Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Mudzidzi Stefani akakwanisa sei kuramba akadzikama paaitambudzwa?

STEFANI aiva pamberi peboka revarume 71 vainge vakagumbuka. Varume ava vaiva vatongi vane simba chaizvo mudare repamusorosoro muIsraeri rainzi Sanihedrini. Vakanga vaunganidzwa neMupristi Mukuru Kayafasi uyo akatungamirira dare racho mwedzi mishoma yakanga yapfuura panguva yakatongerwa Jesu rufu. (Mat. 26:57, 59; Mab. 6:8-12) Pavaiunza vanhu vaipomera Stefani zvenhema, vakaona chimwe chinhu chaishamisa paari. “Chiso chake chakanga chakaita sechiso chengirozi.”—Mab. 6:13-15.

Stefani aikwanisa sei kuramba akadzikama uye akanyarara panguva yaityisa zvakadaro? Asati aendeswa pamberi pedare reSanihedrini, Stefani akanga achiita basa reushumiri achitungamirirwa nemweya waMwari. (Mab. 6:3-7) Paaitongwa, mweya iwoyo waishanda paari semunyaradzi uye semuyeuchidzi. (Joh. 14:16) Sezviri muchitsauko 7 chebhuku raMabasa, Stefani paaizvidzivirira, mweya mutsvene wakamuyeuchidza ndima dzinenge 20 kana kupfuura dzemuMagwaro echiHebheru. (Joh. 14:26) Kutenda kwaStefani kwakawedzera kusimba paakaratidzwa Jesu akamira kurudyi rwaMwari.—Mab. 7:54-56, 59, 60.

Rimwe zuva tinogona kuzotyisidzirwa kana kutambudzwa. (Joh. 15:20) Kugara tichidzidza Shoko raMwari uye kuita ushumiri kuchaita kuti mweya waJehovha ushande matiri. Tichawanawo simba rekutsungirira patinopikiswa toramba tiine rugare mupfungwa.—1 Pet. 4:12-14.