Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kutsvaga Kuzivikanwa Naani?

Uri Kutsvaga Kuzivikanwa Naani?

“Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”​—VAH. 6:10.

NZIYO: 39, 30

1. Tese zvedu tinodei uye izvozvo zvinosanganisirei?

UNONZWA sei kana munhu waunoziva uye waunoremekedza akakanganwa zita rako kana kuti akatadza kukuziva? Izvozvo zvinogona kukuodza mwoyo chaizvo. Nei zvichidaro? Nekuti mumwe nemumwe wedu anoda kuzivikanwa. Kuzivikanwa kwatinoda kunopfuura kungozivikanwa nevamwe nemazita; tinodawo kuzivikanwa kuti tisu vanaani uye kuti zvii zvatakaitawo.​—Num. 11:16; Job. 31:6.

2, 3. Kuda kukosheswa nevamwe kunogona sei kunyanyisa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

2 Asi sezvakangoita zvimwe zvinhu zvatinoda, kuda kukosheswa kunogona kunyanyisa nemhaka yechivi chatiinacho. Kunogona kuita kuti tinyanyise kuda kurumbidzwa nevamwe. Nyika yaSatani inoita kuti tide kuva vanhu vane mukurumbira uye vanokosha. Izvi zvinoita kuti tibvise pfungwa pana Baba vedu vekudenga Jehovha, avo vakakodzera kuzivikanwa uye kunamatwa.​—Zvak. 4:11.

3 Panguva yaJesu, vamwe vatungamiriri vezvitendero vainyanya kuda kuzivikanwa. Jesu akayambira vateveri vake achiti: “Chenjererai vanyori vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, vanoda kukwaziswa mumisika uye vanoda zvigaro zvepamberi mumasinagogi nenzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru.” Akaenderera mberi achiti: “Ivava vachatongwa kwazvo.” (Ruka 20:46, 47) Kusiyana naizvozvo Jesu akarumbidza imwe chirikadzi yaiva murombo yakapa chipo chidiki chingangodaro chisina kuzivikanwa nevamwe. (Ruka 21:1-4) Zviri pachena kuti maonero aiita Jesu nyaya yekuzivikanwa ainge akasiyana chaizvo neevamwe. Nyaya ino ichatibatsira kuramba tiine maonero akanaka anodiwa naJehovha Mwari.

NDEKUPI KUZIVIKANWA KUNONYANYA KUKOSHA?

4. Ndekupi kuzivikanwa kunonyanya kukosha, uye nei zvakadaro?

4 Saka ndekupi kuzivikanwa kunonyanya kukosha kwatingada kushandira? Hakusi kuda kuonekwa kunotsvagwa nevanhu vakawanda pavanoita dzidzo yepamusoro, pavanoita zvemabhizinesi uye pavanoita zvekuvaraidza vanhu. Asi kuzivikanwa kwatinoda ndekuya kwakataurwa naPauro paakati: “Zvino zvamakasvika pakuziva Mwari, kana kuti zvino zvamakasvika pakuzivikanwa naMwari, sei mava kudzokerazve kuzvinhu zvokutanga zvisina simba nezvisina basa, muchidazve kuva varanda vazvo?” (VaG. 4:9) Iyi iropafadzo yakakura chaizvo yekusvika “pakuzivikanwa naMwari,” Mutongi wezvinhu zvese. Anoda kuva neushamwari hwepedyo nesu. Mumwe muongorori weBhaibheri akati Mwari “anobva atanga kutitarisa achitifarira.” Kana Jehovha akationa seshamwari dzake, tinenge tazadzisa chinangwa chatakasikirwa.​—Mup. 12:13, 14.

5. Tingaitei kuti tizivikanwe naMwari?

5 Mosesi aizivikanwa saizvozvo. Paakateterera kuna Jehovha kuti amubatsire kuziva nzira dzake, Jehovha akapindura achiti: “Ndichaitawo chinhu ichi chawataura nezvacho, nokuti ndakunzwira nyasha uye ndinokuziva nezita rako.” (Eks. 33:12-17) Isuwo tinogona kuwana makomborero akakura Jehovha paanosvika pakutiziva semunhu mumwe nemumwe. Asi tingaitei kuti tizivikanwe naJehovha? Izvozvo zvinoitika kana tikamuda uye tikazvitsaurira kwaari.​—Verenga 1 VaKorinde 8:3.

6, 7. Chii chinogona kuita kuti tirasikirwe neushamwari hwedu naJehovha?

6 Tinofanirawo kuramba tiine ushamwari hwakanaka naBaba vedu vekudenga. Sezvaifanira kuitwa nevaKristu vaiva muGaratiya vakanyorerwa tsamba naPauro, isuwo tinofanira kudzivisa kuva varanda ‘vezvinhu zvekutanga zvisina simba nezvisina basa’ zvenyika ino, kusanganisira kutsvaga kurumbidzwa nayo. (VaG. 4:9) VaKristu ivavo vakanga vafambira mberi kusvika pakuzivikanwa naMwari. Asi Pauro akati vakanga vava “kudzokerazve” kuzvinhu zvisingabatsiri. Pauro aitoti: “Zvamabva kwese uku, nei muri kudzokera kuzvinhu zveupenzi zvisingakoshi zvamakasiya?”

7 Izvi zvingaitikawo here kwatiri? Zvinogona kuitika. Kufanana naPauro, patakatanga kuziva chokwadi, tinogona kunge takarega zvinhu zvaiita kuti tikurumbire munyika yaSatani. (Verenga VaFiripi 3:7, 8.) Zvimwe takasiya mikana yekuwana dzidzo yepamusoro, kana kuti takaramba kukwidziridzwa pabasa kana kuramba mikana yekuwana mari yakawanda. Zvipo zvedu zvekuridza mimhanzi kana unyanzvi hwekuita zvemitambo zvingadai zvakaita kuti tive nemukurumbira kana kuti upfumi, asi takasiya zvese izvozvo. (VaH. 11:24-27) Tinenge tichiratidza kuti hatina kuchenjera kana tikaona sekuti zvisarudzo zvakanaka zvatakaita kwaiva kutambisa mikana. Kuva nemafungiro akadaro kunogona kuita kuti titange kutsvaga zvinhu zvenyika ino zvatakatoona kuti ‘hazvina simba uye hazvina basa.’ *

SIMBISA CHIDO CHAKO

8. Chii chichasimbisa chido chedu chekutsvaga kuzivikanwa naJehovha?

8 Tingasimbisa sei chido chedu chekutsvaga kuzivikanwa naJehovha kwete nenyika? Kuti tiite izvozvo tinofanira kuyeuka zvinhu zviviri zvinokosha. Chekutanga, nguva dzese Jehovha anoratidza kuti anoziva vaya vanomushumira vakatendeka. (Verenga VaHebheru 6:10; 11:6) Anokoshesa chaizvo mushumiri wake mumwe nemumwe, uye anoona ‘zvisina kururama’ kuti akanganwe vaya vakatendeka kwaari. Nguva dzese, Jehovha “anoziva vaya vari vake.” (2 Tim. 2:19) “Anoziva nzira yevakarurama” uye anoziva nzira yekuvanunura nayo mumiedzo.​—Pis. 1:6; 2 Pet. 2:9.

9. Taura mienzaniso yezvakaitwa naJehovha achiratidza kuti anokoshesa vanhu vake.

9 Dzimwe nguva Jehovha akaratidza kuti anokoshesa vanhu vake achizviita nenzira inokanga mate mukanwa. (2 Mak. 20:20, 29) Semuenzaniso, ngationei zvakaitwa naJehovha paakanunura vanhu vake paGungwa Dzvuku pavaiteverwa neuto raFarao raiva nesimba. (Eks. 14:21-30; Pis. 106:9-11) Zvakaitika ipapo zvaishamisa zvekuti kunyange pakapera makore 40 vanhu vemunharaunda iyoyo vakanga vachiri kutaura nezvazvo. (Josh. 2:9-11) Sezvo ticharwiswa naGogi weMagogi, zvinokurudzira chaizvo kuyeuka zvakaitwa naJehovha achiratidza rudo rwake nesimba rake. (Ezek. 38:8-12) Panguva iyoyo tichafara chaizvo kuti takatsvaga kuzivikanwa naMwari kwete nenyika.

10. Ichokwadi chipi chatinofanira kuramba tichiyeuka nezvaJehovha?

10 Tinofanirawo kuyeuka chinhu chechipiri chinokosha chekuti: Jehovha anogona kuratidza kuti anotiziva nenzira dzataisambotarisira. Vaya vanoita mabasa akanaka vachingoitira kuonekwa nevanhu havana kana mubayiro wavanowana kubva kuna Jehovha. Nemhaka yei? Vanenge vatowana mubayiro wavo wakakwana pavanorumbidzwa nevamwe. (Verenga Mateu 6:1-5.) Asi Jesu akati Baba vake ‘vanoona vari pakavanda’ vaya vanenge vasina kurumbidzwa pamusana pezvakanaka zvavanenge vaitira vamwe. Vanoona mabasa akadaro vopa mumwe nemumwe mubayiro wakakodzera. Asi dzimwe nguva Jehovha anotipa mibayiro nenzira isingatarisirwi. Ngationei mimwe mienzaniso.

MUKADZI WECHIDIKI AKADERERA ANOZIVIKANWA ASINGAZVITARISIRI

11. Jehovha akaratidza sei kuti aiziva Mariya?

11 Pakasvika nguva yekuti mwanakomana waMwari aberekwe pasi pano, Jehovha akasarudza mhandara yakaderera, Mariya, kuti ive amai vemwana uyu anokosha. Mariya aigara muguta diki rainzi Nazareta, kure neguta reJerusarema raiva netemberi yakanaka zvikuru. (Verenga Ruka 1:26-33.) Nei Mariya akapiwa ropafadzo iyi? Ngirozi Gabrieri yakamuudza kuti akanga ‘anzwirwa nyasha naMwari.’ Mariya akaratidza kuti aiva neushamwari hwepedyo naJehovha paakazotaura nehama yake Erizabheti. (Ruka 1:46-55) Jehovha aicherechedza zvaiitwa naMariya, uye akamupa ropafadzo iyi yaaisatarisira nekuti ainge akavimbika.

12, 13. Jehovha akaratidza sei kuti aiziva Jesu paakaberekwa uye paakaendeswa kutemberi papera mazuva 40?

12 Mariya paakazobereka Jesu, Jehovha haana kukudza chero ani zvake pavakuru vakuru kana kuti vatongi vemuJerusarema neBhetrehema vainge vakakurumbira nekuita kuti vazive zvakanga zvaitika. Akatuma ngirozi kuvafudzi vakaderera vaifudza makwai kumafuro aiva kunze kweJerusarema. (Ruka 2:8-14) Vafudzi ava vakabva vashanyira mwana ainge achangozvarwa. (Ruka 2:15-17) Mariya naJosefa vanofanira kunge vakashamiswa pavakaona Jesu achikudzwa zvakadaro. Ona kusiyana kwemaitiro aJehovha neaDhiyabhorosi. Satani paakatuma vazivi venyeredzi kuti vashanyire Jesu nevabereki vake, vanhu vese vaiva muJerusarema vakaziva nezvekuberekwa kwaJesu uye izvi zvakakonzera matambudziko. (Mat. 2:3) Zvakaita kuti vana vakawanda vainge vasina mhosva vaurayiwe.​—Mat. 2:16.

13 Pakapera mazuva 40 Jesu aberekwa, Mariya aifanira kupa chibayiro kuna Jehovha kutemberi yaiva muJerusarema, makiromita anenge 9 kubva kuBhetrehema. (Ruka 2:22-24) Mariya paaiva parwendo naJosefa naJesu, angangodaro aifunga kuti mupristi aishumira patemberi aizoita here chimwe chinhu chaizozivisa basa raizoitwa Jesu. Jesu akakudzwa, asi kwete sezvingave zvaitarisirwa naMariya. Kuti azivise nezvemwana uyu aizova Mesiya akavimbiswa, kana kuti Kristu, Jehovha akashandisa murume “akanga akarurama uye aitya Mwari” ainzi Simiyoni, pamwe chete neimwe chirikadzi yaiva nemakore 84 yaiva muprofitakadzi, yainzi Ana.​—Ruka 2:25-38.

14. Mariya akakomborerwa sei naJehovha?

14 Jehovha akaramba achiratidza here kuti aikoshesa Mariya nekuchengeta uye kurera kwaakaita Jesu? Hongu. Mwari akaita kuti zvakaitwa naMariya uye zvaakataura zvinyorwe muBhaibheri. Zvinoita sekuti Mariya aisakwanisa kufamba naJesu mumakore matatu nehafu aaiita ushumiri hwake. Zvichida Mariya aifanira kuramba achigara muNazareta sezvo aiva chirikadzi. Asi kunyange zvazvo asina kuwana ropafadzo dzakawanda, akakwanisa kuva naJesu panguva yaakafa. (Joh. 19:26) Pava paya Mariya aiva muJerusarema pamwe chete nevadzidzi vaJesu vasati vagamuchira mweya mutsvene paPendekosti. (Mab. 1:13, 14) Anogona kunge akazodzwa pamwe chete nevamwe vaivapo. Kana zvakadaro, zvinoreva kuti akapiwa mukana wekuva kudenga naJesu nekusingaperi. Uyu mubayiro wakazonaka wekushumira kwake akatendeka.

JEHOVHA AKARATIDZA KUTI AIZIVA MWANAKOMANA WAKE

15. Jesu paaiva panyika, Jehovha akaratidza sei kufarira Mwanakomana wake?

15 Jesu aisada kukudzwa nevatungamiriri vezvitendero uye vezvematongerwo enyika vepanguva yake. Asi anofanira kunge akakurudzirwa chaizvo Jehovha paakaratidza katatu kuti aimuziva nekutaura zvakananga ari kudenga. Jesu achangobva kubhabhatidzwa muRwizi rwaJodhani, Jehovha akati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mat. 3:17) Zviri pachena kuti Johani Mubhabhatidzi ndiye chete mumwe munhu akanzwa mashoko iwayo. Pachiine rinenge gore Jesu asati afa, vaapostora vake vatatu vakanzwa Jehovha achitaura nezvaJesu achiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira; muteererei.” (Mat. 17:5) Mazuva mashomanana Jesu asati afa, Jehovha akataurazve ari kudenga neMwanakomana wake.​—Joh. 12:28.

Unodzidzei kubva pakuratidza kwakaita Jehovha kuti aiziva Mwanakomana wake? (Ona ndima 15-17)

16, 17. Jehovha akakudza sei Jesu nenzira yaisatarisirwa?

16 Kunyange zvazvo Jesu aiziva kuti aizofa zvinonyadzisa, achipomerwa kuti aiva munhu anomhura, akanyengetera kuti kuda kwaJehovha kuitwe kwete kwake. (Mat. 26:39, 42) “Akatsungirira padanda rokutambudzikira . . . asina hanya nokunyadziswa,” asingatsvagi kuzivikanwa nenyika, asi naBaba vake chete. (VaH. 12:2) Jehovha akaratidza sei kuti aimuziva?

17 Paaiva panyika, Jesu akaratidza kuti aida kuvazve nekukudzwa kwaaiva nako kudenga aina Jehovha. (Joh. 17:5) Hapana chinoratidza kuti Jesu aitarisira zvinopfuura ipapo. Aisatarisira kuti pane kumwe kukwidziridzwa kwaaizoitwa ava kudenga. Asi Jehovha akaitei? Akakudza Jesu nenzira yaisatarisirwa paakamumutsa kuti ave ‘panzvimbo yepamusoro’ uye paakamupa upenyu hwemweya husingaparari hwakanga husina mumwe ainge ahupiwa kusvika panguva iyoyo. * (VaF. 2:9; 1 Tim. 6:16) Uyu waiva mubayiro unoshamisa wakapiwa Jesu nekuti ainge akavimbika.

18. Chii chichatibatsira kuti tisatsvaga kufarirwa nenyika ino?

18 Chii chichatibatsira kuti tisatsvaga kufarirwa nenyika ino? Ramba uchiyeuka kuti nguva dzese Jehovha anoratidza kuti anoziva vashumiri vake vakatendeka uye anowanzovapa mubayiro nenzira dzisingatarisirwi. Hapana anoziva makomborero ese atichawana mune ramangwana. Asi iye zvino, sezvatinotsungirira matambudziko nemiedzo yemunyika ino yakaipa, ngatigarei tichiyeuka kuti nyika ino pamwe chete nekuzivikanwa kungaitwa munhu nayo, zviri kupfuura. (1 Joh. 2:17) Jehovha, baba vedu vane rudo, “haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaH. 6:10) Jehovha acharatidza kuti anotifarira, zvichida nenzira dzatisingakwanisi kufungidzira pari zvino.

^ ndima 7 Mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri, shoko rakashandurwa kuti “zvisina basa” rinoshandurwawo kuti “zvisingabatsiri,” uye “zveurombo.”

^ ndima 17 Ichi chinogona kunge chaiva chikomborero chaisatarisirwa, sezvo upenyu husingaparari husingataurwi nezvahwo muMagwaro echiHebheru.