Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvii Zvakaitwa naMwari?

Zvii Zvakaitwa naMwari?

Kana uchida kunyatsoziva mumwe munhu unofanira kuziva zvinhu zvaakaita uye matambudziko aakasangana nawo achibva aakunda. Ndizvo zvazvakaitawo kana uchida kunyatsoziva Mwari, unofanira kuziva kuti zvii zvaakaita. Pauchaziva zvaakaita, uchaona kuti ane zvakawanda zvaakatiitira uye zvimwe zvacho zvichatotibatsira mune ramangwana.

MWARI AKASIKA ZVINHU ZVESE ACHIITIRA ISU

Jehovha Mwari ndiye Musiki, uye “zvaari zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.” (VaRoma 1:20) “Iye ndiye Muiti wenyika nesimba rake, iye ari kusimbisa kwazvo nyika inobereka nouchenjeri hwake, iye akatatamura matenga nokunzwisisa kwake.” (Jeremiya 10:12) Zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa zvinoratidza kuti Mwari anotida.

Chimwe chinhu chinoita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa ndechekuti Jehovha akatisika “nomufananidzo wake.” (Genesisi 1:27) Izvi zvinoreva kuti akaita kuti tikwanisewo kuratidza unhu hwakafanana nehwake. Akaita kuti tikwanise kunzwisisa mafungiro ake uye zvaanoda. Kana tikaedza kutevedzera zvaanotiudza, tichawedzera kufara uye tichararama upenyu hune chinangwa. Chikuru pane zvese ndechekuti akaita kuti tikwanise kuvawo pedyo naye.

Zvinhu zvakasikwa naMwari zvinoratidza kuti anotida. Muapostora Pauro akati: ‘Mwari haana kurega kuzvipupurira pakuti akaita zvakanaka, achitipa mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yedu kwazvo nezvokudya nomufaro.’ (Mabasa 14:17) Mwari haana kungogumira pakutipa zvinhu zvinoita kuti tirarame. Ane zvakawanda zvaakatipa zvinoita kuti upenyu hunakidze. Zvataurwa izvi handizvo zvega zvaakanga atirongera.

Jehovha akasika nyika kuti vanhu vagaremo nekusingaperi. Bhaibheri rinoti: “Nyika akaipa vanakomana vevanhu,” uye ‘haana kungoisikira pasina, asi akaiumba kuti igarwe.’ (Pisarema 115:16; Isaya 45:18) Igarwe naani uye kwenguva yakareba sei? “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Pakutanga, Jehovha akasika Adhamu naEvha achibva avaisa mumunda weEdheni ‘kuti vaurime nokuutarisira.’ (Genesisi 2:8, 15) Mwari akabva avati: “Berekai muwande, muzadze nyika.” (Genesisi 1:28) Saka Adhamu naEvha vakanga vaine tariro yekurarama nekusingaperi panyika. Asi chinosuwisa ndechekuti havana kuteerera Mwari uye izvozvo zvakaita kuti vatadze kurarama nekusingaperi. Asi zvavakaita hazvina kubva zvachinja chinangwa chaJehovha chaakasikira nyika. Izvi zvichazokurukurwa munyaya inotevera. Iye zvino ngatimboonai zvimwe zvakaitwa naMwari.

MWARI AKATIPA SHOKO RAKE

Bhaibheri rinonziwo Shoko raMwari. Jehovha akatipa Bhaibheri kuti tizive zvakawanda nezvake. (Zvirevo 2:1-5) Bhaibheri harina mhinduro dzemimwe mibvunzo yatinogona kuva nayo pamusoro paMwari uyewo hakuna rimwe bhuku rinogona kupindura mibvunzo yese. (Muparidzi 3:11) Asi zvese zviri mariri zvinotibatsira kuti tizive Mwari. Tinosvika pakuziva zvaari patinoona mabatiro aanoita vanhu. Bhaibheri rinotibatsira kuziva vanhu vaanofarira nevaasingafariri. (Pisarema 15:1-5) Rinotibatsirawo kuziva manamatiro aanoda, tsika dzaanoda uye maonero atinofanira kuita zvinhu zvekurarama nazvo. Patinoriverenga, tinoona zvakataurwa nezvaiitwa naJesu Kristu uye izvi zvinotibatsira kuziva kuti Jehovha ane unhu hwakaita sei.—Johani 14:9.

Chimwe chikonzero chakaita kuti Jehovha atipe Shoko rake Bhaibheri ndechekuti anoda kuti tizive zvatinofanira kuita kuti tirarame upenyu hunofadza uye hune chinangwa. Anoshandisa Bhaibheri kutiudza zvatinofanira kuita kuti tive nemhuri dzinofara, tigutsikane uye kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo. Nyaya dzinotevera dzicharatidza kuti Bhaibheri rine mhinduro dzemibvunzo mikuru yatingava nayo muupenyu yakadai sekuti: Nei tichitambura? Ramangwana rakamira sei? Rinotsanangurawo zvakaitwa naMwari kuti azadzise chinangwa chake chaakasikira vanhu.

Bhaibheri ibhuku rinoshamisa. Kunyange zvazvo rakaita makore 1 600 richinyorwa nevarume 40 vakasiyana-siyana, rine dingindira rimwe chete nekuti Mwari ndiye aivafemera. (2 Timoti 3:16) Rakasiyana nemamwe mabhuku ekare pakuti harina kumbobvira rachinjwa uye zvinyorwa zvakawanda zveBhaibheri zvekare zvinoratidza kuti izvi ndezvechokwadi. Chimwezve ndechekuti vamwe vakaedza kuita kuti risashandurwa, vanhu vasariwana uye vasariverenga, asi vakakundikana. Iye zvino ndiro bhuku rine vanhu vakawanda pasi rese uye rakashandurirwa mumitauro yakawanda. Izvi zvinoratidza kuti “shoko raMwari wedu, richagara nokusingagumi.”—Isaya 40:8.

MWARI ANE ZVAAKAITA KUTI CHINANGWA CHAKE CHIZADZIKE

Mwari akaita chimwe chinhu chinokosha kuti chinangwa chaakatisikira chizadzike. Sezvambotaurwa, aida kuti vanhu vagare panyika nekusingaperi. Asi kusateerera kwakaita Adhamu kwakaita kuti iye nevana vake vatadze kuzorarama nekusingaperi. Bhaibheri rinoti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Kusateerera kwakaita Adhamu kwakavhiringidza chinangwa chaMwari. Jehovha akaita sei nazvo?

Jehovha akaratidza kuti ndiMwari anotonga zvakarurama. Akapa Adhamu naEvha mutongo waienderana nekutadza kwavo, asi nerudo rwake ane urongwa hwakanaka hwaakaitira vana vavaizobereka. Akashandisa uchenjeri kuti aone kuti ogadzirisa sei dambudziko racho. (Genesisi 3:15) Aizoshandisa Mwanakomana wake Jesu Kristu, kuti vanhu vasunungurwe pachivi nerufu. Saka zvaizofamba sei?

Kuti asunungure vanhu, Jehovha akatuma Jesu panyika kuti adzidzise vanhu zvavangaita kuti vawane upenyu uye kuti ape “mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” a (Mateu 20:28; Johani 14:6) Jesu aikwanisa kudzikinura vanhu nekuti akanga asina chivi sezvainge zvakaita Adhamu asati atadza. Kusiyana nezvakaitwa naAdhamu, Jesu akaramba achiteerera Mwari kusvikira pakufa. Sezvo Jesu akanga asingakodzeri kufa, Jehovha akamumutsa kuti ararame zvakare kudenga. Jesu akaita kuti vanhu vanoteerera vave netariro yekurarama nekusingaperi. Bhaibheri rinoti: “Nokuti vazhinji zvavakaitwa vatadzi nokuda kwokusateerera kwomunhu mumwe chete, saizvozvowo nokuda kwokuteerera kwomunhu mumwe chete vazhinji vachaitwa vakarurama.” (VaRoma 5:19) Kufa kwakaita Jesu kuchaita kuti chinangwa chaMwari chekuti vanhu vararame nekusingaperi panyika chikwanise kuzozadzika.

Zvakaitwa naJehovha pakugadzirisa nyaya yekusateerera kwaAdhamu zvinotidzidzisa zvakawanda nezvake. Hapana chinomutadzisa kuita zvaanoda; Shoko rake “richabudirira.” (Isaya 55:11) Zvaakaita zvinoratidzawo kuti anotida zvakadzama. Bhaibheri rinoti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa pachena kwatiri, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake munyika, iye akaberekwa ari mumwe oga, kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye. Rudo ruri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu.”—1 Johani 4:9, 10.

Mwari haana “kuramba noMwanakomana wake asi akamupa nokuda kwedu tose,” saka tine chokwadi chekuti ‘achatipawo zvimwe zvinhu zvose’ zvaakavimbisa. (VaRoma 8:32) Zvii zvaakativimbisa? Verenga nyaya inotevera unzwe.

ZVII ZVAKAITWA NAMWARI?

Jehovha akasika vanhu kuti vagare panyika nekusingaperi. Akatipa Bhaibheri kuti tidzidze zvakawanda nezvake. Jehovha akatidzikinura achishandisa Jesu Kristu uye izvi zvinoita kuti chinangwa chake chizadzike.

a Kana uchida kunzwa zvimwe nezverudzikinuro, verenga chidzidzo 27 chebhuku rinonzi, Rarama Nekusingaperi Uchifara! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikawo pawebsite yedu inonzi www.pr418.com.