Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ziva Muvengi Wako

Ziva Muvengi Wako

“Mazano [aSatani] tinoaziva.”​—2 VAK. 2:11.

NZIYO: 150, 32

1. MuEdheni, Jehovha akazivisei nezvemuvengi wedu?

ADHAMU aiziva kuti nyoka hadzitauri. Saka anogona kunge akaziva kuti pane chisikwa chisingaoneki chakanga chataura naEvha chichishandisa nyoka. (Gen. 3:1-6) Adhamu naEvha havana zvavaiziva nezvechisikwa ichi. Kunyange zvakadaro, Adhamu akasarudza kubatana nechisikwa ichi pakupandukira Baba vake vekudenga vane rudo. (1 Tim. 2:14) Pakarepo, Jehovha akabva atanga kuzivisa mashoko ane chekuita nemuvengi uyu akaipa, achivimbisa kuti pakupedzisira aizoparadzwa. Asi Jehovha akayambirawo kuti kwenguva yakati, chisikwa chemweya chakataura chichishandisa nyoka chaizova nesimba rekurwisa vaya vanoda Mwari.​—Gen. 3:15.

2, 3. Mesiya asati auya, nei pasina zvakawanda zvakataurwa nezvaSatani?

2 Jehovha haana kumbotiudza zita rengirozi yakamupandukira. * Uye Mwari akasarudza kusabudisa pachena zita rinotsanangura zvakaita muvengi iyeye kusvikira papfuura makore anenge 2 500 kubva paakapanduka. (Job. 1:6) Kutaura zvazviri, zita rekuti Satani, iro rinoreva kuti “Mudzivisi,” rinongowanika mumabhuku matatu chete eMagwaro echiHebheru anoti, 1 Makoronike, Jobho uye Zekariya. Nei paine zvishoma zvakataurwa nezvemuvengi wedu, Mesiya asati auya?

3 Jehovha anofanira kunge aisada kuti vanhu vaise pfungwa dzavo pana Satani kuburikidza nekuita kuti zvikamu zvakakura zveMagwaro echiHebheru zvitaure nezvake uye mabasa ake. Chinangwa chikuru chaJehovha chekufemera chikamu ichocho cheMagwaro chaiva chekuti vanhu vake vazive Mesiya uye vamutevere. (Ruka 24:44; VaG. 3:24) Izvozvo pazvakazadzika, Jehovha akashandisa Mesiya nevadzidzi vake kuti vazivise zvakawanda zvatinoziva nezvaSatani nengirozi dzakabatana naye. * Izvi zvakakodzera sezvo Jesu nevakazodzwa, avo vaachatonga navo, vari ivo vachashandiswa naJehovha pakuparadza Satani nevateveri vake.​—VaR. 16:20; Zvak. 17:14; 20:10.

4. Nei tisingafaniri kunyanya kunetseka nezvaDhiyabhorosi?

4 Muapostora Petro anotaura nezvaSatani Dhiyabhorosi “seshumba inodzvova,” uye Johani anomudana kuti “nyoka” uye “dhiragoni.” (1 Pet. 5:8; Zvak. 12:9) Asi hapana chikonzero chekuti tinyanye kunetseka nezvaDhiyabhorosi. Simba rake rine parinogumira. (Verenga Jakobho 4:7.) Tinotsigirwa naJehovha naJesu uye nengirozi dzakatendeka. Tichibatsirwa navo, tinokwanisa kurwisa muvengi wedu. Kunyange zvakadaro, tinoda kuziva mhinduro dzemibvunzo mitatu inokosha inoti: Satani anonyengera zvakadini? Anoedza sei kuita kuti vamwe vaite zvaanoda? Uye simba rake rinogumira papi? Patichange tichikurukura mibvunzo iyi tichaonawo kuti zvidzidzo zvipi zvatingawana.

SATANI ANONYENGERA ZVAKADINI?

5, 6. Nei hurumende dzevanhu dzisingakwanisi kugadzirisa zvinhu kuti vanhu vanyatsofambirwa zvakanaka neupenyu?

5 Ngirozi dzakati kuti dzakatsigira kupanduka kwakaita Satani. Mafashamo asati aitika, Satani akakwezva dzimwe dzengirozi idzodzo kuti dziite unzenza nevanasikana vevanhu. Bhaibheri rinoratidza chokwadi ichi parinotaura nenzira yekufananidzira kuti dhiragoni yakakweva chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvenyeredzi dzekudenga. (Gen. 6:1-4; Jud. 6; Zvak. 12:3, 4) Ngirozi idzodzo padzakasiya mhuri yaMwari, dzakazviisa pasi paSatani. Zvisinei, ngirozi idzi dzakapanduka hadzisi bokawo zvaro risina kurongeka. Achitevedzera zvakaita Umambo hwaMwari, Satani akaumba umambo hwake husingaoneki uye iye ndiye mambo wacho. Akaronga madhimoni kuti ave hurumende, akaapa simba, uye akaaita vatongi venyika.​—VaEf. 6:12.

6 Achishandisa sangano rake risingaoneki, Satani anodzora hurumende dzese dzevanhu. Izvozvo zvakanyatsooneka Satani paakaratidza Jesu “umambo hwose hwenyika inogarwa” achibva ati: “Ndichakupa simba pane hwose uhwu nokubwinya kwahwo, nokuti hwakaiswa kwandiri, uye ndinohupa chero wandinoda.” (Ruka 4:5, 6) Pasinei neunyengeri hwaSatani, hurumende dzakawanda dzine zvakanaka zvadzinoitira vanhu. Uye vamwe vatungamiriri vanogona kunge vaine vavariro dzakanaka. Asi hakuna hurumende yevanhu kana mutungamiriri anokwanisa kugadzirisa zvinhu kuti vanhu vanyatsofambirwa zvakanaka neupenyu.​—Pis. 146:3, 4; Zvak. 12:12.

7. Kuwedzera pakushandisa hurumende dzevanhu, Satani anoshandisa sei chitendero chenhema uye vezvekutengeserana? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

7 Kuti vatsause “nyika yose inogarwa,” Satani nemadhimoni havangoshandisi hurumende dzevanhu chete asiwo chitendero chenhema uye vezvekutengeserana. (Zvak. 12:9) Satani anoparadzira nhema pamusoro paJehovha achishandisa chitendero chenhema. Uyewo zvinoita sekuti ari kuedza nepaanogona napo kuita kuti vanhu vakanganwe zita raMwari. (Jer. 23:26, 27) Saka vamwe vanhu vari pachokwadi vanonyengerwa kuti vanamate madhimoni vachifunga kuti vari kunamata Mwari. (1 VaK. 10:20; 2 VaK. 11:13-15) Satani anoparadzirawo nhema achishandisa vezvekutengeserana. Semuenzaniso, nyika ino inowanzodzidzisa vanhu kuti kutsvaga mari nezvinhu zvakawanda ndiko kunoita kuti vafare. (Zvir. 18:11) Vaya vanobvuma nhema idzi vanorarama upenyu hwekushumira “Pfuma” pane kushumira Mwari. (Mat. 6:24) Nekufamba kwenguva kuda kwavanoita pfuma kunowedzera kusimba zvekuti kuda kwavaimboita Mwari kunonyangarika.​—Mat. 13:22; 1 Joh. 2:15, 16.

8, 9. (a) Zvidzidzo zvipi zviviri zvatingadzidza kubva panyaya yaAdhamu, Evha uye ngirozi dzakapanduka? (b) Kuziva kuti Satani anonyengera zvakadini kunotibatsira sei?

8 Muenzaniso waAdhamu, Evha uye ngirozi dzakapanduka unotidzidzisa zvidzidzo zviviri zvinokosha. Chekutanga, kunongova nemativi maviri, uye tinofanira kusarudza divi rimwe chete. Tinogona kuramba takavimbika kuna Jehovha kana kuti tinogona kuzviisa pasi paSatani. (Mat. 7:13) Chechipiri, vaya vanobatana naSatani vanongova nemubayiro mudiki diki wavanowana. Adhamu naEvha vakawana mukana wekusarudza vega kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi, uye madhimoni akava nesimba pahurumende dzevanhu. (Gen. 3:22) Asi nguva dzese, mibayiro inopiwa naSatani hapana zviripo kana tichifunga nezvemigumisiro yakaipa inozovapo kana munhu akatsigira Satani.​—Job. 21:7-17; VaG. 6:7, 8.

9 Kuziva kuti Satani anonyengera zvakadini kunotibatsira sei? Kunotibatsira kuti tione zvakanaka vane masimba uye kunotikurudzira kuita basa redu rekuparidza. Tinonzwisisa kuti Jehovha anoda kuti tiremekedze vane masimba. (1 Pet. 2:17) Uye anotarisira kuti titeerere mitemo yehurumende dzevanhu chero bedzi mitemo yacho isingapesani nezvaanoda. (VaR. 13:1-4) Asi tinoziva kuti hatifaniri kupindira mune zvematongerwo enyika, uye hatifaniri kuona rimwe bato rezvematongerwo enyika seriri nani pane rimwe kana kuona mumwe mutungamiriri seari nani pane mumwe. (Joh. 17:15, 16; 18:36) Nemhaka yekuti tinoona zviri kuedza kuitwa naSatani kuzita raJehovha uye mukurumbira wake wakanaka, tinonzwa tichida kudzidzisa vamwe chokwadi pamusoro paMwari wedu. Tinodada nekushevedzwa nezita rake uye tinorishandisa, tichiziva kuti kumuda kunounza mubayiro mukuru chaizvo kupfuura kuda mari kana zvinhu.​—Isa. 43:10; 1 Tim. 6:6-10.

SATANI ANOEDZA SEI KUITA KUTI VAMWE VAITE ZVAANODA?

10-12. (a) Satani anogona kunge akashandisa sei hwambo kuti abate dzimwe ngirozi? (b) Tinodzidzei kubva pakutadza kwakaita ngirozi dzakawanda?

10 Satani anoshandisa nzira dzinobudirira pakutsausa vamwe. Semuenzaniso, anoshandisa hwambo hwakasiyana-siyana pakuvakwezva kuti vaite zvaanoda. Anoedzawo kuvarwisa zvakananga kuti vave pasi pake.

11 Funga kuti Satani akabudirira zvakadini achishandisa hwambo kuti anyengere ngirozi dzakawanda. Anofanira kunge aidziongorora kwenguva yakareba asati adzinyengera kuti dzimutsigire. Dzimwe dzengirozi idzi padzakadyira pahwambo hwacho ndokurara nevakadzi, pakaberekwa vana vakakurisa vaiitira vanhu utsinye. (Gen. 6:1-4) Kuwedzera pakushandisa unzenza kuti aedze ngirozi dzakapanduka, Satani anogona kunge akadzivimbisawo kuti dzaizowana simba rekutonga vanhu. Chinangwa chake chinogona kunge chaiva chekuvhiringidza kuuya ‘kwemwana wemukadzi’ akanga avimbiswa. (Gen. 3:15) Zvisinei, Jehovha akaita kuti zvese izvozvo zvishaye basa kuburikidza nekuunza Mafashamo. Saka zvese zvaiedzwa naSatani nengirozi dzakapanduka hazvina kubudirira.

Satani anoedza kutikwezva achishandisa unzenza, kuzvikudza uye zvemashiripiti (Ona ndima 12, 13)

12 Tinodzidzei kubva panyaya iyi? Usambofa wakarerutsa ngozi yekuzvikudza uye kukwezva kunoita unzenza. Ngirozi dzakabatana naSatani dzakanga dzashumira pamberi paMwari kwemakore akawanda zvikuru. Asi kunyange zvakadaro, dzakawanda dzakabvumira kuti zvido zvakaipa zvipinde mumwoyo yadzo uye zvikure. Saizvozvowo, tinogona kunge tashumira kwemakumi emakore muchikamu chepanyika chesangano raMwari. Asi kunyange musangano rino rakachena, zvido zvakaipa zvinogona kupinda mumwoyo yedu. (1 VaK. 10:12) Zvinokosha chaizvo kuti tigare tichiongorora mwoyo yedu, tobvisa chero kapfungwa kapi zvako keunzenza uye kuzvikudza.​—VaG. 5:26; verenga VaKorose 3:5.

13. Ndehupi humwe hwambo hunoshandiswa zvinobudirira naSatani, uye tingahunzvenga sei?

13 Humwe hwambo hunoshandiswa naSatani achibudirira ndehwekuda kuziva zvemashiripiti. Mazuva ano, Satani anoita kuti vanhu vafarire zvemadhimoni achishandisa zvitendero zvenhema uye zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo. Mafirimu, mavhidhiyo gemhu uye zvimwe zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo zvinoita kuti zvemadhimoni zviite sezvinonakidza. Tingaita sei kuti tisabatwa nemusungo uyu? Hatifaniri kutarisira kuti sangano raMwari ritinyorere pasi zvese zvekuzvivaraidza nazvo zvakakodzera uye zvisina kukodzera. Mumwe nemumwe wedu anofanira kudzidzisa hana yake kuti ienderane nezvinodiwa naMwari. (VaH. 5:14) Zvisinei tichaita zvisarudzo zvakanaka kana tikashandisa zano remuapostora Pauro rekuti kuda kwatinoita Mwari ‘kurege kuva nounyengeri.’ (VaR. 12:9) Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Varaidzo yandinosarudza inoita kuti ndiite semunyengeri here? Kana vadzidzi vangu veBhaibheri kana kuti vandinodzokera kunoona vakaona zvandinosarudza kuzvivaraidza nazvo, vangafunga kuti ndinoita zvandinoparidza here?’ Kana tichiita zvatinodzidzisa vamwe kuti vaite, kashoma kuti tibatwe nemisungo yaSatani.​—1 Joh. 3:18.

Satani anoedza kutirwisa zvakananga achishandisa kurambidzwa nehurumende, miedzo inobva kune vekuchikoro uye kupikiswa nevemumhuri (Ona ndima 14)

14. Satani angaedza sei kutirwisa zvakananga, uye tingaramba sei takasimba?

14 Satani anoedzawo kutirwisa zvakananga kuti tisavimbika kuna Jehovha. Semuenzaniso, anogona kuita kuti hurumende dzitirambidze kuita basa redu rekuparidza. Kana kuti anogona kuita kuti vatinoshanda navo kana vatinodzidza navo vatinyombe pamusana pekuti tine chido chekurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. (1 Pet. 4:4) Anogonawo kuita kuti veukama vanenge vachifunga kuti vari kuita zvakanaka vaedze kutitadzisa kupinda misangano. (Mat. 10:36) Tingaramba sei takasimba? Chekutanga, tinofanira kutarisira kurwiswa saizvozvo nekuti Satani ari muhondo nesu. (Zvak. 2:10; 12:17) Chechipiri, tinofanira kuyeuka kuti nyaya hombe ndeyekuti Satani anotaura kuti tinongoshumira Jehovha pazvinenge zviri nyore kwatiri. Anoti kana tikaomeserwa tinosiya Mwari. (Job. 1:9-11; 2:4, 5) Chechitatu, tinofanira kugara tichikumbira Jehovha kuti atipe simba. Yeuka kuti haambofi akatisiya.​—VaH. 13:5.

SIMBA RASATANI RINOGUMIRA PAPI?

15. Satani anogona here kutimanikidza kuita zvatisingadi? Tsanangura.

15 Satani haagoni kumanikidza vanhu kuti vaite zvavasingadi. (Jak. 1:14) Vakawanda vari munyika havatombozivi kuti vari kudivi raSatani. Asi munhu paanodzidza chokwadi anofanira kusarudza kuti oshumira ani. (Mab. 3:17; 17:30) Kana takatsunga kuita kuda kwaMwari, hapana chingaitwa naSatani kuti atitadzise kuvimbika kuna Mwari.​—Job. 2:3; 27:5.

16, 17. (a) Ndezvipi zvimwe zvisingagoni kuitwa naSatani nemadhimoni? (b) Nei tisingafaniri kutya kunyengetera zvinonzwika kuna Jehovha?

16 Satani nemadhimoni vane zvimwe zvavasingakwanisi kuita. Semuenzaniso, Magwaro haana paanoratidza kuti vanogona kuziva zviri mupfungwa kana mumwoyo memunhu. Jehovha naJesu ndivo chete vanogona kuita izvozvo. (1 Sam. 16:7; Mako 2:8) Zvakadini nekutaura kana kunyengetera zvinonzwika? Tinofanira here kutya kuti Dhiyabhorosi kana madhimoni vanganzwa minyengetero yedu voshandisa mashoko edu kuti vatirwise? Mhinduro ndeyekuti kwete. Nei zvakadaro? Hatityi kuita mabasa akanaka pakushumira Jehovha nemhaka yekungoti Dhiyabhorosi angationa. Saizvozvowo hatifaniri kutya kunyengetera zvinonzwika nemhaka yekungoti Dhiyabhorosi angatinzwa. Bhaibheri rinotova nemienzaniso yakawanda yevashumiri vaJehovha vakanyengetera zvinonzwika, uye hapana chinoratidza kuti vaitya kuti Dhiyabhorosi angavanzwa. (1 Madz. 8:22, 23; Joh. 11:41, 42; Mab. 4:23, 24) Kana tikaita zvese zvatinogona kuti titaure uye tiite maererano nekuda kwaMwari, tinogona kuva nechivimbo chekuti hapana zvingaitwa naDhiyabhorosi zvisingagoni kugadziriswa naJehovha.​—Verenga Pisarema 34:7.

17 Tinofanira kuziva muvengi wedu, asi hatifaniri kumutya. Kunyange vanhu vane chivi vanogona kukunda Satani vachibatsirwa naJehovha. (1 Joh. 2:14) Kana tikamurwisa, achatitiza. (Jak. 4:7; 1 Pet. 5:9) Zvinoita sekuti Satani anonyanya kuti nangananga nevechidiki. Chii chavangaita kuti varwise Dhiyabhorosi? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

^ ndima 2 Bhaibheri rinotaura mazita edzimwe ngirozi. (Vat. 13:18; Dhan. 8:16; Ruka 1:19; Zvak. 12:7) Sezvo Jehovha akapa nyeredzi imwe neimwe zita, zvine musoro kuti titi ngirozi dzake dzese, kusanganisira iya yakazova Satani, dzine mazita.

^ ndima 3 Zita rekuti Satani rinotaurwa ka18 chete muMagwaro echiHebheru asi ka27 muMagwaro echiKristu echiGiriki.