Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei zvisingabvumirwi kuti munhu aise pawebsite yake kana pasocial media mabhuku nezvimwewo zvinobudiswa neZvapupu zvaJehovha?

Nemhaka yekuti hatitengesi mabhuku edu nezvimwewo zvatinobudisa zvine chekuita neBhaibheri, vamwe vanofunga kuti kuzvikopa kana kuzviisa pane mamwe mawebsite kana pasocial media kunobvumirwa. Zvisinei, kuita izvozvo kutyora Mitemo Inoda Kutevedzerwa * yemawebsite edu uye izvi zviri kukonzera matambudziko akakura. Sezvakajekeswa muMitemo iyoyo, hapana munhu anobvumirwa ‘kuisa paIndaneti (chero imwe website, nzvimbo yekugovana mafaira, kana kuti pamasocial network) mifananidzo yakaita zvekudhirowewa, mabhuku, zviratidzo, mimhanzi, mapikicha, mashoko uye mavhidhiyo zvakatorwa panzvimbo ino.’ Nei izvi zvichirambidzwa?

Hapana anobvumirwa kuisa pane mamwe mawebsite mabhuku edu nezvimwewo zviri pasi pemitemo yeuridzi

Zvinhu zvese zviri pamawebsite edu zviri pasi pemitemo yeuridzi. Vanhu vakatsauka pakutenda nevamwe vanotipikisa vanoedza kushandisa mabhuku edu nezvimwewo pamawebsite avo kuitira kuti vakwezve Zvapupu zvaJehovha nevamwewo. Chinangwa chemawebsite iwayo ndechekuti vaverengi vasava nechokwadi nezvatinotenda. (Pis. 26:4; Zvir. 22:5) Vamwe vanoshandisa zviri mumabhuku edu kana chiratidzo chedu chejw.org pakushambadzira, vamwe vanochiisa pazvinhu zvavanotengesa uye pamapurogiramu epamafoni nematablet. Nekuita kuti kodzero dzedu (copyright) uye zviratidzo zvedu (trademarks) zvidzivirirwe, tine mvumo yepamutemo yekudzivisa zvinhu zvakadaro. (Zvir. 27:12) Asi kana tikasiya vamwe vanhu, kunyange vatinonamata navo, vachiisa zvinhu zvedu pane mamwe mawebsite kana kushandisa chiratidzo chejw.org pakutengesa zvinhu zvavo, vematare vanogona kusatitsigira patinoedza kurambidza vanotipikisa nevanoita zvekutengesa kuti vaite izvozvo.

Kudhaunirodha mabhuku edu pane mamwe mawebsite asiri jw.org kunogona kuva nengozi. Jehovha akapa “muranda akatendeka, akangwara” chete basa rekupa vanhu zvekudya zvekunamata. (Mat. 24:45) “Muranda” iyeye anoshandisa mawebsite ake epamutemo chete pakubudisa zvekudya zvekunamata, ayo anoti: www.pr418.com, tv.pr418.com, uye wol.pr418.com. Uye tine mapurogiramu epamutemo matatu chete epamafoni nematablet nemakombiyuta, ayo anoti: JW Language®, JW Library®, uye JW Library Sign Language®. Tinogona kuva nechivimbo chekuti zvinhu izvi hazvina kusvibiswa nenyika yaSatani uye hazvibudi mashoko ekushambadza. Kana zvekudya zvekunamata zvikambopfuura nemumaoko evamwe vanhu, hatigoni kuziva kuti zvakachinjwa kana kusvibiswa here kana kuti hazvina.​—Pis. 18:26; 19:8.

Kuwedzera pane izvi, kuisa mabhuku edu pamawebsite ekuti vanhu vanogona kunyora zvavanofunga kunopa mukana wekuti vakatsauka pakutenda nevamwe vanotishora vaite kuti tisavimba nesangano raJehovha. Dzimwe hama dzakakwezvwa kuti dziitisane nharo nevanhu paIndaneti uye dzakaita kuti zita raJehovha riwedzere kuzvidzwa. Nzvimbo yepaIndaneti yekunyorerana mashoko haisi iyo yakakodzera ‘pakurayiridza neunyoro vaya vasingadi.’ (2 Tim. 2:23-25; 1 Tim. 6:3-5) Zvakaonekwawo kuti vamwe vakavhura maakaundi emasocial network enhema muzita resangano, Dare Rinotungamirira uye nhengo dzaro. Zvisinei, hapana kana nhengo imwe chete yeDare Rinotungamirira ine website yayo kana akaundi pasocial network chero ipi zvayo.

Kuudza vanhu nezvejw.org kunobatsira pakuparadzira “mashoko akanaka.” (Mat. 24:14) Zvinhu zvepamafoni nematablet zvatinopiwa kuti tishandise pabasa rekuparidza zviri kuramba zvichivandudzwa. Tinoda kuti munhu wese abatsirwe nazvo. Saka sezvinoratidzwa muMitemo Inoda Kutevedzerwa, unogona kutumira munhu bhuku redu pae-mail kana kupa munhu link yezvimwe zviri pajw.org. Kana tikaita kuti vanhu vazive nezvemawebsite edu epamutemo, tinenge tichivaratidza nzira imwe chete yechokwadi yekuwana nayo zvekudya zvekunamata, “muranda akatendeka, akangwara.”

^ ndima 1 Unogona kuona Mitemo Inoda Kutevedzerwa kana ukaenda nechepazasi pepeji yekutanga yepajw.org, wobaya pakanzi “MITEMO YEKUSHANDISA.” Mitemo iyoyo inoshanda pazvinhu zvese zviri pamawebsite edu.