Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei ‘Tichiramba Tichibereka Zvibereko Zvizhinji’?

Nei ‘Tichiramba Tichibereka Zvibereko Zvizhinji’?

“Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvizhinji uye munoratidza kuti muri vadzidzi vangu.”​—JOH. 15:8.

NZIYO: 53, 60

1, 2. (a) Nguva pfupi asati afa, Jesu akakurukurei nevadzidzi vake? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei zvichikosha kuti tiyeuke zvikonzero zvinoita kuti tiparidze? (c) Chii chatichakurukura munyaya ino?

USIKU hwekupedzisira asati afa, Jesu akaita nguva yakareba achikurukura nevadzidzi vake achiita kuti vave nechokwadi chekuti aivada zvikuru. Uyewo, akavataurira mufananidzo wemuzambiringa, sezvatakadzidza munyaya yakapfuura. Achishandisa mufananidzo iwoyo, Jesu akakurudzira vadzidzi vake ‘kuramba vachibereka zvibereko zvizhinji,’ izvo zvinoreva kutsungirira mubasa rekuparidza mashoko eUmambo.​—Joh. 15:8.

2 Jesu akaudza vadzidzi vake zvavaifanira kuita uyewo kuti nei vaifanira kuzviita. Akavapa zvikonzero zvekuita basa rekuparidza. Nei zvichikosha kuti tikurukure zvikonzero izvozvo? Kuyeuka kuti nei tichifanira kuramba tichiparidza, kunotikurudzira kutsungirira pakupa “uchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:13, 14) Saka ngationei zvikonzero zvina zvinoita kuti tiparidze. Uyewo tichaongorora zvipo zvina zvinobva kuna Jehovha zvinotibatsira kuti titsungirire pakubereka zvibereko.

TINOKUDZA JEHOVHA

3. (a) Maererano naJohani 15:8, chikonzero chipi chinoita kuti tiparidze? (b) Mazambiringa anotaurwa mumufananidzo waJesu anomiririrei uye nei fananidzo iyi yakakodzera?

3 Chikonzero chikuru chinoita kuti tiparidze ndechekukudza Jehovha uye kutsvenesa zita rake. (Verenga Johani 15:1, 8.) Cherechedza kuti Jesu akaenzanisa Baba vake Jehovha, nemurimi anorima mazambiringa. Jesu akazvifananidza nemuzambiringa kana kuti hunde uye akafananidza vateveri vake nemapazi. (Joh. 15:5) Saka mazambiringa anofananidzira zvibereko zveUmambo zvinoberekwa nevateveri vaKristu. Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvizhinji.” Mizambiringa inobereka mazambiringa akanaka, inoita kuti murimi wacho akudzwe. Saizvozvowo, tinoita kuti Jehovha akudzwe patinoita zvese zvatinogona pakuzivisa mashoko eUmambo.​—Mat. 25:20-23.

4. (a) Tinotsvenesa sei zita raMwari? (b) Unonzwa sei nezvekuva neropafadzo yekutsvenesa zita raMwari?

4 Basa redu rekuparidza rinotsvenesa sei zita raMwari? Hatikwanisi kuita kuti zita raMwari riwedzere kuva dzvene nekuti ragara riri dzvene. Asi cherechedza kuti muprofita Isaya akati: “Jehovha wemauto Ndiye wamunofanira kuita mutsvene.” (Isa. 8:13) Imwe nzira yatinotsvenesa nayo zita raMwari ndeyekuriona serakakwirira kupfuura mamwe ese uye kubatsira vamwe kuti vanzwisise kuti idzvene. (Mat. 6:9) Semuenzaniso, patinozivisa chokwadi nezveunhu hwakanaka hwaJehovha uye nezvechinangwa chaakasikira vanhu, tinenge tichidzivirira zita raMwari pakucherwa kwarinoitwa naSatani uye panhema dzake. (Gen. 3:1-5) Uyewo, tinotsvenesa zita raMwari patinoedza kubatsira vanhu vari mundima medu kuti vaone kuti zvakakodzera kuti Jehovha “agamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba.” (Zvak. 4:11) Rune, uyo ava nemakore 16 achipayona anoti: “Kuziva kuti ndakapiwa mukana wekuva chapupu chinopupurira Musiki wezvinhu zvese iropafadzo huru kwazvo. Kunoita kuti ndive nechido chekuramba ndichiparidza.”

TINODA JEHOVHA NEMWANAKOMANA WAKE

5. (a) Chikonzero chipi chekuparidza chatinowana pana Johani 15:9, 10? (b) Jesu akasimbisa sei kukosha kwekutsungirira?

5 Verenga Johani 15:9, 10. Chimwe chikonzero chinokosha chinoita kuti tiparidze mashoko eUmambo ndechekuti tinoda Jehovha naJesu zvinobva pamwoyo. (Mako 12:30; Joh. 14:15) Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vasangoperera pakuva murudo rwake asi kuti ‘varambe vari murudo rwake.’ Nei akadaro? Nekuti zvinoda kutsungirira kuti tirambe tichirarama sevadzidzi vaKristu. Jesu akasimbisa kukosha kwekutsungirira kuburikidza nekushandisa shoko rekuti ‘rambai’ kakawanda pana Johani 15:4-10.

6. Tinoratidza sei kuti tinoda kuramba tiri murudo rwaKristu?

6 Tinoratidza sei kuti tinoda kuramba tiri murudo rwaKristu toramba tichifarirwa naye? Tinoita izvozvo kuburikidza nekuchengeta mirayiro yaJesu. Tingati Jesu ari kutiudza kuti, ‘Nditeererei.’ Asi Jesu aitiudza kuti tiite zvaakaita iye pachake. Akati: “Ndakachengeta mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo.” (Joh. 15:10) Jesu akatisiyira muenzaniso wekutevedzera.​—Joh. 13:15.

7. Kuteerera uye kuratidza rudo zvakabatana papi?

7 Panyaya yekubatana kwakaita kuteerera nekuratidza rudo, Jesu akanga amboudza vaapostora vake kuti: “Ane mirayiro yangu akaichengeta, iyeye ndiye anondida.” (Joh. 14:21) Uye patinochengeta murayiro waJesu wekuenda kunoparidza, tinenge tichiratidzawo kuti tinoda Mwari nekuti mirayiro yaJesu inoratidza mafungiro aBaba vake. (Mat. 17:5; Joh. 8:28) Patinoratidza Jehovha naJesu kuti tinovada, vanobva vaita kuti tirambe tiri murudo rwavo.

TINOYAMBIRA VANHU

8, 9. (a) Ndechipi chimwe chikonzero chatiinacho chinoita kuti tiparidze? (b) Nei mashoko aJehovha ari pana Ezekieri 3:18, 19 uye 18:23 achitikurudzira kuti tirambe tichiparidza?

8 Tine chimwezve chikonzero chekuti tirambe tichiita basa redu rekuparidza. Tinoparidza kuti tipe yambiro. MuBhaibheri, Noa anonzi aiva “muparidzi.” (Verenga 2 Petro 2:5.) Zviri pachena kuti basa rake rekuparidza, iro raakaita Mafashamo asati aitika, raisanganisira kupa yambiro nezvekuparadzwa kwaizoitika. Nei tichigona kudaro? Cherechedza kuti Jesu akati: “Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” (Mat. 24:38, 39) Pasinei nekuti vanhu vaisamuteerera, Noa akaramba achizivisa mashoko eyambiro aakanga apiwa.

9 Mazuva ano, tinoparidza mashoko eUmambo kuti tipe vanhu mukana wekuti vadzidze zvichaitirwa vanhu naMwari mune remangwana. Kufanana naJehovha, tinodawo kuti vanhu vateerere mashoko acho ‘voramba vachirarama’ nekusingaperi. (Ezek. 18:23) Panguva imwe chete, patinoparidza paimba neimba uye munzvimbo dzinopfuura nevakawanda, tinenge tichipa yambiro kuvanhu vakawanda sezvingabvira kuti Umambo hwaMwari huchauya uye huchagumisa nyika ino isingadi Mwari.​—Ezek. 3:18, 19; Dhan. 2:44; Zvak. 14:6, 7.

TINODA VAVAKIDZANI VEDU

10. (a) Mateu 22:39 inotaura chikonzero chipi chinoita kuti tiparidze? (b) Rondedzera kuti Pauro naSirasi vakabatsira sei murindi wejeri muFiripi.

10 Chimwe chikonzero chinoita kuti tirambe tichiita basa redu rekuparidza ndechekuti tinoda vavakidzani vedu. (Mat. 22:39) Rudo irworwo runoita kuti titsungirire mubasa iri tichiziva kuti mwoyo yevanhu inogona kuchinja zvinhu pazvinovachinjira. Funga zvakasangana nemuapostora Pauro neshamwari yake Sirasi. Muguta reFiripi, vakakandwa mujeri nevanhu vaivapikisa. Pava pakati peusiku, pakangoerekana paitika kudengenyeka kwenyika kwakazunungusa jeri madhoo acho achibva avhurika. Murindi wejeri akanga ava kutozviuraya achityira kuti vasungwa vainge vatiza. Asi Pauro akashevedzera kuti: “Usazvikuvadza!” Murindi wejeri akabvunza kuti: “Ndingaitei kuti ndiponeswe?” Vakamuudza kuti: “Tenda munaShe Jesu uye uchaponeswa.”​—Mab. 16:25-34.

Kuda Jehovha, Jesu, uye vavakidzani vedu kunoita kuti tiparidze (Ona ndima 5, 10)

11, 12. (a) Nyaya yemurindi wejeri inobatana papi nebasa redu rekuparidza? (b) Nei tichida kuramba tichiparidza?

11 Nyaya yemurindi wejeri inobatana papi nebasa redu rekuparidza? Ona kuti murindi wejeri akazongochinja mwoyo pashure pekudengenyeka kwenyika achibva akumbira kubatsirwa. Saizvozvowo, mazuva ano vamwe vanhu vasingadi kuteerera mashoko eBhaibheri vanogona kuzochinja votsvaga kubatsirwa zvinhu pazvinongoerekana zvavaipira muupenyu. Semuenzaniso, vamwe vari mundima yedu vanogona kunge vakangoerekana varasikirwa nemabasa avaiita ndokusara vavhiringidzika. Vamwe vanogona kunge vachirwadziwa nekuparara kwemuchato wavo. Vamwewo vanogona kunge vachirwadziwa nekuti vakabatwa chirwere chakaipisisa, kana kuti vakafirwa. Panoitika zvinhu zvakadaro, vamwe vanenge vachirwadziwa vanogona kubvunza mibvunzo ine chekuita neupenyu yavakanga vasina basa nayo. Zvimwe vanotombozvibvunza kuti, ‘Ndingaitei kuti ndiponeswe?’ Patinosangana navo, vangada kuteerera mashoko edu anopa tariro kekutanga muupenyu hwavo.

12 Saka kana tikaramba tichiita basa redu rekuparidza, tichakwanisa kupa vanhu mashoko anonyaradza panguva yavangada kuagamuchira. (Isa. 61:1) Charlotte, uyo ava nemakore 38 ari mubasa renguva yakazara, anoti: “Mazuva ano vanhu vakarasika. Vanofanira kuwana mukana wekunzwa mashoko akanaka.” Ejvor, uyo ava nemakore 34 achipayona anoti: “Mazuva ano, vakawanda vava kugara vasingafari. Ndinoda chaizvo kuvabatsira. Izvozvo zvinoita kuti ndide kuparidza.” Zviri pachena kuti kuda muvakidzani chikonzero chakanaka chekuti tirambe tichiita ushumiri hwedu.

ZVIPO ZVINOTIBATSIRA KUTSUNGIRIRA

13, 14. (a) Johani 15:11 inotaura nezvechipo chipi? (b) Mufaro waJesu uchava sei mufaro weduwo? (c) Mufaro unotibatsira sei muushumiri hwedu?

13 Usiku ihwohwo hwekupedzisira asati afa, Jesu akataura nezvezvipo zvaizobatsira vaapostora vake kuti vatsungirire pakubereka zvibereko. Zvipo izvi ndezvipi, uye zvingatibatsira sei?

14 Chipo chemufaro. Kuteerera murayiro waJesu wekuti tiparidze kunorema here? Kwete. Pashure pekutaura mufananidzo wake wemuzambiringa, Jesu akataura kuti sevaparidzi veUmambo, tichava nemufaro. (Verenga Johani 15:11.) Akatotivimbisa kuti mufaro wake uchavawo wedu. Zvinoitika sei izvozvo? Sezvambotaurwa, Jesu akazvifananidza nemuzambiringa uye vadzidzi vake nemapazi. Muzambiringa unotsigira mapazi. Chero bedzi mapazi akaramba ari pamuzambiringa wacho, anoramba achiwana mvura nechikafu. Saizvozvowo, chero bedzi tikaramba tiri pamwe naKristu kuburikidza nekunyatsotevera tsoka dzake, tichava nemufaro wakafanana newaaiva nawo pakuita kuda kwaBaba vake. (Joh. 4:34; 17:13; 1 Pet. 2:21) Hanne, uyo ava nemakore anopfuura 40 achipayona anoti: “Mufaro wandinova nawo pese pandinenge ndaita ushumiri unoita kuti ndide kuramba ndiri mubasa raJehovha.” Mufaro wechokwadi unoita kuti tive nesimba rekuramba tichiparidza kunyange mundima dzakaoma.​—Mat. 5:10-12.

15. (a) Johani 14:27 inotaura nezvechipo chipi? (b) Nei rugare ruchitibatsira kuti tirambe tichibereka zvibereko?

15 Chipo cherugare. (Verenga Johani 14:27.) Usiku ihwohwo hwekupedzisira asati afa, Jesu akanga amboudza vaapostora vake kuti: “Ndinokupai rugare rwangu.” Chipo ichocho cherugare rwake chinotibatsira sei kuti tibereke zvibereko? Sezvatinotsungirira, mumwoyo yedu tinova nerugare runobva pakuziva kuti tinofarirwa naJehovha naJesu. (Pis. 149:4; VaR. 5:3, 4; VaK. 3:15) Ulf, uyo ava nemakore 45 ari mubasa renguva yakazara anoti: “Basa rekuparidza rinondinetesa, asi rinoita kuti ndigutsikane zvechokwadi uye ndirarame upenyu hune chinangwa.” Tinotenda zvikuru kuti tine rugare mumwoyo!

16. (a) Johani 15:15 inotaura nezvechipo chipi? (b) Vaapostora vaigona sei kuramba vari shamwari dzaJesu?

16 Chipo cheushamwari. Pashure pekunge Jesu ataura nezvechido chake chekuti mufaro wevaapostora vake “uzadziswe,” akavatsanangurira kukosha kwekuva nerudo rwekuzvipira. (Joh. 15:11-13) Akabva ati: “Ndati muri shamwari [dzangu].” Kuva neushamwari naJesu chipo chakanaka zvikuru. Vaapostora vaifanira kuitei kuti varambe vari shamwari dzake? Vaifanira ‘kupfuurira uye kuramba vachibereka zvibereko.’ (Verenga Johani 15:14-16.) Makore maviri ainge apfuura, Jesu akanga arayira vaapostora vake kuti: “Pamunenge muchienda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mat. 10:7) Saka pausiku ihwohwo hwekupedzisira, akavakurudzira kuti vatsungirire pakuita basa ravakanga vatanga. (Mat. 24:13; Mako 3:14) Kuteerera murayiro waJesu kwainge kusiri nyore, asi vaigona kubudirira, voramba vari shamwari dzake. Vaizobudirira sei? Vaizobatsirwa nechimwezve chipo.

17, 18. (a) Johani 15:16 inotaura nezvechipo chipi? (b) Chipo ichocho chaizobatsira sei vadzidzi vaJesu? (c) Zvipo zvipi zvinotisimbisa mazuva ano?

17 Chipo chekupindurwa kweminyengetero. Jesu akati: “Pasinei nechamunokumbira Baba muzita rangu [vachakupai].” (Joh. 15:16) Vimbiso iyoyo inofanira kunge yakasimbisa chaizvo vaapostora! * Vaapostora vaisanyatsonzwisisa kuti Jesu ainge ava pedyo nekufa. Asi kufa kwake kwaisareva kuti vaizosara vasina anovatsigira. Jehovha ainge akagadzirira kupindura minyengetero yavo yekukumbira rubatsiro rwavaida kuti vateerere murayiro wekuparidza mashoko eUmambo. Uye pasina nguva, vakaona kuti Jehovha akapindura sei minyengetero yavo yekukumbira kubatsirwa.​—Mab. 4:29, 31.

Tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha anopindura minyengetero yedu yekukumbira kubatsirwa (Ona ndima 18)

18 Ndizvo zvinoitikawo mazuva ano. Sezvatinotsungirira pakubereka zvibereko tinova neushamwari naJesu. Tinogonawo kuva nechivimbo chekuti Jehovha akagadzirira kupindura minyengetero yedu yekukumbira kubatsirwa kuti tikunde zvipingamupinyi zvatingasangana nazvo patinenge tichiparidza mashoko akanaka eUmambo. (VaF. 4:13) Tinoonga chaizvo kuti tine chikomborero chekuti minyengetero yedu inopindurwa uye kuti tine ushamwari naJesu! Zvipo izvi zvinobva kuna Jehovha zvinotisimbisa kuti tirambe tichibereka zvibereko.​—Jak. 1:17.

19. (a) Nei tichiramba tichiita basa rekuparidza? (b) Chii chinotibatsira kuti tipedze basa raMwari?

19 Sezvataona munyaya ino, tinoramba tichiita basa rekuparidza kuti tikudze Jehovha uye titsvenese zita rake, kuti tiratidze kuti tinoda Jehovha naJesu, kuti tiyambire vanhu zvakakwana uye kuti tiratidze kuti tinoda muvakidzani. Uyewo, zvipo zvinoti, mufaro, rugare, ushamwari uye kupindurwa kweminyengetero zvinotisimbisa kuti tipedze basa raMwari. Jehovha anofadzwa chaizvo paanoona zvese zvatinoedza kuita kuti ‘tirambe tichibereka zvibereko zvizhinji.’

^ ndima 17 Paaikurukura nevaapostora vake, Jesu akavimbisa avimbisazve kuti minyengetero yavo yaizopindurwa.​—Joh. 14:13; 15:7, 16; 16:23.