Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 6

Ramba Wakaperera Kuna Mwari!

Ramba Wakaperera Kuna Mwari!

“Handizorasi [kuperera] kwangu kusvikira ndafa!”​—JOB. 27:5.

RWIYO 34 Kufamba Ndakavimbika

ZVICHADZIDZWA *

1. Zvapupu zvaJehovha zvitatu zvinotaurwa mundima ino zvakaramba sei zvakavimbika kuna Jehovha?

FUNGIDZIRA zvinhu zvitatu zvinotevera zvichiitika kuZvapupu zvaJehovha. (1) Mumwe musikana ari kuchikoro uye mudzidzisi wake anoudza vana vese vemukirasi kuti vabatanidzwe pakupemberera rimwe zororo. Musikana wacho anoziva kuti zororo racho harifadzi Mwari, saka anoramba kuripemberera asi achizviita neruremekedzo. (2) Mumwe mukomana anonyara ari kuparidza paimba neimba. Anobva aziva kuti paimba inotevera panogara mumwe mukomana wekuchikoro kwake akambotaura mashoko ekunyomba Zvapupu zvaJehovha. Asi pasinei naizvozvo anoenda pamba pacho obva agogodza. (3) Mumwe murume ari kushanda nesimba kuti ariritire mhuri yake, asi rimwe zuva mukuru webasa anomuudza kuti aite chitsotsi kana kuti chimwe chinhu chisingabvumirwi nemutemo. Kunyange zvazvo achiziva kuti angabudiswa basa, anotsanangura kuti anofanira kuva munhu akavimbika uye anoteerera mutemo nekuti Mwari anoda kuti vashumiri vake vaite izvozvo.​—VaR. 13:1-4; VaH. 13:18.

2. Tichakurukura mibvunzo ipi, uye nechikonzero chei?

2 Vanhu vatatu ava vakafanana papi? Ungangodaro waona kuti vane ushingi uye vakatendeka. Asi chinonyanya kukosha ndechekuti vese vanoratidza kuti vakaperera kuna Mwari. Mumwe nemumwe wavo anoratidza kuti akavimbika kuna Jehovha. Mumwe nemumwe wavo anoramba kuita zvinopesana nezvinodiwa naMwari. Kuperera kuna Mwari ndiko kwaita kuti vanhu ivavo vaite zvavaita. Jehovha anodada nemumwe nemumwe wavo nekuti anoratidza kuti akaperera kwaari. Isuwo tinoda kuti Baba vedu vekudenga vadade nesu. Saka ngatikurukurei mibvunzo iyi inoti: Kuperera kuita sei? Nei tichifanira kuperera kuna Mwari? Uye tingasimbisa sei chido chedu chekuramba takaperera kuna Mwari munguva dzino dzakaoma?

KUPERERA KUITA SEI?

3. (a) Kuperera kuita sei? (b) Mienzaniso ipi inotibatsira kunzwisisa zvinorehwa nekuperera?

3 Parinoshandiswa kwatiri isu vashumiri vaMwari, shoko rekuti kuperera rinoreva kuda Jehovha nemwoyo wese uye kuzvipira kwaari zvizere, zvichiita kuti titange tafunga nezvake pese patinoita zvisarudzo. Chimbofunga nezvekushandiswa kunoitwa shoko racho. Rinogona kushandiswa pachinhu chakazara, chakanaka kana kuti chisina kukanganisika. VaIsraeri vaipa zvibayiro zvemhuka kuna Jehovha uye Mutemo waiti mhuka dzacho dzaifanira kunge dzakanaka. * (Revh. 22:21, 22) Vanhu vaMwari vaisabvumirwa kupa mhuka isina rimwe gumbo, ziso kana nzeve; uyewo vaisafanira kupa mhuka inorwara. Zvaikosha chaizvo kuna Jehovha kuti mhuka dzacho dzinge dzakanaka kana kuti dzisina kukanganisika. (Mar. 1:6-9) Tinogona kunzwisisa kuti nei Jehovha achikoshesa zvinhu zvakanaka kana kuti zvakakwana. Patinotenga chimwe chinhu chakadai sebhuku, hatidi rinenge risina mamwe mapeji. Tinoda rinenge rakakwana, kana kuti risina kukanganisika. Jehovha anodawo kuti kuda kwatinomuita uye kuvimbika kwedu kunge kwakadaro. Tinofanira kumuda uye kuvimbika kwaari zvizere.

4. (a) Nei munhu ane chivi achikwanisa kuperera kuna Mwari? (b) Maererano naPisarema 103:12-14, Jehovha anotiona sei?

4 Tinofanira kuva vanhu vasina chivi here kuti tive vakaperera kuna Mwari? Tinogonawo kunge tichiona sekuti tinokanganisa kakawanda chaizvo. Funga zvikonzero zviviri zvinoratidza kuti hatifaniri kunetseka. Chekutanga, Jehovha haati nangananga nezvatinokanganisa. Shoko rake rinotiudza kuti: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, haiwa Jehovha, ndiani aizomira?” (Pis. 130:3) Jehovha anoziva kuti tine chivi uye anotikanganwira nemwoyo wese. (Pis. 86:5) Chechipiri, Jehovha anoziva zvatisingakwanisi, uye haatarisiri kuti tiite zvinopfuura zvatinokwanisa. (Verenga Pisarema 103:12-14.) Saka tingava sei vanhu vakaperera kuna Mwari?

5. Nei vashumiri vaJehovha vachifanira kuva nerudo kuti vave vakaperera kwaari?

5 Rudo ndirwo rwunoita kuti vashumiri vaJehovha vaperere kwaari. Tinofanira kuramba tichida Mwari uye takazvipira kwaari zvizere saBaba vedu vekudenga. Kana tikaramba tichimuda saizvozvo kunyange patinoedzwa, tinenge tiri vanhu vakaperera. (1 Mak. 28:9; Mat. 22:37) Funga zvakare vanhu vatatu vataurwa patangira nyaya ino. Nei vachiita saizvozvo? Kungava here kuti musikana wacho haadi kufara nevamwe kuchikoro, kana kuti mukomana wacho anoda zvekunyadziswa pasuo, kana kuti murume wacho anoda kurasikirwa nebasa rake? Aiwa. Vese vanoziva kuti Jehovha anoda zvinhu zvakarurama uye pfungwa dzavo dziri pakufadza Baba vavo vekudenga. Kuda kwavanoita Jehovha kunoita kuti vafunge nezvake vasati vaita zvisarudzo. Nekuita izvi vanoratidza kuti vakaperera kwaari.

NEI TICHIFANIRA KUPERERA KUNA MWARI?

6. (a) Nei uchifanira kuperera kuna Mwari? (b) Adhamu naEvha vakatadza sei kuperera kuna Mwari?

6 Nei zvichikosha kuti munhu wese ave akaperera kuna Mwari? Unofanira kuperera kuna Mwari nekuti Satani akataura zvakaipa nezvaJehovha, uye akataurawo zvakaipa nezvako. Ngirozi iyoyo yakapanduka yakazviita Satani, kana kuti “Mudzivisi,” mumunda weEdheni. Satani akasvibisa zita raJehovha nekumuita munhu akaipa, anongozvifunga uye Mutongi asina kutendeka. Zvinosuwisa kuti Adhamu naEvha vakatsigirana naSatani, vachipandukira Jehovha. (Gen. 3:1-6) Pavaiva muEdheni vaiva nemikana yakawanda yekuti vawedzere kuda Jehovha. Asi pavakaedzwa naSatani vakanga vasingadi Jehovha zvizere. Mumwe mubvunzo wakamuka ndewekuti: Paizova nevanhu vanoda Jehovha Mwari zvekuti vaizoramba vakavimbika kwaari here? Nemamwe mashoko, vanhu vanokwanisa kuperera kuna Mwari here? Mubvunzo iwoyo wakamutswa panyaya yaJobho.

7. Sezvinotaurwa pana Jobho 1:8-11, Jehovha aiona sei kuperera kwaJobho uye Satani aikuonawo sei?

7 Jobho akararama panguva yaigara vaIsraeri muIjipiti. Hapana mumwe munhu ainge akaperera kuna Mwari saJobho. Aiva munhu ane chivi sesu uye aitadzawo. Asi Jehovha aida Jobho nekuti ainge akaperera kwaari. Zvinoita sekuti Satani ainge atoshora Jehovha nechekare panyaya yekuperera kwevanhu. Saka Jehovha akaudza Satani nezvaJobho. Mararamiro aJobho aifumura nhema dzaSatani. Satani akakumbira kuti kuperera kwaJobho kuedzwe. Jehovha aivimba neshamwari yake Jobho, saka akarega Satani achimuedza.​—Verenga Jobho 1:8-11.

8. Satani akarwisa sei Jobho?

8 Satani ane utsinye, uye imhondi. Akatorera Jobho pfuma yake yese yaaiva nayo, akauraya vashandi vake uye akakanganisa mukurumbira wake munharaunda. Akarwisa mhuri yaJobho, akauraya vana vake gumi. Akabva aita kuti Jobho ave nemamota anorwadza chaizvo kubva mumusoro kusvika kutsoka. Mudzimai waJobho akashungurudzika uye akavhiringidzika zvekuti akamukurudzira kuti atuke Mwari afe hake. Jobho wacho pachake akashuva kufa, asi akaramba akaperera kuna Mwari. Satani akabva aedza kumurwisa neimwe nzira. Akashandisa varume vatatu vaiva shamwari dzaJobho. Varume vacho vakagara naJobho kwemazuva akawanda, asi havana kumunyaradza. Pane kuti vamunyaradze vakamutsoropodza nemashoko anorwadza. Vakati Mwari ndiye ainge akonzera matambudziko aJobho uye ainge asina basa nekuperera kwake. Vaitoona Jobho semunhu akaipa ainge akakodzerwa nezvinhu zvakaipa zvaiitika kwaari.​—Job. 1:13-22; 2:7-11; 15:4, 5; 22:3-6; 25:4-6.

9. Paaiva mumatambudziko, Jobho akaramba kuitei?

9 Jobho akaitei nematambudziko ese iwayo? Sezvo aiva munhu anotadza, akatsamwira vanhu vainyepera kumunyaradza, uye akataura mashoko aakazobvuma kuti akaataura asina kufunga. Akazviita munhu akarurama pane kuti ati Mwari ndiye akarurama. (Job. 6:3; 13:4, 5; 32:2; 34:5) Asi kunyange zvinhu pazvainge zvakanyanya kumuomera, Jobho akaramba kupandukira Jehovha Mwari. Akaramba kubvuma manyepo aitaurwa neshamwari dzake dzenhema. Jobho akati: “Handingambofungi zvakadaro kuti nditi imi makarurama! Handizorasi [kuperera] kwangu kusvikira ndafa!” (Job. 27:5) Mashoko aya anoratidza kuti Jobho ainge akatsunga kuramba akaperera. Akaramba kukundwa nemiedzo, uye isu tinogona kumutevedzera.

10. Unopindawo papi panyaya yakamutswa naSatani pamusoro paJobho?

10 Satani haanawo chokwadi nekuperera kwatakaita kuna Mwari. Anotiwo chii nezvako? Anoti haunyatsoda Jehovha Mwari, ucharega kumushumira kuti uite zvaunoda, uye unonyepera kuperera kwaari! (Job. 2:4, 5; Zvak. 12:10) Izvi zvinoita kuti unzwe sei? Zvinorwadza, handiti? Asi chimbofunga izvi: Jehovha anonyatsovimba newe zvekuti anokupa mukana wakanaka chaizvo. Jehovha ari kubvumira Satani kuti aedze kuperera kwako. Jehovha ane chivimbo chekuti ucharamba wakaperera kwaari uye ucharatidza kuti Satani anonyepa. Uye achakubatsira kuti udaro. (VaH. 13:6) Ichi chikomborero chaicho kuvimbwa naChangamire wezvinhu zvese! Uri kuona here kuti nei kuperera kuna Mwari kuchikosha? Kunotibatsira kuti tirambe nhema dzaSatani uye titsvenese zita rakanaka raBaba vedu uye titsigire matongero avo. Tingaitei kuti tirambe takaperera kuna Mwari?

ZVATINGAITA KUTI TIRAMBE TAKAPERERA KUNA MWARI

11. Tinodzidzei kuna Jobho?

11 Satani ari kuwedzera kurwisa vanhu vaMwari ‘mumazuva ano ekupedzisira.’ (2 Tim. 3:1) Munguva dzakaoma kudaro, tingaita sei kuti tirambe takaperera kuna Mwari? Pane zvimwe zvakawanda zvatinodzidza kuna Jobho. Asati asangana nemiedzo, Jobho akagara aratidza kakawanda kuti ainge akaperera kuna Mwari. Funga zvidzidzo zvitatu zvatinowana kwaari zvinotisimbisa kuti tirambe takaperera kuna Mwari.

Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatingaita kuti tirambe takaperera kuna Mwari? (Ona ndima 12) *

12. (a) Maererano naJobho 26:7, 8, 14, Jobho akasvika sei pakutya uye kuremekedza Jehovha? (b) Tingaitei kuti titye Mwari?

12 Kutya Jehovha kwakabatsira Jobho kuti awedzere kuda Mwari. Jobho aiita nguva achifungisisa kushamisa kunoita zvinhu zvakasikwa naJehovha. (Verenga Jobho 26:7, 8, 14.) Paakafunga nezvenyika, denga, makore, uye mabhanan’ana, zvakamukanga mate mukanwa, asi akaona kuti aingoziva zvishomanana pazvinhu zvese zvakasikwa naJehovha. Akashamiswawo nemashoko akataurwa naJehovha. Jobho akataura nezvemashoko aMwari achiti, “Ndakachengeta mashoko omuromo wake.” (Job. 23:12) Jobho aishamiswa chaizvo naJehovha uye aimuremekedza zvikuru. Aida Baba vake uye aida kuvafadza. Izvi zvakasimbisa chido chaJobho chekuramba akaperera kuna Mwari. Tinofanira kuita saJobho. Tinoziva zvakawanda pamusoro pezvakasikwa kupfuura zvaizivikanwa nevanhu vakararama panguva yaJobho. Uye tine Bhaibheri rinotibatsira kunyatsoziva Jehovha. Zvese zvatinodzidza zvinoita kuti titye Mwari. Kutya uye kuremekedza kwatinoita Jehovha kuchaita kuti timude uye timuteerere, zvoita kuti tide kuramba takaperera kwaari.​—Job. 28:28.

Tinoramba takaperera kuna Mwari nekuramba kuona zvinonyadzisira (Ona ndima 13) *

13-14. (a) Sezvinotaurwa pana Jobho 31:1, Jobho akaratidza sei kuti aiteerera? (b) Tingatevedzera sei Jobho?

13 Kuteerera kwaiita Jobho kwakamubatsira kuramba akaperera kuna Mwari. Jobho aiziva kuti kuteerera Mwari ndiko kwaizomubatsira kuti arambe akaperera kwaari. Pese patinoteerera Mwari tinosimbisa chido chedu chekuramba takaperera kwaari. Jobho aishanda nesimba kuti ateerere Mwari zuva rega rega. Semuenzaniso, aingwarira mabatiro aaiita vanhukadzi. (Verenga Jobho 31:1.) Semurume akaroora, aiziva kuti zvainge zvisina kukodzera kuti ade mumwe mukadzi asiri wake. Tiri kurarama munyika yakazara nemiedzo yekuita zvebonde. Kufanana naJobho tichakunda here muedzo wekuchiva munhu watisina kuroorana naye? Ticharambawo here kutarisa mifananidzo inonyadzisira chero ipi zvayo? (Mat. 5:28) Kana tikaramba tichizvidzora saizvozvo zuva rega rega, ticharamba takaperera kuna Mwari.

Tinoramba takaperera kuna Mwari nekuona pfuma neziso rakanaka (Ona ndima 14) *

14 Jobho aiteererawo Jehovha pamaonero aaiita pfuma. Jobho ainzwisisa kuti kuvimba nepfuma yake chaizova chivi chakakura chaiita kuti arangwe. (Job. 31:24, 25, 28) Tiri kurarama munyika ine vanhu vanonyanya kuda pfuma. Kana tikateerera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzemari uye pfuma, tichasimbisa chido chedu chekuramba takaperera kuna Mwari.​—Zvir. 30:8, 9; Mat. 6:19-21.

Tinoramba takaperera kuna Mwari nekuchengeta tariro yedu yakajeka (Ona ndima 15) *

15. (a) Itarisiro yei yakabatsira Jobho kuti arambe akaperera kuna Mwari? (b) Kuramba tichifunga nezvetariro yatinopiwa naJehovha kunotibatsirei?

15 Jobho akaramba akaperera nekuti aiva netariro yekuti Mwari aizomupa mubayiro. Aitenda kuti Mwari aiva nehanya nekuperera kwake. (Job. 31:6) Pasinei nematambudziko ake, Jobho aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizomupa mubayiro. Chivimbo ichocho chakamubatsira kuti arambe akaperera kuna Mwari. Jehovha akafadzwa zvikuru nekuperera kwaJobho zvekuti akamukomborera chaizvo kunyange zvazvo akanga achiri munhu ane chivi. (Job. 42:12-17; Jak. 5:11) Uye mune ramangwana Jobho achapiwa mibayiro mikuru. Une tariro yakasimba yekuti Jehovha achakukomborera nemhaka yekuperera kwako here? Mwari wedu haana kuchinja. (Mar. 3:6) Kana tikayeuka kuti anokoshesa kuperera kwedu kwaari, tariro yedu yeramangwana inoramba yakajeka mumwoyo medu.​—1 VaT. 5:8, 9.

16. Tinofanira kutsunga kuitei?

16 Saka tsunga kuramba wakaperera kuna Mwari. Dzimwe nguva ungaona sekuti ndiwe wega wakaperera, asi hausi wega. Uchava mumwe wemamiriyoni evanhu vanoramba vakaperera kuna Mwari pasi rese. Uchavawo mumwe wevarume nevakadzi vaiva nekutenda vakaramba vakaperera kuna Mwari kunyange pavaida kuurayiwa. (VaH. 11:36-38; 12:1) Dai tese tikatsunga kuramba takaperera kuna Mwari sezvakaita Jobho uyo akati: “Handizorasi [kuperera] kwangu!” Uye kuperera kwedu ngakuite kuti Jehovha akudzwe nekusingaperi!

RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika

^ ndima 5 Kuperera kuita sei? Nei Jehovha achida kuti vashumiri vake vave vanhu vakaperera kwaari? Nei mumwe nemumwe wedu achifanira kukoshesa nyaya yekuperera kuna Mwari? Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti Bhaibheri rinopindura sei mibvunzo iyoyo. Ichatibatsirawo kuti tinyatsoona zvatingaita kuti tirambe takaperera kuna Mwari zuva rimwe nerimwe. Kuramba takaperera kuna Mwari kuchaita kuti tiwane makomborero akakura.

^ ndima 3 Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “chakanaka” parinenge richitaura nezvechibayiro chemhuka, rine pfungwa yakafanana neyeshoko rinoshandurwa kuti “kuperera” panenge pachitaurwa nezvevanhu.

^ ndima 50 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jobho asati anyanya kukura achidzidzisa vamwe vana vake nezvekushamisa kwezvinhu zvakasikwa naJehovha.

^ ndima 52 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama inoramba kuona zvinonyadzisira nevekubasa.

^ ndima 54 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama inoramba kutenga TV hombe inodhura iyo yairi kukurudzirwa kutenga nemutengesi.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kufungisisa nezvekugara muParadhiso.