Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vane Rupo Vanofara

Vanhu Vane Rupo Vanofara

“Kupa . . . kune mufaro.”​—MAB. 20:35.

NZIYO: 76, 110

1. Chii chinoratidza kuti Jehovha ane rupo?

KUNYANGE zvazvo Jehovha aingova ega asati atanga kusika zvinhu, aisangozvifunga iye chete. Akapa vanhu nengirozi chipo cheupenyu. Jehovha, “Mwari anofara,” anoda kupa zvisikwa zvake zvinhu zvakanaka. (1 Tim. 1:11; Jak. 1:17) Uye sezvo achida kuti tifarewo, anotidzidzisa kuti tive nerupo.​—VaR. 1:20.

2, 3. (a) Nei kupa kuchiita kuti tifare? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Mwari akasika munhu nemufananidzo wake. (Gen. 1:27) Izvi zvinoreva kuti akatisika tiine unhu hwake. Saka kuti tiwane mufaro uye tigutsikane tinofanira kufarira vamwe uye kuva vanhu vane rupo tichitevedzera Jehovha. (VaF. 2:3, 4; Jak. 1:5) Nei zvakadaro? Nekuti ndiwo masikirwo atakaitwa naJehovha. Pasinei nekuti tine chivi, tinokwanisa kutevedzera rupo rwaJehovha.

3 Bhaibheri rinotiudza zvatingaita kuti tive nerupo. Ngatikurukurei zvimwe zvarinodzidzisa panyaya iyi. Tichaona kuti kuva nerupo kunoita sei kuti tifarirwe naMwari uye kuti kunotibatsira sei kuti tiite basa raakatipa. Tichaongororawo kuti kuva nerupo kunoita sei kuti tifare uye kuti nei tichifanira kuramba tiine rupo.

TINGAITEI KUTI TIFARIRWE NAMWARI?

4, 5. Jehovha naJesu vakaratidza sei kuti vane rupo uye nei tichifanira kuvatevedzera?

4 Jehovha anoda kuti vanhu vamutevedzere, saka anofara patinova nerupo. (VaEf. 5:1) Masikirwo atakaitwa uye kunaka kwakaita nyika nezviri mairi zvinonyatsoratidza kuti Mwari anoda kuti vanhu vafare. (Pis. 104:24; 139:13-16) Saka tinomukudza patinoedza kuita kuti vamwe vafare.

5 VaKristu vechokwadi vanotevedzera Kristu, uyo akatiratidza chinonzi kuva nerupo. Jesu pachake akati: ‘Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nekupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’ (Mat. 20:28) Ndosaka muapostora Pauro akakurudzira vaKristu achiti: “Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu . . . Akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu.” (VaF. 2:5, 7) Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinogona here kuwedzera kunyatsotevera Jesu kupfuura zvandagara ndichitoita?’​—Verenga 1 Petro 2:21.

6. Jesu akatidzidzisei mumufananidzo wemuSamariya akanaka? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

6 Tinogona kufarirwa naJehovha kana tikatevedzera muenzaniso wake newaKristu. Tinoita izvi nekufarira vamwe uye kutsvaga nzira dzekuvabatsira nadzo. Jesu akajekesa mumufananidzo wemuSamariya akanaka kuti aitarisira kuti vateveri vake vatsvage nzira dzekubatsira nadzo vamwe pasinei nekuti ndivanaani kana kuti vanobva kupi. (Verenga Ruka 10:29-37.) Unoyeuka here mubvunzo wakazoita kuti Jesu ataure mufananidzo wemuSamariya akanaka? Mumwe muJudha akabvunza kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” Mhinduro yaJesu inoratidza kuti kana tichida kufarirwa naMwari tinofanira kuva nechido chekupa sechaiva nemuSamariya.

7. Tingaratidza sei kuti tinobvuma kuti kuita zvinhu nenzira yaJehovha ndiko kwakanyanya kunaka? Tsanangura.

7 Pane zvikonzero zvakanaka zvakawanda zvinoita kuti vaKristu vave nerupo. Semuenzaniso, kuva nerupo kwakabatana nenyaya yakamutswa naSatani mumunda weEdheni. Zvakabatana papi? Satani akapa pfungwa yekuti Adhamu naEvha vaizowedzera kufara kana vakasateerera Jehovha vofunga zvakangovanakira. Evha akaratidza kuti aifunga zvakangonakira iye chete paakada kufanana naMwari. Ndizvo zvakaitwawo naAdhamu paakadya muchero achida kufadza Evha. (Gen. 3:4-6) Zvavakaita zvakakonzera matambudziko. Kungozvifunga hakuiti kuti munhu afare. Patinova nerupo tinoratidza kuti kuita zvinhu nenzira yaJehovha ndiko kwakanyanya kunaka.

KUITA BASA RAKAPIWA VANHU NAMWARI

8. Nei Adhamu naEvha vaifanira kunge vakafunga zvakanakira vamwe?

8 Mwari akapa Adhamu naEvha mirayiro yaizoita kuti vafunge zvakanakira vamwe, kunyange zvazvo vaingova vega mumunda weEdheni. Jehovha akavakomborera ndokuvaudza kuti vabereke, vazadze nyika uye vaikurire. (Gen. 1:28) Vachitevedzera Musiki wedu uyo anoda kuti zvisikwa zvake zvifare, vabereki vedu vekutanga vaifanira kunge vakaita zvinhu zvaizoita kuti vana vavo vafare. Nyika yese yaifanira kuva paradhiso yaizogarwa nevana vaAdhamu. Izvi zvaizoda kuti mhuri yacho yese iite mushandirapamwe.

9. Nei basa rekuita kuti nyika yese ive paradhiso raizoita kuti vanhu vafare?

9 Varume nevakadzi vasina chivi vaizofanira kushanda pamwe chete naJehovha kuti vazadzise chinangwa chake chekuti nyika yese ive paradhiso. Izvi zvaizoita kuti vapinde muzororo rake. (VaH. 4:11) Fungidzira kuti vaizonakidzwa uye vaizogutsikana sei nebasa iroro. Kuzvipira kuti vamwe vabatsirwe kwaizoita kuti vakomborerwe naJehovha uye vagutsikane zvikuru.

10, 11. Zvii zvinobatanidzwa pabasa rekuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi?

10 Mazuva ano, Jehovha akapa vanhu vake basa rekuparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Kuti tiite basa iri, tinofanira kuva nechido chekubatsira vamwe. Kuti tikwanise kuramba tichiita basa iri tinofanira kuda Mwari nevanhu.

11 Panguva yevaKristu vepakutanga, Pauro akati iye nevamwe vaKristu vaiva “vashandi pamwe chete naMwari” nekuti vaiita basa rekudyara nekudiridza mbeu yechokwadi cheUmambo. (1 VaK. 3:6, 9) Mazuva ano, isuwo tinogona kuva “vashandi pamwe chete naMwari” nekushandisa nguva yedu, zvinhu zvedu uye simba redu pakuita basa rekuparidza. Iyi iropafadzo yakakura chaizvo.

Pasinei nezvinoitwa nevanhu, kuparidza mashoko akanaka kunoita kuti tifare (Ona ndima 12)

12, 13. Basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rinoita kuti uwane mibayiro ipi?

12 Kushandisa nguva nesimba redu mubasa rekuparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi kunoita kuti tifare zvikuru. Vaya vakava neropafadzo yekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinofambira mberi vakaona kuti izvi ndezvechokwadi. Tinofara chaizvo vatinodzidza navo pavanojekerwa nechokwadi cheBhaibheri, kutenda kwavo kwowedzera, vochinja mararamiro avo uye votanga kuudza vamwe zvavanenge vachidzidza. Jesu akafarawo zvikuru vaparidzi 70 vaakanga atuma kunoparidza ‘pavakadzoka nemufaro’ nekuti vakanga vabudirira.​—Ruka 10:17-21.

13 Pasi rese, vaparidzi vanofara pavanoona kubatsirwa kunoitwa vanhu neBhaibheri kuti vavandudze upenyu hwavo. Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi yechidiki inonzi Anna, iyo yakawedzera ushumiri hwayo nekuenda kunoshumira kune imwe nharaunda iri kuEastern Europe kunodiwa vaparidzi vakawanda. * Anna anoti: “Kuno kune mikana yakawanda yekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, uye izvozvo ndinozvifarira chaizvo. Basa rangu rinondipa mufaro wakakura. Pandinosvika kumba, handina nguva yekufunga nezvematambudziko angu. Ndinofunga nezvematambudziko evandinodzidza navo. Ndinotsvaga nzira dzekuvakurudzira uye kuvabatsira nadzo. Uye ndava kunyatsoziva kuti ‘kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.’”​—Mab. 20:35.

Patinoshanyira imba imwe neimwe mundima yedu tinopa vanhu mukana wekunzwa mashoko eUmambo (Ona ndima 14)

14. Kunyange pakangova nevanhu vashoma vanoteerera mashoko akanaka, ungawana sei mufaro muushumiri hwako?

14 Tinogona kuwana mufaro patinopa vanhu mukana wekunzwa mashoko akanaka kunyange vakasarudza kusateerera. Mazuva ano, basa redu rakafanana nerakapiwa muprofita Ezekieri, uyo akaudzwa naJehovha kuti: “Taura mashoko angu kwavari, pasinei nokuti vanoteerera kana kuti vanoramba.” (Ezek. 2:7; Isa. 43:10) Kunyange zvazvo vamwe vasingakoshesi mashoko atinoparidza, Jehovha anokoshesa zvatinoita. (Verenga VaHebheru 6:10.) Mumwe muparidzi akaratidza mafungiro akanaka panyaya iyi. Akataura nezveushumiri hwake achiti, “Takadyara, takadiridza uye takanyengetera tichitarisira kuti Jehovha aizoita kuti vanhu vacho vawedzere kufarira.”​—1 VaK. 3:6.

ZVATINGAITA KUTI TIFARE

15. Tinofanira kuva nerupo kuvanhu vanoonga chete here? Tsanangura.

15 Jesu anoda kuti tive nemufaro unobva pakupa. Vanhu vakawanda vanoonga rupo rwavanoratidzwa. Jesu akatikurudzira achiti, “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo. Vachadurura chiyero chakanaka muhomwe inovapo kana nguo yenyu yapetwa, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinofashukira. Nokuti nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.” (Ruka 6:38) Havasi vese vanoonga rupo rwatinoratidza asi vaya vanoonga vanogona kuzovawo nerupo. Saka gara uchipa kunyange zvazvo vanhu vacho vangaita sevasingaongi. Hauzivi zvinoitika kana ukava nerupo kunyange kamwe chete.

16. Nei tichifanira kuva nerupo?

16 Vanhu vane rupo rwechokwadi vanopa vasingaitiri kuzowana chimwe chinhu. Izvi ndizvo zvaifungwa naJesu paakati: “Kana waita mabiko, koka varombo, mhetamakumbo, vanokamhina, mapofu; uye uchafara, nokuti havana chinhu chokukuripa nacho.” (Ruka 14:13, 14) Bhaibheri rinoti: “Munhu ane ziso rine mutsa achakomborerwa.” Rinotiwo: “Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera.” (Zvir. 22:9; Pis. 41:1) Zvechokwadi, tinofanira kuva nerupo nekuti patinobatsira vamwe tinofara.

17. Zvii zvatinogona kupa kuti tifare?

17 Pauro paakataura mashoko aJesu ekuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira,” aisangotaura nezvekupa zvinhu asi aibatanidzawo kukurudzira vamwe, kuvatungamirira uye kuvabatsira. (Mab. 20:31-35) Pauro akatidzidzisa nezvaaitaura uye zvaaiita kuti tipe nguva yedu, simba redu uye tiratidze vamwe rudo.

18. Vaongorori vakawanda vakatii nezvekuva nerupo?

18 Vanoongorora nezvemaitiro evanhu vakaonawo kuti kupa kunoita kuti vanhu vafare. Sezvakataurwa nemumwe muongorori, “vanhu vakataura kuti vakawedzera kufara chaizvo pavakaitira vamwe zvinhu zvakanaka.” Vaongorori vanoti patinobatsira vamwe, tinoona kuti upenyu hwedu hune chinangwa. Ndokusaka vamwe vanamazvikokota vachikurudzira vanhu kuti vaite mabasa ekuzvipira kuitira kuti vave neutano huri nani uye vave nemufaro. Izvi hazvishamisi vaya vanobvuma kuti Bhaibheri iShoko raJehovha, Musiki wevanhu.​—2 Tim. 3:16, 17.

RAMBA UINE RUPO

19, 20. Chii chinoita kuti ude kuva nerupo?

19 Zvinogona kuoma kuti tirambe tiine rupo kana tiri pakati pevanhu vanofunga zvakangovanakira. Asi Jesu akati murayiro wekutanga ndewekuti tide Jehovha nemwoyo wese, nemweya wese, nepfungwa dzese uye nesimba redu rese uye wechipiri ndewekuti tide muvakidzani wedu sezvatinozviita. (Mako 12:28-31) Sezvataona munyaya ino, vaya vanoda Jehovha vanomutevedzera. Jehovha naJesu vane rupo uye vanotikurudzira kuvatevedzera nekuti izvi zvinoita kuti tifare zvechokwadi. Kana tikava nerupo kuna Mwari uye kuvanhu tinoita kuti Jehovha akudzwe uye izvi zvinotibatsira uye zvinobatsirawo vamwe.

20 Tinoziva kuti uri kutoita zvese zvaunogona kuti ubatsire vamwe, kunyanya vaunonamata navo. (VaG. 6:10) Kana ukaramba uchidaro, vamwe vachakuda uye vachakuonga, uye izvi zvichaita kuti ufare. Zvirevo 11:25 inoti: “Mweya une rupo uchakodzwa, uye anodiridza vamwe kwazvo achadiridzwawo kwazvo.” Pane nzira dzakawanda dzekuratidza nadzo mumararamiro edu echiKristu uye muushumiri hwedu kuti tinopa tisingangofungi zvakatinakira uye izvi zvinounza mibayiro. Nyaya inotevera ichataura nezvedzimwe nzira idzi.

^ ndima 13 Zita rakachinjwa.