Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usatonga Nezvinooneka Kunze

Usatonga Nezvinooneka Kunze

“Regai kutonga nezvinooneka kunze, asi tongai nokutonga kwakarurama.”—JOH. 7:24.

NZIYO: 142, 123

1. Isaya akaprofita kutii nezvaJesu, uye nei izvi zvichikurudzira?

UPROFITA hwakataurwa naIsaya nezvaIshe wedu Jesu Kristu hunotikurudzira uye hunotipa tariro. Isaya akafanotaura kuti Jesu “haazotongi nokungoona chete nemaziso ake, kana kungotsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake. Asi achatongera vakaderera nokururama.” (Isa. 11:3, 4) Nei izvi zvichikurudzira? Nekuti tiri kurarama munyika yakazara nerusarura. Tinoda chaizvo kuti pave neMutongi akanaka, uyo asingazotitongi nekungotarisa zvatiri nechekunze.

2. Jesu akatirayira kuti tiitei, uye tichakurukurei munyaya ino?

2 Zuva nezuva tine maonero atinoita vamwe. Asi sevanhu vane chivi hatikwanisi kuva nemaonero akaita seaJesu. Tinowanzokanganiswa nezvatinoona nemaziso. Zvisinei, Jesu paaiva panyika akarayira kuti: “Regai kutonga nezvinooneka kunze, asi tongai nokutonga kwakarurama.” (Joh. 7:24) Zviri pachena kuti Jesu anoda kuti timutevedzere torega kutonga vamwe nekungotarisa zvavari nechekunze. Munyaya ino, tichakurukura zvinhu zvitatu zvinoonekwa nevanhu zvinovakanganisa zvinoti: rudzi, upfumi, uye zera. Pachinhu chimwe nechimwe tichadzidza kuti tingateerera sei murayiro waJesu.

USATONGA NEKUTARISA RUDZI

3, 4. (a) Chii chakaita kuti muapostora Petro achinje maonero aaiita vanhu veMamwe Marudzi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Jehovha akabatsira Petro kuti anzwisise chokwadi chipi chitsva?

3 Fungidzira kupishana kwaiita pfungwa dzemuapostora Petro paakashevedzwa kuKesariya kumba kwaKoneriyasi. (Mab. 10:17-29) Sezvaingoitwa nevamwe vaJudha vepanguva yake, Petro akakura achifunga kuti vanhu vemamwe marudzi vakanga vasina kuchena. Asi pane zvakanga zvichangobva kuitika zvakaita kuti achinje maonero ake. Semuenzaniso, Petro ane zvaakanga achangobva kuratidzwa. (Mab. 10:9-16) Akanga aonei? Akaona chinhu chakaita sejira chaiva nemhuka dzisina kuchena chichidzikiswa pamberi pake uye akanzwa inzwi richibva kudenga richiti: “Petro, simuka uuraye, udye!” Petro akaramba zvakasimba katatu. Pese paairamba, inzwi raibva kudenga raimuudza kuti, “Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” Pakapera chiratidzo chacho, Petro haana kunzwisisa kuti inzwi racho raiedza kumuudza kutii. Panguva iyoyo, nhume dzakabva kuna Koneriyasi dzakabva dzasvika. Achitungamirirwa nemweya mutsvene, Petro akabatana nenhume dzacho ndokuenda kumba kwaKoneriyasi.

4 Kudai Petro akangotarisa zvakaita Koneriyasi nechekunze aisazombopinda mumba make. VaJudha vaisapinda mudzimba dzevanhu veMamwe Marudzi. Nei Petro akaenda pasinei nerusarura rwainge rwakadzika midzi maari? Mafungiro aPetro akachinjwa chaizvo nezvaakanga aratidzwa uye nekutungamirirwa kwaakaitwa nemweya mutsvene. Paakateerera zvakataurwa naKoneriyasi, Petro akati: “Chokwadi [ndava kuona] kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mab. 10:34, 35) Manzwisisiro aya matsva akanga ava naPetro akamufadza uye aizobatsira vaKristu vese. VaKristu vese vaizobatsirwa sei nechokwadi ichi panyaya yerusarura?

5. (a) Jehovha anoda kuti vaKristu vese vanzwisise chii? (b) Pasinei nekuti tinoziva chokwadi, chii chinogona kuramba chiri matiri?

5 Achishandisa Petro, Jehovha akanga achibatsira vaKristu vese kuti vanzwisise kuti haasaruri. Haakoshesi kuti munhu ndewerudzi rwupi, ndewenyika ipi, kana kuti anotaura mutauro upi. Mwari anogamuchira chero munhu anomutya uye anoita zvakarurama. (VaG. 3:26-28; Zvak. 7:9, 10) Hapana mubvunzo kuti unobvuma kuti ichi ichokwadi. Asi ko kana wakakurira munyika kana kuti mumhuri yakazara rusarura? Kunyange zvazvo ungaona sekuti hauna rusarura, unogona kunge uchiinarwo mumwoyo mako. Kunyange Petro, uyo akava neropafadzo yekuratidza kuti Jehovha haasaruri, akazoratidza rusarura pane imwe nguva. (VaG. 2:11-14) Tingateerera sei Jesu torega kutonga vamwe nekutarisa zvavari nechekunze?

6. (a) Chii chinogona kutibatsira kuti tidzure rusarura mumwoyo medu? (b) Mashoko akanyorwa nemumwe mukuru anoratidzei?

6 Tinofanira kunyatsozviongorora tichishandisa Shoko raMwari kuti tione kana tichiine rusarura. (Pis. 119:105) Tingafanirawo kubatsirwa nevamwe vanogona kunge vachiona kuti tine rusarura, kunyange isu tisingazvioni kuti tinarwo. (VaG. 2:11, 14) Zvingangodaro kuti mafungiro akadaro akadzika midzi matiri zvekuti hatitombozvioni. Semuenzaniso, funga mashoko akatumirwa kuhofisi yebazi nemumwe mukuru achitaura nezvemumwe murume nemudzimai vaiita zvakanaka mubasa renguva yakazara. Murume wacho aiva werudzi rwaiwanzotarisirwa pasi nevamwe. Mukuru wacho akanga asingazvioni kuti aitosarura rudzi irworwo. Pane zvaakanyora akataura zvinhu zvakanaka nezvemurume wacho, asi akapedzisa achiti: “Kunyange zvazvo ari [werudzi urwu], maitiro uye mararamiro ake anobatsira vamwe kuti vanzwisise kuti kana munhu [achibva murudzi urwu] hazvirevi kuti ane utsvina uye akasaririra, sezvakaita vakawanda verudzi [urwu].” Uri kuona here chidzidzo chacho? Pasinei nemabasa atinoita musangano, tinofanira kunyatsozviongorora uye kubvuma kubatsirwa kuti tione chero kapfungwa kanoratidza rusarura katingava nako. Chii chimwe chatingaita?

7. Tingaratidza sei kuti tiri kuzarura mwoyo wedu?

7 Kana tikazarura mwoyo yedu, tichabvisa rusarura tova nerudo. (2 VaK. 6:11-13) Unoshamwaridzana chete nevanhu verudzi rwako, vemunyika mako, kana kuti vanotaura mutauro wako here? Kana zvakadaro, edza kushamwaridzana nevamwewo. Kumbira vanhu vemarudzi akasiyana-siyana kuti ushande navo muushumiri kana kuti vakoke kumba kwako kuzodya kana kuzotandara. (Mab. 16:14, 15) Kana ukadaro, uchava nerudo mumwoyo mako zvekuti hauzovi nerusarura. Asi pane pamwe patinowanzotonga vamwe nekungoona zvavari nechekunze. Ngationgororei nyaya yeupfumi.

USATONGA NEKUTARISA UPFUMI KANA UROMBO

8. Maererano naRevhitiko 19:15, upfumi kana kuti urombo zvingakanganisa sei maonero atinoita vamwe?

8 Maonero atinoita vamwe anogona kukanganiswa nekuti vapfumi here kana kuti varombo. Revhitiko 19:15 inoti: “Usasarura akaderera, [kana kuratidza kuti unofarira mupfumi]. Unofanira kutonga mumwe wako zvakarurama.” Asi kupfuma kwemunhu kana kuti urombo hwake zvingakanganisa sei maonero atinomuita?

9. Soromoni akanyora chokwadi chipi chinosuruvarisa uye chinotidzidzisei?

9 Mweya mutsvene wakaita kuti Soromoni anyore chokwadi chinosuruvarisa nezvevanhu vane chivi. Pana Zvirevo 14:20 anoti: “Murombo anovengwa kunyange nowokwake, asi mupfumi ane shamwari zhinji.” Chirevo ichi chinotidzidzisei? Kana tikasangwarira, tinogona kungoda kushamwaridzana nehama dzakapfuma tichinzvenga varombo. Nei zviine ngozi kutonga vamwe nekungotarisa kuti vapfumi here kana kuti varombo?

10. Jakobho akataura nezvedambudziko ripi?

10 Kana tikabata vamwe zvichienderana nekuti vapfumi here kana kuti varombo, tinogona kuita kuti muungano muve nemapoka. Mudzidzi Jakobho akayambira kuti dambudziko iri raikonzera mapoka mune dzimwe ungano dzevaKristu vepakutanga. (Verenga Jakobho 2:1-4.) Tinofanira kungwarira kuti tisabvumira mafungiro akadaro kuti akanganise ungano dzedu mazuva ano. Tingaita sei kuti tisatonga vamwe nekutarisa kuti vapfumi here kana kuti varombo?

11. Kuva mupfumi kana murombo kune zvakunoita here paushamwari hwemunhu naJehovha? Tsanangura.

11 Tinofanira kuona hama dzedu semaonerwo adzinoitwa naJehovha. Jehovha haakoshesi munhu nekuti mupfumi here kana kuti murombo. Ushamwari hwedu naJehovha haunei nekuti tine zvinhu zvakawanda sei kana kuti hatina. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti Jesu akati “chichava chinhu chakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokumatenga,” haana kutaura kuti hazvitomboiti. (Mat. 19:23) Jesu akatiwo: “Munofara imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.” (Ruka 6:20) Asi izvi zvaisareva kuti varombo vese vaiva nemakomborero anopfuura evamwe uye kuti vaiteerera zvaidzidziswa naJesu. Varombo vakawanda havana kumuteerera. Nyaya iripo ndeyekuti, hatikwanisi kutonga zvakaita ushamwari hwemunhu naJehovha nekutarisa kuti mupfumi here kana kuti murombo.

12. Bhaibheri rinorayira vapfumi nevarombo kutii?

12 Takakomborerwa kuti tine hama nehanzvadzi dzakawanda, dzakapfuma nedzisina, dzinoda Jehovha uye dzinomushumira nemwoyo wakakwana. Bhaibheri rinorayira vaya vakapfuma kuti “vasaise tariro yavo papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari.” (Verenga 1 Timoti 6:17-19.) Uyewo, Shoko raMwari rinokurudzira kuti vanhu vaMwari vese, vapfumi nevarombo, vangwarire kuti vasada mari. (1 Tim. 6:9, 10) Kana tikaona hama dzedu semaonerwo adzinoitwa naJehovha, hatizovi pamuedzo wekudzitonga nekutarisa kuti dzakapfuma here kana kuti hadzina. Asi zvakadini nezera remunhu? Zvakanaka here kutonga vamwe nekutarisa zera ravo? Ngationei.

USATONGA NEKUTARISA ZERA

13. Bhaibheri rinotidzidzisei nezvekuremekedza vanhu vakura?

13 Bhaibheri rinotaura kuti tinofanira kuremekedza vanhu vakura. Revhitiko 19:32 inoti: “Unofanira kusimukira achena bvudzi, nokuremekedza munhu akwegura, uye unofanira kutya Mwari wako.” Zvirevo 16:31 inotiudza kuti “kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama.” Pauro akaudzawo Timoti kuti asatsoropodza murume akura asi kuti aone hama yakura sababa. (1 Tim. 5:1, 2) Kunyange zvazvo Timoti aitungamirira hama idzodzo dzainge dzakura, aifanira kudzinzwira tsitsi uye kudziremekedza.

14. Ndepapi patinofanira kupa zano kana kutsiura munhu anenge ari mukuru kwatiri?

14 Ko kana munhu wacho akura achitadza nemaune kana kuti achikurudzira vamwe kuita zvinhu zvisingafadzi Jehovha? Jehovha haatongi achitarisa zvakaita munhu nechekunze uye haazoregi kuranga munhu anotadza nemaune nekuti akura. Ona mashoko anotaurwa pana Isaya 65:20 ekuti: “Mutadzi achatukwa kunyange ava nemakore zana.” Pfungwa yakafanana neiyi inowanika pane zvakaratidzwa Ezekieri. (Ezek. 9:5-7) Saka tinofanira kugara tichiremekedza Akakwegura Pamazuva, Jehovha Mwari. (Dhan. 7:9, 10, 13, 14) Kana tikadaro, hatizotyi kururamisa munhu anenge akanganisa pasinei nezera rake.​—VaG. 6:1.

Unoremekedza hama dzechidiki here? (Ona ndima 15)

15. Tinodzidzei kubva kuna Pauro panyaya yekuremekedza hama dzechidiki?

15 Zvakadini nehama dzechidiki dziri muungano? Unodziona sei? Muapostora Pauro akanyorera Timoti, murume wechidiki, kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anombozvidza uduku hwako. Asi, iva muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena.” (1 Tim. 4:12) Panguva yakanyorwa mashoko aya naPauro, Timoti anogona kunge akanga ati pfuurei makore 30. Kunyange zvakadaro, Pauro akanga amupa mabasa akakura. Pasinei nechikonzero chakaita kuti amupe zano iri, chidzidzo chacho chiri pachena. Hatifaniri kutonga hama dzechidiki nekungotarisa zera radzo. Funga zvese zvakanga zvaitwa naJesu paakazosvitsa makore 33.

16, 17. (a) Vakuru vanoongorora sei kana hama ichikodzera kuti igadzwe semushumiri anoshumira kana kuti mukuru? (b) Maonero evanhu kana kuti tsika dzavo zvingapesana sei nezvinotaurwa neBhaibheri?

16 Mutsika dzedu, tinogona kunge tichitarisira pasi varume vechidiki. Kana zvakadaro, vakuru vari muungano vanogona kuzeza kurumbidza hama dzechidiki dzinokodzera kuva vashumiri vanoshumira kana kuti vakuru. Vakuru vese vanofanira kuyeuka kuti Bhaibheri haritauri kuti murume anofanira kugadzwa asvika pazera ripi kuti ave mushumiri anoshumira kana kuti mukuru. (1 Tim. 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9) Kana mukuru akaisa mutemo unobva pane zvinoitwa mutsika, anenge asiri kuita maererano nezviri muBhaibheri. Vakuru vanofanira kuongorora varume vechidiki vachishandisa Shoko raMwari kwete maonero avo kana tsika dzavo.​—2 Tim. 3:16, 17.

17 Funga kuti maonero akadaro asingaenderani neBhaibheri angaita sei kuti hama dzinokodzera dzisagadzwa. Mune imwe nyika, mumwe mushumiri anoshumira akapiwa mabasa akakura muungano. Kunyange zvazvo vakuru vemuungano yacho vaibvumirana kuti hama iyi yechidiki yaikodzera kugadzwa semukuru maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, havana kuita kuti igadzwe. Vakuru vashoma vechikuru vakasimbirira pakuti hama yacho yairatidzika semwana mudiki kuti inzi mukuru muungano. Zvinosuwisa kuti hama iyi haina kugadzwa nemhaka yekungoti yairatidzika sei. Tangotaura zvedu muenzaniso mumwe chete, asi mafungiro akadaro ari kukanganisa vakawanda munyika dzakasiyana-siyana. Zvinokosha chaizvo kuti tiite zvinhu maererano nezvinotaurwa neBhaibheri pane kuita maererano netsika dzedu kana kuti maonero edu. Kana tikadaro tinenge tichiteerera Jesu uye tinenge tisiri kutonga vamwe nekutarisa zvavari nechekunze.

TONGAI ZVAKARURAMA

18, 19. Tinofanira kuita sei kuti tione vamwe semaonerwo avanoitwa naJehovha?

18 Pasinei nekuti tine chivi, tinogona kudzidza kuona vamwe semaonerwo avanoitwa naJehovha uyo asingasaruri. (Mab. 10:34, 35) Asi tinofanira kuramba tichishanda nesimba uye tichiyeuchidzwa zviri muShoko raMwari. Kana tikashandisa zviyeuchidzo zviri mariri, tichakwanisa kuteerera murayiro waJesu wekuti tirege kutonga nekutarisa zviri kunze.​—Joh. 7:24.

19 Pasina nguva, Mambo wedu Jesu Kristu achatonga vanhu asingashandisi zvaanoona nemaziso kana kuti zvaanonzwa, asi maererano nekutonga kwakarurama. (Isa. 11:3, 4) Takamirira kuti nguva iyoyo inofadza isvike!