Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurudziranai “Kunyanya” Iye Zvino

Kurudziranai “Kunyanya” Iye Zvino

“Ngatirangarirane . . . , tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.”​—VAH. 10:24, 25.

NZIYO: 90, 87

1. Nei muapostora Pauro akarayira vaKristu vechiHebheru vepakutanga kuti vakurudzirane “kunyanya” panguva iyoyo?

NEI tichifanira kushanda nesimba pakukurudzirana? Muapostora Pauro anotipa chikonzero chacho mutsamba yaakanyorera vaKristu vechiHebheru. Akavaudza kuti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaH. 10:24, 25) Pasati patombopera makore mashanu, vaKristu vechiJudha vaigara muJerusarema vaizoona kuti “zuva . . . raJehovha” rainge raswedera pedyo voziva kuti vaifanira kutiza vachibuda muguta racho sezvavakanga vaudzwa naJesu. (Mab. 2:19, 20; Ruka 21:20-22) Zuva iroro raJehovha rakasvika muna 70 C.E. vaRoma pavakaparadza Jerusarema.

2. Mazuva ano, nei tichifanira kunyanya kufunga nezvekukurudzirana?

2 Mazuva ano, tine zvikonzero zvakawanda zvekubvuma kuti zuva raJehovha “guru uye rinotyisa kwazvo” rava pedyo. (Joe. 2:11) Muprofita Zefaniya akati: “Zuva guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.” (Zef. 1:14) Yambiro iyoyo inoshandawo mazuva ano. Achifunga nezvekuva pedyo kwezuva raJehovha, Pauro anotiudza kuti “tirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.” (VaH. 10:24) Saka tinofanira kuwedzera kuva nehanya nehama dzedu kuitira kuti tidzikurudzire pese padzinenge dzichida kukurudzirwa.

NDIVANAANI VANODA KUKURUDZIRWA?

3. Muapostora Pauro akatii nezvekukurudzira vamwe? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 “Kuzvidya mwoyo kuri mumwoyo momunhu ndiko kuchaukotamisa, asi shoko rakanaka ndiro rinoita kuti ufare.” (Zvir. 12:25) Izvi zvinoitika kumunhu wese. Nguva nenguva tese tinoda kukurudzirwa. Pauro akaratidza kuti kunyange vaya vane basa rekukurudzira vamwe vanodawo kukurudzirwa. Akanyorera vaKristu vaigara muRoma kuti: “Ndiri kusuwa kukuonai, kuti ndikupei chipo [chemweya] kuti musimbiswe; kana kuti, panzvimbo paizvozvo, kuti tikurudzirane, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.” (VaR. 1:11, 12) Izvi zvinoratidza kuti kunyange Pauro, uyo aikurudzira vamwe chaizvo, aidawo kukurudzirwa dzimwe nguva.​—Verenga VaRoma 15:30-32.

4, 5. Ndivanaani vatinogona kukurudzira mazuva ano, uye nei tichifanira kudaro?

4 Vaya vanoshumira Jehovha mubasa renguva yakazara vanofanira kurumbidzwa. Vamwe vevanhu ivava mapiyona ari kushumira akatendeka. Vakawanda vavo vakasiya zvinhu zvakawanda chaizvo kuitira kuti vakwanise kupayona. Izvi ndizvo zvakaitwawo nemamishinari, vatariri vematunhu nemadzimai avo uye vaya vanoshanda pamahofisi emapazi kana kuti pamahofisi eshanduro. Vese ava vanorega kuita zvimwe zvinhu zvavanoda kuitira kuti vashandise nguva yakawanda pabasa dzvene. Nemhaka yeizvi, vanofanira kukurudzirwa. Uyewo, vaya vachiine chido chekuita basa renguva yakazara asi vasingachakwanisi nemhaka yezvikonzero zvakasiyana-siyana, vanofarawo pavanokurudzirwa.

5 Hama nehanzvadzi dzisati dzaroora kana kuroorwa nemhaka yekuti dzinoda kuteerera murayiro wekuroora kana kuroorwa “munaShe chete” dzinodawo kukurudzirwa. (1 VaK. 7:39) Saizvozvowo, vakadzi vanoshanda nesimba vanofara pavanokurudzirwa nevarume vavo. (Zvir. 31:28, 31) Uyewo vaKristu vanoramba vakatendeka pasinei nekutambudzwa kana kurwara vanoda kukurudzirwa. (2 VaT. 1:3-5) Jehovha naKristu vanonyaradza vashumiri vese ava vakatendeka.​—Verenga 2 VaTesaronika 2:16, 17.

VAKURU VANOGONA KUTIKURUDZIRA

6. Sezvinotsanangurwa pana Isaya 32:1, 2, basa revakuru nderei?

6 Verenga Isaya 32:1, 2. Achishandisa “machinda,” kureva vakuru vakazodzwa nevakuru vemamwe makwai, Jesu Kristu anokurudzira uye anotungamirira vakaora mwoyo nevari kuomerwa neupenyu munguva dzino dzakaoma. Izvi zvakadaro nekuti vakuru ava havasi “vanatenzi” vekutenda kwevamwe asi “vashandi pamwe chete” nehama dzavo kuti dzifare.​—2 VaK. 1:24.

7, 8. Kuwedzera pakutaura mashoko anokurudzira, vakuru vangavaka sei vamwe?

7 Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso unofanira kutevedzerwa nevakuru. Akanyorera vaKristu vaiva muTesaronika avo vaitambudzwa, achiti: “Zvataikudai kwazvo, hatina kungofara kukupai mashoko akanaka aMwari chete, asiwo mweya yedu, nokuti makadiwa nesu.”​—1 VaT. 2:8.

8 Achiratidza kuti hazvina kukwana kungotaura mashoko ekukurudzira, Pauro akaudza vakuru vaiva muEfeso kuti: “Munofanira kubatsira vaya vasina simba, uye munofanira kuyeuka mashoko aShe Jesu, iye paakati, ‘Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.’” (Mab. 20:35) Pauro aiva nechido chekukurudzira hama dzake uye aidawo “kushandisa zvinhu zvose uye kushandiswa zvizere nokuda” kwadzo. (2 VaK. 12:15) Saizvozvowo, vakuru havafaniri kungogumira pakukurudzira uye kunyaradza hama dzavo nemashoko, asiwo vanofanira kudzivaka kuburikidza nekunyatsova nehanya nadzo.​—1 VaK. 14:3.

9. Vakuru vangapa sei vamwe zano nenzira inokurudzira?

9 Kuvaka vamwe kungasanganisira kuvapa zano. Asi panyaya iyi, vakuru vanofanira kutevedzera zvakare muenzaniso wemuBhaibheri unoratidza kuti zano rinopiwa sei nenzira inokurudzira. Muenzaniso wakanakisisa panyaya iyi wakaratidzwa naJesu pashure pekunge amutswa. Aida kupa zano rakasimba kune dzimwe ungano dzaiva muAsia Minor, asi ona kuti akazviita sei. Asati apa zano kuungano dzaiva muEfeso, Pegamo neTiyatira, akatanga adzirumbidza. (Zvak. 2:1-5, 12, 13, 18, 19) Akaudza ungano yaiva muRaodhikiya kuti: “Vose vandinoda kwazvo ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo shingaira upfidze.” (Zvak. 3:19) Vakuru vanofanira kutevedzera muenzaniso waKristu pavanenge vachida kupa zano.

HARISI BASA REVAKURU CHETE

Vabereki, muri kudzidzisa vana venyu kuti vakurudzire vamwe here? (Ona ndima 10)

10. Tese zvedu tingaitei kuti tivakane?

10 Vakuru havasi ivo vega vane basa rekukurudzira vamwe. Pauro akarayira vaKristu vese kuti vataure mashoko ‘akanaka, anovaka sezvingava zvichidiwa’ nevamwe. (VaEf. 4:29) Mumwe nemumwe wedu anofanira kucherechedza “zvingava zvichidiwa” nevamwe. Pauro akapa vaKristu vechiHebheru zano rekuti: “Twasanudzai maoko anorembera nemabvi asina simba, uye rambai muchigadzirira tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti chinokamhina chirege kushodogoka, asi kuti chiporeswe.” (VaH. 12:12, 13) Mumwe nemumwe wedu, kusanganisira vechidiki, anogonawo kuvaka vamwe nemashoko anokurudzira.

11. Marthe akabatsirwa sei paainge akaora mwoyo?

11 Marthe, * imwe hanzvadzi yakamboora mwoyo, anoti: “Rimwe zuva pandakanyengetera kuti ndiwane kurudziro, ndakasangana neimwe hanzvadzi yechikuru iyo yakandiratidza rudo netsitsi. Izvi ndizvo chaizvo zvandaida panguva iyoyo. Yakandiudzawo zvayakaita payakasangana nemuedzo wakafanana newandaiva nawo, uye ndakabva ndaona kuti ndaisava ndega.” Zvichida hanzvadzi iyi inogona kunge isina kuziva kuti mashoko ayo akabatsira sei Marthe.

12, 13. Tingashandisa sei zano riri pana VaFiripi 2:1-4?

12 Pauro akapa vaKristu vaiva muungano yaiva muFiripi zano rekuti: “Zvino, kana pakati penyu paine kukurudzira chero kupi zvako muna Kristu, kana paine kunyaradza kworudo, kana paine kugoverana [kwemweya], kana paine rudo rukuru netsitsi, zadzisai mufaro wangu pakuti mune kufunga kwakafanana uye mune rudo rwakafanana, muchibatanidzwa mumweya, muchiva nokufunga kwakafanana, musingaiti chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri, musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi muchiva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.”​—VaF. 2:1-4.

13 Kuti tikurudzire hama nehanzvadzi dzedu, tese zvedu tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tive nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe, ‘tichinyaradzana murudo,’ ‘tichigoverana mumweya’ uye tichiratidzana “rudo rukuru netsitsi.”

NZIRA DZEKUKURUDZIRA NADZO VAMWE

14. Ndeipi imwe nzira yatingakurudzira nayo vamwe?

14 Kunzwa kuti vaya vatakabatsira vari kuramba vakatendeka kunogona kutikurudzira chaizvo, sezvakwakaita muapostora Johani uyo akanyora kuti: “Handina chikonzero chikuru chokuonga chinopfuura zvinhu izvi, kuti ndinzwe kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.” (3 Joh. 4) Mapiyona akawanda anobvuma kuti zvinokurudzira chaizvo kunzwa kuti vaya vavakadzidzisa chokwadi makore akapfuura vari kuramba vakatendeka uye kuti zvichida vatova kushumira semapiyona. Kuyeuchidza piyona anenge aora mwoyo nezvemufaro waakawana pakubatsira vamwe, kunogona kumukurudzira chaizvo.

15. Ndeipi imwe nzira yatingakurudzira nayo vaya vari kuramba vachishumira pasinei nematambudziko?

15 Vatariri vematunhu vakawanda vakataura kuti ivo nemadzimai avo vakakurudzirwa chaizvo pavakagamuchira kunyange katsamba kadiki kane mashoko ekuonga kushanyira kwavainge vaita imwe ungano. Izvi zvinogona kuitikawo kuvakuru, mamishinari, mapiyona uye nhengo dzemhuri yeBheteri pavanogamuchira mashoko ekuonga kuti vanoramba vachiita basa ravo pasinei nematambudziko.

ZVATINGAITA TESE KUTI TIKURUDZIRE VAMWE

16. Chii chinodiwa kuti tikurudzire mumwe munhu?

16 Tinenge tichikanganisa kana tichifunga kuti hatikwanisi kukurudzira vamwe nekuti zvinotiomera kuvaudza manzwiro atinoita nezvavo. Kukurudzira vamwe hakuna kunyanya kuoma. Zvichida zvinongoda kunyemwerera patinenge tichikwazisana nemumwe munhu. Kana munhu akasanyemwererawo, zvingareva kuti ane zviri kumunetsa, uye kungomuteerera paanenge achitaura kunogona kumunyaradza.​—Jak. 1:19.

17. Imwe hama yechidiki yakabatsirwa sei payaishungurudzika?

17 Imwe hama yechidiki inonzi Henri yakashungurudzika chaizvo hama dzayo dzepedyo, kusanganisira baba vake, avo vaiva mukuru airemekedzwa, padzakasiya chokwadi. Henri akakurudzirwa nemumwe mutariri wedunhu uyo akaenda naye kunonwa kofi ndokumuita kuti adurure mwoyo wake. Henri akaona kuti nzira bedzi yekuti mhuri yake idzoke muchokwadi yaiva yekuti arambe achishumira akatendeka. Akanyaradzwa chaizvo nekuverenga Pisarema 46; Zefaniya 3:17; uye Mako 10:29, 30.

Tese zvedu tinogona kuvaka uye kukurudzira vamwe (Ona ndima 18)

18. (a) Mambo Soromoni akacherechedzei? (b) Muapostora Pauro akataura nezvechii chinogona kubatsira?

18 Muenzaniso waMarthe newaHenri unoratidza kuti tinogona kukurudzira hama kana hanzvadzi inenge ichida kunyaradzwa. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera, haiwa rakanaka sei! Kupenya kwemaziso kunofadza mwoyo; mashoko akanaka anokodza mapfupa.” (Zvir. 15:23, 30) Uyewo, kuverenga zviri muNharireyomurindi kana kuti pawebsite yedu, kunogona kukurudzira munhu akaora mwoyo. Pauro anoratidza kuti kuimba rwiyo rweUmambo pamwe chete kunogonawo kukurudzira. Akanyora kuti: “Rambai muchidzidzisana uye muchirayirana nemapisarema, nziyo dzokurumbidza Mwari, nziyo [dzemweya] nenyasha, muimbire Jehovha mumwoyo menyu.”​—VaK. 3:16; Mab. 16:25.

19. Nei zvichange zvakanyanya kukosha kuti tikurudzirane mumazuva ari kutevera, uye tinofanira kuitei?

19 Zuva raJehovha ‘zvarinoswedera pedyo,’ zvichatonyanya kukosha kuti tikurudzirane. (VaH. 10:25) Sezvakataurwa naPauro kuvaKristu vepanguva yake, “rambai [muchikurudzirana] nokuvakana, sezvamuri kutoita chaizvo.”​—1 VaT. 5:11.

^ ndima 11 Mazita akachinjwa.