Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Une Chokwadi Nenyaya Yacho Here?

Une Chokwadi Nenyaya Yacho Here?

“Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari uye kuzvinyadzisa.”—ZVIR. 18:13.

NZIYO: 126, 95

1, 2. (a) Chii chatinofanira kudzidza uye nei? (b) Chii chatichakurukura munyaya ino?

SEVAKRISTU vechokwadi tinofanira kudzidza kuongorora mashoko kuitira kuti tizive kuti chokwadi ndechipi. (Zvir. 3:21-23; 8:4, 5) Kana tikasadaro, zvichava nyore kuti Satani nenyika yake vakanganise mafungiro edu. (VaEf. 5:6; VaK. 2:8) Tinongokwanisa chete kunyatsonzwisisa nyaya kana tiine mashoko echokwadi. Zvirevo 18:13 inoti “kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari uye kuzvinyadzisa.”

2 Munyaya ino tichaona zvinhu zvakati kuti zvinoita kuti kuwana mashoko echokwadi kuome. Tichakurukurawo mazano eBhaibheri uye mienzaniso ichatibatsira pakuongorora mashoko.

USANGOTENDA “MASHOKO OSE”

3. Nei tichifanira kushandisa zano reBhaibheri riri pana Zvirevo 14:15? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Mazuva ano vanhu vava kuwana mashoko akawandisa. Indaneti, TV, uye zvimwewo zvinhu zvinobudisa mashoko zvinogara zvichibudisa mashoko akawanda. Vanhu vakawanda vanoita kunayiwa nemae-mail, mameseji uye mashoko anobva kushamwari nevanhu vavanozivana navo. Sezvo mazuva ano vakawanda vava kuita zvekuronga kuparadzira mashoko enhema uye kumonyanisa chokwadi, tinofanira kungwarira uye kunyatsoongorora zvatinonzwa. Izano ripi reBhaibheri ringatibatsira? Zvirevo 14:15 inoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”

4. VaFiripi 4:8, 9 inotibatsira sei pakusarudza zvekuverenga, uye nei zvichikosha kuti tive nemashoko echokwadi? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvinhu Zvinotibatsira Kuwana Mashoko Echokwadi.”)

4 Kuti tiite zvisarudzo zvakanaka, tinofanira kuva nemashoko echokwadi. Saka tinofanira kunyatsosarudza zvatinoverenga. (Verenga VaFiripi 4:8, 9.) Hatifaniri kupedza nguva tichiverenga nhau dzinobudiswa panzvimbo dzepaIndaneti dzisingagoni kuvimbwa nadzo kana kuverenga mae-mail kana mameseji ane mashoko asingazivikanwi kuti ndeechokwadi here. Zvakakosha chaizvo kuti tisavhura nzvimbo dzepaIndaneti dzinobudisirwa mashoko nevanhu vakatsauka pakutenda. Chinangwa chavo ndechekukanganisa kutenda kwevanhu vaMwari uye kuvhiringidza chokwadi. Mashoko enhema anoita kuti munhu aite zvisarudzo zvisina musoro. Usambofa wakafunga kuti mashoko enhema haakukanganisi.​—1 Tim. 6:20, 21.

5. VaIsraeri vakaudzwa mashoko api enhema uye izvi zvakavakanganisa sei?

5 Kubvuma mashoko enhema kunogona kutikanganisa. Semuenzaniso, funga zvakaitika panguva yaMosesi pakatumwa varume 12 kunoongorora Nyika Yakapikirwa. Pavarume ava, 10 vavo vakauya vakataura mashoko akaipa. (Num. 13:25-33) Vakataura vachiwedzeredza zvekuti vanhu vaJehovha vakatanga kutya. (Num. 14:1-4) Nei vanhu vakatya? Pamwe vakafunga kuti mashoko acho aiva echokwadi sezvo akataurwa netsori dzakawanda. Vanhu vakaramba kuteerera mashoko akanaka akataurwa naJoshua naKarebhi. (Num. 14:6-10) Pane kuti vatsvage chokwadi uye vavimbe naJehovha, vakasarudza kubvuma mashoko enhema. Uhwu hwaiva upenzi chaihwo!

6. Nei tisingafaniri kunetseka kana tikanzwa mashoko anovhundutsa nezvevanhu vaJehovha?

6 Tinofanira kungwarira kunyanya patinonzwa mashoko anenge achitaurwa nezvevanhu vaJehovha. Usambokanganwa kuti Satani anopomera vashumiri vaMwari vakatendeka. (Zvak. 12:10) Ndokusaka Jesu akayambira kuti vashori ‘vaizotirevera zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ese.’ (Mat. 5:11) Kana tikanyatsoteerera yambiro iyoyo, hatizonetseki patinonzwa mashoko anovhundutsa nezvevanhu vaJehovha.

7. Usati watumira e-mail kana kuti meseji, chii chaunofanira kufunga nezvacho?

7 Uri munhu anofarira zvekutumira mae-mail uye mameseji kushamwari uye kuvanhu vaunozivana navo here? Kana zvakadaro, paunoona nyaya ichangobva kubuda munhau kana kuti paunonzwa nezvechimwe chinhu chakaitika, unogona kunzwa sezvinoita mutori wenhau anoda kuva wekutanga kubudisa nyaya inonakidza. Asi usati watumira meseji kana kuti e-mail zvibvunze kuti: ‘Ndine chokwadi here kuti mashoko andiri kuda kuparadzira ndeechokwadi? Ndinonyatsoziva zvakaitika here?’ Kana usina chokwadi nazvo, ngwarira kuti unogona kutumira hama dzedu mashoko enhema. Kana usina chokwadi nemashoko acho usaatumire asi adzime.

8. Zvii zvinoitwa nevanhu vanotipikisa mune dzimwe nyika, uye tinogona sei kuvatsigira tisingazivi?

8 Pane chimwe chakaipira kungopfuudza mae-mail uye mameseji. Mune dzimwe nyika pane zvimwe zvatisingabvumirwi kuita pabasa redu kana kuti rakatobhanwa zvachose. Vanhu vanotipikisa vanogona kutanga kuparadzira mashoko anoita kuti titye kana kuti tisavimbana. Funga zvakamboitika mune yaimbova Soviet Union. Mapurisa epachivande aizivikanwa seKGB, akaparadzira mashoko ekuti hama dzakati kuti dzaizivikanwa chaizvo dzainge dzatengesa vanhu vaJehovha. * Vakawanda vakavimba nemashoko iwayo enhema, uye vakabva vasiya sangano raJehovha. Izvi zvinosuwisa chaizvo! Vamwe vakazodzoka musangano, asi vamwe havana zvachose. Kutenda kwavo kwakaparara. (1 Tim. 1:19) Tingaita sei kuti izvi zvisaitika? Usaparadzira mashoko enhema kana kuti ausina chokwadi nawo. Usava munhu anongobvuma zvese zvese. Iva nechokwadi nenyaya yacho.

MASHOKO ASINA KUKWANA

9. Chii chimwe chinoita kuti zviome kuti tizive chokwadi?

9 Chimwe chinoita kuti zviome kuziva chokwadi ndechekuti dzimwe nyaya dzinenge dzisina mashoko akakwana. Nyaya inongova nemashoko mashomanana echokwadi inorasisa. Tingaita sei kuti tisarasiswa nenyaya dzinogona kunge dzisina chokwadi chakakwana?​—VaEf. 4:14.

10. Nei vaIsraeri vakapotsa varwisa hama dzavo asi chii chakazoita kuti vasadaro?

10 Funga zvakaitika kuvaIsraeri vaigara kumadokero kwerwizi rwaJodhani mumazuva aJoshua. (Josh. 22:9-34) Vakanzwa kuti vaIsraeri vaigara kumabvazuva kwerwizi rwaJodhani (dzinza raRubheni, raGadhi uye hafu yedzinza raManase) vakanga vavaka atari hombe pedyo nerwizi rwaJodhani. Ichocho chaiva chokwadi. Zvichibva pamashoko iwayo akanga asina kukwana, vaya vaiva kumadokero vakafunga kuti hama dzavo dzakanga dzapandukira Jehovha, saka vaIsraeri vakanga vari kumadokero vakaungana kuti vaende kunorwisa vaiva kumabvazuva. (Verenga Joshua 22:9-12.) Asi vasati varwisa, vakatumira varume vaivimbwa navo kuti vanonzwa zvakawanda nezvenyaya yacho. Varume vacho vakaudzwa kutii? Vakaudzwa kuti vaIsraeri vedzinza raRubheni, raGadhi uye hafu yedzinza raManase vakanga vavaka atari kuti izova chiyeuchidzo kwete kuti vape zvibayiro. Vakaivaka kuitira kuti izovayeuchidza kuti naivowo vaiva vanhu vaJehovha vakatendeka. VaIsraeri ivavo vanogona kunge vakafara chaizvo kuti havana kuuraya hama dzavo, asi vakanyatsotora nguva kuitira kuti vawane mashoko akakwana!

11. Zvakafamba sei kuti Mefibhosheti abatwe zvisina kunaka? (b) Dhavhidhi angadai akaita sei kuti izvi zvisaitika?

11 Pane dzimwe nguva tinogona kurwadziwa nekuti vamwe vanenge vasina kutaura chokwadi chizere nezvedu. Funga zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi naMefibhosheti. Dhavhidhi akaratidza mutsa kuna Mefibhosheti nekumudzorera munda wese wasekuru vake Sauro. (2 Sam. 9:6, 7) Asi Dhavhidhi akazoudzwa mashoko enhema nezvaMefibhosheti. Asina kana kumboongorora mashoko acho, Dhavhidhi akatorera Mefibhosheti zvese zvaaiva nazvo. (2 Sam. 16:1-4) Dhavhidhi paakazotaura naMefibhosheti, akaona kuti akanga akanganisa uye akaita kuti Mefibhosheti adzorerwe chimwe chikamu chemunda wacho. (2 Sam. 19:24-29) Dhavhidhi angadai asina kubata Mefibhosheti zvisina kunaka kudai akazvipa nguva yekuti atsvage chokwadi pane kungomhanyira kuita chisarudzo asati anyatsonzwisisa nyaya yacho.

12, 13. (a) Jesu akaitei vanhu pavakataura zvakaipa nezvake? (b) Chii chatinogona kuita kana mumwe munhu akaparadzira mashoko enhema nezvedu?

12 Ungaitei kana mumwe munhu akataura mashoko enhema nezvako? Izvi zvakamboitika kuna Jesu uye Johani Mubhabhatidzi. (Verenga Mateu 11:18, 19.) Jesu akaita sei vanhu pavaitaura zvakaipa nezvake? Haana kupedza nguva nesimba rake achizvidzivirira. Asi akakurudzira vanhu kuti vaone zvaaiva chaizvo kubva pane zvaaiita uye zvaaidzidzisa. Jesu akati: “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.”

13 Pane chidzidzo chinokosha chatinowana ipapo. Dzimwe nguva, vanhu vanogona kutaura zvisina kunaka nezvedu, uye izvi zvinogona kusvibisa zita redu. Pane zvatinogona kuita nezvazvo here? Kana munhu akaparadzira mashoko enhema nezvedu, tinogona kurarama nenzira yekuti vanhu vanoona kuti mashoko acho ndeenhema. Sezvatinoona pane zvakaitwa naJesu, mararamiro atinoita sevaKristu anogona kuratidza kuti zvatinopomerwa hazvisi zvechokwadi.

UNONYANYA KUZVIVIMBA HERE?

14, 15. Kuvimba nekunzwisisa kwedu kunogona sei kutipinza muna taisireva?

14 Taona kuti zvinogona kuoma kuti munhu awane mashoko echokwadi. Chivi chatiinacho chinogona kuitawo kuti zviome. Ko kana tava nemakore tichishumira Jehovha takatendeka? Tinogona kunge tava kunyatsonzwisisa zvimwe zvinhu. Vamwe vanogona kunge vachitiremekedza chaizvo nekuti tiri vanhu vanogona kuita zvisarudzo. Asi izvi zvinogona kutikanganisa?

15 Kunyanya kuvimba nekunzwisisa kwedu kunogona kutikanganisa. Manzwiro edu uye maonero edu zvinogona kutanga kutungamirira mafungiro edu. Tingatanga kuona sekuti tinogona kuongorora chimwe chinhu tochinzwisisa kunyange zvazvo tisina mashoko akakwana. Izvi zvinotipinza muna taisireva! Bhaibheri rinotiyambira kuti tisavimba nekunzwisisa kwedu.​—Zvir. 3:5, 6; 28:26.

16. Mumuenzaniso watapiwa, chii chakaitika muresitorendi, uye Tom akafungei?

16 Funga nezvemuenzaniso uyu. Mumwe musi ari manheru paaiva muresitorendi, mumwe mukuru agara nebasa anonzi Tom akavhunduka paakaona mumwe mukuru anonzi John akagara pane imwe tafura nemukadzi asiri wake. Tom akaona vaviri vacho vachiseka, vachifara uye vachimbundirana. Akabva atowedzera kunetseka. Izvi zvichaita kuti John arambane nemudzimai wake here? Chii chichaitika kumudzimai waJohn? Vana vake vachaita sei? Tom ainge amboona zvinhu zvakadaro zvinoparadzanisa mhuri zvichiitika. Kudai uri iwe wakazviona waizoita sei?

17. Mumuenzaniso uyu, Tom akazoziva chii, uye izvi zvinotidzidzisei?

17 Kunyange zvazvo Tom akakurumidza kufunga kuti John akanga asina kuvimbika kumudzimai wake, akanga achiziva chokwadi here? Ava manheru, Tom akafonera John. Fungidzira kugadzikana kwakaita Tom paakaziva kuti mukadzi wacho akanga ari hanzvadzi yaJohn yakanga ichipfuura nemutaundi racho. John nehanzvadzi yake vakanga vava nemakore vasina kuonana. Sezvo hanzvadzi yacho yaizova mutaundi racho kwemaawa mashoma, John aingokwanisa kuonana nayo muresitorendi vachimbodya vese. Mudzimai wake akanga asingakwanisi kubatana navo. Tom akafara kuti akanga asati aparadzira zvaakanga afunga. Tinodzidzei? Pasinei nekuti tava nenguva yakareba zvakadini tiri vaKristu, tinotofanira kutsvaga mashoko echokwadi panyaya yese inenge yamuka.

18. Chii chinogona kuita kuti tibvume mashoko asina kunaka nezvehama yedu?

18 Zvinogona kuoma kuti tiongorore mashoko nemazvo kana nyaya yacho ichibatanidza imwe hama yatisinganyatsowirirani nayo. Kana tikaramba takaisa pfungwa pane zvatisingawirirani, tinogona kutanga kunyumwira hama yedu. Saka kana tikanzwa mashoko asina kunaka nezvehama iyoyo, tingatoabvuma kunyange pasina uchapupu hwekuti mashoko acho ndeechokwadi. Chii chatinodzidza? Kana tikarega kapfungwa kekuvenga hama dzedu kachikura matiri, tinogona kudzifungira zvisina kunaka pasina chikonzero. (1 Tim. 6:4, 5) Saka kuti maonero edu asakanganiswa, hatifaniri kurega shanje negodo zvichidzika midzi mumwoyo medu. Pane kuzvirega zvichipinda mumwoyo medu, ngatizivei kuti tinofanira kuda hama dzedu uye kudziregerera nemwoyo wese.​—Verenga VaKorose 3:12-14.

MAZANO EBHAIBHERI ACHATICHENGETEDZA

19, 20. (a) Mazano api eBhaibheri achatibatsira kuongorora mashoko? (b) Tichaongororei munyaya inotevera?

19 Mazuva ano kuwana mashoko echokwadi uye kuaongorora nemazvo hakusi nyore nekuti pava nemashoko akawanda asina chokwadi chizere uye isu vacho tine chivi. Chii chichatibatsira padambudziko iri? Tinofanira kuziva uye kushandisa mazano eBhaibheri. Rimwe zano racho nderekuti upenzi uye zvinonyadzisa kuti munhu apindure nyaya asati anzwa chokwadi. (Zvir. 18:13) Rimwe zano reBhaibheri rinotiyeuchidza kuti tisangobvuma mashoko ese tisati taongorora kuti ndeechokwadi here. (Zvir. 14:15) Uye pasinei nekuti tashumira Jehovha kwemakore akawanda sei, tinofanira kungwarira kuti tisavimba nekunzwisisa kwedu. (Zvir. 3:5, 6) Mazano eBhaibheri anotichengetedza nekuti anotibatsira pakuongorora mashoko uye pakuita zvisarudzo zveuchenjeri.

20 Asi pane rimwe dambudziko rinoramba riripo. Idambudziko rekutonga vamwe nezvatinoona nechekunze. Munyaya inotevera, tichaongorora zvinhu zvinowanzokonzera dambudziko iri toona kuti chii chingatibatsira kuti tisakanganiswa nazvo.

^ ndima 8 Ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2004, peji 111-112, uye Bhuku Regore ra2008, peji 133-135.