Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndichafamba Muchokwadi Chenyu”

“Ndichafamba Muchokwadi Chenyu”

“Haiwa Jehovha, ndirayiridzei pamusoro penzira yenyu. Ndichafamba muchokwadi chenyu.”​—PIS. 86:11.

NZIYO: 31, 72

1-3. (a) Tinofanira kuona sei chokwadi cheBhaibheri? Taura muenzaniso. (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.) (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya ino?

MAZUVA ano, mune dzimwe nyika zvakajairika kuti vanhu vadzorere zvinhu zvavanenge vatenga. Zvinofungidzirwa kuti vatengi vanodzorera chinhu chimwe chete pazvinhu 10 zvavanenge vatenga muchitoro. Pazvinhu 10 zvinotengwa paIndaneti zvinopfuura zvitatu zvinogona kudzorerwa. Zvichida vatengi vanoona kuti chinhu chacho chinenge chisingaenderani nezvavaitarisira, chinenge chakakanganisika kana kuti vanenge vasina kuchifarira. Saka vanosarudza kupiwa chimwe kana kuti kudzorerwa mari yavo.

2 Kunyange zvazvo tingakumbira kudzorerwa mari yatinenge tashandisa kutenga chimwe chinhu, hatingambodi kudzorera kana kuti ‘kutengesa’ “zivo yakarurama” yechokwadi cheBhaibheri yatinenge ‘tatenga.’ (Verenga Zvirevo 23:23; 1 Tim. 2:4) Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, takashandisa nguva yakawanda chaizvo kuti tidzidze chokwadi. Kuti titenge chokwadi tinogonawo kunge takasiya basa rinobhadhara, takasvika pakuvengwa nevamwe, takachinja mafungiro nemaitiro edu kana kuti takasiya tsika dzisingaenderani neBhaibheri. Asi zvatakarasikirwa nazvo zvidiki chaizvo kana tichizvienzanisa nemakomborero atakawana.

3 Maonero atinoita chokwadi cheBhaibheri akafanana neemurume akataurwa naJesu mune mumwe mufananidzo. Kuti aratidze kuti chokwadi cheUmambo chinokosha zvakadii kune vanochiwana, Jesu akataura nezvemunhu aifamba achitengesa uyo aitsvaga maparera akanaka achibva awana rimwe chete. Parera iroro raikosha chaizvo zvekuti “akakurumidza kutengesa” zvese zvaaiva nazvo kuti aritenge. (Mat. 13:45, 46) Saizvozvowo, chokwadi chatakawana, kureva chokwadi nezveUmambo hwaMwari uye chimwe chokwadi chese chatakadzidza muShoko raMwari, chinokosha chaizvo kwatiri zvekuti takasarudza kukurumidza kusiya zvimwe zvinhu kuti tichiwane. Kana tikaramba tichikoshesa chokwadi, ‘hatizombochitengesi.’ Zvinosuwisa kuti vamwe vanhu vaMwari vakapedzisira vasisaoni kukosha kwechokwadi chavakawana uye vakatochitengesa. Izvozvo ngazvisambofa zvakaitika kwatiri! Kuti tiratidze kuti tinonyatsokoshesa chokwadi uye kuti hatifi takachitengesa, tinofanira kuteerera zano reBhaibheri rekuti ‘tirambe tichifamba muchokwadi.’ (Verenga 3 Johani 2-4.) Kufamba muchokwadi kunosanganisira kuchikoshesa kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwedu uye kurarama maererano nacho. Ngatikurukurei mibvunzo iyi: Nei vamwe vachitengesa chokwadi uye vanochitengesa sei? Tingaita sei kuti tisaita chikanganiso ichocho? Tingasimbisa sei chido chedu ‘chekuramba tichifamba muchokwadi’?

NEI VAMWE ‘VACHITENGESA’ CHOKWADI UYE VANOCHITENGESA SEI?

4. Nei vamwe ‘vakatengesa’ chokwadi panguva yaJesu?

4 Panguva yaJesu vamwe vainge vagamuchira zvaaidzidzisa vakatadza kuramba vachifamba muchokwadi. Semuenzaniso, pashure pekunge Jesu aita chishamiso chekupa vanhu vakawanda zvekudya, vanhu vacho vakamutevera paakaenda kumhiri kweGungwa reGarireya. Vari ikoko, Jesu akataura chimwe chinhu chakavavhundutsa paakati: “Kana mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.” Pane kuti vakumbire Jesu kuti atsanangure, vakagumburwa nemashoko ake uye vakati: “Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angakuteerera?” Nemhaka yeizvi “vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera kuzvinhu zvavakasiya uye vakanga vasingachafambizve naye.”​—Joh. 6:53-66.

5, 6. (a) Mazuva ano, nei vamwe vachitadza kuramba vari muchokwadi? (b) Munhu angasiya sei chokwadi zvishoma nezvishoma?

5 Zvinosuwisa kuti mazuva ano vamwe vakatadza kuramba vari muchokwadi. Vamwe vakagumburwa nekugadziriswa kwakaitwa manzwisisiro atinoita imwe ndima yeBhaibheri kana kuti nezvakataurwa kana kuitwa neimwe hama yakakurumbira. Vamwe vakagumburwa nezano reBhaibheri ravakapiwa kana kuti vakasiya chokwadi nekuti vakanetsana nemumwe muKristu. Uye vamwe vakatsigira vaya vakatsauka pakutenda nevamwe vanopikisa chokwadi. Izvi zvakaita kuti vamwe vatange ‘kubva’ nemaune pana Jehovha uye muungano. (VaH. 3:12-14) Zvaizova nani kudai vakaramba vaine kutenda kwavo voramba vachivimba naJesu sezvakaitwa nemuapostora Petro. Jesu paakabvunza vaapostora kana vaida kuendawo, Petro akakurumidza kupindura achiti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.”​—Joh. 6:67-69.

6 Vamwe vakasiya chokwadi zvishoma nezvishoma, zvimwe vasingatombozvioni kuti ndizvo zviri kuitika. Munhu anosiya chokwadi zvishoma nezvishoma akafanana nebhoti rinotakurwa nemvura zvishoma nezvishoma kubva pamhenderekedzo yerwizi. Bhaibheri rinotaura nezvekuchinja ikoko kunoitika zvishoma nezvishoma richiti ‘kukukurwa.’ (VaH. 2:1) Kusiyana nezvinoitwa nemunhu anosiya chokwadi nemaune, munhu anokukurwa haaiti zvekuronga kusiya chokwadi. Kunyange zvakadaro, munhu akadaro anokanganisa ushamwari hwake naJehovha uye anogona kutorasikirwa nahwo. Tingaita sei kuti izvozvo zvisaitika kwatiri?

TINGAITA SEI KUTI TISATENGESA CHOKWADI?

7. Chii chichatibatsira kuti tisatengesa chokwadi?

7 Kuti tifambe muchokwadi, tinofanira kugamuchira uye kuteerera zvese zvinotaurwa naJehovha. Tinofanira kukoshesa chokwadi kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwedu uye kurarama maererano nemazano ari muBhaibheri. Mambo Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Ndichafamba muchokwadi chenyu.” (Pis. 86:11) Dhavhidhi akanga akatsunga kuita izvozvo. Isuwo tinofanira kuva nechido chakasimba chekuramba tichifamba muchokwadi chaMwari. Kana tikasadaro, tinogona kutanga kufunga nezvezvinhu zvatakarasikirwa nazvo kuti tiwane chokwadi uye tingatoda kudzokera kune zvimwe zvacho. Pane kudaro tinonyatsobatisisa chokwadi chese. Tinoziva kuti hatifaniri kusarudza kuti ndechipi chokwadi chatinoda kugamuchira nechatisingadi. Tinofanira kufamba “muchokwadi chese.” (Joh. 16:13) Ngatikurukurei zvinhu zvishanu zvatingave takarasikirwa nazvo kuti tiwane chokwadi. Kuita izvozvo kuchaita kuti titsunge kusadzokera kunyange kuzvimwe zvezvinhu zvatakarasikirwa nazvo.​—Mat. 6:19.

8. Kusashandisa nguva nekuchenjera kungaita sei kuti muKristu atange kubva muchokwadi zvishoma nezvishoma? Taura muenzaniso.

8 Nguva. Kuti tisabva muchokwadi zvishoma nezvishoma, tinofanira kushandisa nguva yedu nekuchenjera. Kana tikasangwarira, tinogona kutanga kushandisa nguva yakawanda paIndaneti kana pakuzvivaraidza. Kunyange zvazvo zvinhu izvi zvisina kuipa, zvinogona kutitorera imwe nguva yataishandisa pakudzidza tiri tega uye pakuita zvimwe zvinhu zvekunamata. Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Emma. * Kubvira achiri mudiki, Emma aifarira mabhiza. Pese paaiwana mukana, aienda kunotasva mabhiza. Papera kanguva, akatanga kunetseka nekuti aishandisa nguva yakawanda pakuita zvemabhiza. Akachinja maitiro ake uye akakwanisa kuita kuti kuzvivaraidza kusamudyira nguva. Akakurudzirwa nenyaya yaCory Wells, uyo aimbotamba mutambo wemabhiza unonzi trick riding. * Iye zvino Emma ava kuwana nguva yakawanda yekuita zvinhu zvekunamata uye yekuva nevemumhuri make neshamwari dzake. Anonzwa kuti awedzera kuva pedyo naJehovha uye ari kufara nekuti ari kushandisa nguva yake nekuchenjera.

9. Kutsvaga pfuma kungatikanganisa sei pakunamata?

9 Pfuma. Kuti tirambe tichifamba muchokwadi, hatifaniri kunyanya kukoshesa pfuma. Patakadzidza chokwadi, takabva tatanga kuda zvinhu zvekunamata kupfuura pfuma. Takafarira kurasikirwa nezvimwe zvinhu kuti tifambe muchokwadi. Asi nekufamba kwenguva, tinogona kuona vamwe vachitenga zvinhu zvemagetsi zvichangoburwa kana kuti vaine zvimwe zvinhu. Tinogona kutanga kuona sekuti tiri kusaririra. Tingasagutsikana nekuwana zvinokosha pakurarama, totanga kuisa zvinhu zvekunamata padivi kuti timbowedzera pfuma. Izvozvo zvinotiyeuchidza zvakaitika kuna Dhemasi. Kuda kwaaiita “mamiriro ezvinhu epanguva” yacho kwakaita kuti arege kushumira kwaaiita nemuapostora Pauro. (2 Tim. 4:10) Nei Dhemasi akasiya Pauro? Bhaibheri haritauri kuti akada pfuma kupfuura zvekunamata here kana kuti akanga asisadi kuzvipira kuti ashumire naPauro. Hatidi kuvazve nechido chekutsvaga pfuma uye kuita kuti ikanganise kuda kwatinoita chokwadi.

10. Kuti tirambe tichifamba muchokwadi, chii chatisingafaniri kuita?

10 Kuwirirana nevamwe. Kuti tirambe tichifamba muchokwadi hatifaniri kungobvuma kuita zvinenge zvichidiwa nevamwe vanhu. Kubvira patakatanga kufamba muchokwadi, pane zvakachinja pakushamwaridzana kwataiita nevanhu vasiri Zvapupu, vangava vemumhuri kana vamwewo. Vamwe vakatinzwisisa asi vamwe vakatanga kutipikisa. (1 Pet. 4:4) Kunyange zvazvo tichiedza kuva neushamwari hwakanaka nevanhu vemumhuri medu uye tichivabata zvakanaka, tinofanira kungwarira kuti tisaita zvinhu zvinopesana nechokwadi tichiitira kuvafadza. Kunyange zvakadaro, tinoedza kuramba tichiwirirana navo. Tichifunga nezveyambiro yakajeka iri pana 1 VaKorinde 15:33, tichava neushamwari hwepedyo nevaya vanoda Jehovha chete.

11. Tingaita sei kuti tisaita zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri?

11 Mafungiro uye maitiro asina kunaka. Vese vanofamba muchokwadi vanofanira kuva vatsvene. (Isa. 35:8; verenga 1 Petro 1:14-16.) Patakapinda muchokwadi, tese tine zvataifanira kuchinja kuti tiite zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri. Vamwe vaifanira kuchinja zvinhu zvakakura. Kunyange zvakadaro, hatifaniri kuchinjanisa mararamiro edu akachena uye matsvene nemararamiro asina kuchena enyika ino. Tingaita sei kuti tisaita zvinhu zvakaipa? Funga nezvemutengo wakakura wakabhadharwa naJehovha kuitira kuti tive vatsvene, iro ropa rinokosha reMwanakomana wake, Jesu Kristu. (1 Pet. 1:18, 19) Kuramba tichiyeuka kukosha kwechibayiro chaJesu cherudzikinuro kuchatibatsira kuti tirambe takachena pamberi paJehovha.

12, 13. (a) Nei zvichikosha kuti tirambe tichiona mazororo sezvaanoitwa naJehovha? (b) Chii chatava kuda kukurukura?

12 Tsika dzisingaenderani neBhaibheri. Vemumhuri, vatinoshanda navo uye vekuchikoro vanogona kuedza kuita kuti tibatane navo pakupemberera mazuva ekuberekwa kana mazororo. Chii chingatibatsira kuti tikurire muedzo wekutevedzera tsika nemazororo zvisingafadzi Jehovha? Tinogona kuita izvozvo nekuramba tichiyeuka maonero anoita Jehovha zvinhu zvakadaro. Kuverenga zvinotaurwa mumabhuku edu nezvematangiro akaita mazororo akakurumbira kunogona kutibatsira. Patinozviyeuchidza zvikonzero zvinotaurwa neBhaibheri zvekuti tisapemberera mazororo akadaro, tinova nechokwadi chekuti tiri kufamba nenzira ‘inogamuchirika kunaShe.’ (VaEf. 5:10) Kuvimba naJehovha neShoko rake rechokwadi kuchatidzivirira ‘pakutya munhu.’​—Zvir. 29:25.

13 Kufamba muchokwadi hakuna pakunogumira. Tinotarisira kufamba machiri nekusingaperi. Tingasimbisa sei chido chedu chekuramba tichifamba muchokwadi? Ngatikurukurei nzira nhatu.

SIMBISA CHIDO CHAKO CHEKURAMBA UCHIFAMBA MUCHOKWADI

14. (a) Kuramba tichitenga chokwadi kunotibatsira sei kuti titsunge kusambofa takachitengesa? (b) Nei uchenjeri, chirango uye kunzwisisa zvichikosha?

14 Nzira yekutanga ndeyekuramba uchidzidza chokwadi chinokosha cheShoko raMwari uye kufungisisa nezvacho. Tenga chokwadi nekugara uchizvipa nguva yekudzidza chokwadi chinokosha chiri muShoko raMwari. Kana ukadaro uchawedzera kukoshesa chokwadi uye kutsunga kusambofa wakachitengesa. Zvirevo 23:23 inoti tinofanirawo kutenga “uchenjeri nokurangwa nokunzwisisa.” Hazvina kukwana kungova nezivo. Tinofanira kushandisa chokwadi muupenyu hwedu. Kunzwisisa kunoita kuti tione kubatana kwakaita zvatinenge tichidzidza nezvatagara tichiziva. Uchenjeri hunoita kuti tishandise zvatinoziva. Dzimwe nguva chokwadi chinotiranga chichiita kuti tione patinofanira kugadzirisa. Tinofanira kugadzirisa pese patinorangwa saizvozvo. Kukosha kwechirango kunopfuura sirivha nekure.​—Zvir. 8:10.

15. Bhandi rechokwadi rinotidzivirira sei?

15 Nzira yechipiri ndeyekuti utsunge kurarama zvinoenderana nechokwadi zuva nezuva. Sunga bhandi rechokwadi muchiuno chako. (VaEf. 6:14) Munguva yaiitika zvinotaurwa muBhaibheri, bhandi remusoja raidzivirira chiuno chake nedzimwewo nhengo. Asi kuti bhandi rake rimudzivirire, raifanira kusungwa zvakasimba. Bhandi risina kunyatsosungwa raisabatsira zvakakwana. Bhandi redu rechokwadi rinotidzivirira sei? Kana tikaramba takazvisunga zvakasimba nechokwadi sebhandi, chichatidzivirira pamafungiro akaipa uye chichatibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka. Patinenge tichiedzwa kana kuti tichitambura, chokwadi cheBhaibheri chichatibatsira kuti titsunge kuita zvakarurama. Sezvo musoja aisazombofunga zvekuenda kuhondo asina bhandi rake, tinofanira kutsunga kusamboita kuti bhandi redu rechokwadi rive zinyekenyeke uye kusamboribvisa. Asi tinoita zvese zvatinogona kuti rirambe rakasunga muviri wedu zvakasimba kuburikidza nekurarama maererano nechokwadi. Bhandi remusoja raiitawo kuti musoja awane pekuisa bakatwa rake paisazomunetsa kuritora. Izvi zvinoita kuti tiende panzira yechitatu inotibatsira kuti titsunge kuramba tichifamba muchokwadi.

16. Kuudza vamwe chokwadi cheBhaibheri kunotibatsira sei kuti tiwedzere kutsunga kuramba tichifamba muchokwadi?

16 Nzira yechitatu ndeyekuti ushande nesimba pakudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri. Kana ukadaro ucharamba wakabata zvakasimba bakatwa remweya, iro “shoko raMwari.” (VaEf. 6:17) Tese tinogona kushanda nesimba kuti tivandudze unyanzvi hwedu sevadzidzisi, ‘vanobata shoko rechokwadi zvakarurama.’ (2 Tim. 2:15) Patinenge tichishandisa Bhaibheri pakubatsira vamwe kuti vatenge chokwadi voramba dzidziso dzenhema, tinoroverera zvinotaurwa naMwari mupfungwa nemumwoyo medu. Izvi zvinoita kuti tiwedzere kutsunga kuramba tichifamba muchokwadi.

17. Nei chokwadi chichikosha kwauri?

17 Chokwadi cheBhaibheri chipo chinokosha chinobva kuna Jehovha. Chipo ichi chinoita kuti tikwanise kuva neushamwari hwepedyo naBaba vedu vekudenga. Ushamwari ihwohwo hunokosha kupfuura chero chinhu chipi zvacho chatingava nacho. Zvaari kutidzidzisa iye zvino angori mavambo! Mwari anotivimbisa kuti acharamba achitidzidzisa nekusingaperi. Naizvozvo, koshesa chokwadi separera rinokosha. Ramba ‘uchitenga chokwadi urege kuchitengesa.’ Kana ukadaro, uchazadzisa vimbiso yakaitwa naDhavhidhi kuna Jehovha yekuti: “Ndichafamba muchokwadi chenyu.”​—Pis. 86:11.

^ ndima 8 Zita rakachinjwa.

^ ndima 8 Enda paJW Broadcasting, woenda pakanzi KUBVUNZWA NEKUTAURA ZVAKAITIKA > CHOKWADI CHINOSHANDURA UPENYU.