Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hana Yako Ngaidzidziswe Nemitemo yaMwari Nechokwadi Chisingachinji

Hana Yako Ngaidzidziswe Nemitemo yaMwari Nechokwadi Chisingachinji

“Ndinofungisisa zviyeuchidzo zvenyu.”​—PIS. 119:99.

NZIYO: 127, 88

1. Chii chinoita kuti vanhu vakoshe kupfuura mhuka?

CHIMWE chinhu chinoita kuti vanhu vakoshe kupfuura mhuka ndechekuti vakapiwa hana. Ndizvo zvazvagara zviri kubvira pakasikwa vanhu panyika. Adhamu naEvha pavakatyora mutemo waJehovha, vakabva vahwanda. Izvi zvinoratidza kuti hana yavo yaivanetsa.

2. Hana yedu ingafananidzwa sei nekambasi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

2 Vaya vane hana isina kunyatsodzidziswa vanogona kufananidzwa nengarava iri kufamba iine kambasi isinganyatsoshandi. Kutanga rwendo pasina kambasi inoshanda zvakanaka kunogona kuva nengozi. Mhepo nemafungu egungwa zvinogona kuendesa ngarava kusiri iko. Kambasi inoshanda zvakanaka inogona kubatsira mutyairi kuti aite kuti ngarava inange kwainofanira kuenda. Hana yedu inogona kufananidzwa nekambasi. Inotiudza zvakanaka nezvisina ichititungamirira kuita zvakarurama. Asi kuti hana yedu ititungamirire zvakanaka inofanira kunyatsodzidziswa.

3. Chii chinogona kuitika kana hana isina kunyatsodzidziswa?

3 Kana hana yemunhu isina kunyatsodzidziswa, haimurambidzi kuita zvakaipa. (1 Tim. 4:1, 2) Hana yakadaro ingatotiudza kuti “zvakaipa zvakanaka.” (Isa. 5:20) Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Awa iri kuuya apo munhu wose anokuurayai achafunga kuti aitira Mwari basa dzvene.” (Joh. 16:2) Ndizvo zvakaitwa nevaya vakaponda mudzidzi Stefani, uye ndizvo zviri kuitwa nevamwe vakaita saivo. (Mab. 6:8, 12; 7:54-60) Asi pavanopara mhosva dzakadai sekuponda, vezvitendero vanenge vachityora mitemo yeUya wavanoti vanonamata. (Eks. 20:13) Zviri pachena kuti hana dzavo hadzivatungamiriri zvakanaka.

4. Tingaitei kuti tive nechokwadi chekuti hana yedu inoramba ichishanda zvakanaka?

4 Tingava sei nechokwadi chekuti hana yedu inoramba ichishanda zvakanaka? Mitemo nechokwadi chisingachinji zviri muShoko raMwari ‘zvinobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.’ (2 Tim. 3:16) Saka nekudzidza Bhaibheri, kufungisisa zvarinotaura uye kurishandisa muupenyu hwedu, tinodzidzisa hana yedu kuti izive mafungiro aMwari yobva yatitungamirira zvakanaka. Ngationei kuti mitemo yaMwari nechokwadi chisingachinji zvingatibatsira sei kuti tidzidzise hana yedu.

MITEMO YAMWARI NGAIKUDZIDZISE

5, 6. Tinobatsirwa sei nekuteerera mitemo yaMwari?

5 Kuti tibatsirwe nemitemo yaMwari, tinofanira kuita zvinopfuura kungoiverenga kana kuiziva. Tinofanira kuida uye kuiremekedza. Shoko raMwari rinoti: “Vengai zvakaipa, mude zvakanaka.” (Amo. 5:15) Izvozvo tinozviita sei? Tinofanira kuona zvinhu semaonero anoita Jehovha. Tingazvienzanisa neizvi: Ngatitii uri kutadza kurara zvakanaka. Chiremba wako anobva akuudza kuti udye zvekudya zvine utano, uwedzere kuita maekisesaizi uye kuti uchinje zvimwe zvinhu muupenyu hwako. Paunozviedza unoona kuti zvinoshanda. Unogona kuonga chiremba wako nekukubatsira kuvandudza upenyu hwako.

6 Saizvozvowo, Musiki wedu akatipa mitemo inogona kutidzivirira kuti tisakuvadzwa nechivi uye izvi zvinoita kuti upenyu hwedu huvandudzike. Funga nezvekubatsirwa kwatinoitwa nemitemo yeBhaibheri inotaura kuti hatifaniri kunyepa, kunyengera, kuba, kuita unzenza, kuita mhirizhonga uye kuita zvemidzimu. (Verenga Zvirevo 6:16-19; Zvak. 21:8) Patinowana mibayiro inobva pakuita zvinhu maererano nezvinodiwa naJehovha, tinowedzera kuda uye kukoshesa Jehovha nemitemo yake.

7. Kuverenga uye kufungisisa zvinhu chaizvo zvakaitika zviri muBhaibheri kunotibatsira kuitei?

7 Hatifaniri hedu kutanga tatambura nemarwadzo anokonzerwa nekutyora mitemo yaMwari kuti tiwane zvidzidzo zvinokosha. Tinogona kudzidza pazvikanganiso zvevamwe zvakanyorwa muShoko raMwari. Zvirevo 1:5 inoti: “Munhu akachenjera achateerera owana mumwe murayiridzo.” Tinowana mirayiridzo yakanaka kupfuura mimwe yese kubva kuna Mwari patinoverenga nekufungisisa zvinhu chaizvo zvakaitika zviri muBhaibheri. Semuenzaniso, funga nezvekurwadziwa kwakaita Mambo Dhavhidhi paasina kuteerera murayiro waJehovha ndokuita upombwe naBhatishebha. (2 Sam. 12:7-14) Patinenge tichiverenga nekufungisisa nyaya iyi, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Dhavhidhi angadai akanzvenga sei matambudziko aya? Kana ndikasangana nemuedzo wakadaro, ndichava nesimba rekuutiza here? Ndichatiza sezvakaita Josefa here, kana kuti ndichaita unzenza sezvakaita Dhavhidhi?’ (Gen. 39:11-15) Kana tikafungisisa nezvemarwadzo anokonzerwa nekuita chivi, tinogona kusimbisa mwoyo yedu kuti ‘ivenge zvakaipa.’

8, 9. (a) Hana yedu inotibatsira kuitei? (b) Hana yedu inoshanda sei pamwe chete nechokwadi chaJehovha chisingachinji?

8 Tinogona kutambira kure nezvinhu zvinovengwa naMwari. Asi pane zvimwe zvatinoita zvisina mutemo unotaura nezvazvo muBhaibheri. Pakadaro tingaziva sei zvinogamuchirika kuna Mwari uye zvinomufadza? Ipapo ndipo panoshanda hana yedu yakadzidziswa neBhaibheri.

9 Nerudo rwake, Jehovha akatipa chokwadi chisingachinji chinotungamirira hana yedu. Iye pachake akati: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isa. 48:17, 18) Patinofungisisa nezvechokwadi chisingachinji cheBhaibheri toita kuti chisvike mumwoyo medu, tinogona kugadzirisa hana yedu. Izvozvo zvinobva zvatibatsira kuita zvisarudzo zvine uchenjeri.

TUNGAMIRIRWA NECHOKWADI CHISINGACHINJI CHAMWARI

10. Jesu akashandisa sei chokwadi chisingachinji pakudzidzisa kwake?

10 Chokwadi chisingachinji chinotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka. Kunzwisisa chokwadi chisingachinji kunosanganisira kunzwisisa mafungiro aJehovha uye chikonzero chakaita kuti atipe mitemo. Paaiita ushumiri hwake, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake chokwadi chisingachinji chakavabatsira kunzwisisa kuti zvinofungwa nemunhu uye zvaanoita zvine migumisiro yazvo. Semuenzaniso, akadzidzisa kuti kutsamwira munhu kunogona kuguma nekumurwisa uye kuti chido chebonde chakanyanyisa chinogona kuguma nekuita upombwe. (Mat. 5:21, 22, 27, 28) Kuti tibatsirwe kuva nehana yakanyatsodzidziswa, tinofanira kutungamirirwa nechokwadi chisingachinji chaMwari, zvoita kuti iye akudzwe.​—1 VaK. 10:31.

MuKristu akakura pakunamata anofungawo hana dzevamwe (Ona ndima 11, 12)

11. Hana dzingasiyana sei?

11 Pane dzimwe nyaya, vaKristu vaviri vane hana dzakadzidziswa neBhaibheri vanogona kuita zvisarudzo zvakasiyana. Funga nezvekunwa doro. Bhabheri harirambidzi kunwa doro zvine mwero. Asi rinoyambira nezvekunyanyonwisa doro uyewo kudhakwa. (Zvir. 20:1; 1 Tim. 3:8) Izvi zvinoreva here kuti muKristu haana zvimwe zvekufunga nezvazvo chero bedzi achinwa doro zvine mwero? Kwete. Kunyange zvazvo hana yake ingasamunetsa, muKristu anofanirawo kufunga nezvehana dzevamwe.

12. Mashoko ari pana VaRoma 14:21 anotibatsira sei kuti tiremekedze hana dzevamwe?

12 Panyaya yekuti vaKristu vafunge nezvehana dzevamwe, Pauro akanyora kuti: “Zvakanaka kurega kudya nyama kana kunwa waini kana kuti kuita chimwe chinhu chinogumbura hama yako.” (VaR. 14:21) Uchada here kurega zvinhu zvauine kodzero yekuita kana zvichigumbura hama ine hana yakasiyana neyako? Hapana mubvunzo kuti uchadaro. Vasati vasvika pakuziva chokwadi, vamwe vaKristu vaimbodhakwa, asi iye zvino havachatombodi kana kubata doro. Chokwadi hapana mumwe wedu angada kuita kuti hama idzokere pakuita zvinhu zvinoikuvadza. (1 VaK. 6:9, 10) Saka kungasava kuratidza rudo kuti muKristu aise hama yaakoka pamuedzo wekunwa doro kana iyo yaramba.

13. Timoti akaratidza sei muenzaniso pakutsigira zvinhu zvine chekuita neUmambo?

13 Paakanga ava kuda kusvika makore 20 kana kuti ati pfuurei, Timoti akabvuma kuchecheudzwa kunyange zvazvo zvairwadza kuitira kuti asagumbura vaJudha vaaizoparidzira. Mafungiro ake ainge akafanana neemuapostora Pauro. (Mab. 16:3; 1 VaK. 9:19-23) Sezvakaitwa naTimoti, une chido here chekuzvipira kuti ubatsire vamwe?

“NGATISHANDEI NESIMBA KUTI TIVE VAKURU”

14, 15. (a) Zvii zvinobatanidzwa kuti tisvike pakuva vakuru? (b) Kuratidza rudo kwakabatana papi nekukura kwemuKristu pakunamata?

14 VaKristu vese vanofanira ‘kusiya dzidziso yekutanga pamusoro paKristu voshanda nesimba kuti vave vakuru.’ (VaH. 6:1) Izvi hazvingoitiki zvega. Tinofanira ‘kushanda nesimba.’ Kukura kunosanganisira kuwedzera zivo nenzwisiso. Ndosaka tichigara tichikurudzirwa kuverenga Bhaibheri zuva rega rega. (Pis. 1:1-3) Une chinangwa ichocho here? Kuriverenga zuva rega rega kunoita kuti uwedzere kunzwisisa mitemo yaJehovha nechokwadi chisingachinji uyewo kunoita kuti uwedzere kunzwisisa Shoko raMwari.

15 Mutemo werudo ndiwo unonyanya kukosha kuvaKristu. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:35) Jakobho munin’ina waJesu akati rudo “mutemo wamambo.” (Jak. 2:8) Pauro akati: “rudo kuzadzika kwomutemo.” (VaR. 13:10) Hazvishamisi kuti rudo runokosha zvakadaro nekuti Bhaibheri rinoti “Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8) Kuna Mwari, rudo runopfuura kungova nemanzwiro. Johani akanyora kuti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa pachena kwatiri, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake munyika, iye akaberekwa ari mumwe oga, kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye.” (1 Joh. 4:9) Mwari anoratidza rudo rwake nemabasa. Patinoratidza kuti tinoda Jehovha, Jesu, hama dzedu uye vamwe vanhu, tinopa uchapupu hwekuti tiri vaKristu vakakura pakunamata.​—Mat. 22:37-39.

Patinofunga maererano nechokwadi cheBhaibheri chisingachinji, hana yedu inowedzera kutitungamirira zvakanaka (Ona ndima 16)

16. Patinova vaKristu vakakura pakunamata, nei chokwadi chisingachinji chichiwedzera kukosha kwatiri?

16 Paunova muKristu akakura pakunamata, uchaona kuti uchawedzera kukoshesa chokwadi chisingachinji. Izvi zvakadaro nekuti mitemo inowanzoshanda pazvinhu zvinenge zvichitaurwa mumitemo yacho chete, asi chokwadi chisingachinji chinoshanda mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Semuenzaniso, mwana mudiki haanzwisisi zvakaipira kushamwaridzana nevanhu vakaipa, saka mubereki akachenjera achamupa mitemo kuti amudzivirire. (1 VaK. 15:33) Asi mwana wacho paanokura, anodzidza kufunga maererano nechokwadi chisingachinji. Saka chichamubatsira kusarudza shamwari dzakanaka. (Verenga 1 VaKorinde 13:11; 14:20.) Patinofunga maererano nechokwadi cheBhaibheri chisingachinji, hana yedu inowedzera kutitungamirira zvakanaka, ichitiudza mafungiro aMwari.

17. Nei tingati tine zvinodiwa kuti tiite zvisarudzo zvekuchenjera?

17 Tine zvese zvinodiwa here kuti tiite zvisarudzo zvekuchenjera zvinofadza Jehovha? Hongu. Kana tikanyatsoshandisa mitemo nechokwadi chisingachinji zvinowanikwa muShoko raMwari, tichava ‘vakashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’ (2 Tim. 3:16, 17) Saka tsvaga chokwadi chisingachinji chiri muMagwaro kuitira kuti ‘unzwisise kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi.’ (VaEf. 5:17) Shandisa zvinhu zvinobatsira pakudzidza Bhaibheri zvatinopiwa neungano yechiKristu, zvakadai seWatch Tower Publications Index, Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza, Raibhurari yeWatchtower, RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower uye JW LibraryZvinhu izvi zvakagadzirwa kuti tinyatsobatsirwa nekudzidza tiri tega uye semhuri.

HANA YAKADZIDZISWA NEBHAIBHERI INOITA KUTI TIKOMBORERWE

18. Tinokomborerwa sei patinoita zvinhu maererano nemitemo yaJehovha uye chokwadi chisingachinji?

18 Upenyu hwedu hunovandudzika patinoteerera mitemo yaJehovha uye chokwadi chake chisingachinji sezvatinoverenga pana Pisarema 119:97-100 kuti: “Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Murayiro wenyu unoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti ndowangu nokusingagumi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose, nokuti ndinofungisisa zviyeuchidzo zvenyu. Ndinonzwisisa kupfuura varume vakuru, nokuti ndakachengeta mirayiro yenyu.” Tinowedzera kuva neuchenjeri uye nzwisiso kana tikazvipa nguva ‘yekufungisisa’ mitemo yaMwari nechokwadi chake chisingachinji. Kana tikashanda nesimba tinogona kusvika ‘pakuva nemwero wekukura kwakazara kwaKristu’ hana yedu zvainodzidziswa nemitemo yaMwari nechokwadi chisingachinji.​—VaEf. 4:13.