2) Kunyange zvakadaro, Mesiya akanga asiri wedzinza raRubheni kana raJosefa. Aiva wedzinza raJudha, mwanakomana wechina waJakobho.​—Gen. 49:10.

Ruka 3:32 inotaura nezvevamwe vanhu vashanu vaiva mumutsara wedzinza raizouya naMesiya. Zvinoita sekuti vese vaiva matangwe. Semuenzaniso, Bhoazi akabereka Obhedhi, uyo akabereka Jese.​—Rute 4:17, 20-22; 1 Mak. 2:10-12.

Zvisinei, Dhavhidhi, mwanakomana waJese, akanga asiri dangwe. Aiva wekupedzisira pavanakomana 8. Asi mutsara wedzinza raMesiya wakauya nekuna Dhavhidhi. (1 Sam. 16:10, 11; 17:12; Mat. 1:5, 6) Saizvozvowo, munhu akatevera mumutsara wedzinza racho aiva Soromoni, kunyange zvazvo aisava dangwe raDhavhidhi.—2 Sam. 3:2-5.

Izvi hazvirevi kuti kuva dangwe kwakanga kusingakoshi. Mwanakomana wedangwe aiva nechinzvimbo chinokosha uye ndiye aiwanzova musoro wemhuri waitevera. Ndiyewo mwanakomana aipiwa nhaka yakapetwa kaviri.​—Gen. 43:33; Dheut. 21:17; Josh. 17:1.

Asi kodzero yeudangwe yaigona kupiwa mumwe. Abrahamu akadzinga Ishmaeri, ndokupa Isaka kodzero yeudangwe. (Gen. 21:14-21; 22:2) Uye sezvataona, kodzero yeudangwe yakatorerwa Rubheni ikapiwa Josefa.

Iye zvino ngatidzokerei kuna VaHebheru 12:16, iyo inoti: “[Ngaparege] kuva nechifeve kana munhu asingaongi zvinhu zvitsvene, saIsau, uyo akatsinhanisa udangwe hwake nokudya kumwe chete.” Chii chaitaurwa pavhesi iyi?

Pano, muapostora Pauro akanga asiri kutaura dzinza raizouya naMesiya. Akanga achangobva kukurudzira vaKristu kuti ‘vagadzirire tsoka dzavo nzira dzakarurama.’ Saka izvozvo zvaizoita kuti ‘vasatadza kuwana mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari,’ izvo zvaigona kuzoitika kana vakaita unzenza hwepabonde. (VaH. 12:12-16) Vaizofanana naIsau kana vakaita izvozvo. ‘Akatadza kuonga zvinhu zvitsvene,’ uye akaita maererano nezvido zvake.

Isau, uyo akararama panguva iyo misoro yemhuri yaishumira sevapristi vemhuri, anogona kunge aimbowana ropafadzo yekupa zvibayiro. (Gen. 8:20, 21; 12:7, 8; Job. 1:4, 5) Asi Isau uyo ainyanya kufunga nezvekufadza nyama yake, akarasa ropafadzo dzese idzodzo kuti apiwe ndiro yenyemba. Anogona kunge aida kudzivisa kutambura kwainge kwafanotaurwa kuti kwaizoitika kuvana vaAbrahamu. (Gen. 15:13) Isau akaratidzawo kuti akanga asingakoshesi zvinhu zvitsvene paakaroora vakadzi vaviri vakanga vasinganamati Jehovha, uye izvozvo zvakarwadza vabereki vake. (Gen. 26:34, 35) Akanga akasiyana chaizvo naJakobho uyo akava nechokwadi chekuroora munamati waMwari wechokwadi.​—Gen. 28:6, 7; 29:10-12, 18.

Saka tingagumisa kutii nezvemutsara wedzinza raJesu, Mesiya? Pamwe pacho mutsara wacho waipfuura nepamwanakomana wedangwe, asi hapasi pese pazvaidaro. VaJudha vakaona izvi uye vakazvigamuchira, sezvavakaita pavakabvuma kuti Kristu aizouya nekuna Dhavhidhi, mwanakomana wekupedzisira waJese.​—Mat. 22:42.