Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maziso Ako Akatarira Kupi?

Maziso Ako Akatarira Kupi?

“Ndakatarira kwamuri, Haiwa Imi munogara kumatenga.”—PIS. 123:1.

NZIYO: 143, 124

1, 2. Kuramba takatarira kuna Jehovha kunosanganisirei?

TIRI kurarama ‘munguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ uye upenyu huchatowedzera kuoma tisati tapinda munyika itsva uye rugare rwechokwadi rusati rwadzorerwa. (2 Tim. 3:1) Saka tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndakatarira kuna ani kuti andibatsire uye anditungamirire?’ Tingakurumidza kupindura kuti, “Kuna Jehovha,” uye ndiyo mhinduro yakanakisisa.

2 Kutarira kuna Jehovha kunosanganisirei? Uye tingava sei nechokwadi chekuti maziso edu anoramba akatarira kwaari sezvatinosangana nematambudziko akakura muupenyu? Makore akawanda akapfuura, mumwe munyori wemapisarema akaratidza kuti tinofanira kutarira kuna Jehovha kuti atibatsire patinenge takaomerwa. (Verenga Pisarema 123:1-4.) Akafananidza kutarira kwatinoita kuna Jehovha nezvinoita mushandi anotarira kuna tenzi wake. Munyori uyu airevei? Mushandi haangotariri kuna tenzi wake kuti awane zvekudya uye adzivirirwe asi anoramba achitarira kwaari kuti anzwisise zvinofarirwa natenzi wake obva azviita. Saizvozvowo, zuva rimwe nerimwe tinofanira kutsvaga muShoko raMwari kuti tizive zvinodiwa naJehovha tobva tazviita. Kuita izvozvo ndiko kuchaita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha achatibatsira panguva dzakaoma.​—VaEf. 5:17.

3. Chii chingatitadzisa kuramba takatarira kuna Jehovha?

3 Kunyange zvazvo tichiziva kuti kuramba takatarira kuna Jehovha kunokosha, dzimwe nguva tinogona kutsauswa. Ndizvo chaizvo zvakaitika kuna Marita, shamwari yaJesu yepedyo. “Akatsauswa nokuita mabasa mazhinji.” (Ruka 10:40-42) Kana izvozvo zvakamboitika kune munhu ainge akatendeka aiva naJesu, hazvitishamisi kana zvikaitikawo kwatiri. Saka chii chingatitsausa kuti tisaramba takatarira kuna Jehovha? Munyaya ino tichaongorora kuti zvinoitwa nevamwe zvinogona sei kutitsausa. Tichadzidzawo kuti tingaramba sei takatarira kuna Jehovha.

MURUME AKATENDEKA ANORASIKIRWA NEROPAFADZO

4. Nei tingashamisika kuti Mosesi akarasikirwa neropafadzo yekupinda muNyika Yakapikirwa?

4 Mosesi aitarira kuna Jehovha kuti amutungamirire. “Akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (Verenga VaHebheru 11:24-27.) Bhaibheri rinotiudza kuti “pakati paIsraeri hapana kuzomukazve mumwe muprofita akaita saMosesi, aizivikanwa naJehovha chiso nechiso.” (Dheut. 34:10) Asi kunyange zvazvo Mosesi aiva neushamwari hwepedyo naJehovha, akarasikirwa neropafadzo yekupinda muNyika Yakapikirwa. (Num. 20:12) Chii chakaita kuti Mosesi akanganise?

5-7. Idambudziko ripi rakamuka vaIsraeri vachangobuda muIjipiti, uye Mosesi akarigadzirisa sei?

5 Papera mwedzi miviri kubva pakabuda vaIsraeri muIjipiti, pane dambudziko rakakura rakamuka vasati vatombosvika paGomo reSinai. Vanhu vakatanga kunyunyuta pamusana pekushayikwa kwemvura. Vakatanga kunyunyutira Mosesi, uye zvinhu zvakawedzera kuoma zvekuti Mosesi akachema kuna Jehovha achiti: “Ndoita sei nevanhu ava? Munguva pfupi vachanditema nematombo!” (Eks. 17:4) Jehovha akapa Mosesi mirayiridzo yakajeka. Mosesi paaiva muHorebhi aifanira kutora tsvimbo yake orova dombo, uye mvura yaizobuda padombo racho. Bhaibheri rinoti: “Mosesi akazoita saizvozvo varume vakuru vaIsraeri vakatarira.” VaIsraeri vakawana mvura yekunwa yakawanda, uye dambudziko racho rakabva rapera.​—Eks. 17:5, 6.

6 Bhaibheri rinoenderera mberi richitiudza kuti Mosesi “akatumidza nzvimbo yacho kuti Masa uye Meribha, nemhosva yokupopota kwevanakomana vaIsraeri, uye nokuedza kwavo Jehovha, vachiti: ‘Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?’” (Eks. 17:7) Mazita iwayo ainge akakodzera nekuti anoreva “Kuedza” uye “Kupopota.”

7 Jehovha akanzwa sei nezvakaitika paMeribha? Akaona zvakaitwa nevaIsraeri sekumupandukira kwete kungopandukira Mosesi chete. (Verenga Pisarema 95:8, 9.) Zvaiva pachena kuti zvakaitwa nevaIsraeri zvakanga zvisina kururama. Izvi pazvakaitika, Mosesi akaita zvakanaka, akatarira kuna Jehovha uye akabva anyatsotevedzera zvaakaudzwa.

8. Idambudziko ripi rakamuka pakapera makore 40 erwendo rwemurenje?

8 Asi chii chakazoitika pakamuka dambudziko rakafanana nairoro pakapera makore 40, vaIsraeri vava kuda kutopedza rwendo rwemurenje? VaIsraeri vakasvika panzvimbo yakazopiwa zita rekuti Meribha. Asi iyi yaiva imwe nzvimbo yaiva pedyo neKadheshi, pedyo nemuganhu weNyika Yakapikirwa. * VaIsraeri vakanyunyuta zvakare nenyaya yekushayikwa kwemvura. (Num. 20:1-5) Asi panguva iyi Mosesi akaita chikanganiso chakakura.

9. Mosesi akapiwa mirayiridzo ipi, asi iye akaitei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

9 Mosesi akaita sei vanhu pavakapanduka? Akatarirazve kuna Jehovha kuti amutungamirire. Asi panguva ino Jehovha haana kumuudza kuti arove dombo. Mosesi akaudzwa kuti atore tsvimbo yake, ounganidza vanhu pamberi pedombo, otaura nedombo racho. (Num. 20:6-8) Asi Mosesi haana kutaura nedombo racho. Panzvimbo pezvo akabudisa hasha dzake nekupopotera vanhu vakanga vakaungana ipapo achiti: “Chinzwai, zvino, imi vapanduki! Tikubudisirei mvura inobva paibwe iri here?” Akabva arova dombo racho kaviri.​—Num. 20:10, 11.

10. Jehovha akanzwa sei nezvakaitwa naMosesi?

10 Jehovha akatsamwira Mosesi chaizvo. (Dheut. 1:37; 3:26) Nei Jehovha akamutsamwira? Panogona kunge paine zvinhu zvakati kuti zvakaita kuti adaro. Sezvataurwa pamusoro apa, Jehovha anogona kunge akatsamwa nekuti Mosesi akatadza kuteerera mirayiridzo mitsva yaakanga apiwa.

11. Kurova kwakaita Mosesi dombo kunogona kunge kwakavhiringa sei chishamiso chaJehovha?

11 Panogona kunge paine zvimwe zvakatsamwisa Jehovha. Matombo ari munharaunda yeMeribha yekutanga anonzi magranite uye akasimba chaizvo. Pasinei nekuti munhu aizorova dombo racho zvakasimba sei, hapana aizombotarisira kuti pabude mvura. Zvisinei, matombo ari munharaunda yeMeribha yechipiri anonzi malimestone akasiyana naiwayo uye haana kunyanya kuoma. Nzvimbo dzine malimestone dzinowanzova nemvura inenge yakaungana nechepasi mumatombo acho. Vanhu vanogona kuboora dombo racho vobudisa mvura. Mosesi paakarova dombo rakadaro kaviri, vaIsraeri vanogona kunge vakafunga here kuti mvura yakangobudawo nekurova kwaainge aita kwete nesimba raJehovha? Kurova kwaakaita dombo pane kuriudza kuti ribudise mvura kwakaita kuti zviite sekuti Jehovha akanga asina kumboita chishamiso here? * Hatizivi.

KUPANDUKA KWAKAITA MOSESI

12. Ndechipi chimwe chikonzero chinogona kunge chakaita kuti Jehovha atsamwire Mosesi naAroni?

12 Panofanira kunge paine chimwe chikonzero chakaita kuti Jehovha atsamwire Mosesi uyewo Aroni. Ona zvakataurwa naMosesi kuvanhu. Akati: “Tikubudisirei mvura inobva paibwe iri here?” Paakati “tikubudisirei,” Mosesi anogona kunge aireva iye naAroni. Zvaakataura zvairatidza kusatomboremekedza Jehovha uyo akaita chishamiso ichocho. Izvi zvinotsigirwa nezvatinoverenga pana Pisarema 106:32, 33, panoti: “Vakamutsamwisawo pamvura yeMeribha, zvokuti zvakaipira Mosesi nokuda kwavo. Nokuti vakamushatirisa, iye akatanga kutaura nehasha nemiromo yake.” * (Num. 27:14) Chiripo ndechekuti, zvakaitwa naMosesi zvakamutadzisa kukudza Jehovha sezvaaifanira kuita. Jehovha akataura naMosesi naAroni achiti: “Imi makapandukira murayiro wangu.” (Num. 20:24) Vakaita chivi chakakura!

13. Nei mutongo wakapiwa Mosesi naJehovha wainge wakakodzera uye wakarurama?

13 Sevatungamiriri vevanhu vaJehovha, Mosesi naAroni vaizvidavirira kupfuura vamwe. (Ruka 12:48) Jehovha akanga amboramba kuti chimwe chizvarwa chevaIsraeri chipinde munyika yeKenani nekuti chakanga chapanduka. (Num. 14:26-30, 34) Saka zvainge zvakakodzera uye zvakarurama kuti Jehovha ape Mosesi mutongo wakafanana naiwoyo nemhaka yekupanduka kwake. Sezvakaitika kune vamwe vakanga vambopanduka, haana kubvumirwawo kupinda muNyika Yakapikirwa.

CHII CHAKAKONZERA DAMBUDZIKO RACHO?

14, 15. Chii chakaita kuti Mosesi apanduke?

14 Chii chakaita kuti Mosesi apandukire Jehovha? Ona zvakare zvinotaurwa pana Pisarema 106:32, 33. Inoti: “Vakamutsamwisawo pamvura yeMeribha, zvokuti zvakaipira Mosesi nokuda kwavo. Nokuti vakamushatirisa, iye akatanga kutaura nehasha nemiromo yake.” Kunyange zvazvo vaIsraeri vakatsamwisa Jehovha, Mosesi ndiye akashatirwa. Kutadza kwake kuzvidzora kwakaita kuti ataure asina kufunga zvaizoguma zvaitika.

15 Mosesi akasiya zvakaitwa nevamwe zvichimutadzisa kuramba akatarira kuna Jehovha. Pakutanga Mosesi akaita zvakanaka. (Eks. 7:6) Asi zvingangodaro kuti akapedzisira aneta uye agumbuka nekuti kwemakore akawanda vaIsraeri vaipandukira Jehovha. Mosesi angangodaro akafunga nezvemanzwiro ake here pane kufunga zvaaigona kuita kuti akudze Jehovha?

16. Nei tichifanira kufunga zvakaitwa naMosesi?

16 Kana Mosesi, muprofita ainge akatendeka, akatsauswa uye akatadza, zvinogona kungoitikawo kwatiri. Kungofanana naMosesi, tava kuda kupinda munyika itsva yatakavimbiswa naJehovha. (2 Pet. 3:13) Hapana mumwe wedu anoda kurasikirwa neropafadzo inokosha yakadaro. Asi kuti tipinde munyika itsva, tinofanira kuramba takatarira kuna Jehovha, tichiramba tichitsvaga kuita zvaanoda. (1 Joh. 2:17) Zvidzidzo zvipi zvatinowana pachikanganiso chaMosesi?

USATSAUSWA NEZVINOITWA NEVAMWE

17. Chii chichatibatsira kuti tirambe tichizvidzora patinogumburwa?

17 Ramba uchizvidzora paunogumburwa. Kunyange tikaramba tichisangana nematambudziko mamwe chete, “tisarega kuita zvakanaka, nokuti mumwaka wakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.” (VaG. 6:9; 2 VaT. 3:13) Patinogumburwa nechimwe chinhu kana kuti nemumwe munhu kakawanda, tinodzora here zvatinotaura uye hasha dzedu? (Zvir. 10:19; 17:27; Mat. 5:22) Patinogumburwa nevamwe, tinofanira kudzidza ‘kudziurira hasha.’ Hasha dzaani? Hasha dzaJehovha. (Verenga VaRoma 12:17-21.) Kana tikaramba takatarira kuna Jehovha, ticharatidza kuti tinomuremekedza nekudziurira hasha dzake, tomumirira nemwoyo wese kuti agadzirise zvinhu panguva yake yakakodzera. Kana tikaedza kutsiva tinenge tisiri kuremekedza Jehovha.

18. Chii chatinofanira kuyeuka panyaya yekutevedzera mirayiridzo?

18 Nyatsotevedzera mirayiridzo mitsva. Tinonyatsotevedzera here mirayiridzo mitsva yatinopiwa naJehovha? Kana tichidaro, hatizorambi tichiomerera pakuita zvinhu nenzira yataimboita nayo kare. Pane kudaro, tichakurumidza kutevedzera chero mirayiridzo mitsva yatinopiwa naJehovha achishandisa sangano rake. (VaH. 13:17) Panguva imwe chete, tichangwarira kuti ‘tisapfuura zvinhu zvakanyorwa.’ (1 VaK. 4:6) Patinoita izvi, tinoramba takatarira kuna Jehovha.

Tinofanira kudzidzei pane zvakaitwa naMosesi vamwe pavakakanganisa? (Ona ndima 19)

19. Tingaita sei kuti tisarega zvikanganiso zvevamwe zvichiparadza ushamwari hwedu naJehovha?

19 Usarega zvikanganiso zvevamwe zvichiparadza ushamwari hwako naJehovha. Kana tikaita kuti maziso edu arambe akatarira kuna Jehovha, hatizoregi zvinoitwa nevamwe zvichitigumbura kana kuparadza ushamwari hwedu naye. Izvi zvinonyanya kukosha kana tiine basa rakakura musangano raMwari sezvakanga zvakaita Mosesi. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti tese tinofanira ‘kuramba tichishandira kuponeswa kwedu nekutya nekudedera,’ tinofanira kuyeuka kuti Jehovha haana mutemo mumwe chete usingachinji waanoshandisa pakutitonga. (VaF. 2:12) Panzvimbo pezvo, kuzvidavirira kwedu kunoenderana neuwandu hwezvatakapiwa kuti tiite. (Ruka 12:48) Asi kana tichinyatsoda Jehovha, hapana chichatikanganisa kana kutiparadzanisa nerudo rwake.​—Pis. 119:165; VaR. 8:37-39.

20. Tinofanira kutsunga kuitei?

20 Munguva ino yakaoma, ngatirambei takatarira Uyo ‘anogara kumatenga,’ kuitira kuti tiite zvaanoda. Ngatisamborega ushamwari hwedu naJehovha huchikanganiswa nezvinoitwa nevamwe. Zvakaitika kuna Mosesi zvinotidzidzisa chidzidzo ichi chinokosha. Pane kuti tigumburwe nezvikanganiso zvevamwe, ngatitsungei kuti “maziso edu [atarire] kuna Jehovha Mwari wedu kusvikira atinzwira nyasha.”​—Pis. 123:1, 2.

^ ndima 8 Meribha iyi haisi iya yaiva pedyo neRefidhimu yainziwo Masa. Asi nzvimbo idzi dziri mbiri dzakatumidzwa kuti Meribha nekuda kwekupopota kwakaitika munzvimbo dzacho.—Ona mepu iri papeji 38 muKabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari.

^ ndima 11 Purofesa anonzi John A. Beck akati nezvenyaya iyi: “Imwe ngano yechiJudha inoti vapanduki vacho vakapikisa Mosesi nemashoko ekuti: ‘Mosesi anonyatsoziva zvakaita dombo iri! Kana achida kutiratidza kuti ane simba rekuita zvishamiso, ngaabudise mvura pane rimwe dombo iri.’” Asi iyi inongova nganowo zvayo.

^ ndima 12 Ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1987, “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi.