Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kana vanhu vaviri vasina kuroorana vakaita usiku hwese vari pamwe chete mumamiriro ezvinhu asina kukodzera, vanganzi vakaita chivi chinoita kuti paumbwe dare rinotonga here?

Hongu, kana pasina zvikonzero zvine musoro zvakaita kuti izvozvo zviitike, panoumbwa dare rinotonga nekuti mamiriro acho ezvinhu anopa uchapupu hwakasimba hwekuti pakaitwa unzenza.—1 VaK. 6:18.

Dare revakuru rinonyatsoongorora nyaya imwe neimwe kuti rione kuti panofanira kuumbwa dare rinotonga here. Semuenzaniso: Vaviri vacho vanga vachidanana here? Vakambopiwa zano here nezvemaitiro avo? Chii chakaita kuti vazoita usiku hwese vari pamwe chete? Vanga vakazvironga here? Pane zvimwe zvavaigona kusarudza kuita here, kana kuti pane zvikonzero zvine musoro zvakaita kuti zvizodaro, zvichida pane zvinhu zvavakanga vasingatarisiri zvakaitika kana kuti pane zvakangoerekana zvamuka zvekuti pakanga pasisina zvekuita kunze kwekuti vave pamwe chete usiku hwese? (Mup. 9:11) Mumwe nemumwe akarara kupi? Sezvo mamiriro ezvinhu achisiyana-siyana, panogona kuva nezvimwe zvikonzero zvinogona kufungwa nezvazvo nevakuru.

Kana dare revakuru ranyatsoongorora nyaya yacho richasarudza kuti vaviri vacho vanofanira kugadzwa dare here.