Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 7

Tsvaga Unyoro Ufadze Jehovha

Tsvaga Unyoro Ufadze Jehovha

“Tsvakai Jehovha, imi vanyoro vose vepanyika . . . Tsvakai unyoro.”​—ZEF. 2:3.

RWIYO 80 “Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Mosesi anorondedzerwa sei, uye akaitei? (b) Ivimbiso ipi inoita kuti tide kuva vanyoro?

BHAIBHERI rinoti Mosesi “akanga ari munhu munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Num. 12:3) Izvi zvinoreva here kuti aiva munhu akaneta-neta, anotya kuita zvisarudzo, uye anotya kuramba ari pachokwadi paanopikiswa? Vamwe vangati izvozvo ndizvo zvakaita munhu munyoro. Asi ichocho hachisi chokwadi. Mosesi aiva mushumiri waMwari akasimba, asingatyi kuita zvisarudzo uye akashinga. Achibatsirwa naJehovha, akanotaura namambo weIjipiti aiva nesimba, akatungamirira vanhu vangasvika 3 000 000 vachifamba mugwenga, uye akabatsira vaIsraeri kuti vakunde vavengi vavo.

2 Hatisangani nemiedzo seyakakundwa naMosesi, asi zuva nezuva tinosangana nevanhu kana mamiriro ezvinhu anoita kuti zvitiomere kuramba tiri vanyoro. Asi pane vimbiso inoita kuti tide kuva vanyoro. Jehovha anovimbisa kuti “vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika.” (Pis. 37:11) Iwe ungazviti uri munyoro here? Vamwe vanhu vanokuona saizvozvo here? Tisati tapindura mibvunzo iyoyo inokosha, tinofanira kutanga taziva kuti zvinorevei kuva munhu munyoro.

CHII CHINONZI UNYORO?

3-4. (a) Unyoro hungafananidzwa nei? (b) Tinofanira kuva vanhu vakadii kuti tive vanyoro uye nei tichifanira kuva vanhu vakadaro?

3 Unyoro * hwakaita semufananidzo wakanaka. Pakudii? Kufanana nemunhu anodhirowa uyo anoshandisa mavara akasiyana-siyana akanaka kuti abudise mufananidzo, isuwo kuti tive vanyoro pane zvakawanda zvatinofanira kuva nazvo. Tinofanira kuva vanhu vanozvininipisa, vanoita kuda kwaMwari, uye vane ushingi. Sei izvozvo zvichikosha kana tichida kufadza Jehovha?

4 Vanhu vanozvininipisa chete ndivo vanoita kuda kwaMwari. Kuita kuda kwaMwari kunosanganisirawo kuva vanhu vanyoro. (Mat. 5:5; VaG. 5:23) Patinoita kuda kwaMwari, tinoita kuti Satani agumbuke chaizvo. Kunyange tikazvininipisa uye tikava vanhu vanyoro, vakawanda vari munyika yaSatani vanotivenga. (Joh. 15:18, 19) Ndokusaka tichida ushingi kuti tikunde Satani.

5-6. (a) Satani anovengerei vanhu vanyoro? (b) Tichapindura mibvunzo ipi?

5 Munhu munyoro akasiyana nemunhu anozvikudza. Munhu anozvikudza haadzori hasha dzake uye haateereri Jehovha. Izvi ndizvo chaizvo zvakaita Satani. Ndosaka achivenga vanhu vanyoro! Zvinhu zvakanaka zvavanoita zvinofumura uipi hwake. Uye zvinotoratidza kuti anonyepa. Nei tichidaro? Tinodaro nekuti pasinei nezvaanotaura kana kuti zvaanoita, haagoni kuita kuti vanhu vanyoro varege kunamata Jehovha!​—Job. 2:3-5.

6 Ndepapi pazvingatiomera kuti tive vanyoro? Nei tichifanira kuramba tichishanda nesimba kuti tive vanyoro? Kuti tipindure mibvunzo iyi, ngationgororei zvakaitwa naMosesi, vaHebheru vatatu vaiva nhapwa kuBhabhironi, uye Jesu.

NDEPAPI PAZVINGATIOMERA KUTI TIVE VANYORO?

7-8. Mosesi akaita sei paasina kuremekedzwa?

7 Patinopiwa simba: Vanhu vane simba vanogona kutadza kuramba vari vanyoro, kunyanya kana vanhu vavanenge vachitungamirira vakasavaremekedza kana kuti vakasabvumirana nezvimwe zvisarudzo zvavanoita. Izvi zvakamboitika kwauri here? Ko kana ukaitirwa izvozvo nemumwe munhu wemumhuri ungaita sei? Ngationei zvakaitwa naMosesi.

8 Jehovha akapa Mosesi basa rekutungamirira vaIsraeri uye akaita kuti anyore mitemo yavaizoshandisa. Zvaiva pachena kuti Jehovha aiva naMosesi. Kunyange zvakadaro, hanzvadzi yake Miriyemu nemukoma wake Aroni vakamutsoropodza uye vakati aisafanira kunge akaroora mudzimai waakaroora. Kudai vari vamwe vanhu vaiva nechinzvimbo chaMosesi, vangadai vakagumbuka kana kuedza kutsiva. Asi Mosesi haana kudaro. Haana kukurumidza kugumbuka. Akateterera kuna Jehovha kuti aporese Miriyemu waakanga aranga. (Num. 12:1-13) Chii chakaita kuti Mosesi adaro?

Mosesi akakumbira Jehovha kuti aporese Miriyemu waakanga aranga (Ona ndima 8)

9-10. (a) Jehovha akabatsira Mosesi kuti anzwisisei? (b) Misoro yemhuri nevatariri vanodzidzei pana Mosesi?

9 Mosesi akabvuma kudzidziswa naJehovha. Makore 40 akanga apfuura, paakanga achiri mumhuri yeumambo muIjipiti, Mosesi akatadza kuratidza unyoro. Akakurumidza kugumbuka zvekuti akatouraya murume waakaona sekuti aiva neudzvinyiriri. Mosesi akafunga kuti Jehovha aizofadzwa nezvaakaita. Jehovha akaita makore 40 achidzidzisa Mosesi kuti anzwisise kuti ushingi handihwo chete hwaizoita kuti agone kutungamirira vaIsraeri; aifanirawo kuva munyoro. Uye kuti ave munyoro, aifanirawo kuzvininipisa, uye kuteerera. Akanyatsozvinzwisisa uye akazova mutariri akanaka chaizvo.​—Eks. 2:11, 12; Mab. 7:21-30, 36.

10 Mazuva ano, misoro yemhuri nevatariri vanofanirawo kutevedzera Mosesi. Usakurumidza kugumbuka kana ukasaremekedzwa. Zvininipise uye bvuma zvaunokanganisa. (Mup. 7:9, 20) Tevedzera zvinotaurwa naJehovha paunenge uchigadzirisa matambudziko. Uye gara uchipindura neunyoro. (Zvir. 15:1) Misoro yemhuri nevatariri vanoita izvozvo vanofadza Jehovha, uye vanoita kuti pave nerugare, vachiratidza zvazvinoreva kuva munhu munyoro.

11-13. VaHebheru vatatu vakaratidza muenzaniso upi watingatevedzera?

11 Patinotambudzwa: Kubvira kare, vatongi vagara vachitambudza vanhu vaJehovha. Vanogona kutitsvagira mhosva dzakasiyana-siyana, asi chinenge chichinyatsovagumbura ndechekuti tinoteerera “Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mab. 5:29) Dzimwe nguva tinotsvinyirwa, kuiswa mumajeri, kana kutorohwa chaiko. Tichibatsirwa naJehovha, hatidzoreri asi tinoramba takadzikama patinenge tichiedzwa.

12 Ngationei kuti zvakaitwa nevaHebheru vatatu vaiva nhapwa kuBhabhironi vanoti, Hananiya, Mishaeri naAzariya zvinotibatsira sei. * Mambo weBhabhironi akavaudza kuti vakotamire chifananidzo chihombe chegoridhe. Vakatsanangurira mambo wacho neunyoro kuti nei vakanga vasiri kuzonamata chifananidzo chacho. Vakaramba vachiteerera Mwari pasinei nekutyisidzirwa kwavakaitwa namambo achiti aizovakanda mumoto waipisa chaizvo. Jehovha akasarudza kuvaponesa mumoto panguva iyoyo chaiyo asi ivo havana kufunga kuti zvaitongova pachena kuti Mwari aizovaponesa. Vakanga vakazvipira kugamuchira chero zvaizobvumirwa naJehovha. (Dhan. 3:1, 8-28) Vakaratidza kuti vanhu vanyoro ndivo vane ushingi hwechokwadi. Hapana mambo, kana kutyisidzira, kana kuranga kungatitadzisa kuramba ‘takazvipira zvakazara’ kuna Jehovha.—Eks. 20:4, 5.

13 Patinosangana nemuedzo ungatitadzisa kuramba takavimbika kuna Mwari, tingatevedzera sei vaHebheru vatatu? Tinovimba naJehovha kuti achatibatsira. (Pis. 118:6, 7) Tinopindura neunyoro neruremekedzo vaya vanotipomera kuti tiri kuita zvakaipa. (1 Pet. 3:15) Tinoramba zvachose kuita zvinhu zvinokanganisa ushamwari hwedu naBaba vedu vane rudo.

Kana vamwe vakatipikisa, tinovapindura zvine ruremekedzo (Ona ndima 13)

14-15. (a) Chii chingaitika patinenge tichishushikana? (b) Maererano naIsaya 53:7, 10, nei tingati Jesu ndiye muenzaniso mukuru wemunhu akaratidza unyoro paaishushikana?

14 Patinenge tichishushikana: Tese tinomboshushikana nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Tinogona kunge takamboshushikana pataida kunonyora bvunzo kuchikoro kana kuti pataida kuita rimwe basa. Pamwe tingashushikana patinofunga nezvekuitwa oparesheni kana kuongororwa utano hwedu. Hazvisi nyore kuti tive vanyoro panguva yakadaro. Zvinhu zvatisingawanzoiti basa nazvo zvinogona kutanga kutisvota. Tinogona kutanga kutaura mashoko anorwadza kana kubata vamwe zvisina kunaka. Kana uchimboshushikana, funga zvakaitwa naJesu.

15 Pamwedzi yake yekupedzisira ari panyika, Jesu aishushikana chaizvo. Aiziva kuti aizourayiwa uye aizotambudzwa zvakanyanya. (Joh. 3:14, 15; VaG. 3:13) Mwedzi mishoma asati afa, Jesu akataura kuti aitambudzika. (Ruka 12:50) Mazuva mashoma asati afa, Jesu akati: ‘Ndiri kunetseka.’ Kuzvininipisa kwake uye kuteerera kwaaiita Mwari kunooneka mumashoko aakataura achinyengetera achiti: “Baba, ndiponesei muawa ino. Kunyange zvakadaro, ndokusaka ndasvika paawa ino. Baba, kudzai zita renyu.” (Joh. 12:27, 28) Nguva yacho payakakwana, Jesu akaratidza ushingi nekuenda kunozviisa mumaoko evavengi vaMwari, avo vakabva vamuuraya zvinorwadza uye zvinonyadzisa chaizvo. Jesu akaramba ari munyoro achiita kuda kwaMwari pasinei nekushushikana uye kutambudzwa. Izvi zvinoita kuti tive nechokwadi chizere chekuti Jesu ndiye muenzaniso mukuru wemunhu akaratidza unyoro paaishushikana!​—Verenga Isaya 53:7, 10.

Jesu ndiye akaratidza unyoro kupfuura vanhu vese (Ona ndima 16-17) *

16-17. (a) Chii chakaitwa neshamwari dzaJesu chingadai chakaita kuti zvimuomere kuramba ari munyoro? (b) Tingatevedzera sei Jesu?

16 Zvakaitwa neshamwari dzaJesu dzepedyo pausiku hwake hwekupedzisira asati afa zvaigona kuita kuti aomerwe nekuramba ari munyoro. Funga kuti Jesu akanetseka zvakadii usiku ihwohwo. Aizoramba akatendeka kusvika afa here? Dai asina kuramba akatendeka hapana munhu aizova nemukana wekuwana upenyu. (VaR. 5:18, 19) Chinotonyanya kukosha ndechekuti zvaaizosarudza kuita zvaizoita kuti Baba vake vashorwe kana kuti vakudzwe. (Job. 2:4) Paaidya kekupedzisira neshamwari dzake dzepedyo, vaapostora ivavo vakatanga kuitisana “nharo huru” pamusoro pekuti “ndiani wavo aiita somukuru pane vose.” Jesu akanga ambotsiura shamwari dzake kakawanda nezvenyaya iyi, uye akanga atombovatsiura manheru iwayo! Zvinoshamisa kuti Jesu haana kusvotwa nazvo. Asi akaramba akadzikama. Jesu akanyatsovatsanangurira zvavaifanira kuita asi achizviita nemutsa neunyoro. Akabva arumbidza shamwari dzake nekuti dzakanga dzaramba dziinaye.​—Ruka 22:24-28; Joh. 13:1-5, 12-15.

17 Dai uriwe ungadai wakaita sei? Tinogona kutevedzera Jesu, toramba takadzikama kunyange patinenge tichishushikana. Saka ngatiteererei murayiro waJehovha wekuti “rambai muchishivirirana.” (VaK. 3:13) Tichateerera murayiro uyu kana tikayeuka kuti tese tinotaura uye tinoita zvinhu zvinogumbura vamwe. (Zvir. 12:18; Jak. 3:2, 5) Uye gara uchirumbidza vamwe pavanoita zvakanaka.​—VaEf. 4:29.

NEI TICHIFANIRA KURAMBA TICHITSVAGA UNYORO?

18. Jehovha anobatsira sei vanyoro kuti vaite zvisarudzo zvakanaka, asi ivo vanofanira kuitei?

18 Tichakwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka. Patinenge tisisazivi zvekuita muupenyu, Jehovha anotibatsira kuti tisarudze zvakanaka, ndokunge tiri vanhu vanyoro. Anovimbisa kuti achanzwa ‘zvikumbiro zvevanyoro.’ (Pis. 10:17) Uye achatoita zvinopfuura ipapo. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Achaita kuti vanyoro vafambe mune [zvakarurama], uye achadzidzisa vanyoro nzira yake.” (Pis. 25:9) Jehovha anovatungamirira achishandisa Bhaibheri, mabhuku, * mavhidhiyo, nemisangano. Zvese izvi zvinobva ‘kumuranda akatendeka, akangwara.’ (Mat. 24:45-47) Tinofanira kuzvininipisa tobvuma kuti tinoda kubatsirwa kuburikidza nekudzidza zvese zvatinopiwa naJehovha, tichizvishandisa muupenyu hwedu tisingaiti zvekumanikidzwa.

19-21. Mosesi akaita chikanganiso chipi paKadheshi uye izvozvo zvinotidzidzisei?

19 Hatizoiti zvikanganiso. Funga zvakare nezvaMosesi. Akaita makumi emakore ari munyoro uye achifadza Jehovha. Asi pavakanga vava kutopedza makore 40 avaiva murenje, Mosesi akatadza kuratidza unyoro. Hanzvadzi yake iyo inofanira kunge iri iyo yakamuponesa vachiri kuIjipiti yakanga ichangobva kufa ikavigwa kuKadheshi. VaIsraeri vakanga vatanga zvakare kuti havasi kubatwa zvakanaka. Iye zvino ‘vaipopotera Mosesi’ vachiti vaida mvura. Pasinei nezvishamiso zvese zvakaitwa naJehovha achishandisa Mosesi uye pasinei nekuti Mosesi akanga ava nemakore achiratidza kuzvininipisa paaivatungamirira, vanhu ava vakanyunyuta. Vakanyunyuta vachiti vaida mvura uye vakanyunyutirawo Mosesi sekuti ndiye akanga aita kuti vave nenyota.​—Num. 20:1-5, 9-11.

20 Mosesi akashatirwa chaizvo zvekuti akatadza kuramba ari munyoro. Pane kuti aratidze kutenda, otaura nedombo sezvakanga zvataurwa naJehovha, Mosesi akataura nevanhu akashatirwa, uye akaita kuti mbiri iuye kwaari. Akabva arova dombo kaviri rikabudisa mvura yakawanda. Kuzvikudza uye kutsamwa ndiko kwakaita kuti atadze zvikuru. (Pis. 106:32, 33) Kutadza kuratidza unyoro kwaakaita ipapo kwakaita kuti arambidzwe kupinda muNyika Yakapikirwa.​—Num. 20:12.

21 Tinowana zvidzidzo zvinokosha panyaya iyi. Chekutanga, tinofanira kugara tichishanda nesimba kuti tirambe tiri vanyoro. Kana tikangovarairwa, tinogona kutanga kuzvikudza totaura kana kuita zvinhu zveupenzi. Chechipiri, kana tiine zviri kutishungurudza, tinogona kutadza kuramba tiri vanyoro, saka tinofanira kushanda nesimba kuti tirambe takadzikama.

22-23. (a) Nei tichifanira kuramba tichitsvaga unyoro? (b) Mashoko ekuti “zvimwe mungavanzwa” ari pana Zefaniya 2:3 anoratidzei?

22 Tichaponeswa. Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achaparadza vakaipa vese panyika, uye vanyoro chete ndivo vachasara. Nyika ichabva yava nerugare. (Pis. 37:10, 11) Uchavapowo here pavanhu vanyoro ivavo? Unogona kuva mumwe wavo kana ukaita zvauri kukumbirwa naJehovha zvakanyorwa nemuprofita Zefaniya.​—Verenga Zefaniya 2:3.

23 Nei Zefaniya 2:3 ichiti: “Zvimwe mungavanzwa”? Mashoko iwayo haarevi kuti Jehovha anotadza kuponesa vaya vanoda kumufadza uye vaanoda. Asi anoratidza kuti tine zvatinofanira kuita kuti tiponeswe. Tinokwanisa kupona “pazuva rokutsamwa kwaJehovha” uye kurarama nekusingaperi kana tikashanda nesimba iye zvino kuti titsvage unyoro, tofadza Jehovha.

RWIYO 120 Tevedzera Unyoro hwaKristu

^ ndima 5 Hapana munhu anoberekwa ari munyoro. Tinotofanira kushandira kuva vanyoro. Zviri nyore kuti tive vanyoro kana tiine vanhu vane rugare, asi zvinogona kutiomera kuti tirambe tiri vanyoro kana tiri pane vanhu vanozvikudza. Nyaya ino ichataura zvinhu zvatingafanira kukunda kuti tive vanyoro.

^ ndima 3 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Unyoro. Vanhu vanyoro vanobata vamwe zvakanaka uye vanoramba vakadzikama pavanoitirwa zvakaipa. Kuzvininipisa. Vanhu vanozvininipisa havazvikudzi; vanoona vamwe sevari nani pavari. Jehovha anozvininipisa pakuti anoratidza vanhu vese rudo netsitsi kunyange zvazvo vari pasi pake.

^ ndima 12 VaBhabhironi vakapa vaHebheru vatatu ava mazita ekuti, Shadreki, Misheki, naAbhedhinego.​—Dhan. 1:7.

^ ndima 18 Semuenzaniso, ona nyaya inoti: “Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari,” iri muNharireyomurindi yaApril 15, 2011.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu anoramba akadzikama, oruramisa vadzidzi vake zvakanakanaka pashure pekunge vaitisana nharo dzekuti ndiani mukuru pakati pavo.