Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gungano remuNyzhnya Apsha, muUkraine, 2012

Goho Guru!

Goho Guru!

JESU akagara ataura kuti vateveri vake vaizova negoho rakakura munguva ino yemugumo. (Mat. 9:37; 24:14) Ona kuti mashoko ake akazadzika sei zvinoshamisa mune imwe nharaunda yeTranscarpathia, muUkraine. Mumataundi matatu chete ari pedyo nepedyo munzvimbo iyoyo, mune ungano 50 uye vaparidzi vanopfuura 5 400. * Pavanhu vese vari mumataundi aya, munhu mumwe chete pavanhu vana vega vega Chapupu chaJehovha.

Vanhu vari mundima iyi vakaita sei? “Vanhu vekuno vanoremekedza Bhaibheri, vanokoshesa kuti vanhu vabatwe zvakanaka, vane mhuri dzakanyatsobatana uye vanoedza nemwoyo wese kubatsirana,” inodaro imwe hama inogara ikoko inonzi Vasile. Inowedzera kuti: “Hapasi pese pavanobvumirana nezvatinotenda. Asi paunovaratidza chimwe chinhu kubva muBhaibheri, vanonyatsoteerera.”

Ichokwadi kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinova nematambudziko asingawanzosangani nevamwe padzinoparidza munharaunda ine vaparidzi vakawanda kudaro. Semuenzaniso, imwe ungano ine vaparidzi 134 asi ndima yayo inongova nedzimba 50 chete! Vaparidzi vanoita sei pakadaro?

Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinozvipira kunoparidza munzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda. “Muparidzi mumwe chete anongova nedzimba mbiri dzekuparidzira,” inodaro hama inonzi Ionash yava nemakore 90. “Ndinoparidza mumusha wandinogara. Ndaimboendawo kunoparidza kundima isina ungano iri kure nemakiromita 160, uko kwandaiparidza mumutauro wechiHungarian asi mazuva ano utano hwangu hauchandibvumiri kuita izvozvo.” Vaparidzi vanofanira kuzvipira kuti vabatsire kune dzimwe ndima. Ionash anoti, “Kuti ndibate chitima, ndaimuka na4:00 dzemangwanani uye ndaiparidza kusvika na6:00 dzemanheru chitima pachainge chava kudzoka kumba. Ndaiita izvozvo kaviri kana katatu pavhiki.” Anoona sekuti akashandira zviripo here? Anoti, “Ndakawana mufaro wakakura pakuita ushumiri ihwohwo. Ndakabatsira imwe mhuri yaigara munzvimbo isina Zvapupu kuti idzidze chokwadi.”

Zvinonzwisisika kuti haasi munhu wese ari muungano dzemunharaunda iyi anokwanisa kuenda kunzvimbo dziri kure. Asi munhu wese, kusanganisira vaparidzi vakura, anoedza kunyatsoshanda ndima yeungano yavo. Nemhaka yaizvozvo, muna 2017, nhamba yevanhu vakapinda Chirangaridzo mumataundi matatu aya yakapeta nhamba yevaparidzi nekanenge kaviri, kureva hafu yevanhu vese vari mumataundi aya. Pasina mubvunzo, chero kwatingashumira tiri, kuchiine “zvizhinji zvokuita mubasa raShe.”​—1 VaK. 15:58.

^ ndima 2 Mazita emataundi acho anoti, Hlybokyy Potik, Serednye Vodyane, uye Nyzhnya Apsha.