Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

‘Jehovha Akatiratidza Mutsa’

‘Jehovha Akatiratidza Mutsa’

INI nemudzimai wangu Danièle patakangosvika pahotera, munhu aishanda panosvikira vaenzi akati kwandiri, “Vakuru, tinokumbirawo kuti mufonere mapurisa epabhodha.” Taingova nemaawa mashoma tasvika muGabon, nyika iri kuWest Africa, kwakanga kwakabhanwa basa redu makore ekuma1970.

Semunhu ainge akachangamuka, Danièle akabva aona zvaiitika achibva azevezera munzeve yangu achiti, “Usanetseka nekufonera mapurisa, atosvika kare!” Nechekumashure kwedu takaona mota ichimira pamberi pehotera. Pasina nguva, takabva tasungwa. Asi kundinyevera kwakaita Danièle kwakaita kuti ndiwane nguva yekupa imwe hama mapepa andaiva nawo.

Pataiendeswa kukamba yemapurisa, ndainyatsoona kuti ndine mudzimai akashinga uye anoda zvekunamata. Ini naDanièle taibatsirana chaizvo uye apa ndipo pamwe pacho patakabatsirana. Regai nditaure zvakaita kuti tishanyire nyika dzairambidzwa basa redu.

JEHOVHA AKANDIRATIDZA RUDO NEKUNDIBATSIRA KUNZWISISA CHOKWADI

Ndakaberekwa muna 1930 mumhuri yaipinda chechi yeRoma, muCroix, guta diki riri nechekuchamhembe kweFrance. Mhuri yedu yaipinda Misa vhiki rega rega, uye baba vangu vaigara vaine zvakawanda zvekuita kuchechi. Asi pandakanga ndava nemakore 14, pane zvakaitika zvakaita kuti ndione unyengeri hwaiitwa muchechi.

Mauto eGermany akapinda muFrance pairwiwa hondo yenyika yechipiri. Mumharidzo dzake, mupristi wedu aigara achitikurudzira kutsigira hurumende yeFrance iyo yaitsigira Nazi. Taisemburwa nezvaaitaura. Sezvaiita vakawanda vaiva muFrance, taiteerera pachivande nhepfenyuro yeBBC yaibudisa nhau dzaibva kumauto emubatanidzwa wenyika dzakasiyana-siyana. Mupristi uya akangoerekana achinja achibva aronga kuti vapemberere kupinda kwaiita mauto aya emubatanidzwa wenyika dzakasiyana-siyana muna September 1944. Ndakavhiringidzwa chaizvo neunyengeri uhwu. Zvakaita kuti ndisavimba nevafundisi.

Hondo ichangopera, baba vangu vakabva vashaya. Hanzvadzi yangu yakandisiyira yakanga yatoroorwa uye yaigara muBelgium, saka ndakaona kuti ndaifanira kuriritira amai vangu. Ndakabva ndawana basa rakanaka. Bhosi wangu nevanakomana vake vaipinda chechi yeRoma. Kunyange zvazvo ndaiva nemukana wekubudirira pakambani yavo, pasina nguva ndakabva ndasangana nemuedzo.

Hanzvadzi yangu yakandisiyira Simone akatishanyira muna 1953, uye panguva iyoyo akanga atova Chapupu. Achishandisa Bhaibheri rake, akafumura neunyanzvi dzidziso dzenhema dzechechi yeRoma dzakadai seyemoto wehero, Utatu, uye yekuti mweya haufi. Pakutanga, handina kubvumirana nazvo ndichiti akanga asiri kushandisa Bhaibheri rechechi yeRoma, asi pasina nguva ndakaona kuti aitaura chokwadi. Akazondiunzira magazini eNharireyomurindi ekare andakabva ndaverenga usiku ndiri mumba mangu. Ndakabva ndaona kuti ichi ndicho chokwadi, asi ndaitya kuti kana ndikazivikanwa semumwe weZvapupu zvaJehovha ndaizorasikirwa nebasa rangu.

Taishandisa kamota kedu pakushanyira ungano

Ndakaita mwedzi mishoma ndichidzidza ndega Bhaibheri uye nyaya dzemuNharireyomurindi. Ndakazofunga kuenda kuImba yeUmambo. Rudo rwairatidzwa muungano rwakandibata-bata. Pashure pekudzidza Bhaibheri kwemwedzi mitanhatu neimwe hama yaiva neruzivo, ndakabva ndabhabhatidzwa muna September 1954. Pasina nguva ndakafara kuona amai vangu nehanzvadzi yangu diki vachiva Zvapupu.

KUVIMBA NAJEHOVHA MUBASA RENGUVA YAKAZARA

Zvinosuwisa kuti amai vangu vakashaya mavhiki mashoma gungano renyika dzakawanda remuna 1958 risati raitwa muNew York. Ndakava neropafadzo yekupinda gungano iroro. Pandakadzoka, ndakanga ndisisina wekuriritira, saka ndakabva ndasiya basa ndikatanga kupayona. Panguva iyoyo takabva tavimbisana kuroorana napiyona aishingaira, Danièle Delie, uyo akazova mudzimai wangu muna May 1959 uye ndaimuda chaizvo.

Danièle akanga atanga basa renguva yakazara muBrittany, nzvimbo yaiva kure chaizvo nekumba kwavo. Aifanira kushinga kuti aparidze munzvimbo yakanga yakazara vanhu vechechi yeRoma uye aienda ikoko nebhasikoro. Tese taiva nemaonero akafanana. Taiita basa redu tichiziva kuti nguva yapera; taifunga kuti mugumo wakanga watosvika. (Mat. 25:13) Kuzvipira kwake kwakaita kuti tirambe tichiita ushumiri hwenguva yakazara.

Tichangobva kuchata takanzi tinoita basa remudunhu. Takajaira kurarama upenyu husina zvakawanda. Ungano yatakatanga kushanyira yaiva nevaparidzi 14, uye hama dzaisakwanisa kutigamuchira. Saka tairara pamamatiresi pachikuva muImba yeUmambo. Paisanakidza kurara asi paitwasanudza musana!

Pasinei nekuti taiva nezvakawanda zvekuita, Danièle akajairana nebasa rekufambira. Kazhinji kacho aifanira kundimirira mukamota kedu paierekana pamuka nyaya dzaida kuti tibva taita musangano wevakuru, asi haana kumbobvira agunun’una. Takangoita makore maviri tiri mudunhu, uye panguva iyoyo takatodzidza kuti zvakakosherei kuti vakaroorana vabudirane pachena pakukurukura uye vaite zvinhu pamwe chete.—Mup. 4:9.

TAKAGAMUCHIRA MAMWE MABASA

Muna 1962, takakokwa kuti tipinde kirasi yechi37 yeChikoro cheGiriyedhi chaiitwa kwemwedzi gumi muBrooklyn, New York. Pavadzidzi 100, vanokwana 13 vakapinda nemadzimai avo, saka takava neropafadzo yekupinda pamwe chete. Ndichiri kuyeuka hama dzatakasangana nadzo dzaiva mbiru pakutenda dzakadai saFrederick Franz, Ulysses Glass, uye Alexander H. Macmillan.

Takafara chaizvo patakapinda Chikoro cheGiriyedhi pamwe chete!

Pataiita zvidzidzo, taikurudzirwa kuti tive vanhu vanocherechedza. Dzimwe nguva musi weMugovera masikati pataipedza chikoro, zvidzidzo zvedu zvaisanganisira kuenda kunoona dzimwe nzvimbo muNew York City. Taiziva kuti Muvhuro waizotevera tainyora nezvezvinhu zvatinenge taona. Manheru eMugovera wacho taiwanzodzoka tarukutika, asi mushandi wepaBheteri wataifamba naye aizotibvunza mibvunzo yekudzokorora kuti atibatsire kuyeuka pfungwa huru dzataizonyora pabvunzo. Mumwe Mugovera takafamba masikati ese tichitenderera muguta racho. Takaenda pachivako chinoshandiswa pakuongorora zviri muchadenga uye takadzidza nezvemameteor (matombo anenge achipisa anobva muchadenga) nemameteorite (matombo makuru akadonhera panyika achibva muchadenga). PaAmerican Museum of Natural History, takadzidza nezvemhando mbiri dzemakarwe. Patakadzoka kuBheteri, aitiratidza nzvimbo akatibvunza kuti, “Saka musiyano upi uri pakati pemameteor nemameteorite?” Danièle uyo akanga aneta akapindura kuti, “Ee, mameteorite ane mazino marefu!”

Tainakidzwa nekushanyira hama nehanzvadzi dzedu dzakatendeka kuAfrica

Takashamisika patakanzi tinoshandira kubazi reFrance, uko kwatakashumira pamwe chete kwemakore anopfuura 53. Muna 1976, ndakagadzwa kuti ndive murongi muDare Rebazi uye ndakapiwa basa rekushanyira nyika dzemuAfrica neMiddle East dzainge dzakabhanwa basa redu rekuparidza. Izvi zvakaita kuti tiende kuGabon, uko kwatakasangana nezvataurwa patangira nyaya ino. Kutaura chokwadi, ndainzwa sekuti ndakanga ndisina kukodzera kuita mabasa ese aya andaipiwa ndisingatarisiri. Asi Danièle akandibatsira chaizvo pakuita anenge mabasa ese andaiva nawo.

Ndichiturikira hurukuro yaipiwa naHama Theodore Jaracz pagungano raiva nemusoro waiti “Ruramisiro Youmwari” muParis muna 1988

KUTSUNGIRIRA MATAMBUDZIKO AKAKURA PAMWE CHETE

Kubva patakatanga, tainakidzwa chaizvo neupenyu hwepaBheteri. Danièle akanga adzidza Chirungu kwemwedzi mishanu tisati taenda kuGiriyedhi, saka akava nyanzvi pakushandura mabhuku edu. Taigutsikana chaizvo nebasa redu paBheteri, asi kushanda kwataiita neungano kwaiita kuti titowedzera kufara. Ndichiri kuyeuka ndiina Danièle manheru tiri muchitima. Takanga taneta asi taifara chaizvo kuti tainge taitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvaifambira mberi. Asi zvinosuwisa kuti utano hwaDanièle hwakangoerekana hwachinja, uye izvi zvakamutadzisa kuita zvakawanda sezvaaida kuita.

Muna 1993 akabatwa kenza yemazamu. Kurapwa kwaakaitwa kwairwadza chaizvo, kwaisanganisira kuvhiyiwa uye kuitwa chemotherapy. Papera makore 15, akazobatwazve nekenza yakaipisisa kupfuura yekutanga. Asi aikoshesa basa rake rekushandura zvekuti paainzwa ava nani aienderera mberi nebasa rake.

Pasinei nechirwere chakaipisisa chaiva naDanièle, hatina kumbobvira tafunga nezvekusiya Bheteri. Asi kana munhu achirwara ari paBheteri anosanganawo nematambudziko, kunyanya kana vamwe vasingazivi kuti chirwere chacho chakakura zvakadini. (Zvir. 14:13) Kunyange zvazvo Danièle akanga ava kuda kusvitsa makore 80, chiso chake chaisaratidza kuti airwara. Aisazvinzwira tsitsi. Asi ainyanya kufunga nezvekubatsira vamwe. Aiziva kuti kuteerera munhu ari kutambura paanenge achitaura ndiko kunomubatsira. (Zvir. 17:17) Danièle aisazviita chipangamazano; asi aishandisa ruzivo rwake kuti abatsire hanzvadzi dzakawanda kuti dzisatya kenza.

Taifanirawo kutsungirira mamwe matambudziko. Danièle paakanga asingachakwanisi kuita basa renguva yakazara, akava nechokwadi chekuti ainditsigira zvakanyanya. Akaita zvakawanda kuti andirerutsire, izvo zvakaita kuti ndirambe ndichishanda semurongi muDare Rebazi kwemakore 37. Semuenzaniso, aigadzirira zvinhu zvese kuitira kuti tizodya zvekudya zvemasikati mumba medu uye kuti ndiwane nguva yekumbozorora naye zuva rega rega.—Zvir. 18:22.

KUKUNDA KUZVIDYA MWOYO ZUVA NEZUVA

Zvaiva pachena kuti Danièle aiva nechivimbo chekuti aizoramba achirarama. Akabva abatwa nekenza kechitatu. Takapera simba. Kurapwa kwaaiitwa uye kupiswa kwaiitwa kenza yacho zvakaita kuti apere simba zvekuti dzimwe nguva aitadza kufamba. Ndainzwa sendabayiwa pamwoyo kuona mudzimai wangu aimbova mushanduri ane unyanzvi achitamburira kutsvaga mashoko ekutaura.

Kunyange zvazvo zvaipedza simba, takaramba tichinyengetera tiine chivimbo chekuti Jehovha aisazotisiya tichitambura kupfuura zvataikwanisa kutsungirira. (1 VaK. 10:13) Taigara tichionga Jehovha nekutibatsira kwaaiita achishandisa Shoko rake, vanoita zvekurapa paBheteri, uye hama nehanzvadzi dzaititsigira nerudo.

Taigara tichikumbira Jehovha kuti atitungamirire pakusarudza marapirwo ataifanira kubvuma. Pane imwe nguva mudzimai wangu akambogara asina aimurapa. Chiremba akanga amubatsira kwemakore 23 aisakwanisa kutsanangura kuti sei Danièle aimboita seafa pese paaiitwa chemotherapy. Haana zvimwe zvaaitiudza kuti tiite. Takaona sekuti takanga tangosiyiwa tega uye taitadza kuziva kuti zvinhu zvaizofamba sei. Mumwe chiremba anorapa kenza akabvuma kurapa Danièle. Zvakaita sekuti Jehovha akanga atiratidza nzira yaaizotibatsira nayo kukunda kuzvidya mwoyo.

Takadzidza kukunda kuzvidya mwoyo nekusanyanya kufunga zvichaitika mangwana. Sezvakataurwa naJesu, “zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nematambudziko aro.” (Mat. 6:34) Zvimwe zvakatibatsira kuva nemaonero akanaka uye kutaura zvinosetsa. Semuenzaniso, Danièle paakaita mwedzi miviri asingaitwi chemotherapy, akati kwandiri achinyemwerera, “Unoziva, handina kumbobvira ndanzwa zviri nani sezvandiri kuita iye zvino!” (Zvir. 17:22) Pasinei nekuti airwadziwa, ainakidzwa nekudzidzira nziyo dzeUmambo itsva, achidziimba zvinonzwika uye nechivimbo.

Maonero ake akanaka akandibatsira kuti ndisanetseka nezvandaisakwanisa kuita. Kutaura chokwadi, pamakore 57 atanga takaroorana, mudzimai wangu ainditsigira pane zvakasiyana-siyana zvandaida. Aisatoda kundiratidza kuti mazai anobikwa sei! Saka paakanga asingachakwanisi kuita zvakawanda ndakadzidza kusuka ndiro uye kuwacha mbatya pamwe chete nekubika zvekudya. Ndakatomboputsa mamwe magirazi ekunwira pandaiita zvese izvi, asi ndaifara pandaimuitira zvinhu zvese izvi. *

KUTENDA JEHOVHA NEKURATIDZA RUDO RUSINGACHINJI

Pandinofunga zvakaitika, ndinoona kuti ndakadzidza zvidzidzo zvinobatsira kubva pane zvatinotadza kuita nemhaka yeurwere uye kukwegura. Chekutanga, hatifaniri kuwandirwa nezvekuita zvekuti tinobva tatadza kukoshesa mudiwa wedu. Tinofanira kushandisa nguva yedu zvakanaka pamakore atinenge tichine simba rakawanda kuti tiratidze hanya kuvadiwa vedu. (Mup. 9:9) Chechipiri, hatifaniri kunyanya kunetseka nezvinhu zvisingakoshi, izvozvo zvinotitadzisa kuona makomborero atinenge tichiwana zuva nezuva.—Zvir. 15:15.

Pandinofunga nezveupenyu hwedu tiri mubasa renguva yakazara, ndinonyatsoona kuti Jehovha akatikomborera kupfuura zvataifungidzira. Ndinonzwa semanzwiro akaita munyori wemapisarema paakati: ‘Jehovha akandiratidza mutsa.’—Pis. 116:7.

^ ndima 32 Hanzvadzi Danièle Bockaert vakashaya nyaya ino payakanga ichinyorwa. Vakanga vava nemakore 78.