Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uine Rugare Rwemupfungwa Zvinhu Pazvinochinja

Ramba Uine Rugare Rwemupfungwa Zvinhu Pazvinochinja

“Ndakazorodza mweya wangu ndikaunyaradza.”—PIS. 131:2.

NZIYO: 128, 129

1, 2. (a) MuKristu angavhiringidzwa sei nekuchinja kwezvinhu muupenyu hwake? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Maererano naPisarema 131, unhu hupi hungatibatsira kuti tirambe tiine rugare rwemupfungwa?

LLOYD naAlexandra pavakanzi vanoshumira semapiyona, pakutanga vakasuwa. Vakanga vashumira paBheteri kwemakore anopfuura 25. Lloyd anoti: “Ndainzwa sekuti kuva mushandi wepaBheteri uye basa randaiita ndizvo zvairatidza kuti ndini ani. Ndainzwisisa zvikonzero zvainge zvaita kuti zvinhu zvichinje, asi mumwedzi yakatevera ndakatanga kunzwa sekuti ndakanga ndaraswa. Imwe nguva ndaifara asi pasina nguva ndaibva ndanzwa kuora mwoyo.”

2 Upenyu hwedu pahunoerekana hwachinja, tinogona kushushikana mupfungwa. (Zvir. 12:25) Zvinogona kutiomera kuzvigamuchira. Pakadaro tingaita sei kuti ‘tizorodze mweya wedu uye tiunyaradze.’ (Verenga Pisarema 131:1-3.) Ngationei kuti vashumiri vaJehovha vanotaurwa muBhaibheri uye vemazuva ano vakaramba sei vaine rugare rwemupfungwa pasinei nekuchinja kwezvinhu.

“RUGARE RWAMWARI” RUNOTIBATSIRA SEI?

3. Upenyu hwaJosefa hwakaerekana hwachinja sei?

3 Josefa aiva nemakore anenge 17 vakoma vake pavakamutengesa kuti ave muranda nemhaka yegodo. Izvi zvisati zvaitika, Josefa ndiye ainyanya kufarirwa nababa vake. (Gen. 37:2-4, 23-28) Kwemakore anenge 13, Josefa aifanira kutsungirira uranda uye kugara mujeri muIjipiti, kure nababa vake vaaida chaizvo. Chii chakamubatsira kuti asarasa tariro uye asava nechigumbu?

4. (a) Paaiva mujeri, Josefa akaisa pfungwa dzake pachii? (b) Jehovha akapindura sei minyengetero yaJosefa?

4 Paaitambura ari mujeri, Josefa anofanira kunge akaisa pfungwa dzake pazvinhu zvairatidza kuti Jehovha aimukomborera. (Gen. 39:21; Pis. 105:17-19) Uprofita hwaakarota paaiva mudiki hunogonawo kunge hwakaita kuti azive kuti Jehovha aiva naye. (Gen. 37:5-11) Anogona kunge aigara achiudza Jehovha zvese zvaimunetsa. (Pis. 145:18) Jehovha akapindura minyengetero yaJosefa nekuita kuti ave nechivimbo chekuti “akanga ainaye” mumatambudziko ake ese.—Mab. 7:9, 10. *

5. “Rugare rwaMwari” runotibatsira sei pakuzadzisa zvinangwa zvedu zvekunamata?

5 Pasinei nekuoma kweupenyu, mazuva ano tinonyaradzwa ‘nerugare rwaMwari’ runorinda simba redu rekufunga. (Verenga VaFiripi 4:6, 7.) Saka kana tikanyengetera kuna Jehovha patinenge tichinetseka, rugare rwaMwari runogona kuita kuti titsunge kuzadzisa zvinangwa zvedu zvekunamata uye kuita kuti tisakanda mapfumo pasi. Ngationei kuti izvi zvakaitika sei kune dzimwe hama nehanzvadzi mazuva ano.

KUMBIRA JEHOVHA KUTI AKUBATSIRE KUTI UVEZVE NERUGARE RWEMUPFUNGWA

6, 7. Kunyengetera tichinyatsotaura zvinenge zvichitinetsa kunotibatsira sei kuti tive nerugare rwemupfungwa? Taura muenzaniso.

6 Ryan naJuliette pavakanzi vamire kushanda semapiyona chaiwo enguva pfupi, vakanzwa sekuti vakanga varaswa. Ryan anoti: “Takabva taudza Jehovha nyaya yacho. Taiziva kuti kuno taiva nemukana wekuratidza kuti tinovimba naye. Vakawanda vaiva muungano yedu vaiva vatsva muchokwadi, saka takanyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire kuti tiratidze muenzaniso wakanaka wekutenda.”

7 Jehovha akapindura sei munyengetero wavo? Ryan anoti: “Tichangobva kunyengetera, mafungiro asina kunaka uye kunetseka kwataiita zvakabva zvapera. Rugare rwaMwari rwairinda mwoyo yedu nesimba redu rekufunga. Takaona kuti kuramba tiine maonero akanaka ndiko kwaizoita kuti tikwanise kuramba tichishumira Jehovha.”

8-10. (a) Mweya waMwari unotibatsira sei kutsungirira patinenge tichinetseka? (b) Jehovha anoita sei kana tikaramba tichikoshesa zvinhu zvekunamata?

8 Mweya waMwari unogona kuita kuti tidzikame uye unotiyeuchidza mavhesi eBhaibheri anotibatsira kuti tirambe tichiisa zvinhu zvekunamata pekutanga. (Verenga Johani 14:26, 27.) Funga zvakaitika kune murume nemudzimai vanonzi Philip naMary, avo vakanga vashumira paBheteri kwemakore anoda kusvika 25. Mumwedzi mina vese vakafirwa navanaamai vavo neimwewo hama yavo uye vakatanga kuchengeta baba vaMary vaiva nechirwere chemupfungwa chakaipisisa.

9 Philip anoti: “Ndaifunga kuti ndainyatsotsungirira, asi pane chimwe chinhu chandakanga ndisiri kuita. Ndakaona VaKorose 1:11 mune imwe nyaya yekudzidza yeNharireyomurindi. Ndaitsungirira hangu, asi ndakanga ndisingatsungiriri zvizere. Ndaifanira ‘kutsungirira zvizere nemwoyo murefu nemufaro.’ Vhesi iyi yakandiyeuchidza kuti mufaro haubvi pane zvandinenge ndichisangana nazvo muupenyu, asi unobva pakushanda kunoita mweya waMwari muupenyu hwangu.”

10 Sezvo Philip naMary vakaramba vachikoshesa zvinhu zvekunamata, Jehovha akavakomborera nenzira dzakasiyana-siyana. Vachangobva paBheteri, vese vakawana vanhu vekudzidza navo Bhaibheri vaifambira mberi uye vaida kudzidza kakati wandei pavhiki. Mary anoti: “Vakaita kuti tifare uye iyi yaiva nzira yaJehovha yekutiudza nayo kuti zvinhu zvese zvaizonaka.”

IPA JEHOVHA CHIMWE CHINHU CHEKUTI AKOMBORERE

Tingatevedzera sei zvakaitwa naJosefa pasinei nemamiriro edu ezvinhu? (Ona ndima 11-13)

11, 12. (a) Josefa akapa sei Jehovha chimwe chinhu chekuti akomborere? (b) Jehovha akakomborera sei Josefa?

11 Kana zvinhu zvikangoerekana zvachinja, tinogona kunetseka zvekusvika pakuona sekuti hapana chimwe chatinogona kuita. Izvi zvaigona kunge zvakaitika kuna Josefa. Pane kudaro, akasarudza kuita zvese zvaaigona mumamiriro ake ezvinhu, achipa Jehovha chimwe chinhu chekuti akomborere. Kunyange zvazvo akanga ari mujeri, Josefa aishanda nesimba pazvese zvaainge anzi aite nemukuru mukuru wejeri, sezvaaingoita paaishandira Potifari.—Gen. 39:21-23.

12 Rimwe zuva, Josefa akanzi aone nezvevarume vaviri vaimbova nezvinzvimbo zvepamusoro mumuzinda waFarao. Josefa aivaratidza mutsa saka vakakwanisa kumuudza matambudziko avo uye zvinhu zvavaisanzwisisa zvavainge varota usiku hwainge hwapfuura. (Gen. 40:5-8) Josefa haana kuziva kuti kukurukura kwaakaita navo kwaizoita kuti zvinhu zvimufambire zvakanaka. Kunyange zvazvo aifanira kutsungirira mamwe makore maviri ari mujeri, akazobudiswa, uye musi iwoyo akagadzwa kuva mutevedzeri wamambo Farao.—Gen. 41:1, 14-16, 39-41.

13. Tingaita sei kuti tipe Jehovha chimwe chinhu chekuti akomborere pasinei nemamiriro edu ezvinhu?

13 Sezvakaitika kuna Josefa, tinogona kupinda mumamiriro ezvinhu ekuti hapana chatinogona kuita kuti tibude maari. Asi kana tikaramba tiine mwoyo murefu uye tikaita zvese zvatinogona tiri mumamiriro ezvinhu akadaro, tinopa Jehovha chimwe chinhu chekuti akomborere. (Pis. 37:5) Dzimwe nguva tinogona ‘kuvhiringidzika,’ asi sezvakataurwa nemuapostora Pauro, ‘hatishayi pekubuda napo zvachose.’ (2 VaK. 4:8) Mashoko iwayo aPauro achashandawo kwatiri, kunyanya kana tikaramba takaisa pfungwa dzedu pabasa rekuparidza.

RAMBA WAKAISA PFUNGWA DZAKO PABASA REKUPARIDZA

14-16. Firipi muevhangeri akaramba sei akaisa pfungwa paushumiri hwake pasinei nekuchinja kwezvinhu?

14 Firipi muevhangeri akaramba akaisa pfungwa paushumiri hwake pasinei nekuchinja kwemamiriro ake ezvinhu. VaKristu vakatanga kutambudzwa muJerusarema Stefani paakaurayiwa. * Panguva iyoyo Firipi aiva nebasa idzva raakanga ava kuita. (Mab. 6:1-6) Asi vateveri vaKristu pavakabuda muJerusarema nemhaka yekutambudzwa, Firipi haana kungopeta maoko. Akaenda kunoparidza kuSamariya, guta rakanga risati ranyanya kuparidzwa mashoko akanaka panguva iyoyo.—Mat. 10:5; Mab. 8:1, 5.

15 Firipi aida kuenda chero kwaainzi nemweya waMwari aende, saka Jehovha akamushandisa kuti atange kuparidza mundima itsva. Kusasarura kwake kunofanira kunge kwakazorodza vaSamariya avo vaitarisirwa pasi nevaJudha. Ndosaka mapoka evanhu akateerera “nomwoyo mumwe”!—Mab. 8:6-8.

16 Firipi akatungamirirwa nemweya waMwari kuti aende kuAshdhodhi nekuKesariya, maguta maviri aiva nevanhu vakawanda veMamwe Marudzi. (Mab. 8:39, 40) Zviri pachena kuti makore anenge 20 kubva Firipi paakatanga kuparidza muSamariya, mamiriro ake ezvinhu akanga achinja zvekare. Akanga ava nemhuri uye akanga ava kuparidza munzvimbo yaaigara. Pasinei nekuchinja kwainge kwaita zvinhu, Firipi akaramba akaisa pfungwa dzake pabasa rekuparidza, uye izvi zvakaita kuti iye nemhuri yake vakomborerwe naJehovha.—Mab. 21:8, 9.

17, 18. Kuisa pfungwa pakuparidza kunotibatsira sei kuti tirambe tiine maonero akanaka zvinhu pazvinochinja?

17 Vakawanda vari mubasa renguva yakazara vanotaura kuti kuisa pfungwa paushumiri kwakavabatsira kuti varambe vaine maonero akanaka uye vachifara pasinei nekuchinja kwezvinhu. Osborne naPolite, murume nemudzimai vekuSouth Africa, pavakabva paBheteri, vaifunga kuti vaizokurumidza kuwana pekugara uye kuwana basa rekushanda mazuva mashoma. Osborne anoti, “Hatina kukurumidza kuwana basa sezvataitarisira.” Mudzimai wake, Polite, anoti: “Hatina kuwana basa kwemwedzi mitatu, uye hatina mari yatainge takachengeta. Zvainge zvakatiomera chaizvo.”

18 Chii chakavabatsira kutsungirira? Osborne anoti: “Kuparidza neungano kwakaita kuti tirambe takaisa pfungwa pazvinhu zvinokosha uye tirambe tiine maonero akanaka. Takasarudza kunyatsoshanda nesimba pakuparidza pane kungonetseka takagara, uye izvi zvakaita kuti tifare chaizvo. Takatsvaga basa kwese kwese uye takazoriwana.”

MIRIRA JEHOVHA NEMWOYO MUREFU

19-21. (a) Chii chichatibatsira kuti tirambe tiine rugare rwemupfungwa? (b) Kuchinja kwezvinhu kunogona kutibatsira sei?

19 Sezvataona mumienzaniso iyi, tikaitawo zvatinogona mumamiriro ezvinhu atinenge tiri uye tomirira Jehovha, ticharamba tiine rugare rwemupfungwa. (Verenga Mika 7:7.) Nekufamba kwenguva tinogona kuona kuti ushamwari hwedu naJehovha hwakasimbiswa nekuchinja kwakaita zvinhu. Achifunga zvakaitika kwaari, Polite ambotaurwa nezvake, anoti: “Kupiwa kwatakaitwa rimwe basa kwakandidzidzisa chinonzi kuvimba naJehovha kunyange upenyu pahunoita sehwakanyanya kundiomera. Ushamwari hwangu naye hwanyatsosimba.”

20 Mary ambotaurwa nezvake, achiri kuchengeta baba vake vakwegura uku achipayona. Anoti: “Ndakadzidza kuti pandinenge ndichizvidya mwoyo, ndinofanira kumbobvisa pfungwa pane zviri kundinetsa, ndonyengetera ndobva ndadzikama. Chidzidzo chikuru chandakawana ndechekuti ndinofanira kuisa zvinhu mumaoko aJehovha, uye ndizvo zvatichafanira kuita mune ramangwana.”

21 Lloyd naAlexandra vambotaurwa patangira nyaya ino, vanoti kuchinja kwakaita mamiriro avo ezvinhu kwakaedza kutenda kwavo nenzira dzavaisatarisira. Asi vanoti: “Kutenda kwedu pakunoedzwa zvinobuda pachena kuti ndekwechokwadi uye kwakasimba here zvekuti kunogona kutitsigisa uye kutinyaradza zvinhu pazvinooma. Tinova vanhu vari nani.”

Kuchinja kwezvinhu tisingazvitarisiri kunogona kuita kuti tiwane makomborero ataisatarisira! (Ona ndima 19-21)

22. Kana tikaita zvese zvatinogona mumamiriro ezvinhu atinenge tiri, tinogona kuva nechivimbo chei?

22 Kana upenyu hukaerekana hwachinja, zvichida nekuti wachinjwa basa rekuita musangano, utano hwako hwachinja kana kuti wava nemamwe mabasa aunofanira kuitira mhuri, iva nechokwadi chekuti Jehovha ane hanya newe uye achakubatsira panguva yakakodzera. (VaH. 4:16; 1 Pet. 5:6, 7) Panguva ino, ita zvaunogona mumamiriro ezvinhu auri. Swedera pedyo naBaba vako vekudenga nekunyengetera, uye isa upenyu hwako mumaoko avo. Kana ukadaro, ucharambawo uine rugare rwemupfungwa pasinei nekuchinja kwezvinhu.

^ ndima 4 Papera makore akati kuti, Josefa akatumidza mwanakomana wake wedangwe kuti Manase nekuti akati: “Mwari aita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose.”—Gen. 41:51.

^ ndima 14 Ona nyaya yakanzi “Waizviziva Here” iri muNharireyomurindi ino.