Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chipo Chipi Chatingapa Jehovha?

Chipo Chipi Chatingapa Jehovha?

JESU akamboti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Chokwadi ichocho chinoshandawo paushamwari hwedu naJehovha. Nei zvakadaro? Jehovha akatipa zvipo zvakawanda zvinoita kuti tifare, asi tinogona kuwana mufaro wakatokura patinopa chipo kuna Jehovha. Chipo chipi chatingapa Jehovha? Zvirevo 3:9 inoti: “Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha.” Zvinhu zvedu “zvinokosha” zvinosanganisira nguva yedu, zvatinogona, simba redu, uye pfuma yedu. Patinoshandisa zvinhu izvozvo kuti kunamata kwechokwadi kufambire mberi, tinenge tichipa Jehovha chipo, uye izvi zvinoita kuti tiwane mufaro mukuru.

Chii chichatibatsira kuti tisarega kupa Jehovha zvinhu zvatiinazvo? Muapostora Pauro akaudza vaKorinde kuti ‘vatsaure chimwe chinhu’ chekupa sechipo. (1 VaK. 16:2) Ungaita sei kana uchida kuziva nezvenzira dzekupa nadzo dzinoshanda kwaunogara? Ona bhokisi riri pasi apa.

Mune dzimwe nyika haukwanisi kupa chipo chemari paIndaneti. Zvisinei, mashoko nezvedzimwe nzira dzekupa nadzo zvipo anowanika papeji yapaIndaneti inotaura nezvekupa zvipo. Mune dzimwe nyika papeji iyoyo pane pakanzi Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa uye panopindurwa mibvunzo inowanzobvunzwa nevanhu nezvenyaya yekupa zvipo.